Utano Chii?
KO MUNHU ane utano hwakanaka here nemhaka bedzi yokuti iye haarwari? Eya, kazhinji kangani kawakanzwa vanhu vamwe navamwe vairatidzika kuva vakasimba nomutoo wakakwana asi kamwe kamwe vanofa nechisakiso chakati chisingakarirwi? Mishumo inoratidza kuti chinenge chikamu chechishanu chaavo vanofa nehosha yomwoyo gore rimwe nerimwe havana kuratidzira chiratidzo chidukusa chokuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama pavari. Nomutoo wakajeka, kunzwa uri wadi kana kuti wakagwinya hakuzati kuri simbisiro yokuti mumwe munhu ane utano hwakanaka.
Somuenzaniso, rangarira mutambi webasketball wapakoreji wezera ramakore 22. Kupfurikidza nemipimo yenguva dzose, iye aizorangarirwa kuva munhu ane utano muupwere hwake. Asi humwe usiku iye akafa—kamwe kamwe. Nzvero dzakawadzanyura kuti chisakiso chorufu chakanga chiri chokunyanyonwisa mirimo. Kunyange zvazvo akanga akagwinya mumuviri nomuchimiro, akanga achirarama upenyu huno utano here? Nyangwe.
Ipapoka, chokwadika, utano hunopfuura kungova bedzi asati achirwara. Chokwadika, kugara nhaka nemhoteredzo zvinoita mativi azvo, asi mumigariro yenguva dzose, zvimwe mararamire edu ndichimwe chinhu chinoisvokosha zvikuru chinodzora utano hwedu. Zvatinodya nokunwa, mashingairire atinoita, zororo ratinowana, maitiro atinoita pakufunganya, uye chiverengero chemimwe miitiro yomunhu oga zvichakudziridza utano hwedu kana kuti kuhukuvadza. Nokudaro, kusvikira kutambanuko huru, utano hwedu hunoumbwa nezvatinoita nahwo. Nheyo yeBhaibheri inoti, “Chipi kana chipi chinodyara munhu, iye achachekawo ichochi” inoshandawo kuutano hwomuviri wedu.—VaGaratia 6:7.
Utano Namararamiro
Somuenzaniso, kunosanozivikanwa kuti mumakambani mazhinji makuru amaJapan, vabatiri vanoita miitiro chiito chokusimbisa miviri nesimba zuva rimwe nerimwe. Chii chinova muuyo? “Kune chiverengero chakati kuti chohufakazi hwezviverengero hunopa ukoshi mumurangariro wokuti vashandi vamaJapan ndivo vane utano hwakaisvonakisisa hwenyika,” inodaro magazini yenhau yeAsiaweek. Kuno rumwe rutivi, mushumo unoratidzira kuti muJapan “kenza chisakiso chorunenge rufu rumwe muruna; hosha yomwoyo neyokuoma mitezo imwe neimwe mushanu, uye chirwere chokutadza kufema mumwe muna vane gumi navaviri. Munhurume mumwe muna vane 52 vari vose anozviuraya amene (nokuda kwavakadzi, kuzviuraya ndikumwe muna vane 70).”
Ko uku kutaura kunoratidzika kuva kusingawirirani kana kuti kunotopokanidzana here? Kwete chaizvoizvo, patinonzvera maidi. Navane 40 muzana vavakuru vanosvuta midzanga ine mamirioni ane zviuru 300 pagore, Japan inova panzvimbo yechipiri munyika yose (pashure chaipo peGirisi) mukushandiswa kwemidzanga per capita. Kupfuurirazve, gore rimwe nerimwe varume vamaJapan vanonwa mabhodhoro edoro ane mamirioni ane zviuru 8 uye marita ane mamirioni ane zviuru 1,5 esake. Ikoku kwakafanana nokunwa inenge hafu yerita yechinwiwa chaichoicho chinodhakisa pamurume mumwe pavhiki. Kwaizova kunoshamisa kudai miitiro yakadaro inokuvadza yakanga isina nhamburiko inoratidzirwa paupenyu hwavanhu.
Kunyange zvazvo kungataurwa kuti maJapan ane kariro hurusa youpenyu yavanhu vapi navapi uye kuti mwero yokushandisa kwavo fodya nezvinwiwa zvinodhakisa yakaderera zvikuru kupfuura yavamwe, kumwe kuenzanisira hakuna maturo chose chose. Chokwadi ndechokuti vanhu vari kufa nguva isati yasvika uye nomutoo usiri madikanwa. Vangaratidzika kuva vane utano hwakanaka zvikuru kupinda vamwe, asika ivo vane utano hwakanaka chaizvoizvo here?
Nomutoo wakajeka, ipapoka, utano hwedu hunoratidzira ukuru hwose hwamararamire edu nemiitiro yedu yezuva nezuva. Utano hwakanaka hunobatanidza mararamiro akadzikama anoparira garikano yedu yomuviri, yendangariro, yepfungwa, uye yesonganirano, inotigonesa kugonana nemhoteredzo dzedu ndokuwana mufaro wakati kuti negutsikano zvinobva mumibato yedu yezuva nezuva. Chii chatinogona kuita kuwana iyeyo?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Nhaka nemhoteredzo zvinoita mabasa azvo, asi zvimwe mararamire edu ndichinhu chimwe chinoisvokosha chinodzora utano hwedu
[Mufananidzo uri papeji 5]
Chitarisiko chougwinyi hwakanaka chingava chinonyengera