Hondo Isingahwinhwi Mukurwisana Neutsotsi
“UTSOTSI hwaigona kudzorwa nokukurumidza kudai munhu wose akagadzirira kuita nhamburiko,” aichimbova mutungamiriri weMetropolitan Police anonzi akataura kudaro muLiverpool Daily Post yeEngland. Zvirokwazvo, kudai munhu wose aiteerera mutemo, utsotsi hwaizonyangarika.
Asi, munzvimbo zhinjisa utsotsi huri kuwedzera. Mashoko akataurwa zviuru zvemakore zvapfuura anoshanda kunguva yedu: “Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana.” (Genesi 6:11)—Ona bhokisi riri papeji inotevera.
Utsotsi Hunotanga Nezvinhu Zviduku
Kupfurikidza nokuputsa mutemo muzvinhu zviduku, mumwe munhu anogona kujaira kuuputsa muzvinhu zvikuru. Kuti vadzidzi vake vanzwisise idi iri, mumwe mudzidzisi akatsanangura kuti: “Mbavha dzemabhangi dzinotanga nokuba mapenzura kuchikoro.”
Gare gare, chii chinowanzoitika pabasa? Vanhu vanorovha basa nemhaka yekunonzi kurwara uye ipapo vanogamuchira rubatsiro rwemari yavasingafaniri. Muitiro uyu wokusatendeseka unozivikanwa zvikuru kupfuura izvo mumwe munhu angafungidzira. MuGermany, somuenzaniso, zvikamu 6 muzana zvemazuva anotorwa nevashandi nemhaka yokurwara zvinotorwa musi weChitatu, 10 muzana musi weChipiri, uye 16 muzana musi weChina, asi chikamu chikuru zvikuru che31 muzana chinotorwa musi weMuvhuro, chichikundwa ne37 muzana musi weChishanu! Vanhu vanorwara chaizvoizvo kazhinji kazhinji musi woMuvhuro neChishanu, kana kuti uyu ndemumwe mutoo wokuba nawo chete here?
Ndivanaani Vari Matsotsi Acho?
Chokwadika, zviito zveutsotsi zvinoitwa nevanhuwo zvavo hazviwanzova nemigumisiro yakafanana nezvinoitwa nevanhu vane chiremera. Mumavambo ema1970, United States yakazunguzwa neutsotsi hwezvamatongerwe enyika hwakakomba kwazvo zvokuti zita raibatanidzwa nahwo rakatova rutivi rwomutauro wechiNgezi.
“Watergate,” maererano neBarnhart Dictionary of New English, “chinhu chinonyadzisa, zvikurukuru chinobatanidza kuedza kuvanza mashoko anoshatisa mukurumbira kana kuti miitiro isiri pamutemo.”a Ipapo rinowedzera kuti: “Nhau yeWatergate yakasiya pesvedzero yakasimba pamutauro wema1970. Shoko racho rakaparira kuumbwa kwemashoko akasiyana-siyana uye chimiro cha-gate, chinoshandiswa kureva chinhu chinonyadzisa kana kuti uori.”
Kubvira panguva iyoyo maWatergate api neapi akaratidza kuti utsotsi hwakapararira, kunyange pakati peavo vanofanira kuva vomuenzaniso mukuchengetedza mutemo. MuJapan uori hwezvamatongerwe enyika hwakava hwakapararira kwazvo zvokuti mitemo mitsva yaifanira kuitwa mumavambo ema1990 mukurwisana nahwo. Muna 1992 purezidhendi weBrazil akasiyiswa basa nemhaka yekupomerwa uori.
Hazvina kujeka kuti kukanganisa kweavo vari munzvimbo dzine chiremera, kubatanidza vabereki, vadzidzisi vechikoro, uye vanotarisira kuchengetedzwa kwemitemo, kunoparirawo utsotsi hwevanhuwo zvavo here?
Vavariro Dzakanaka Hadzina Kukwana
Vanhu vazhinjisa vangabvuma kuti hurumende dzinoda kupedza utsotsi. Asi, mumwe mukuru mukuru akarega basa akataura pamusoro penyika yake kuti: “Hurumende yakaita zvishomanene zvikuru kuita kuti gadziriro yokururamisira ishande nokukurumidza uye nokubudirira. Hapana vatongi vakakwana, naizvozvo vashoma vatinavo vanoshanda zvinopfuura mwero. Mapurisa mashoma uye haana zvokushandisa zvakakwana. Pane dzimwe nguva mapurisa haapiwi mari yawo nenguva, zvinovaisa pamuedzo mukuru wokugamuchira chiokomuhomwe.”
Magazini yeItaly La Civiltà Cattolica inochema “kusava nesimba kweHurumende mukutarisana neutsotsi hwakarongwa” uye ipapo inoti: “Kuzvipira kwevanotarisira kuchengetedzwa kwemitemo mukurwisa utsotsi kunobvumwa, asi kuri pachena kuti utsotsi hwakarongwa hautombotapurwi; mukupesana, simba rahwo rinokura.”
Nenzira yakajeka vavariro dzakanaka dzehurumende dzokurwisa utsotsi hadzina kukwana. Anita Gradin, mumiririri weEurope wenhau dzokupinda kwevanhu munyika nokutongwa kwemhosva, akataura zvakarurama kuti: “Tinoda mitoo yokushandisa iri nani, inobudirira zvikuru kuti pave nokubatira pamwe muhondo yokurwisa kuverevedzwa nokutengeswa kwemirimo zvisiri pamutemo, kuverevedza kwevanhu munyika zvisiri pamutemo uye, utsotsi hwakarongwa, kubiridzira uye uori.”
Vakuru Vakuru Vezvemitemo Vakazvipira Sei?
Vamwe havana chokwadi kana zviremera zvichizvipira chaizvoizvo pakurwisa utsotsi. Aichimbova mukuru wemapurisa mune imwe nyika anotaura kuti munhu wose, “anoshora uori noutsotsi hwemari” pachena. Asi, anotaura kuti, hapana chishuvo chepachokwadi chavose chokupedza utsotsi nouori. Nhamba inokura yevanhu—kubatanidza vakuru vakuru vemutemo—sezvinooneka vanoona chiokomuhomwe, kubiridzira, uye kuba senzira dzinogamuchirwa dzokufambira mberi nadzo.
Idi rokuti vakawanda “vanoita utsotsi vanoenda vasina zvavaitwa,” semataurire akaita mumwe anotarisira kupinzwa nokubudiswa kwezvinhu munyika, pasina mubvunzo ndechimwe chikonzero chinoparira kuwedzera kweutsotsi. Somuenzaniso, chinyorwa cheRussia chinotaura nezve“kuva nyore uko matsotsi anopukunyuka nako asingarangwi.” Chinyorwa chacho chinowedzera kuti, izvi “zvinoita sezvinokurudzira vagariwo zvavo venyika kuita utsotsi hwoutsinye hwakaipisisa.” Izvi ndizvo chaizvo zvakataurwa nomunyori weBhaibheri anenge makore 3 000 apfuura kuti: “Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.”—Muparidzi 8:11.
Hakusi kuwedzera kutaura kuti hurumende dziri kurwa hondo isingahwinhi neutsotsi. Pepanhau reGermany Rheinischer Merkur rinotsinhira kuti: “Kutya kwevanhu kuwedzera kweutsotsi hwamasimba masimba kwadzika midzi uye hakugoni kuderedzwa nemagakava enguva dzose emapato ezvamatongerwe enyika kana kuti nenhamba dzinokarakadza kuti mamiriro acho ezvinhu haana kushata sezvaangaratidzika kuva.”
Panzvimbo pokuti utsotsi hauna kunyanyoipa sezvahunoratidzika kuva, sezvingabvira zvikuru chokwadi ndechokuti ndizvo zvahwakaita. Asi, pane mukana wokuva netariro. Nyika isina utsotsi iri kuramba ichiswedera pedyo zvikuru, uye ungaiona. Nyaya inotevera icharatidza kuti chikonzero nei tichitaura kudaro.
[Mashoko Omuzasi]
a Nhau yeWatergate yakatumidzwa kudaro nemhaka yokuti kupazwa kwechivako chaiva nezita iroro ndiko kwakafumura nhau yacho. Chinonyadzisa chacho pakupedzisira chakatungamirira Purezidhendi Richard Nixon kuti arambe basa uye kuti vanoverengeka vaimupa zano vapamusoro vaiswe mujeri.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Vanhu vakawanda vanoona utsotsi senzira inogamuchirwa yokufambira mberi nayo
[Bhokisi riri papeji 5]
Pasi Rakazadzwa Nemasimba Masimba
BRAZIL: “Nemhaka yokuwedzera kwemasimba masimba, mazana ezviuru zvevanhu akazadza migwagwa yeguta [reRio de Janeiro], achiratidzira kutya nekutsamwa pamusoro peutsotsi hwaita kuti guta rawo rive nhapwa.”—International Herald Tribune.
CHINA: “Magen’a ari kudzokazve muChina uye utsotsi hukuru huri kuratidzika kuva husingadzoreki. . . . Nyanzvi dzeChina dzinotaura kuti nhamba dzemagen’a ne‘masangano epachivande’ dziri kukura nokukurumidza kupfuura idzo mapurisa anogona kuverenga.”—The New York Times.
GERMANY: “Mukaha uri pakati pokuda kuita masimba masimba nemamiriro ezvinhu anosunda munhu kuita kudaro wave uchivharika zvishoma nezvishoma. Naizvozvo hazvishamisi kuti masimba masimba azova chiitiko chemazuva ose.”—Rheinischer Merkur.
GREAT BRITAIN: “Mwero wemasimba masimba wakwirira uye pane kubvira kunowedzerwa kwokuti tsotsi richangotanga nokushandisa masimba masimba.”—The Independent.
IRELAND: “Mapoka ematsotsi echiMafia adzika midzi mukati chaimo meDublin nemumasabhabha ayo okumadokero ane urombo. Magen’a ari kuramba achiva nezvombo zvinonyatsoshanda.”—The Economist.
MEXICO: “Utsotsi hwawedzera nokukurumidza kwazvo munguva pfupi-pfupi zvokuti zviri kutyisa.”—The Wall Street Journal.
NIGERIA: “Mhuri, machechi, mamosque, zvikoro uye makirabhu zvakundikana kuita basa razvo rokudzivisa pwere kuita utsotsi, maererano nomumiririri wemapurisa, Mr. Frank Odita.”—Daily Champion.
PHILIPPINES: “Nhanhatu pamhuri gumi muPhilippines dzinotaura kuti hadzinzwi dzakachengeteka mudzimba dzadzo kana kuti pamigwagwa.”—Asiaweek.
RUSSIA: “Magen’a anenge echiMafia achinja guta iro mumazuva eSoviet raiva rimwe reakachengeteka zvikurusa munyika kuva rinenge dzimbahwe rematsotsi. . . . ‘Mumakore angu 17 ebasa,’ anodaro mukuru wemapurisa Gennadi Groshikova, ‘Handisati ndamboona utsotsi hwakadaro muMoscow, kunyange kuona chinhu chipi nechipi chinorura zvakadaro.’”—Time.
SOUTH AFRICA: “Masimba masimba anoita seasingadzoreki ari kutyisidzira mumwe nemumwe wedu, uye zvose zvatinoita—uye chimwe chinhu chinonyatsoshanda chinofanira kuitwa.”—The Star.
TAIWAN: “MuTaiwan . . . kuwedzera kwoumbavha, kurwisa uye kuuraya zvakapinda zvishoma nezvishoma munzanga . . . Zvirokwazvo, mwero yeutsotsi iri kuwedzera zvishoma nezvishoma mune zvimwe zvinoitika kukunda yenyika dzokuMadokero.”—The New York Times.
UNITED STATES: “U.S. ndiyo nyika ine masimba masimba kupfuura dzose munyika dzinogadzira zvinhu. . . . Hapana imwezve nyika inogadzira zvinhu inotevera.”—Time.