Kuongorora Runako Rwemapuranga Kwakabvira Kare
Yakanyorwa nemunyori we“Mukai!” muNew Zealand
MITI, kunyanya yemunzvimbomo, iri kukurumidza kutsakatika. Masango ari kukurumidza kuparadzwa zvinotyisa munzvimbo zhinji dzapasi. Kushomeka kwematanda ekuveza kunokonzera kukwira kwemitengo yemapuranga, chimwe chezvinhu zvinokosha uye chaimbova chakawanda zvikuru munyika.
Zvinosekesa kuti muno muNew Zealand mune masango makuru emipaini yeradiata, akatanga kudyarwa muma1930, asi masango emiti yomuno, yakadai serimu, kauri, beech, uye kahikatea, ari kupera.
Runako Rusingaperi Rwemapuranga
Kwezviuru zvemakore, munhu anga achifadzwa nekuveza zvinhu zvakasiyana-siyana zvinobatsira nemapuranga. Ruvara, mitsetse inotenderera, uye kunyange munhuwi wemarudzi akawanda acho emapuranga zvave zvichiwanzofadza vanhu. Zvigadzirwa zvinoshandiswa basa rakasiyana-siyana zvave zvichigutsa kwemakore akawanda uye, dzimwe nguva, kwemazana emakore akawanda.
Kubva kare kare, fenicha yemapuranga yanga ichishandiswa mudzimba. Vachishandisa maturusi akare, varume nevakadzi vakaratidza unyanzvi pakugadzira zvinhu zvinowanzoshandiswa zvakadai setafura, ndiro, zvituru, maturi, makabhadhi, uye zvigaro.
Ruzivo rwokugadzira zvinhu rwemazuva ano rwuri kukurumidzisa kugadzirwa kwezvinhu zvakadaro nhasi. Zvishandiso zvemagetsi, zvakadai semasaha, madrill, maplane, uye masander, zvinogadzira fenicha yemapuranga nenzira inobudirira, asi inenge inoti itei ruzha. Nyika zhinjisa dzinogona kuzvirumbidza nemafekitari anogadzira fenicha yakawanda inotengeka nemapuranga.
Asi fenicha yakadaro kazhinji haina kusimba nemhaka yokuti zvimwe (1) zvinhu zvinoshandiswa (puranga rinokosha, rinobatanidzwa nemafufu akaiswa guruu) panzvimbo pemapuranga kana kuti (2) mitoo inoshandiswa pakubatanidza inoitwa nechimbi chimbi, kuchishandiswa michina yekuisa zvibatiso kana zvokubata kwechinguvana kana zvipikiri.
Kushandisazve Mbezo
Vachiedza kukurira zvinoratidzika sekusanyatsokwanisa kwemichina yemazuva ano, vamwe vari kutsvaka vanoshandisa chishandiso chokuvezesa mapuranga chekare kare—mbezo. Inorondedzerwa se“chekuvezesa chine muromo wakakombama wakabairirwa pamupini uye chinonyanyoshandiswa kuvezesa mapuranga.” MuNew Zealand, vaMaori vaishandisa mbezo dzakagadzirwa negreenstone (jade) kuveza magwa nekunatsiridza mapango anenge achizovezwa. Zvisinei, mbezo zhinji dziriko mazuva ano, ndedzesimbi.
Mumazana emakore apfuura, vavezi vaishandisa mbezo kunatsiridza nokuereranisa pakuveza zvinhu zvemumba kana kuti pakugadzira ngarava. Vainakisa mapuranga anenge akaiswa pakati petsoka dzavo, vachishandisa muromo wembezo wakakombama vachin’epfura mativi akatenderera kana kuti tukomba pamusoro pedanda.
Mubatsiri Wayo—Drawknife
Ichiwedzera kakumara kechinhu chiri kugadzirwa uye ichibatsira mbezo, drawknife ndechimwe chishandiso chinokosha zvikurusa. Iyi inoshandiswa kunakisa mativi nepamusoro pezvinhu zvematanda. Zvose zviri zviviri mbezo nedrawknife zvinofanira kugara zvichipinza sereza.
Kana wangowana zvishandiso izvi chete, matanho anotevera kutsvaka mapuranga akanaka uye, kuaita kuti ave chero fenicha yaunoda kugadzira. Maererano nevavezi, apa ndipo pakanakira fenicha ine kakumara, yekare kupfuura mitoo yemazuva ano yokugadzira nayo.
Matanda akangochekwa zvachero, chero bedzi akaoma uye asina kumonyaniswa kana kuti kukombama, anogona kugadziriswa fenicha yakasimba uye yakanaka. Mapuranga akadaro anogona kuwanika kunzvimbo dzakasiyana-siyana: fenicha yakaraswa (mawadhiropu, mabhodhi emibhedha, tafura), mabhokisi okuisira zvinhu akasakara, mapango edzimba dzakaputswa, nemapango efenzi.
Matanda Akamboshandiswa—Anogona Kushandiswazve
Matanda akasakara asina kupfukutwa kana kuti kuora anogona kubudisa chinhu chakanaka kwazvo kana akashandiswa nenyanzvi.
Makakanganisika, maburi ezvipikiri, nemakatsveyama zvinogona kuva zvinhu zvinopa chitarisiko chakasiyana pamapuranga akamboshandiswa anogadziriswa fenicha. Chichisiyiwa chakaita zvachiri kana kuti kuiswa ruvara kana porishi, chinhu chako chakagadzirwa nemaoko chichagutsa nokufadza sechinhu chakagadzirwa zvakanaka uye chinogara kwenguva refu.
Sezvinongoita murimi webindu anotimba ivhu, muumbi anokanya ivhu rokuumbisa, uye muruki anogadzira shinda, muvezi anogadzira chinhu nechidimbu chedanda achishandisa mbezo kana kuti drawknife anonakidzwa nazvo. Hongu, ibasa rakaoma. Hongu, zvichatora nguva yakareba kupfuura mitoo inoshandiswa mazuva ano. Zvisinei, kuziva kuti basa rako richava chinhu chinokugutsa uye kuti fenicha yako yakagadzirwa nemaoko ichashandiswa kwenguva refu nemunhu achaiwana zvinowedzera kufara, kwakabvira kare kunowanwa nevanoveza mapuranga.
Mazano Emaitire
Haasi matanda ose akanakira kushandisa mbezo. Rwodzi rwemiti yakaomarara inowanika munzvimbo dzinopisa haiwanzovezeki nembezo. Kazhinji kacho, puranga rakapfava, rakaenzana rinovezeka zvakanaka nembezo. Mapundu haafaniri kunetsa. Uchishandisa gouge (chizera yakakombama), unogona kuaveza kana kuti kuabvisa, zvichiita kuti ubva wagadzira chimwe chinonakisa pamusoro.
Rumwe ruvara rwakanakisisa runowanzowanika mumapuranga anochekwa kubva pamwoyo pemuti. Kashoma kuti fenicha inogadzirwa nawo ide kuiswa ruvara. Zvisinei, kana uchida kuisa ruvara papuranga risina ruvara, pane mavara akawanda aunogona kusarudza.
Kunyange mutoo uyu haufaniri hawo kudhura. Vamwe vakazora girizi remotokari pamatanda ane ruvara rwakacheneruka kana asina ruvara uye vakaona kuti rinonakisa chigadzirwa chacho chemaoko.
Kunatsiridza chigadzirwa chako, kwokupedzisira, pane mapolyurethane kana kuti malacquer angapfapfadzirwa kana kuzorwa pafenicha yacho. Kuti chigadzirwa chako chitarisike sechomusikirwo uchiita seunodyisa kwete kunama, unogona kuzora padanda mafuta akagadzirwa nokutevedzera zvinotevera: zvikamu zvishanu zvevhiniga, zvikamu zvina zveturpentine, zvikamu zviviri zvemafuta elinseed mambishi, nechikamu chimwe chete chemethylated spirits. Nyungudutsira namo yenyuchi mumusanganiswa wako, woita kuti zvinyure mupuranga kwemazuva anoverengeka.
Unyanzvi Hwemaoko Hunogutsa
Fenicha yepuranga yakagadzirwa zvinooneka nemaoko ako icharamba yakanaka painenge iri pakona yaunodisisa yemba yako, hazvinei kuti ingava isinganyanyoshamisiri zvakadini. Munyika yose, mudzimba dzemadzimambo nedzimba duku, munhu anogona kuwana mienzaniso yakawanda inonakidza, dzimwe nguva yemazana emakore apfuura, yefenicha yakagadzirwa nemaoko. Chokwadi izvi zvinopupurira unyanzvi, kushanda nesimba, uye kushivirira kwevanhu vakadaro. Vainzwa vachigutsikana nekufara nokugadzira zvinhu izvo nemhaka yokuchengetedzwa zvakanaka zvine ukoshi hunoshanda norunako. Izvi zvinowedzera kunzwa kwemumwe munhu kuti pane chaaitawo mudzimba dzazvinoshongedza.
Muzera rino, riri kuramba richizara nezvinhu zvepurasitiki nezvinhu zveresin, chipo cheMusiki wedu chemuti chichiri kushanda mabasa akawanda anobatsira. Chimwe chezvinhu zvakanakisisa ndiko kupa matanda anokwezva nyanzvi dzemaoko kuti dziachinje kuva fenicha yakanaka yemapuranga.
[Mifananidzo iri papeji 23]
“Rimu”
“Tawa”
“Oak”
Mupaini we“radiata” une mapundu
Mupaini wakavhanishwa
Mupaini wakazorwa girizi
Mupaini wakasvibirira
[Mifananidzo iri papeji 24]
Kushandisa mbezo
ne“drawknife”
[Mufananidzo uri papeji 25]
“Dresser” yakaitwa nemaoko
[Mufananidzo uri papeji 25]
Sherufu yepakona