RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 2/8 pp. 10-11
  • Vakafa Vanofanira Kukudzwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakafa Vanofanira Kukudzwa Here?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tsika Dzakavakirwa Pazvinhu Zvenhema
  • Pfungwa Yakadzikama
  • Kurumbidza Namashoko Okudetemba Kwakaipa Here?
  • Murangariro wechiKristu Wetsika Dzamariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mariro evaKristu Ane Mutsigo, Haasi Okushamisira, Uye Anofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Mariro?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Chenjerera Tsika Dzisingafadzi Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 2/8 pp. 10-11

Zvinotaura Bhaibheri

Vakafa Vanofanira Kukudzwa Here?

“PFUNGWA YAKADZIKA MIDZI INOITA KUTI VANHU VAKAWANDA VAREMEKEDZE CHITUNHA CHEMUNHU ZVAVASINGAITI NEMHUKA YAKAFA.”—ENCYCLOPÆDIA BRITANNICA.

VANHU vakawanda pane nguva yavanotokudza vakafa vavo chete. Vakafa vanokudzwa nezviziviso zvorufu mumapepanhau, uye vanorumbidzwa nemashoko okudetemba. Mune dzimwe nyika mariro emaoresa ane tsika dzechitendero kana dzamagamuchidzanwa haashamisi. Mitambo inoitirwa vakafa inogona kupedza mazuva akawanda, mavhiki, kana kuti mwedzi mizhinji. Zvikoro, nhandare dzendege, migwagwa, uye mataundi anopiwa mazita evanhu vakafa vane mukurumbira. Mabwe okuyeuchidza anovakwa uye mazororo anoitwa kupemberera magamba.

Zvisinei, maererano neShoko raMwari, vakafa havatombozivi zvavo nezverukudzo rwavanopiwa. (Jobho 14:10, 21; Pisarema 49:17) Vakafa vapenyu bedzi mupfungwa dzeavo vanovayeuka. Bhaibheri rinoti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Magwaro anopa tariro yorumuko ruchaitika munguva yemberi. (Johane 5:28, 29; 11:25) Asi kutozosvika panguva iyoyo, vakafa havapo. Vanova guruva chairoiro.—Genesi 3:19; Jobho 34:15.

Nemhaka yekutsanangura kwakajeka kweBhaibheri nezvavakafa, zvinobatsira here kuvakudza? Ko vaKristu vanofanira here kutevedzera tsika dzemagamuchidzanwa dzine chokuita nemariro nokuviga vakafa vavo?

Tsika Dzakavakirwa Pazvinhu Zvenhema

Tsika dzakawanda, zvichida zhinji, dzemagamuchidzanwa pamusoro pevakafa, dzakadzika midzi mudzidziso dzisiri muBhaibheri dzezvitendero. Dzimwe tsika dzinoita sedzino“dzivirira mushakabvu pakudenhwa nemadhemoni; pane dzimwe nguva chinangwa chetsika dzacho chave chiri chokuchengetedza vapenyu pazvirwere zvinokonzera rufu kana kuti kudzivisa kutambura kwanyakufa,” inodaro Encyclopædia Britannica. Tsika dzose dzakadaro dzakavakirwa pachitendero chenhema chokuti vakafa vanorarama munyika isingaoneki yomudzimu dzinopesana nechokwadi cheBhaibheri.—Muparidzi 9:10.

Vanhu vakawanda vanonamata vakafa vavo. Kunamata uku kunobatanidza kupa zvibayiro neminyengetero kuvakare vakafa. Vamwe vanoita tsika dzakadaro havaoni zviito zvavo sekunamata asi, panzvimbo pezvo, sezviratidzo zvokukudza kana kuti kuremekedza zvikuru nyakufa. Zvisinei, kuzvipira kwakadai kuvakare vakafa kune mavambo echitendero uye anopesana nedzidziso dzeBhaibheri. Jesu Kristu akati: “Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.”—Ruka 4:8.

Pfungwa Yakadzikama

Kukudza nekuremekedza vakafa hakubatanidzwi nedzidziso dzezvitendero zvenhema nguva dzose. Somuenzaniso, nhoroondo yeBhaibheri inorondedzera rukudzo rwakapiwa Mambo Hezekia akatendeka pashure pekunge afa. Vanhu vaMwari “vakamuviga kumukwidzwa unoenda kumarinda avanakomana vaDhavhidhi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusarema vakamukudza pakufa kwake.” (2 Makoronike 32:33) Mumwe muenzaniso ndeuya waJesu. Bhaibheri rinotaura kuti vadzidzi vake “vakatora mutumb[i] waJesu, vakauputira nemicheka pamwe chete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo.”—Johane 19:40.

Magwaro ane zvinoitika zvakawanda apo nzira chaidzo dzaitevedzerwa maererano nezvitunha nekuvigwa kwevadiwa vakafa. Miitiro iyi yaisava kunamata madzisekuru, uye yakanga isina kuvakirwa pachitendero chenhema chokuti vakafa vanopfuurira kupesvedzera zvinoitika zvoupenyu hwavapenyu. Panzvimbo pezvo, vachemi vairemekedza kwazvo vadiwa vavo. Bhaibheri harirambidzi ruremekedzo rwakadaro, sezvo rwakavakirwa pamanzwire okuberekwa nawo anoita vanhu, kunyange zvazvo Bhaibheri risingatsigiri kuratidzirwa kwokunyanyisa kana kwokusazvidzora pamariro. Asi, harikurudziri vaKristu kusachema kana kusashungurudzwa apo vanorasikirwa nemudiwa murufu.

Nokudaro, apo zvinenge zviri pamariro kana kuti zvichiviga vadiwa vazvo, Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza nokukudza zvakafanira nyakufa. (Muparidzi 7:2) Kana dziri nhau dzemaruva, mabasa emariro, uye nedzimwe tsika dzemunzvimbo yacho, vaKristu vanoita zvisarudzo zvokungwarira zvomunhu oga kuitira kuti vadzivise miitiro inopesana nedzidziso dzeBhaibheri. Nemhaka yeizvi, chisarudzo chakanaka uye chepakati nepakati chinodikanwa. Encyclopædia of Religion and Ethics inotsanangura kuti “nguva nenguva tsika inochinja kukosha kwayo, zvokuti zvainoreva zvingava zvakasiyana gare gare nezvayaireva pakutanga, uye kutsanangurwa kwayo kungasajekesa kutanga kwayo.”a

Kurumbidza Namashoko Okudetemba Kwakaipa Here?

Nheyo yokuva pakati nepakati inoshandawo panhau yokurumbidza namashoko nyakufa. Pamariro, Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kunyaradza nyakufirwa. (2 VaKorinte 1:3-5) Purogiramu yakarongwa ingabatanidza mukurukuri mumwe chete kana vanopfuura. Asi zvingasava zvakafanira kuchinja nguva yacho kuva nguva refu yevadetembi vanorumbidza nyakufa. Asi, mariro anobvumira mukana wokupa rumbidzo kumavara aMwari anoshamisa, kubatanidza mutsa wake wokutigovera tariro yerumuko.

Zvisinei, izvi hazvirevi kuti zvingava zvakaipa kuyeuka unhu hwakanaka hwemushakabvu muhurukuro yemariro. (Enzanisa na2 Samueri 1:17-27.) Kana nyakufa anga akatendeka kuna Mwari kusvikira parufu, anova murume kana mukadzi ane muenzaniso wakaisvonaka wokutevedzera. (VaHebheru 6:12) Zvakanaka kufungisisa nezvenzira yokuchengeta kuperera yevashumiri vaMwari. Kugoverana pfungwa idzi dzakanaka nevamwe pamariro zvinonyaradza vapenyu uye zvinokudza kuyeuka nyakufa.

VaKristu vechokwadi havanamati vakafa. Havabatanidzwi mutsika dzakakurumbira dzinopesana nechokwadi cheBhaibheri. Uyewo, vabatiri vaMwari vanoramba pfungwa yokunyanyisa yokuti vakafa zvavanongovawo havo guruva, tsika dzose hadzishandi uye hadzidikanwi. Vanochema uye vanoyeuka vakafa vavo. Asi marwadzo avo nokusuruvara kwavo zvinonyaradzwa nechokwadi cheBhaibheri chokuti vakafa havatamburi uye kuti pane tariro yorumuko.

[Mashoko Omuzasi]

a Nharireyomurindi yaOctober 15, 1991, peji 31, inopa nhungamiro inotevera: “MuKristu wechokwadi anofanira kurangarira, kuti: Ko kutevera tsika yakati kwaizoratidzira kuvamwe kuti ndakagamuchira zvitendero zvisiri zvapamagwaro kana kuti miitiro here? Nhambo yenguva nenzvimbo zvingagona kupesvedzera mhinduro. Tsika (kana kuti gadziriro) ingave yakava nerevo yorudzidziso rwenhema mamireniyumu apfuura kana kuti ingava neyakadaro nhasi munyika iri kure. Asi pasina kupinda munzvero inopedza nguva, zvibvunze umene, kuti: ‘Chii chiri murangariro wavose mandinogara?’—Enzanisa na1 VaKorinte 10:25-29.”

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mudungwe wepamariro vachikudza Gustav II, mambo wekuSweden, pashure pokufa kwake muna 1632

[Kwazvakatorwa]

Kubva mubhuku rinonzi Bildersaal deutscher Geschichte

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe