Utano Hwakanaka Kuvanhu Vose—Ivavariro Ingakwanisika Here?
UNOSHUVA kuti dai iwe nemhuri yako maiva noutano huri nani here? Zvechokwadi unodaro. Nepo vakawanda vedu tichingotambura nourwere huduku nguva nenguva, kumamiriyoni evanhu, urwere ishamwari youpenyu hwose, inorwadza.
Kunyange zvakadaro, zvakawanda zviri kuitwa kuitira kubvisa urwere nehosha. Funga nezveWorld Health Organization (WHO), inoshanda pasi peSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose. Pamusangano wakarongwa neWHO muna 1978, nhume dzakabva munyika 134 uye masangano 67 eUN dzakabvumirana kuti utano hwakanaka hazvirevi kusangorwara kana kuti kusava nehosha. Dzakazivisa kuti utano, “kuva nomuviri wakagwinya, uye kugadzikana kwepfungwa nemagariro.” Zvadaro nhume dzacho dzakatora danho rakasimba rokuzivisa kuti utano i“kodzero yomunhu inokosha”! Nokudaro WHO yakagadza vavariro yokuwanisa “mwero unogamuchirwa woutano kuvanhu vose vepasi.”
Vavariro yakadaro inofadza, asi yakakwirira. Asi pane mukana wakadini wokuti ichakwanisika? Zvechokwadi, pazvinhu zvose zvakaedzwa nevanhu, zvokurapa zvakava chimwe chezvinovimbwa nazvo nokuyemurwa zvikuru. Maererano nepepanhau rokuBritain rinonzi The European, vanhu vomunyika dzokuMadokero vanokura vakajaira pfungwa yokuti mushonga unofanira kubva wananga pachinetso uye kuchipedza. Nemamwe mashoko, pachirwere choga choga, tinotarisira zvokurapa kupa mushonga uri nyore uye unorapa zvakananga. Zvokurapa zvinogona chaizvoizvo kuzadzikisa tarisiro yakakwirira zvakadaro here?