RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 2/8 pp. 8-11
  • Mhuri Dzisina Baba—Kuita Kuti Dzisavepo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhuri Dzisina Baba—Kuita Kuti Dzisavepo
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Dzokugadziridza Nadzo Nokukurumidza
  • Nheyo dzeBhaibheri Dzinobetsera Mhuri Kukunda Matambudziko
  • Kuchengeta Ukama Hwomubereki Nomwana
  • Vanotsiva Baba
  • Kuita Kuti Dzisavepo
  • Mhuri Dzine Mubereki Mumwe Dzinogona Kubudirira!
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vanababa—Chikonzero nei Vari Kunyangarika
    Mukai!—2000
  • Shandirai Zvakaoma Ruponeso Rwemhuri Yenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kutakura Mutoro Wokutarisira Mhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 2/8 pp. 8-11

Mhuri Dzisina Baba—Kuita Kuti Dzisavepo

KANA zviri kuitika iye zvino zvikapfuurira, mhuri dzisina baba dzichakurumidza kujairika. Mushumo wakapiwa neU.S. Department of Health and Human Services unoti: “Vana vanorerwa nomubereki mumwe vanowanzofoira, vanowanzova nezvinetso zvakawanda zvokuzvibata, uye mwero wakakwirira wezvinetso zvoutano nokusashanda zvakanaka kwepfungwa. . . . Kurerwa mumhuri ina mai vari voga kwakabatana nenjodzi dzakakwirira dzokubereka vana kunoitwa nevachiri kuyaruka, kurega chikoro chesekondari, [uye] kusungwa.”

Ndosaka zvisinganyanyi kushamisa kuti vanodzidza nezvemagariro avanhu, vanopa mazano mhuri, vadzidzisi, uye kunyange vezvematongerwe enyika vanotsvaka zvakasimba nzira dzokumisa nadzo muitiro unoparadza uyu. Misangano mikuru yavarume yave ichiitwa kuti kuva baba kudadise uye kuti isimbise kuzvipira kwavarume kumhuri. Mabhuku akawanda anotaura nezvokuva baba avakutengeswa. Kuedza kwakaitwa kwokumanikidza vanababa kutarisira mitoro yavo. MuUnited States, “vanababa vanokundikana kutsigira vana” vave vachirangwa navatongi, vachitukwa pamapurogiramu eTV, uye kunyange kunyadziswa pamberi pavanhu vose. Kunyange zvakadaro, kuedza kwakadaro hakuna zvakwakanyatsobatsira.

Nzira Dzokugadziridza Nadzo Nokukurumidza

Nzira yokugadziridza nayo nokukurumidza nenzira yakafanana ingaunza migumisiro isina chokwadi. Somuenzaniso, mukadzi akarambana nomurume angaroorwazve nokukurumidza, achitarisira kuti vana vake vawane baba vatsva. Asi nepo kuroora kana kuti kuroorwazve kungava nezvakunobatsira, kungava nezvinetso. Vana pane dzimwe nguva vanoramba kubvuma mumwe munhu mutsva sababa vavo. Dzimwe nguva havazombofa vakabvuma. Kumwe kuongorora kwakaratidza kuti “vanenge vakadzi vaviri pavatatu vaigara nomubereki wokurera vakabva pamba vasati vasvitsa makore 19 . . . , zvichienzaniswa ne50 muzana yavakadzi vanobva mudzimba dzine vabereki vokubereka.” Kunyange mumhuri dzokurera dzakabudirira, dzimwe nguva zvinotora makore anoverengeka vana vasati vabvuma kuva nababa vokurera.a

Zvakafananawo, hakuna nzira dzokugadziridza nadzo nokukurumidza pamusoro pepamuviri panoitwa nepwere dzichiri kuyaruka. Somuenzaniso, kubvisa pamuviri kunotyora mutemo waMwari uye kunoda kuti mukadzi muduku wacho apfige musuo wetsitsi dzake huru kuupenyu huduku huri kukura mukati make. (Eksodho 20:13; 21:22, 23; Pisarema 139:14-16; enzanisa na1 Johani 3:17.) Izvozvo zvingasasiya mavanga epfungwa here? Kupa mwana kuti arerwe navamwe kunoonwa navakawanda senzira yetsitsi yokugadziridza nayo, asi iyoyowo ingasiya mavanga epfungwa—pana mai nomwana.

Aiwa, nzira dzokugadziridza nadzo nokukurumidza hadzizombopedzi kuvapo kwemhuri dzisina baba. Miitiro iripo zvino mumhuri ichapedzwa chete kana vanhu vachida kunyatsochinja mafungiro avo, maonero avo, zviito zvavo, tsika dzavo. Chimwe chinhu chinopfuura hurukuro inoorora noruzivo rwakakurumbira chinodiwa kana vanhu vachizoitwa kuti vanyatsochinja zvakadaro. “Chimwe chinhu” ichocho chiri muShoko raMwari, Bhaibheri uye pamusoro pazvose iye Mwari wacho ndiye akatanga gadziriro yemhuri. (VaEfeso 3:14, 15) Anoziva zviri nani zvinodiwa navana kupfuura munhu upi noupi zvake.

Nheyo dzeBhaibheri Dzinobetsera Mhuri Kukunda Matambudziko

Asi Bhaibheri ringanyatsobetsera vana vane mubereki asipo here? Havana kukuvadzwa zvokusabatsirika here? Aiwa, havana! Pamavambo enyaya ino, tataura mashoko ari mumushumo wehurumende yeUnited States uyo wakaronga njodzi dzakawanda dzinotarisana navana ava. Pasinei zvapo namashoko anotyisa, mushumo wacho wakagumisa kuti: “Pasinei zvapo nouchapupu huri kuramba huripo hwenjodzi huru, kuongorora kunoratidzawo kuti vakawanda vevana vari mumhuri dzine mubereki mumwe vanokura sezvinongoitawo vamwe vose.” Hungu, migumisiro yokusava nababa inogona kupedzwa kana kuti kungoderedzwa. Izvozvo zvakadaro zvikuru kana nheyo dzeBhaibheri dzikashandiswa mukurera vana.

Izvi zvinoda basa rakaoma kune mubereki mumwe—basa ringaita serakanyanyisa pakutanga. Asi kana uri mumamiriro aya ezvinhu, ungadzidza kuvimba zvakazara naJehovha Mwari. (Zvirevo 3:1, 2) Vamwe vakadzi vechiKristu vomunguva yavanhu vanotaurwa muBhaibheri vakasangana nemamiriro ezvinhu anotambudza, akadai sokuva chirikadzi. Nezvaivavo Bhaibheri rinoti: “Mukadzi ari chirikadzi chaiyo yakasiyiwa isina chinhu akaisa tariro yake muna Mwari, anoramba achiteterera, achinyengetera usiku nemasikati.” (1 Timoti 5:5) Yeuka kuti Jehovha pachake anozviti “baba venherera.” (Pisarema 68:5) Unogona kuva nechokwadi chokuti achatsigira mukadzi anotya Mwari mukuita kwake zvose zvaanogona kuti arere vana vake.

Munhu akadzidzisa vana Bhaibheri nguva dzose pamusha inzira inokosha yokuvabetsera kukura kuti vave vanhu vakuru, vanonzwisisa zvinhu zvakasiyana-siyana. (Dheuteronomio 6:6-9) Pakati peZvapupu zvaJehovha vabereki vakawanda vari voga vanoshandisa mabhuku anotaura zviri muBhaibheri kunyanya akagadzirirwa vaduku, akaita serinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.b Mashoko arimo anobatsira vaduku kukudziridza tsika dzakanaka dzinogona kuvabatsira kudzivisa zvikanganiso zvavabereki vavo. Vana zvavanosvika pakuziva Jehovha Mwari, vanogona kutanga kunzwisisa kuti vana Baba vokudenga vane hanya navo zvakanyanya. (Pisarema 27:10) Izvi zvingavaita kuti vakunde manzwiro avanoita pamusoro pokutizwa. Mumwe musikana wokuBritain ane vabereki vakarambana anoyeuka kuti: “Muzvakaitika zvose izvozvo, Mai vakaroverera mandiri kudiwa kwokunyengetera nokuvimba zvakazara naJehovha. Izvozvo zvakaita kuti tikwanise kukunda matambudziko.”

Kuchengeta Ukama Hwomubereki Nomwana

Bhaibheri rinonyatsojekesa kuti mwana anofanira kukudza mai vake nababa vake. (Eksodho 20:12) Uye kurambana hakugumisi ukama hwababa nomwana. Chero zvazvo aimbova murume angave asingachagari pamba, vana vanongogona kubatsirwa nokuva noukama hwakanaka naye.c Dambudziko nderokuti mai vangamutsamwira ndokuramba kuti aonane navana. Mai vanogona sei kukunda kunzwa uku?

Bhaibheri rinopa zano rakanaka parinonyevera kuti: “Chenjerai kuti kutsamwa kurege kukusvitsai pa[zviito zvo]kudadira . . . Chenjerai, regai ku[ita] zvakaipa.” (Jobho 36:18-21) Ehe, hazvisi nyore kutaura nomutsa nomumwe munhu akakutsamwisa kana kuti akakutiza. Asi zvibvunze kuti: ‘Musikana angadzidza kuvimba nomurume kana achingogaroudzwa kuipa kwakaita baba vake here? Mukomana angakudziridza unhu hwomurume hwakadzikama here kana achitsiurwa nokuudzwa kuti, “Wakangofanana nababa vako”? Vana vangava nepfungwa yakanaka pamusoro pechiremera here kana vachidzidziswa kuzvidza baba vavo kana kuti vachirambidzwa kuvaona zvachose?’ Zvakajeka kuti kutarisira pasi ukama hwavana vako nababa vavo kunokuvadza.

Zvingakushamisa kuziva kuti Bhaibheri harirambidzi hasha dzakanaka. “Ivai nehasha,” rinodaro Bhaibheri, “asi musaite chivi.” (VaEfeso 4:26) Kutsamwa hachisicho chivi chacho, asi kudzorwa ne“hasha, kutsamwa, uipi, kutaura zvakaipa.” (VaKorose 3:8) Saka dzivisa ‘kupopotera baba’ pamberi pavana vako. Kana ukanzwa uchida kutaura kuvhiringidzika kwako, ita sezvinotaurwa neBhaibheri kuudza mumwe munhu “kutambudzika” kwako, asi udza mumwe munhu asiri mwana wako—zvimwe shamwari yaunovimba. (Zvirevo 12:25) Edza kuchengeta pfungwa yakanaka uye dzivisa kuramba uchifunga zvakaitika kare. (Muparidzi 7:10) Kuita izvozvo kungaita zvakawanda kubatsira kuderedza kutsamwa kwako.

Pakupedzisira, yeuka kuti Bhaibheri rinorayira mwana kuremekedza baba vake—kunyange zvinoitwa nababa vake zvisingapi muenzaniso. (VaEfeso 6:2, 3) Saka edza kubatsira vana vako kuona zvikanganiso zvababa vavo sezvazviri. Imwe mhandara yakakurira mumhuri yevakarambana inoti: “Nokuona baba vangu sezvavari—sevanokanganisa, munhu asina kukwana—pakupedzisira ndakasvika pakuvagamuchira ndokusavatsamwira.” Nokukurudzira vana vako kuremekedza baba vavo, unovabatsira kukudziridza maonero akanaka echiremera chako chokuva mubereki!

Zvinokoshawo kuti usapfuura miganhu iri pakati pako navana. Vachiri pasi po‘kudzidzisa kwamai vavo.’ (Zvirevo 1:8) Vanakomana vanganzwa vanyanyoremedzwa kana vakatarisirwa kuti vave ‘murume womumba.’ Vanasikana vangavhiringidzwawo kana vachiudzwa zvinhu zvakavanzika namai vavo. Vana vanofanira kuitwa kuti vave nechokwadi chokuti iwe somubereki uchavatarisira—kwete kuti ivo vakutarisire. (Enzanisa na2 VaKorinde 12:14.) Kuita kuti vave nechokwadi ichocho kungavaita kuti vanzwe vakachengeteka, kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu emhuri asina kunaka.

Vanotsiva Baba

Zvakadini kana baba vasipo zvachose? Nyanzvi dzinoti vana vangabatsirwa nokuwadzana navanhurume. Nepo kufarira mwana kwomutsa kwasekuru kana kuti muvakidzani kungaita zvakanaka, achabatsirika zvakanyanya nokuwadzana kwakanaka navanhurume kuri muungano yechiKristu. Jesu akapikira kuti ungano yaizova semhuri inotsigira.—Mako 10:29, 30.

Munguva yavanhu vanotaurwa muBhaibheri Timoti muduku akakura kuva murume akatanhamhara, pasina kutsigira kwababa vanotenda. Bhaibheri rinorumbidza zvikuru mai nambuya vake vaiva norudo. (Mabasa 16:1; 2 Timoti 1:1-5) Zvisinei, akabatsirwawo nokuwadzana nomurume wechiKristu—muapostora Pauro. Pauro akadana Timoti kuti “mwana [wake] anodiwa uye akatendeka munaShe.” (1 VaKorinde 4:17) Zvakafanana nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kukurudzirwa kuteerera zano reBhaibheri roku“tarisira nherera nechirikadzi.” (Jakobho 1:27) Zvinokurudzirwa ku‘rwira nherera’ nokufarira zvechokwadi vakadaro zvakanaka. (Jobho 29:12) Imwe mhandara inonzi Annette inoyeuka kufarirwa kwakanaka kwayakaratidzwa nomumwe mukuru wechiKristu payaiva muduku, ichiti: “Aiva baba voga vechokwadi vokutsiva vandati ndambova navo.”

Kuita Kuti Dzisavepo

Kutevera nheyo idzi kungabetsera vana vasina baba kubudirira. Pasinei zvapo nokukura kwavo kwokutambudzikira, vanogona kuva vanhu vakuru vakanaka, vanobudirira nevane rudo, vakatendeka, uye vabereki vakazvipira. Kunyange zvakadaro, kudzivirira kuri nani zvikuru kupfuura kugadzirisa. Uye pakupedzisira, kuvapo kwemhuri dzisina baba kunogona kupedzwa chete varume navakadzi pavachazvipira kushandisa Bhaibheri muupenyu hwavo—somuenzaniso, nokuomerera pakurambidza kweBhaibheri kuita zvepabonde musati maroorana uye nokutevera zvinodiwa neBhaibheri zvakarongwa nokuda kwavarume navakadzi.—1 VaKorinde 6:9; VaEfeso 5:21-33.

Mazuva ano, vana vakawanda vane vanababa mumba nepo vanongogona kunzi havana baba. Inotaura kudaro imwe nyanzvi munyaya dzemhuri ichiti: “Dambudziko guru zvikuru rinotarisana . . . navana nhasi nderokushaiwa nguva nokutarisira zvavabereki vavo.” Shoko raMwari rinotaura nezvenyaya iyi zvakananga. Rinorayira vanababa nezvevana vavo richiti: “Varayiridzei, uye vagadziridzei, maererano nokurera kwechiKristu.” (VaEfeso 6:4, New English Bible; Zvirevo 24:27) Vanababa pavanotevera zano reBhaibheri, vana havatyi kutizwa.

Kunyange zvakadaro, ndezvechokwadi here kufunga kuti vanhu vakawanda vachashandisa Bhaibheri? Kwete. (Mateu 7:14) Asi Zvapupu zvaJehovha zvabatsira mamiriyoni kuwana mufaro muupenyu hwemhuri dzavo nechirongwa chokudzidza Bhaibheri pamusha.d Chokwadi, Bhaibheri rinonyevera kuti vakaroorana vose vacha“tambudzika panyama” nemhaka yokusakwana. (1 VaKorinde 7:28) Asi vaya vanoremekedza Shoko raMwari zvechokwadi vanotsvaka kupedza matambudziko avo, kwete kurambana panongotanga kuoneka dambudziko. Ichokwadi kuti pane nguva muKristu paangafunga zvakakodzera nezvokuparadzana kana kuti kurambana. (Mateu 5:32) Zvisinei, kuziva zvingaitika kuvana vake kuchaita kuti muKristu atsvake nzira dzokununura nadzo imba yacho kana zvichikwanisika.

Kuteerera Bhaibheri kuchaita zvinopfuura kuchengeta mhuri yako zvino. Kunogona kuita kuti zvikwanisike kuti imi mose murarame nokusingaperi! Jesu akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Kurava nokushandisa zano rinowanwa muShoko raMwari ndiyo imwe yenzira dzakanakisisa yokuva nechokwadi chokuti mhuri yako icharamba yakabatana nokusingaperi.

[Mashoko Omuzasi]

a Mashoko okubetsera vabereki vokurera akabuda mune imwe magazini yedu inonzi Nharireyomurindi yaMarch 1, 1999.

b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

c Izvi hazvishandi mwana paanenge ari munjodzi yokubatwa zvisina kunaka kana kuti kushinhwa nababa.

d Bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri (rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.) rine mazano akawanda ari muBhaibheri anogona kubatsira mhuri. Rinogona kuwanwa nokuonana neZvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Nokuteerera nheyo dzeBhaibheri, mubereki ari oga anogona kubudirira kurera vana

[Mufananidzo uri papeji 10]

Varume vechiKristu vanogona ku‘rwira nherera’ nokuifarira zvechokwadi uye zvakanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe