Mararamiro ako—Ngozi Dzacho Ndedzipi?
MUNZIRA dzakawanda kuchinja mune zvine chokuita neutano hakuna kumboratidzika zvakanaka. Mashoko akataurwa neWorld Health Organization (WHO) anoti: “Vanhu vakawanda kupfuura nakare kwose zvino vava kuwanawo rubatsiro rushoma mune zveutano, kuwana mvura yakachena nenzvimbo dzinorasirwa tsvina.” Kutaura chokwadi, vagari venyika vakawanda vachiri kungotsungirira kurarama vari varombo, asi sezvakataurwa neBritish Broadcasting Corporation, “urombo munyika yose hwaderedzwa kwazvo mumakore 50 apfuura kupfuura makore 500 akapfuura.”
Kunatsiridzwa kwegadziriro dzinotarisira utano munyika kwawedzera makore akawanda paavhareji yomunyika yose yemakore anotarisirwa kubvira pakuberekwa. Muna 1955 avhareji yacho yaiva makore 48. Pakazosvika 1995 yaiva yawedzera kuva makore 65. Chimwe chikonzero chokuwedzera uku kubudirira kwakaitwa mukurwisana nehosha dzevadiki.
Makore anotipfuurei 40 chete apfuura, pavanhu vose vakafa, 40 muzana vaiva vana vane makore asingasviki mashanu. Zvisinei, nemhaka yemajekiseni, pakazosvika 1998, vana vakawanda vomunyika vaiva vadzivirirwa pahosha huru dzevana. Saka, panzufu dzose dzinoitika, nhamba yenzufu dzevana vane makore asingasviki mashanu yaderera ne21 muzana. Maererano neWHO, pave pane “kuchinja kuri pachena nezveupenyu hwakanaka, hurefu.”
Zvechokwadi, kurarama nguva yakareba usina kuvandudza upenyu hwacho hakungavi nezvakunoreva. Vachitsvaka mararamiro ari nani, vanhu vakawanda vanonyanyosimbisa zvinofadza zvenyama. Zvisinei, mararamiro akadaro, anogona kuva nengozi dzawo dzoutano.
Pane Mararamiro ari Nani Here?
Kubudirira kwenzanga mune zvemari kwomunguva pfupi yapfuura kwakachinja mararamiro evanhu zvikuru. Iko zvino zvava kuita kuti vakawanda vari munyika dzakapfuma vatenge zvinhu nemabasa izvo kare zvaingokwanisa kutengwa nevapfumi chete. Uye kunyange zvazvo kumwe kubudirira uku kwawedzera kutarisira upenyu hurefu, vanhu vakawanda vakanyengedzwa kuti vaite mararamiro ekuzviparadza.
Somuenzaniso, mamiriyoni akashandisa mari yawo yakawanda kuti atenge zvinhu zvisingakoshi zvakadai sezvinodhaka zvinopinda muropa, doro, uye fodya. Zvinosuruvarisa kuti, zvinoguma zvaitika zvacho zvose zvinhu zvinotozivikanwa. “Chinhu chiri kuwedzera chiri kutyisidzira utano hwevanhu munyika haisi hosha,” inodaro magazini inonzi World Watch, “chigadzirwa.” Magazini yacho inowedzera kuti: “Mumakore 25, chirwere chinokonzerwa nefodya chinotarisirwa kupfuura hosha inotapukira sechinhu chinotyisidzira utano hwevanhu kupfuura zvose munyika yose.” Uyezve, Scientific American inoti: “Marudzi egomarara anouraya zvinoshamisa 30 muzana anogona kunzi anokonzerwa nokusvuta, uye nhamba yakafanana nemararamiro, kunyanya miitiro yekudya nokusarovedza muviri.”
Pasina mubvunzo, zvatinosarudza nezvemararamiro edu zvine zvakakura zvazvinoparira pautano hwedu. Saka, kana zvakadaro, tinogona sei kuchengetedza kana kuti kunatsiridza utano hwedu? Zvokudya nokurovedza muviri zvakakwana here? Mukuwedzera, pfungwa nezvinhu zvomudzimu zvinoita basa rei mumararamiro akanaka?