RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 2/8 p. 12
  • Kusiyana-siyana Kwevanofa Muhondo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusiyana-siyana Kwevanofa Muhondo
  • Mukai!—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Chakavanzika Chinotyisa Chinopedzwa
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Shanyo Yapapa KuUN—Chii Chayakaita?
    Mukai!—1996
  • Chii Chichaitika Kuhondo Mune Remangwana?
    Mukai!—1999
  • Hakuna Rugare Nokuda Kwenhume Dzenhema!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 2/8 p. 12

Kusiyana-siyana Kwevanofa Muhondo

“HONDO dzanhasi dzasiyana nedzekare . . . Vanhuwo zvavo, panzvimbo pevarwi,” ndivo vanonyanya kufa, yakadaro “Perspective,” purogiramu inotepfenyurwa neUN Radio. Somuenzaniso, muhondo yenyika yokutanga, 5 muzana chete yevakafa vaiva vanhu vakanga vasiri varwi. Zvisinei, muhondo yenyika yechipiri, nhamba yevanhu vasiri varwi vakafa yakasvika ku48 muzana. Uye nhasi, inodaro UN Radio, “vanenge vanhu vose vanofa mukurwisana havasi varwi—90 muzana—uye vakawanda veava vakadzi, vana uye vachembera.”

Maererano naOlara Otunnu, uyo ari munyori mukuru weUN Special Representative for Children and Armed Conflict, “vana vanofungidzirwa kusvika kumamiriyoni maviri vakaurawa muhondo kubva muna 1987.” Nhamba iyi inoreva kuti pazuva vana vanopfuura 450 vakafa muhondo mumakore 12 apfuura! Uyezve, munguva imwe chete iyoyo, vana vanopfuura mamiriyoni matanhatu vakakuvadzwa zvikuru kana kuti vakaremadzwa zvachose.

Imwe nzira iyo UN ingaderedza nayo nhamba iri kukura yavana vanofa muhondo, vanodaro VaOtunnu, ndeyokutsvaka nzvimbo dzisingabvumidzwi kurwa. “Nzvimbo dzinowanikwa vana vakawanda, dzakadai sezvikoro, zvipatara, uye nhandare dzinotambira vana, dzinofanira kuonekwa senzvimbo dzisingafaniri kurwiwa.” Zvisinei, UN Radio yakawedzera kuti “kutanga kudzivisa kurwisana kwacho” ndiyo nzira inobudirira zvikuru kwazvo yokuti UN ive nechokwadi nayo kuti vanhu vasina mhosva havafi muhondo. Kutaura zvazviri, kudzivisa kufa kwavanhu muhondo chaizvoizvo kunoda kubvisa hondo yacho pachayo. Izvozvo zvichazombofa zvakaitika here?

Nemhaka yenhau yakareba yavanhu yehondo, vanhu vakawanda vanofunga zvakarurama kuti vanhu havambokwanisi kuunza rugare munyika yose. Zvisinei, Shoko raMwari, Bhaibheri, rinopikira kuti Jehovha Mwari achaita izvi: “Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” (Pisarema 46:9) Izvi zvichaitika rini? Uye unogona sei kuva nechokwadi chokuti zvinopikirwa naMwari zvorugare rwenyika yose zvichaitika zvechokwadi? Kana uchida kuwana mhinduro kumibvunzo iyi, tapota nyorera vabudisi vemagazini ino, uchishandisa kero iri pedyo newe pane dziri papeji 5, kana kuti ridza runhare kuimwe Horo yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri pedyo newe. Hapana chaunonzi uripire kana kunzi ubvisire mari—unowana mhinduro dzakajeka chete.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]

UN PHOTO 156450/J. Isaac

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe