RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 6/8 p. 21
  • Kutaura Nezvemamiriro Ekunze

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutaura Nezvemamiriro Ekunze
  • Mukai!—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvemamiriro Ekunze Uye Ramangwana Redu
    Dzimwe Nyaya
  • Chii Chiri Kuitika Kumamiriro Okunze?
    Mukai!—2003
  • Kusagadzikana Kwemamiriro Ekunze—Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Pasi Riri Kurwara Pane Mushonga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 6/8 p. 21

Kutaura Nezvemamiriro Ekunze

KUPI kana kupi kwaunogara uye hazvinei kuti ndiwe ani, mamiriro ekunze anotapura upenyu hwako. Kana zuva richiratidzika serichapisa, unopfeka mbatya dzakareruka. Kana kuchitonhora, unopfeka jasi neheti. Kunaya here? Unotora samburera yako.

Dzimwe nguva, mamiriro ekunze anotifadza; pane dzimwe nguva, anotitsamwisa. Panhambo nenhambo, anouraya muchimiro chemahurricane, matornado, kusanaya kwemvura yakakwana, kudonha kwechando kune simba, kana kuti mamonsoon. Uchiada kana kuti usingaadi, kuatuka kana kuti kuafuratira, mamiriro ekunze anongogara aripo, achitapura upenyu hwedu kubva pazuva ratinoberekwa kusvika pazuva ratinofa.

Mumwe munhu akamboita musere achiti: “Munhu wese anotaura nezvemamiriro ekunze, asi hapana anoita chinhu pamusoro pawo.” Zvirokwazvo, zvakagara zvichiratidzika kuti mamiriro ekunze haachinjwi nesimba redu munzira ipi neipi. Nenzira inowedzera, zvisinei, vasayendisiti vakawanda havachadaviri izvozvo. Vanotaura kuti kupwititidzirwa mumhepo yakapoteredza pasi redu kwecarbon dioxide nemamwe magasi kuri kuparira kuchinja kwemitoo yedu yemamiriro ekunze emunguva yemberi—mamiriro edu ekunze enzvimbo.

Maererano nenyanzvi dzacho, kuchinja uku kuri kuuya ndekwerudzii? Zvichida mhinduro ine chiremera zvikurusa inobva kuIntergovernmental Panel on Climate Change (IPCC), iyo yakanongedzera kuunyanzvi hwenyanzvi dzezvemamiriro ekunze enzvimbo, nyanzvi dzezveupfumi, uye nyanzvi dzezvengozi dzinobatanidzwa dzine 2 5000 dzaibva kunyika 80. Mumushumo wayo wa1995, IPCC yakagumisa kuti mamiriro ekunze enzvimbo epasi ari kuti dziyei. Mukati mezana remakore riri kutevera, kana zvinhu zvikapfuurira zvakadai, zvinobvira kuti tembiricha ingawedzera ne3,5°C.

Nepo madhigirii mashomanene emuraudzo angasanzwika kuva chimwe chinhu chikuru chokunetsekera, kuchinja kwetembiricha kuduku mumamiriro ekunze enzvimbo yenyika kungagona kuva kune ngwavaira. Zvinotevera ndizvo izvo vakawanda vanofanoona nokuda kwezana remakore riri kuuya.

Kunyanyisa kwemamiriro ekunze enzvimbo. Mune dzimwe nzvimbo, nhambo dzekusanaya kwemvura yakakwana dzingagona kuti rebei, nepo mune dzimwe, mvura inonaya ingagona kuti wandisei. Mvura inonaya nemhepo ine simba nemafashamo zvingagona kuva zvakakomba; mahurricane, achinyanya kukuvadza. Kunyange zvazvo mamiriyoni ari kutofa nemhaka yemafashamo nenzara, kudziya kwenyika yose kungagona kuwedzera chiverengero chevanofa zvikuru.

Ngozi yakawedzerwa kuutano. Kurwara nekufa zvine chekuita nekupisa zvingagona kuwedzera. Maererano neWorld Health Organization, kudziya kwekunze kungagona kuparirawo kukura kwenzvimbo ine zvipembenene zvinoparira hosha dzenzvimbo dzinopisa dzepasi, dzakadai semarariya nedengue. Mukuwedzera, migove yemvura yakachena yakaderera nemhaka yekuchinja kwemanayire emvura nekudonha kwemazaya echando munzvimbo kungagona kuparira kuwedzera kwedzimwe hosha dzinopfuudzwa nemumvura nemuzvokudya uye zvisvetaropa.

Nharaunda dzinogarwa dzemusikirwo dzinotyisidzirwa. Masango nenzvimbo dzinogara dziri nyoro, zvinosefa mhepo nemvura yedu, zvingagona kuiswa mungozi nekudziya nekuchinja kwemvura inonaya. Moto yemasango ingagona kukomba.

Kukwira kwemwero yegungwa. Avo vanogara munzvimbo dzakaderera dzekumahombekombe vangafanira kutama kutoti basa rinodhura rikaitwa kudzora gungwa. Zvimwe zvitsuwa zvinganyudzwa chose chose.

Kutya kwakadaro kunoruramiswa here? Mamiriro ekunze enzvimbo epasi ari kuti dziyei here? Kana zvakadaro, imhaka yevanhu here? Nezvinhu zvakawanda zvakadaro zviri mungozi, hazvishamisi kuti nyanzvi dzinoitisana nharo dzinotyisa pamusoro pemibvunzo iyi. Nyaya mbiri dzinotevera dzinoongorora dzimwe dzenhau dzinobatanidzwa ndokubata nemubvunzo wokuti tinofanira here kunetseka pamusoro penguva yemberi yepasi redu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe