RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 11/8 pp. 26-27
  • Utsinye Kumhuka—Hwakaipa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utsinye Kumhuka—Hwakaipa Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Utsinye Hwakaipa?
  • Zororo Kumhuka
  • Mhuka
    Mukai!—2015
  • Mhuka Dzinoenda Kudenga Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kudya Nyama Hakuna Kururama Here?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 11/8 pp. 26-27

Murangariro weBhaibheri

Utsinye Kumhuka—Hwakaipa Here?

MUNHANDARE yemitambo yeAmerica, maziso ose akatuzurira machongwe maviri, rimwe dzvuku, rimwe racho jena. Boka revanhu rinoita zhowe zhowe apo jongwe dzvuku, rinorova jena, nebhemba rakapinza sereza rakasungirirwa pagumbo raro. Refuri anotora shiri dzose dziri mbiri. Chena zvino yati tasa, yafa, uye iri kujuja ropa. Kurwa kwemachongwe kwapera.

Kumaodzanyemba kwePhilippines, mabhiza maviri ari kurwisaniswa. Vanhu vanotarisa zviri kuitika zvinotyisa apo mabhiza acho anorumwa panzeve, muhuro, mhino, nedzimwe nhengo dzemuviri. Kunyange zvazvo ose ari maviri angabuda mudariro ari mapenyu, rimwe kana kuti ose angava aremadzwa kana kuti kupofumadzwa kana kukuvadzwa zvingapedzisira zvaauraya.

Imbwa mbiri muRussia dziri kubvubvana. Munguva pfupi pfupi, maziso atumburwa uye nzeve dzabvaruka bvaruka, dziri kufamba nemakumbo atyoka, ropa richiyerera kubva pamaronda abvamburwa.

Kwemazana emakore munhu akarwisanisa mhuka achiti mutambo, kubhejera kazhinji kuriko kwaikuchidzira. Pandaza yacho panowedzerwa kurwa kwemabhuru, kuvhima mafox, uye kunyange kurwa kwematandadzi. Uyewo, mhuka zhinji dzinotambura padzinoshandiswa muzvinhu zvesayenzi. Uyewo, mhuka dzisingaverengeki dzinotambura nemhaka yekuregeredzwa nevaridzi vadzo, zvimwe nemaune kana kuti kwete.

Mune dzimwe nyika, kune mitemo inodzora kubatwa kwemhuka nokurambidza zviito zveutsinye. Makare kare sa1641, Massachusetts Bay Colony yakagadzira “The Body of Liberties,” yakataura kuti: “Hapana munhu achabvumirwa Kudzvinyirira kana kuti kuitira Utsinye chero Mhuka ipi zvayo inoshandiswa nemunhu.” Kubvira ipapo, pakaiswa mutemo uye vanhu vakaudzwa kutarisisa utsinye hunoitirwa mhuka.

Kunyange zvakadaro, vakawanda vanokurudzira mitambo yekurwa yambodudzwa pamusoro havazvioni sevanhu vanoitira mhuka utsinye. Vamwe vanotaura kuti vanoda mhuka dzavanotambudza noutsinye kana dzavanourayisa. Vanhu vanofarira kurwa kwemachongwe vanotaura kuti shiri dzavo dzinorarama nguva refu kupfuura huku dzinochengeterwa kudya—chokwadi izvi hazvitombonyaradzi kana!

Nei Utsinye Hwakaipa?

Mwari anotibvumira kuzvibatsira nemhuka. Mutemo weBhaibheri unotibvumira kuuraya mhuka tichidya nokuwana zvipfeko kana kuitira kuzvidzivirira pakukuvadzwa nadzo. (Genesi 3:21; 9:3; Eksodho 21:28) Zvisinei, upenyu hunoyera kuna Mwari. Kutonga kwedu mhuka kunofanira kuitwa nekusanyanyisa kunoratidza kuremekedza upenyu. Bhaibheri rinotaura zvakaipa pamusoro pemurume ainzi Nimirodhi, uyo zviri pachena kuti aiuraya mhuka zvichida nevanhu achingoitira hake kunakidzwa.—Genesi 10:9.

Jesu akataura kuitira hanya mhuka kunoita Mwari mumashoko aya: “Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.” (Ruka 12:6) Uyewo, paakafunga kurega kuparadza guta rakanga rizere vanhu vaiita zvakaipa avo vakanga vapfidza, Mwari pachake akataura kuti: “Ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNenivhe, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri . . . , uye zvipfuwo zvizhinji here?” (Jona 4:11) Sezviri pachena kuti, haaoni mhuka sezvinhu zvinoraswa kana wapedza kushandisa, zvinoraswa paunodira.

Paaipa vaIsraeri mitemo, Mwari akavadzidzisa kutarisira mhuka kwakanaka. Akavarayira kudzorera mhuka inenge yarasika kumuridzi wayo kubatsira mhuka dzinenge dzichinetseka. (Eksodho 23:4, 5) Mhuka dzaifanira kubatsirwa nekuzorora kwaiitwa paSabata, sezvaingoitawo vanhu. (Eksodho 23:12) Kwaiva nemitemo yaidzora kubatwa zvakanaka kwemhuka dzaipfuyiwa. (Dheuteronomio 22:10; 25:4) Zviri pachena kuti, mhuka dzaifanira kutarisirwa nokuchengetwa, kwete kushandiswa zvisina kunaka.

Zvirevo 12:10 inotaura zvakajeka maonere aMwari: “Wakarurama une hanya noupenyu hwechipfuwo chake; asi tsitsi dzowakaipa ihasha.” Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoshandura rugwaro urwu sezvinotevera: “Mutsa wemunhu akarurama anouitira kunyange mhuka dzisingatauri, asi munhu akaipa ane utsinye, kunyange paanofunga kuti ari kuita neunyoro.”—Believer’s Bible Commentary, naWilliam MacDonald.

Munhu akarurama anobata mhuka nemutsa anoedza kuziva zvadzinoda. Munhu akaipa angataura nemuromo kuti anoda mhuka, asi “tsitsi,” dzake, chaizvoizvo utsinye. Zviito zvake zvinoburitsa zvinhu zvoudyire zviri mundangariro dzake iye asingazivi. Ndezvechokwadi sei nezveavo vanorwisanisa mhuka vachikarira kuhwina mari!

Zororo Kumhuka

Chokwadi, chinangwa chaMwari chapakuvamba chaiva chokuti munhu ave “nesimba pamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:28) Utsinye kumhuka haubvumidzwi muchinangwa ichocho. Kubatwa zvisina kunaka kwemhuka hakuzoendereri mberi nokusingaperi. Tine chikonzero chokudavira kuti Mwari achagumisa kutambura kwese kusingafaniri kuitika. Asi sei?

Anopikira kubvisa vanhu vose vakaipa nevane utsinye. (Zvirevo 2:22) Pamusoro pemhuka, Hosea 2:18 inoti: “Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; . . . ndivavatise pasi vakachengetwa.” Zvichava zvakanaka sei kurarama munguva iyoyo, apo mamiriro ezvinhu achafadza kwete bedzi vanhu vakarurama asiwo mhuka!

[Mufananidzo uri papeji 26]

“Kurwa Kwemabhuru Mune Mumwe Musha,” naFrancisco Goya

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe