Unokurukura Nezvechitendero Here?
“Ndapota, ngatichinjei nyaya. Pane zvinhu zviviri zvandisingafi ndakakurukura nezvazvo—chitendero uye zvematongerwe enyika!”
“Ndinosiyira nhau yechitendero kumudzimai nevana.”
“Handidi kukurukura nezvechitendero zvino. Ndichangobva kuchechi izvozvi.”
MASHOKO aya unoita sewakamboanzwa here? Vamwe vanosarudza kusakurukura nezvechitendero nokuti vanoiona senhau yavo naMwari. Jesu pachake akataura kuti: “Kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.”—Mateo 6:6.
Asi, Jesu nevadzidzi vake havana kuona sokuti zvinhu zvose zvechitendero zvinofanira kuva zvakavanzika. Vakataura vakasununguka uye pachena nhau dzakasiyana-siyana dzomudzimu, uye izvi zvakaguma nokupararira kwedzidziso dzavo munyika yose. (Mabasa 1:8; VaKorose 1:23) Chokwadika, haasi munhu wose aida kutaura navo, uye vamwe vakateerera vakaramba vachifungira zvisizvo.
Nhasiwo, maonerwe anoitwa kukurukura nezvechitendero anosiyana pamunhu nemunhu uye patsika netsika. Somuenzaniso, munyika dzakawanda dzokuMadokero, vanhu vanoita sevanonyanyova nebasa nenhau dzenyika—dzidzo, basa, mitambo, makombiyuta, TV, nezvimwewo. Kune mamwe marudzi, vanhu vanoti idei kukurukura pamusoro pezvavanodavira. Asi, pasinei zvapo nokuti vanhu vanobvepi, zvinhu zvinoitika muupenyu hwavo zvinoita kuti vamwe vaisafarira chitendero vatange kufungazve pamusoro pezvavanoda mumudzimu.
Kusada Zvechitendero Kunoodza Mwoyo Vakawanda
Vanoramba kukurukura nezvechitendero vangave vakaona kana kuti vakabatanidzwa mukurukurirano yakagumbura kusvika yava mangange enharo. “Kusiyana kwechitendero kunosakisa kupopotedzana kwakawanda kupfuura kusiyana kwezvamatongerwe enyika,” akadaro mumwe mukurukuri ane mukurumbira. Uyewo, Richard M. Johnson, mutevedzeri wapurezidhendi weAmerica wekare, akataura kuti: “Kushingairira chitendero kunokonzera rusarura rwakasimba zvikurusa mupfungwa dzemunhu; uye, kana kukaratidzirwa pasipo, kunokonzera kuviruka kwakaipisisa kwatinogona kuita zvichinzi kuita kuda kwaMwari.”
Zvinokushamisa here kuti chimwe chinhu chakadai sechingangokuvaka kwazvo uye chingangokuita anoremekedzeka sedzidziso dzeBhaibheri chinofanira kushandiswa zvisirizvo kukurudzira kusada zvimwe zvitendero, kusada kuchinja, uye ruvengo? Chokwadi chaichoicho ndechokuti, hadzisi dzidziso dzeBhaibheri idzodzo dzinoita kuti chitendero chisafadze vakawanda. Panzvimbo pezvo, kukanganiswa kwadzo. Somuenzaniso, funga nezvechiKristu.
Neshoko nemuenzaniso, Muvambi wechiKristu, Jesu Kristu, akakurudzira kuda Mwari uye kuda muvakidzani, kwete kusada zvimwe zvitendero uye kunyanyisa. Zvinhu zvakashandiswa naKristu nevateveri vake muushumiri hwavo kwaiva kutaurirana nokunyengetedza. (Mateo 22:41-46; Mabasa 17:2; 19:8) Uye vakanyengeterera vavengi nevatambudzi vavo.—Mateo 5:44; Mabasa 7:59, 60.
Chitendero chechokwadi chinovhenekera ndangariro nemwoyo, uye chinobatanidza vanhu. Naizvozvo, kuvanotsvaka chokwadi nemwoyo wose, kukurukurirana nezvechitendero kunoremekedzwa kunogona kubatsira kwazvo, sezvatichaona.
[Bhokisi riri papeji 3]
ZVAKATAURWA NEVANHU VAKAKURUMBIRA
“Kana Jesu iri nzira yokuenda kuna Mwari, vateveri vaJesu vanofanira kuudzawo vamwe vanhu izvi.”—Ben Johnson, purofesa weevhangeri paColumbia Theological Seminary.
“Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vaendese evhangeri kuvanhu. Basa Guru racho rinorayira kuti tiende munyika yose. Ishe akarayira vateveri vake kuenda mumigwagwa mikuru netunzira.”—Kenneth S. Hemphill, mutungamiriri weSouthern Baptist Center for Church Growth.
“Kutoti tiri zvapupu, hatigoni kuva vaKristu vechokwadi. . . . MuKristu wese anodanwa kuti ave mufundisi uye chapupu.”—Papa John Paul II.
“Vaparidzi vakawanda kwazvo . . . vanonyanyofarira kuvaka ungano huru nezvivako zvikuru zvechechi uye kwavachanoshandira kupfuura kufarira kwavanoita kuparidza shoko risingachinji uye risingadiwi riri muEvhangeri.”—Cal Thomas, munyori uye munyori wechikamu chepepanhau.
“Tinofanira kugogodza pamisuo . . . Sezvinoita Zvapupu (zvaJehovha) nevamwe, tinofanira kuenda kunozivisa Evhangeri yaJesu Kristu.”—Thomas V. Daily, bhishopi weKaturike.