Kuziva Mwari Uri Woga Wazvokwadi
INENGE nguva yose iyo vanhu vanga vari vapenyu, vanga vane vamwari vakawanda. Vanga vakawanda kwazvo zvokuti zvakaoma kupa nhamba yakarurama yevamwari nevamwarikadzi vakanamatwa munyika yose—asi inosvika kumamiriyoni.
Taona kuti kuna Mwari, zvino tinobvunza kuti, Ndeupi wacho pavanamwari vanonamatwa munyika yose, zvino nemunguva yakapfuura, ari Mwari wechokwadi? Kuti kuna Mwari wechokwadi mumwe chete bedzi anogona kuzivikanwa seakadaro kwakajekeswa muBhaibheri pana Johane 17:3: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.”
Zita Raanozivikanwa Naro
Zvaizova zvine musoro kuti chero mwari upi zvake kana ari munhu aizova nezita rake kuti asiyaniswe nevamwe vamwari vane mazita avo. Zvaizoshuviwa kuti rive zita rakasarudzwa naiye mwari wacho pachake, panzvimbo pezita raanopiwa nevanamati vake.
Zvisinei, panhau iyi, chimwe chokwadi chinopaza musoro zvikuru chinomuka. Nepo zvimwe zvitendero zvakakurumbira zvikuru zvichipa vanamwari vazvo mazita, vaJudha nemamwe machechi makuru echiKristudhomu vakakundikana kuziva nezita chairo mwari wavanonamata. Panzvimbo pezvo, vanosva vashandisa zvavo zviratidzo zvakadai saIshe, Mwari, Wamasimba ose, uye Baba.
Achinyora mubhuku rinonzi Theology, munyori David Clines akataura zvinotevera: “Panenge pakati pezana remakore rechishanu nerechipiri B.C. tsaona yakaipisisa yakaitika kuna Mwari: akarasikirwa nezita rake. Kutaura zvakanyatsonanga, vaJudha vakarega kushandisa zita raMwari Yahweh, uye vakatanga kudana Yahweh nemashoko akasiyana-siyana: Mwari, Ishe, Zita racho, Mutsvene, Aripo, kunyange Nzvimbo. Kunyange paive pakanyorwa Yahweh mumashoko omuBhaibheri, varavi vaidudza shoko racho saAdonai. Nokuzoparadzwa kwakaitwa temberi pakupedzisira, nemitambo chaiyo yetsika yaisawanzoitwa paishandiswa zita racho yakaguma, uye kunyange kududzwa kwakarurama kwezita racho kwakakanganwika.” Zvisinei, hapana anogona kunyatsoziva chokwadi kuti ndirini apo vaJudha veorthodox vakarega kududza zita raMwari zvinonzwika uye pavakatsiva nemashoko echiHebheru aMwari uye Changamire Ishe.
Nokudaro, zvinoratidzika sokunge kuti, chinhu chokutanga chinokosha mukuedza kuziva “Mwari uri oga wazvokwadi” kwaizova kusvika pakumuziva nezita. Kutsvaga kwakadaro hakuna kuoma, nokuti zita raMwari Wamasimba Ose, Musiki, rakanyorwa zvakajeka uye zvakapfava pana Pisarema 83:18: “Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rinonzi JEHOVHA, muri kumusoro-soro kwepasi rose.”—King James Version.
Jehovha Kana Kuti Yahweh?
Nepo zita rokuti Jehovha richioneka muKing James Version nedzimwe shanduro dzeBhaibheri, vamwe vanoda havo kushandisa zita rokuti Yahweh pane rokuti Jehovha. Zita rakarurama apa nderipi?
Manyoro eBhaibheri ekare karesa akanyorwa mumutauro wechiHebheru. Mumagwaro echiHebheru, zita raMwari dzvene rinooneka kanenge ka7 000 uye rinopereterwa nemakonzoneti mana—YHWH kana kuti JHVH. Makonzoneti mana aya anowanzodanwa kuti Tetragrammaton, kana kuti Tetragram, shoko rakabva mumashoko maviri echiGiriki anoreva “mabhii mana.” Zvino nhau yekududza kwakarurama inomuka nemhaka yokuti manyorere echiHebheru epakuvamba aiva nemakonzoneti pasina mavhawero anobatsira muverengi. Naizvozvo kuti kududzwa kweTetragrammaton kunova Yahweh kana kuti Jehovha zvinoenderana nokuti mavhawero api ayo muverengi anoisa pamakonzoneti mana. Nhasi nyanzvi dzakawanda dzechiHebheru dzinoda Yahweh sekududza kwechokwadi.
Zvisinei, kuti zviwirirane panofanira kushandiswa Jehovha. Sei? Kududza kwokuti Jehovha kwave kuchishandiswa muchiNgezi kwemazana emakore. Vanoramba kushandisa kududza uku vanofanirawo kuramba kushandisa kududzwa kwaJeremia uye kunyange Jesu. Jeremia aizofanira kuchinjirwa kuna Yir·meyahʹ kana kuti Yir·meyaʹhu, kududzwa kwepakutanga kwechiHebheru, uye Jesu aizova Ye·shuʹaʽ (chiHebheru) kana kuti I·e·sousʹ (chiGiriki). Naizvozvo, vadzidzi veBhaibheri vakawanda, kubatanidza Zvapupu zvaJehovha, vanodavira kuti, kuti zviwirirane panofanira kushandiswa shoko rechiNgezi rinonyanyozivikanwa “Jehovha” uye rinowirirana naro mune mimwe mitauro.
Zvine Basa Here?
Vamwe vangataura kuti hazvina nebasa rose kuti unodana Mwari Wamasimba ose nezita rake chairo here kana kuti kwete, uye vanogutsikana nokutaura nezvaMwari saBaba kana kungoti Mwari chete. Zvisinei, mashoko ose aya ari maviri, zviratidzo kwete mazita uye haana muridzi uye haatsauranisi. Munguva dzeBhaibheri shoko rinoreva Mwari (ʼElo·himʹ, chiHebheru) raishandiswa kurondedzera chero mwari upi zvake—kunyange mwari wechihedheni wevaFiristia ainzi Dhagoni. (Vatongi 16:23, 24) Naizvozvo kuti muHebheru audze muFiristia kuti iye, muHebheru, ainamata Mwari kwaisazoratidza pachena “Mwari” wechokwadi waainamata.
Inonakidza itsinhiro iri muThe Imperial Bible-Dictionary ra1874 inoti: “[Jehovha] kwese kwese izita rakakodzera, rinoreva Mwari munhu uye iye oga; nepo Elohim rine pfungwa yakarerekera kushokowo zvaro, hongu hazvo rinowanzoreva, asi risingarevi nguva dzose kunyange pose parinowanika, kuti Mukurusa. . . . MuHebheru angataura kuti Elohim wacho, Mwari wechokwadi, achisiyaniswa nevamwari venhema; asi haambotauri kuti Jehovha wacho, nokuti Jehovha izita raMwari wechokwadi bedzi. Anoramba achidzokorora kutaura kuti Mwari wangu . . . ; asi haambotauri kuti Jehovha wangu, nokuti paanoti Mwari wangu, anoreva Jehovha. Anotaura nezvaMwari waIsraeri, asi haamboti Jehovha waIsraeri, nokuti hakuna mumwe Jehovha. Anotaura nezvaMwari mupenyu, asi haamboti Jehovha mupenyu, nokuti haafungi nezvaJehovha seasiri mupenyu.”
Unhu hwaMwari Wechokwadi
Kungoziva zita romumwe munhu chete, chokwadika, hazvirevi kuti tinomuziva zvakakwana. Vazhinji vedu tinoziva mazita evatungumiriri vezvematongerwe enyika vakakurumbira. Kunyange varume nevakadzi vakakurumbira mune dzimwe nyika vangava nemazita atinonyatsoziva. Asi kungoziva mazita avo chete—uye kunyange kuadudza zvakanaka—pachako hakurevi kuti tinoziva vanhu ava kana kuti kuziva kuti vanhu vorudzii. Nenzira yakafanana, kuziva Mwari wechokwadi bedzi, tinofanira kuziva nokuyemura unhu hwake.
Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti vanhu havazombofa vakakwanisa kuona Mwari wechokwadi, nemutsa akaita kuti muBhaibheri tinyorerwe zvinhu zvakawanda pamusoro peunhu hwake. (Eksodho 33:20; Johane 1:18) Vamwe vaporofita vechiHebheru vakaoneswa zviono zvakafuridzirwa zvematare okudenga aMwari Wamasimba ose. Zvavanorondedzera zvinoratidza kwete bedzi chiremera chikuru nembiri inotyisa uye simba asiwo rugare, kurongeka, runako nekutsvinda.—Eksodho 24:9-11; Isaya 6:1; Ezekieri 1:26-28; Dhanieri 7:9; Zvakazarurwa 4:1-3.
Jehovha Mwari akataura umwe unhu hwake hunokwezva uye hunofadza kuna Mosesi, sezvakanyorwa pana Eksodho 34:6, 7: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo.” Haubvumirani nazvo here kuti kuziva unhu uhu hwaMwari kunotiswededza pedyo naye uye kunoita kuti tide kuziva zvakawanda pamusoro pake somunhu?
Nepo pasina munhu achazombofa akakwanisa kuona Jehovha Mwari mumbiri yake inobwinya, zvakanyorwa kuti apo Jesu Kristu aiva munhu pasi pano, akaratidza kuti Jehovha Mwari, Baba vake vokudenga, munhu worudzii. Pane imwe nguva Jesu akataura kuti: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, mwanakomana unozviita saizvozvowo.”—Johane 5:19.
Naizvozvo tinogona kuona kubva pane izvi kuti mutsa waJesu, kunzwira tsitsi, unyoro, uye ushamwari pamwe nokuda kwake kururama zvikuru kwazvo nekuvenga uipi zvose unhu uhwo Jesu akaona muna Baba vake, Jehovha Mwari, apo Jesu aiva navo mumatare okudenga asati ava munhu pasi pano. Naizvozvo, patinosvika pakunyatsoziva nekunzwisisa chinonyatsorehwa nezita rokuti Jehovha, chokwadi tine chikonzero chokuda nokukomborera zita iroro dzvene, kurirumbidza nokurikudza, uye kuvimba naro.
Kuziva Mwari uri woga wazvokwadi nemutoo uyu chaizvoizvo muitiro usingambopera, sekujekeswa kwazvakaitwa mumashoko aJohane 17:3 muNew World Translation of the Holy Scriptures. Pano chimiro cheshoko chakarurama chinoratidza nguva yazvakaitika “kuziva” rinobatsira kwazvo, nokuti chimiro chinoratidza kupfuurira chinoshandiswa panzvimbo pechimiro chainoratidza kuti zvaitika iye zvino. Naizvozvo, tinorava kuti: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” Hongu, kupfuurira kupinza zivo yaMwari oga wechokwadi, Jehovha, neyoMwanakomana wake, Jesu Kristu, muitiro usingafaniri kumbopera.
Mwari Wechokwadi Anoratidzwa
Nokudaro, Mwari wechokwadi anosiyaniswa zviri nyore nevamwe vanamwari venhema vakawanda. Ndiye Musiki mukurusa wechisiko chose, kubatanidza Pasi nevanhu vari pariri. Ane zita rakasiyana nemamwe—Jehovha, kana kuti Yahweh. Haasi mumwe wevamwari vatatu vasinganzwisisiki, kana kuti Utatu. NdiMwari worudo, uye anoda zvakanakisisa chete kuvanhu vaakasika. Asiwo ndiMwari weruramisiro, uye haazoshiviriri nokusingaperi avo vanoramba vachiparadza pasi nokumutsa hondo uye chisimba.
Jehovha akaratidza kudisisa kwake kwete bedzi kubvisa uipi nokutambura pasi pano asiwo kuriita paradhiso apo vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanogona kurarama nokusingaperi mumufaro. (Pisarema 37:10, 11, 29, 34) Mwari Wamasimba ose zvino akagadza Mwanakomana wake, Jesu, saMambo wokudenga woUmambo hwaMwari, uye nokukurumidza Jesu achaunza nyika iyoyo itsva yokururama ndokuita kuti pasi redu rivezve Paradhiso.—Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10.
Tinovimba kuti zvino wava kukwanisa kupindura zviri nyore mubvunzo wokuti, Mwari ariko zvechokwadi here? uye kuziva Mwari wechokwadi.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Jesu Kristu akazivisa Jehovha saMwari uri woga wazvokwadi