RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 2/8 pp. 4-6
  • Chinangwa chaMwari Ndechei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinangwa chaMwari Ndechei?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Ane Chinangwa
  • Zvakaitirwa Kuti Zvinake
  • Umambo hwaMwari Hwemakore Ane Chiuru
  • Vimba naJehovha Kuti Azadzike Donzo Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Umambo hwaMwari—Utongi Hutsva Hwepasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
    Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 2/8 pp. 4-6

Chinangwa chaMwari Ndechei?

VANHU vakawanda vasina chokwadi pamusoro pokuti Mwari ane simba gurusa, ane rudo ariko vanobvunza kuti: Kana Mwari ariko, nei anga achibvumidza kutambura kwakanyanya kudai nouipi munhoroondo yose yevanhu? Nei achibvumidza mamiriro ezvinhu anosiririsa atinoona makatipoteredza nhasi? Nei asingaiti chimwe chinhu kuti agumise hondo, utsotsi, kusaruramisira, urombo, uye kumwe kutambura kuri kuramba kuchiwedzera kunotyisa munyika dzakawanda kwazvo dzepasi?

Zvinonzi nevamwe Mwari akasika chisiko chose, ndokuisa vanhu paNyika, uye ndokuvarega kuti vazvionere nhau dzavo. Maererano nepfungwa iyi, Mwari aisazova nemhaka yekutambura uko vanhu vaizozviunzira nemhaka yokukara kwavo nokutadza kwavo kutarisira zvinhu.

Zvisinei, vamwe vanoramba kutaura kwakadaro. Somuenzaniso, purofesa wefizikisi Conyers Herring, uyo anobvuma kuti kuna Mwari, anotaura kuti: “Ndinoramba pfungwa yokuti Mwari akafanoronga mafambire aizoita zvinhu zvose nenguva uye kubvira ipapo anga akagara zvake akangotarisa vanhu vachipishana nezvinhu zvinopaza musoro. Chikonzero chimwe chete chandinorambira izvi ndechokuti ruzivo rwangu rwesayenzi harundipi chikonzero chokuti ndione sokuti pane muenzaniso we‘gadziriro yekufanoronga mafambiro anofanira kuita zvinhu nenguva’ muchisiko chose wakarurama zvisina mubvunzo. Rondedzero dzedu dzesayenzi . . . dzicharamba dzichingogadziriswa, asi ndine chokwadi chokuti dzicharamba dzichibvumikisa kuva dzisina kukwana. Ndinofunga kuti, zviri nani kuva nekutenda musimba benyu rinoita kuti kuvandudza uku kurambe kuchiita.”

Mwari Ane Chinangwa

Chinangwa chaMwari chepakutanga chaiva chokuti Pasi rigarwe nevanhu vakarurama, vakakwana. Muporofita Isaya akanyora kuti: “Nokuti zvanzi naJehovha wakasika denga rose, iye Mwari wakaumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.”—Isaya 45:18.

Panzvimbo pokuzadza nyika nekusika zvakananga vanhu vose, Mwari akaita chinangwa chokuzadza nyika nokubereka kwavanhu. Apo Adhama naEvha vakapandukira Mwari, izvi hazvina kuchinja chinangwa chake chepakuvamba, asi zvakaita kuti pafanire kuva nekugadziriswa kwezvimwe zvinhu kuitira kuti chinangwa chake chekusika vanhu nepasi chizadzike.

Kwemakore anenge 6 000 enguva iyi, Mwari akabvumidza vanhu kuzviitira zvinhu zvavo nemadiro pasina nhungamiro yake. Izvozvo ndizvo izvo vabereki vedu vokutanga vakasarudza nokuzvidira. (Genesi 3:17-19; Dheuteronomio 32:4, 5) Kubvumidzwa uku kuita madiro pasina kutungamirirwa naMwari uye kutongwa nemunhu kwete naMwari kwakazotevera kwaizoratidza kukundikana kwomunhu kutungamirira nhanho dzake uye kukundikana kwake kutonga mumwe munhu achibudirira.

Chokwadika, Jehovha akafanoziva kuti ndizvo zvazvaizoguma zvaita. Akafuridzira vanyori veBhaibheri kuzvinyora mumashoko. Somuenzaniso, muporofita Jeremia akanyora kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.

Murume akachenjera Soromoni akatsinhira pamusoro pemigumisiro ine ngozi inovapo apo vanhu vanoedza kutonga vamwe vanhu, sezvavange vachiita kwemazana emakore. “Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomwoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.”—Muparidzi 8:9.

Zvisinei, asinga“gari zvake semuoni vanhu vachirwisana nezvinhu zvinopaza musoro,” Mwari Wamasimba Ose anga ane chikonzero chakanaka chokubvumidza kwechinguvana kupfuura kwemakore ose aya asingapindiri zvakananga muupenyu hwevanhu vakawanda vacho.

Zvakaitirwa Kuti Zvinake

Makore 6 000 apfuura enhau yemunhu angaratidzika senguva refu paanoenzaniswa neavhareji yeurefu hweupenyu hwemunhu yemakore ari pasi pe100. Asi maererano nechirongwa chenguva yaMwari nemaonere ake enguva iri kupfuura, zviuru izvi zvemakore zvakaita semazuva matanhatu—asingasviki vhiki! Muapostora Petro akatsanangura kuti: “Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore ane chiuru, namakore ane chiuru sezuva rimwe.”—2 Petro 3:8.

Ipapo Petro anopfuurira kudzivirira Mwari pakupomerwa kupi nekupi kwokuregeredza kana kuti kuverengera, nokuwedzera kuti: “Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti; Hunonoka; asi une mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.”—2 Petro 3:9.

Nokudaro, kana nguva yakanzi ndiyo inofanira kupera yapfuura, Musiki achagumisa kutadza kutongwa kwepasi redu rakaisvonaka. Anenge abvumira vanhu nguva yakakwana yokuratidza kusakwanisa kwavo kutonga kana kuti kugumisa hondo, chisimba, urombo, hosha, uye nezvimwe zvinokonzera kumwe kutambura. Izvi zvichajekeswa kupfurikidza nokuzvionera izvo Mwari akaudza vanhu pakutanga—kuti vanofanira kutevera zvaanovaudza kuti vabudirire.—Genesi 2:15-17.

Maererano nokuzadzika kwouporofita hweBhaibheri, zvino tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” egadziriro ino yezvinhu isingazivi Mwari. (2 Timotio 3:1-5, 13; Mateo 24:3-14) Kushivirira kwaMwari kutonga kwomunhu pasina kutungamirirwa naye uyewo uipi nekutambura zvava kuda kuzopera. (Dhanieri 2:44) Nokukurumidza dambudziko gurusa risati ramboonekwa nenyika ino richatiwira, richipedzisira rava “zuva iro guru raMwari wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Hondo iyi inotungamirirwa naMwari haizoparadzi basa ramaoko aMwari pasi, asi icha“paradz[a] avo vanoparadza nyika.”—Zvakazarurwa 11:18.

Umambo hwaMwari Hwemakore Ane Chiuru

Kuchave namamiriyoni evanopukunyuka pasi pano apo Armagedhoni inenge yapera. (Zvakazarurwa 7:9-14) Uporofita huri pana Zvirevo 2:21, 22 huchave hwazadzika: “Nokuti vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”

Chinangwa chaMwari ndechokuti nhambo yakasiyana nedzimwe yemakore ane chiuru iuye pashure pehondo yeArmagedhoni. (Zvakazarurwa 20:1-3) Iyi ichabatanidza Kutonga Kwemireniyumu kweMwanakomana waMwari, Kristu Jesu, saMambo weUmambo hwekudenga hwaMwari. (Mateo 6:10) Mukutonga pasi kweUmambo uhu hunofadza, mamiriyoni achamutswa muhope dzawo dzorufu kuti abatane nemamiriyoni anenge apukunyuka Armagedhoni. (Mabasa 24:15) Pamwe chete vachavazve vakakwana, uye ipapo—pakupera kweKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu—pasi pakupedzisira richazadzwa nevarume nevakadzi vakakwana, vose vari vazukuru vaAdhama naEvha. Chinangwa chaMwari chinenge chazadzikwa nembiri nokubudirira.

Hongu, chinangwa chaMwari ndechoku“pisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura. Wakanga agere pachigaro choushe akati; Tarirai, ndinovandudza zvose.” (Zvakazarurwa 21:4, 5) Pasina kukundikana, chinangwa ichocho chichazadzikwa munguva yemberi iri pedyo.—Isaya 14:24, 27.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Munyika itsva yaMwari, vanhu vachararama nokusingaperi vachifara

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe