Zvinonyadzisira—Maonero Akasiyana Kwazvo
“Zvinoita kuti munhu ave nechido chisingafaniri kuvapo chezvepabonde, zvinomutsa ruchiva rusingambofaniri kugutswa.”—Tony Parsons, munyori weimwe magazini.
JOHN akanga asingambodi kuzova shasha yokuona zvepabonde zvinoratidzwa paIndaneti.’a Kufanana nevamwe vanhu vakawanda vanongoerekana vaona kana vasvika panzvimbo dzezvinonyadzisira uye dzinokurukuriranwa zvepabonde, rimwe zuva aishandisa zvake Indaneti paakangoerekana ava panzvimbo dzinokurukuriranwa zvakadaro. Nenguva isipi, akanga anyura zvizere mukuona nokuita zvepabonde zvepaIndaneti. “Ndaimirira kuti mudzimai wangu aende kubasa,” anoyeuka kudaro, “ndomuka pamubhedha wangu nokukurumidza uye ndopedza maawa akawanda ndiri pakombiyuta.” Muzvikamu zvakareba, akanga asingatombomiri kuti adye kana kunwa. “Ndakanga ndisinganzwi kuti [ndava] nenzara,” anodaro. Akatanga kunyepera mudzimai wake nezvezvaaiita pachivande. Zvakatanga kuita kuti pfungwa dzake dzimbeye-mbeye pabasa, uye akatanga kusavimba nevanhu. Muchato wake wakatanga kuvhiringidzika kwazvo, uye paakazoronga kuonana chaikoiko nomunhu waaiita naye zvepabonde paIndaneti, mudzimai wake akazviziva. Nhasi John ari kurapwa pamusana pomuitiro uyu waakanga ajaira.
Vanonyanya kutsoropodza zvinonyadzisira vanotora nyaya dzakafanana neiyi souchapupu hwomugumisiro unonyadzisa hwezvinonyadzisira. Vanoti zvinoparadza ukama, zvinoderedza vakadzi, zvinobata vana zvisina kufanira, uye zvinosimbisa maonero asiri iwo neanokuvadza ezvepabonde. Ukuwo, vanotsigira zvinonyadzisira vanozviona sorusununguko rwokutaura uye vanoona vatsoropodzi sevanhu vari kunyanyisa. “Vanhu havafaniri kunyara kuita zvinoda miviri yavo, kana kuti zvido zvavo,” anonyora kudaro mumwe mutsigiri. “Zvinonyadzisira zvinogona kushandiswa kutanga uye kuita kuti pave nekurukurirano dzakasununguka dzezvepabonde.” Vashomanana vanototi kuwanda kwezvinonyadzisira ndiwo musimboti wokuti pave nenzanga yakanaka, yakasununguka. “Nzanga yakura zvakakwana zvokugona kuona mifananidzo yevanhu vakuru vanenge vabvumirana vachiita zvepabonde, ingangova iya inogamuchira miitiro yose yezvepabonde uye kodzero dzevakadzi,” anodaro mumwe munyori anonzi Brian McNair.
Maonero aya akasiyana-siyana enzanga anoita kuti zvinonyadzisira zvigamuchirike here? Nei zvakapararira kwazvo? Kuona zvinonyadzisira kutsvaga zvinhu zvinokuvadza chaizvoizvo here? Nyaya dzinotevera dzichakurukura mibvunzo iyi.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.