Musiyano Pakati Pevapfumi Nevarombo uri Kuwedzera
“Kufambira mberi kukuru kwakaitwa mukuderedza urombo hwepasi pose mumakore makumi mashanu adarika pane mumakore mazana mashanu adarika,” inodaro UNDP Today, bhuku reUnited Nations Development Programme. “Nyika dzichiri kusimukira dzakaderedza kufa kwevana nepakati nepakati kubvira muna 1960, dzakaderedza kushaya zvokudya zvinovaka muviri nechikamu chimwe kubva muzvitatu uye dzakawedzera kuendesa vanhu kuchikoro nechikamu chimwe kubva muzvina.” Asi bhuku iroro rinobvuma kuti pasinei zvapo nokufambira mberi uku, urombo hwapasi pose “hunoramba hwakapararira.”
Zvakatoipa zvikuru, rusaruro mukati nepakati penzanga rwuri kukura. “Zvichienzaniswa negore rimwe radarika,” anodaro Catherine Bertini, mutungamiriri weUN World Food Programme, “vanhu vakawanda munyika vari kutambura nokushaya zvokudya zvinovaka muviri uye nzara.” Kutaura zvazviri, nhasi vanhu vanenge mamiriyoni 840 munyika dzichiri kusimukira vanorarama nenzara inoda kuva nguva yose, vanopfuura bhiriyoni havagoni kuwana mvura yokunwa yakachena, uye vanoda kusvika mabhiriyoni 1,5 vanorarama nemari iri pasi pe$37,00 pazuva. Mary Robinson, Mumiriri Mukuru weUN weKodzero dzeVanhu, anonyevera kuti “tiri munjodzi yokusvika padanho rokuti nyika yose inokamukana kwete pakati penyika dziri kusimukira nedzakasimukira, asi pakati penyika dzakasimukira zvokudarikidza nedzisingazombofi dzasimukira.”
Zvaizodei kunzanga yenyika yanhasi yevanhu mabhiriyoni matanhatu kuderedza musiyano uri pakati pevapfumi nevarombo? Hapana angambozvifunga. UN inoti mabhiriyoni 333 emadhora ($55,50 pamunhu) okuwedzera pagore anodikanwa kuti agovere utsanana uye mvura yakachena kupota pasi pose uye kuti mamwe madhora mabhiriyoni 481 (inenge $74,00 pamunhu) pagore anodiwa kuti pave nechokwadi chokuti munhu wose ari panyika ane utano hwakanaka nezvokudya zvinovaka muviri. Kunyange zvazvo iyi iri mari ine chitsama, inoratidzika sepasina chinhu kana ikaenzaniswa neinopedzerwa nenyika pane zvimwe zvinhu. Kuenzanisira, mune rimwe gore richangobva kudarika, nyika yakapedzera mabhiriyoni emadhora 16 095 (inopfuura $2 590 pamunhu) pakushambadzira uye mabhiriyoni emadhora 28 860 ($4 810 pamunhu) pazvinhu zvemauto. Sezviri pachena, kuderedza musiyano uri pakati pevanhu venyika vakapfuma nevarombo haisi nhau yokuwana mari yakakwana sezvo iri nhau yokusarudza zvinouya panzvimbo yokutanga.