RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 11/8 pp. 24-26
  • Ndingabuda Sei Mumumvuri Wevabereki Vangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingabuda Sei Mumumvuri Wevabereki Vangu?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurarama Mumumvuri Wavo
  • Kupandukira Hachisi Chisarudzo Chakanaka
  • Nzira Iri Nani
  • Vaduku—Munobaya Mwoyo Yevabereki Venyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Nei Ndichifanira Kugara Ndisina Vabereki Vangu?
    Mukai!—1998
  • Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 11/8 pp. 24-26

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingabuda Sei Mumumvuri Wevabereki Vangu?

“Baba vangu mukuru anozivikanwa kwazvo mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Ndinovaremekedza, asi dzimwe nguva hazvindifadzi kuti kwose kwandinoenda ndinongozivikanwa semwanakomana waBill.”—Larry.a

“Nokuti baba vangu mukuru ane mukurumbira, ndaifunga kuti vanhu vose vaitarisira zvakakwirira kwandiri, uye zvainge zvakandiomera chaizvo kuva ini sezvandiri.”—Alexander.

PAUNENGE uchikura, ndezvomuzvarirwo kuda kuzvimirira—kukwanisa kuumba zita rako pachako, kana kuzivikanwa nenzira yakowo. Pawakaberekwa vabereki vako vakasarudza zita rokukupa ravaida. Pari zvino, sezvaunoyaruka, unoda mukana wokusarudza “zita” rako pachako—kureva kuti, kuzivikanwa nenzira yakowo.

Mambo Soromoni akanyora kuti: “Zita rakanaka rinofanira kusanangurwa kupfuura pfuma zhinji; uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama.” (Zvirevo 22:1) Kunyange uchiri muduku, pamwe ungada kutanga kuumba zita rako pachako.

Kurarama Mumumvuri Wavo

SaLarry naAlexander, vamwe vaduku vanonzwa sokuti vanorarama mumumvuri wezita revabereki vavo kana kubudirira kwavo. Zvichida vabereki vavo vane mukurumbira munharaunda yavo pamusana pemabasa avo kana dzidzo. Kana kuti vangave vachizivikanwa chaizvo muungano yechiKristu. Kana izvi zviri izvo zvakaita vabereki vako, dzimwe nguva unganzwa sokuti uri kurarama uchitariswa chaizvo uye kuti chose chaunoita chiri kunyatsoongororwa nguva dzose. Ungasafarira kumanikidzwa kuti uzvibate neimwe nzira kwaunoitwa pamusana chete pokuti vabereki vako ndivanaani.

Somuenzaniso, baba vaIvan vanoshumira somukuru mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Ivan anoti: “Nokuti baba vangu vaizivikanwa chaizvo nokuremekedzwa, ndaigarofunga kuti ndaifanira kuva muenzaniso wakanaka kuchikoro nepamusha. Ndainzwa sokuti ndaishandiswa somuenzaniso nevamwe vabereki nokuda kwemaitiro avaitarisira kuvana vavo. Ndichiita zvechipameso, izvi zvakandimanikidzira zvikuru kuzvibata zvakanaka pamberi pevamwe. Somugumisiro, dzimwe nguva ndaisava nomwero uye ndaitadza kucherechedza unhu husina kunaka mandiri.” Alexander anoti: “Ndainzwa sokuti ndakanga ndichitariswa nguva dzose uye kuti ndikakanganisa, mumwe munhu anenge akagadzirira kunditsoropodza.”

Larry, ataurwa pakutanga, akaedza kuti asazivikanwe nokuvanza zita remhuri yake. Anoti: “Pandaisangana nevanhu vatsva pakuungana kwokushamwaridzana, ndaiti, ‘Makadini, zita rangu ndinonzi Larry,’ ndoperera ipapo—ndisingatauri zita remhuri yangu. Pazvaibvira, ndaitosaina mafomu nezita rangu rokutanga chete. Ndaitya kuti vanhu vaizondibata nenzira yakasiyana dai vaiziva baba vangu. Ndaida kubatwa somunhu wose nevamwe vangu.”

Zvechokwadi, zvinonzwisisika kuti vamwe vangave vachitarisira zvakawanda kwauri kana baba vako vari mukuru kana mushumiri anoshumira wechiKristu. Chokwadi, varume vane nzvimbo dzakadaro vanofanira ku“tungamirira vana nedzimba dzavo zvakanaka kwazvo.” (1 Timoti 3:5, 12) Saka hazvishamisi kuti vanhu vanotarisira kuti uve nomuenzaniso wakanaka! Asi izvozvo pachazvo zvakaipa here? Kwete kana ukafunga kuti muduku wechiKristu Timoti, zvichida achiri kuyaruka, akasarudzwa naPauro kuti afambe naye uye kuitawo basa rinokosha rokushumira. (1 VaTesaronika 3:1-3) Saka unofanira kuedza kuva muenzaniso wakanaka, pasinei nokuti baba vako mukuru akagadzwa kana kuti havasi.

Kupandukira Hachisi Chisarudzo Chakanaka

Kunyange zvakadaro, vamwe vaduku vanoedza kubva mumumvuri wevabereki wavo nokupanduka. Ivan anoti: “Pane dzimwe nguva apo kuva muenzaniso wakanaka kwaindigumbura. Ndaipandukira nokurega bvudzi rangu richikura kusvikira ndaudzwa nomumwe munhu kuti rakura.”

Abhisaromi, mumwe wevanakomana vaMambo Dhavhidhi, akatevera nzira yokupandukira. Baba vake vaizivikanwa kwazvo nokuzvipira kwavo kuna Jehovha uye vaidiwa nevakawanda murudzi rwevaIsraeri. Zvakawanda zvaitarisirwa kuna Abhisaromi sezvo aiva mwanakomana waDhavhidhi. Asi pane kurarama maererano netarisiro dzine mwero, Abhisaromi akasarudza kuita zita rake pachake nokupandukira baba vake. Sezvo Dhavhidhi aiva mumiririri akazodzwa waJehovha, zvechokwadi Abhisaromi akanga ari kupandukira Jehovha. Zviito zvake zvakazvidzisa mhuri yake uye zvakaparira njodzi kwaari.—2 Samueri 15:1-15; 16:20-22; 18:9-15.

Saizvozvowo kupandukira kungava nemigumisiro inokuparadza. Chimbofunga zvatinoudzwa neBhaibheri nezvaNehemia. Vamwe vevaimuvenga vakaedza kumuita kuti aite zvinhu nenzira isiri yaMwari. Nei? “Kuitira kuti vaparadze zita rangu uye vandinyadzise,” akadaro Nehemia. (Nehemia 6:13, Today’s English Version) Kupandukira kungakupa zita rakaipa—iro vanhu vangawana rakaoma kukanganwa.

Zvisingafaniri kutarisirwa pasi mugumisiro wounhu hwokupandukira pavamwe. Pamwero muduku zvikuru, unenge wakonzera marwadzo anga asina kukodzera kuvabereki vako. (Zvirevo 10:1) Zviito zvako zvinogonawo kuva nemigumisiro yakaipa kuvamwe vako vechiduku. Ivan anobvuma kuti: “Mufambiro wangu wakakanganisa kumunun’una wangu zvikuru. Kwenguva yakati rebei akasiya ungano yechiKristu zvachose, achitsvaka zvinhu zvose zvaaiziva kuti hazviwirirani nezvinotaurwa neBhaibheri. Zvinofadza hazvo ndezvokuti akapengenuka uye iye zvino ari kushumirazve Jehovha uye ari kufara.”

Nzira Iri Nani

Munun’una waAbhisaromi nokuna baba, Soromoni, akatevera nzira yakasiyana. Aida kudzidza nokuzvininipisa kuna baba vake, Dhavhidhi. (1 Madzimambo 2:1-4) Pane kuti atsvake kuzvisimudzira, Soromoni akatsvaka kuva nezita rakanaka naMwari. Pose paaidaro, aiunza mbiri kumhuri yake uye akava nezita rokuva mumwe wemadzimambo makuru aIsraeri.—1 Madzimambo 3:4-14.

Muenzaniso wakanaka waSoromoni unosimbisa zvinhu zviviri zvinokosha: Chokutanga, unozviumbira zita rako pachako, kwete nokutsvaka kuzviparadzanisa nemhuri yako, asi nokudzidza kubva pazvinhu zvakanaka zvinokwaniswa nemhuri yako. Magazini inonzi Adolescence inoti: “Kuyaruka hakutombofaniri kuva nguva yokuzviparadzanisa nevabereki kuti muduku awane pfungwa yakasimba yokuti awane zita.” Magazini yacho inoenderera mberi ichiti, kukwanisa kwako kuumba zita rako pachako “hakukanganiswi nokutsigira kwevabereki, asi kunotonatsiridzwa [nokutsigira kwavo].”

Zvinofadza ndezvokuti Soromoni pachake akarayira kuti: “Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.” (Zvirevo 23:22) Zviri pachena kuti Soromoni akanga asiri kunyorera vana vaduku nokuti panguva inenge ‘yachembera’ vabereki, mwana wacho kazhinji anenge akura. Saka zviri kurevei? Kunyange wakura uye wava nemba yako, unogonazve kubatsirwa nouchenjeri hwevabereki vako. Ivan akasvika pakuziva izvi pachake. Anoti: “Sezvandaikura, ndaiedza kutevedzera zvakanaka zvaiitwa nevabereki vangu uku ndichiedza kusaita zvikanganiso zvavo.”

Pfungwa yechipiri yokufunga nezvayo ndeyokuti zvaiiswa pakutanga naSoromoni kwaisava kuumba “zita” rake pachake, asi kufadza Jehovha. Chokwadi, zvakawanda zvaitarisirwa kwaari somwanakomana waDhavhidhi. Asi kuvimba naJehovha kwaSoromoni kwakamugonesa kuita mabasa ake. Alexander ava nemaonero akafanana. Anoti: “Iye zvino ndinobvuma chokwadi chokuti zvakawanda zvinowanzotarisirwa kuvana vevakuru. Ndakasarudza kushandisa izvi nenzira yakanaka, uye zvandidzivirira. Ndakasvika pakuziva kuti maonerwo andinoitwa naJehovha ndicho chinhu chinonyanya kukosha. Anondiziva kuti ndiri ani uye kwete wandine ukama naye chete.”

Daryn, uyo ana baba vakadzidza kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhib—chikoro chinodzidzisa mamishinari—akadzidzawo kurarama nevabereki vanozivikanwa kwazvo. Anoti: “Pandakabhabhatidzwa, ndakazvitsaurira kuna Jehovha uye kwete kuna ani naani. Nokurarama mukuwirirana nokuzvitsaurira kwangu kusvikira pandinokwanisa, ndakagadzikana mupfungwa zvichibva pakuziva kuti Jehovha anofadzwa neni, kunyange ndisingakwanisi kuita zvose zvaiitwa nevabereki vangu.”

Mambo Soromoni akataura izvi: “Kunyange nomwanakomana unozvizivisa nezvaanoita, kana basa rake rakanaka, kana rakarurama.” (Zvirevo 20:11) Vanhu vachakuyeuka nokuda kwezvaunotaura nokuita. Iva muenzaniso wakanaka “pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena.” Kana uri muenzaniso wakanaka, vanhu vachakuda nokukuremekedza pamusana pezvauri!—1 Timoti 4:12.

Kunyange zvakadaro, kuvamwe vaduku, chinetso chavo ndechokubuda mumumvuri wevakoma nehanzvadzi dzinoita zvinhu dzichibudirira. Nyaya inotevera ichakurukura kuti unogona kutarisana sei nechinetso ichi.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Chikoro cheGiriyedhi chinotarisirwa uye kutungamirirwa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 26]

Kupandukira kunongorwadzisa vabereki vako uye kunokanganisa mukurumbira wako

[Mufananidzo uri papeji 26]

Muenzaniso wako wakanaka unogona kubatsira vamwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe