Neiko Kune Utsotsi Hwakawanda Kudaro?
“UTSOTSI hwakawanda zvikurusa huri pazvinhu,” inodaro bhurocha yehurumende yeBritain. Bva, munyika iyoyo utsotsi hwamasimba masimba pavanhu hunoshumwa kuva “chimiro chinowedzera nokukurumidza zvikurusa choutsotsi,” kunyange zvazvo huchiumba 5 muzana bedzi yemhaka dzose.
Uyu mugariro unoratidzira wedzero youtsotsi munyika yose. Kutsausa ndege kana kuti motokari, kuba wakashongedzerwa nezvombo, kubata chibharo, uye zvimwe zviito zvamasimba masimba zvinoratidzirwa nguva dzose muzvikamu zvamapepanhau enyika, kazhinji kazhinji zvichikweva ngwariro huru kupfuura mishumo youtsotsi husina masimba masimba. Sezviri pachena, ipapoka, zvose zviri zviviri iwe nezvinhu zvako mungava chipfuro choutsotsi. Asi neiko? Chii chinosunda vanhu kuva matsotsi?
Matsotsi akawanda vanhu vanotsvaka mabanza. Somuuyo, zviremera zvinoedza kukurira wedzero youtsotsi kupfurikidza nokukurudzira vanhu kuva vanoziva zvikuru nezvezvinoitika munharaunda yavo. Nepo gadziriro dzakadaro dzichishandiswa kuedza kudzivisa zviito zvoutsotsi, ko idzo dzinoregedzesa vanhu kuva matsotsi here? Aiwa.
Hunhu hwetsotsi inhau yefundo huru. Nenzira inofadza, Shoko raMwari, Bhaibheri, rinogovera nzwisiso pakufunga kwetsotsi pakunyevera majaya nezvaavo vanoti nenzira yokunyengera: “Handei; ngatitsvakei mumwe munhu wokuuraya! Ngatidenhei vanhu vasina mhaka nokuda kwomufaro! Vangave vari vapenyu uye vari vakukutu patinovawana, asi ivo vachava vafa patinenge tapedza navo! Tichawana marudzi ose epfuma ndokuzadza dzimba dzedu nezvakapambwa! Uya utikumbanire, uye isu tose tichagoverana zvatinoba.” (Zvirevo 1:11-14, Today’s English Version) Hungu, makaro, ruchiva, uye murangariro wokudisa zvenyika zvinokurudzira utsotsi.
Kushandisa mirimo zvisakafanira nomufarwa zvinodzorawo kufunga kwavazhinji muzana rino ramakore rechi 20. Mari inodikanwa kubhadhara zvokunyanyisa, kunyange kana kuchida kukuvadza mumwe kana kuparadza upenyu hwake kuwana mari. Muidzi ‘nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo,’ zvamazvirokwazvo ndokwechokwadi nezvechiverengero chinokura chavanhu kuti “vanomhanyira muutsotsi, vanodisa kudeura ropa.”—2 Timotio 3:1, 3, 4; Zvirevo 1:16, The New English Bible.
Utsotsi “imhaka yakakomba zvikuru[kuru] patsika,” inodaro Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary. Tiri kurarama muzera rokupunzika kwetsika. Muapostora Pauro akanyevera maKristu eEfeso nezvavanhu “vanofamba mukusabetsera kwendangariro dzavo, zvavachiri murima mundangariro, uye vasina upenyu hwaMwari, nemhaka yokusaziva kuri mavari, nemhaka youkukutu hwemwoyo yavo. [Ivava] vakava vasitongorina pfungwa yose yetsika.” Nenzira yakafanana, tinofanira kuteerera nhasi.—VaEfeso 4:17-19, NW.
Ko wedzero yamatepi akarekodhwa evhidhio outsinye, kukudzwa kwehondo, uye kurondwa kwoudyire kwemifarwa youtere hazvigoveri zvose kukuita kuti vamwe vave matsotsi vachiita kuti vanhu vasine mhaka vave chipfuro choutsotsi here? Asi kuchine chimwe chinhu mugadziriro youtsotsi. Ichochi chii?
NdiSatani Dhiabhorosi. Hasha dzake dzinobatidza mwoto wamasimba masimba asina musoro noutsotsi izvo zvinoratidzira nyika ino yazvino. (1 Johane 5:19; Zvakazarurwa 12:12) Donzo rake kubvisa vanhu vose kuna Mwari wechokwadi, Jehovha. Kunyange zvazvo iye angabudirira navazhinji, Bhaibheri rinozivisa nenzira youporofita kuti iye achakundikana kupunza perero yavabatiri vechokwadi vaMwari. Pakupedzisira, Satani achabviswa. Bva, kunyange Satani abviswa munzira, ikoko kuchareva mugumo woutsotsi here? Uye mugumo woutsotsi zvino wava pedyo here?