Paradhiso Isina Zvinetso—Chichava Chinhu Chaichoicho Nokukurumidza
“UCHAVA neni muParadhiso.” Mashoko iwayo akanyaradza sei murume aiva nechinyorwa choutsotsi! Aiwa, kwete kuti airangarira kuti aizodzivisa kuenda kuhero inopisa ndokuenda kudenga apo aizofa. Panzvimbo pezvo, mbavha yaiva parutivi paJesu yakanyaradzwa netariro yokuti yaizomutsirwazve kuupenyu apo Paradhiso yaizodzorerwa kupasi. Cherechedzai, tapota, kuti ndiani anotaura zvakajeka kudaro pamusoro peParadhiso—Mwanakomana waMwari amene, Jesu Kristu.—Ruka 23:43.
Chii chakasunda chipikirwa cheParadhiso chaKristu? Mbavha yakanga yakumbira kuti: “Jesu mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!” (Ruka 23:42) Umambo uhu chii, uye kubatanai kuripo pakati pahwo neparadhiso yapasi? Izvi zvinovimbisa sei kuti Paradhiso yacho ichava isina zvinetso?
Simba Rinoparira Paradhiso
Uchabvuma kuti paradhiso yechokwadi inogona bedzi kuvapo pasi apo zvinetso zvose zvanhasi zvinenge zvabva. Kusvika pari zvino nhamburiko dzomunhu dzokuzvibvisa dzakundikana, seizvo nhau inopupurira zvakakwana. Muporofita wechiHebheru Jeremia akabvuma kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Ndiani, Ipapo, anogona kupedza zvinetso zvanhasi zvose?
Kunyanyisa Kwamamirire Okunze Nokushatsa. Apo dutu rinotyisa pamusoro peGungwa reGarirea rakaparira mafungu makuru zvakakwana zvokutyisidzira igwa nokuputsika, vakwasvi vemagwa vakamutsa wavaifamba naye muhope dzake huru. Uyewo, iye akangoti zvake kugungwa: “Nyarara, udzikame!” Nhoroondo yeEvhangeri yaMarko inorondedzera zvakaitika: “Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo.” (Marko 4:39) Wavaifamba naye iyeye akanga asiri mumwe kunze kwaJesu. Aiva nesimba rokudzora mamirire okunze.
Aiva Jesu mumwe cheteyu akafanotaura kupfurikidza nomuapostora Johane kuti nguva yaizosvika apo Mwari “aizoparadz[a] avo vanoparadza nyika.” (Zvakazarurwa 1:1; 11:18) Ichi hachisi chiito chisingabviri kune Uyo akaparadza nyika yose yavanhu vasingadi Mwari muMafashamo omuzuva raNoa.—2 Petro 3:5, 6.
Utsotsi Namasimba Masimba. Bhaibheri rinopikira kuti: “Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:9, 11) Zvakare ndiMwari, Jehovha, anopikira kubvisa utsotsi hwose namasimba masimba, achichengetera vanyoro Paradhiso.
Urombo Nenzara. Kusaruramisira kwomuzuva razvino kunobvumidza hurumende mune imwe nzvimbo yenyika kuchengeta zvokudya zvakawanda “mumatutu” nepo panguva imwe cheteyo nyika dzine urombo dzichipfuurira kutambura muurombo. Masangano anoyamura, achitsigirwa navanhu anoitira hanya kupote nyika yose, anoedza kugovera zviri madikanwa asi kazhinji kazhinji anokundikana apo zvirongwa zvokuparadzira zvinokundikana nemhaka yokushayikwa kwomutemo nenhevedzano. Enzanisa neizvo muporofita Isaya akanyora: “Pagomo iri Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.” (Isaya 25:6) Hazvinzwiki sokunge nzara nokurumwa nenzara zvichange zvisisipo here? Zvirokwazvo.
Hondo. Kuedza kutonga pasi rino kupfurikidza nesimba rinotonga marudzi ose kwakabvumikisa kuva kusingabudiriri. Chinzwano Chamarudzi, chakatangwa muna 1920, chakakundikana kudzivisa kutanga kweHondo Yenyika II uye chakaparara. Sangano roMubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, kazhinji kazhinji kwazvo rakarumbidzwa setariro yakanakisisa yorugare, rinotamburira kuchengeta mativi anorwisana akaparadzana munzvimbo dzine kurwisana. Pasinei zvapo nenhamburiko dzaro dzorugare dzinoziviswa, hondo dzizere, dzingava dzavagari vemo, dzamadzinza, kana kuti dzenzanga. Hurumende yaMwari yoUmambo inopikira kubvisa mapoka anorwisana azvino ndokudzidzisa vadzorwi vayo nzira dzorugare.—Isaya 2:2-4; Dhanieri 2:44.
Kuputsika Kwemhuri Nokwetsika. Kuparara kwemhuri kwakapararira. Kusindimara kwavaduku kwawanda. Unzenza hwapinda mumwero yose yenzanga yomunhu. Bva, mipimo yaMwari yakaramba isingachinji kubva pamavambo. Jesu akapupurira kuti “murume uchasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe. . . . Zvino, izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” (Mateo 19:5, 6) Jehovha Mwari akarayirazve kuti: “Kudza baba vako namai . . . kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.” (VaEfeso 6:2, 3) Mipimo yakadaro ichatekeshera pasi pano muUmambo hwaMwari.
Chirwere Norufu. “Jehovha . . . uchatiponesa,” akapikira kudaro muporofita Isaya, “hakuna ugeremo uchati: ndinorwara.” (Isaya 33:22, 24) “Mubayiro wezvivi ndirwo rufu,” akadaro muapostora wechiKristu Pauro, “asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu.”—VaRoma 6:23.
Jehovha Mwari achapedza zvinetso izvi zvose kupfurikidza nehurumende yake yokudenga iri mumaoko oMwanakomana wake, Jesu Kristu. Zvisinei, ungati, ‘Izvi zvinoratidzika sechiroto cheUtopia. Zvirokwazvo, zvaizofadza kudai zvaizoitika, asi zvichaitika here?’
Chinhu Chaichoicho Chiripo
Kuvakawanda, kubvira kwokugara muparadhiso isina zvinetso pasi pano chaipo kunonzwika setariro isiri yechokwadi. Kana ariwo marangarire ako, nzvera ufakazi hunoratidza kuti izvi zvichaitika chaizvoizvo.
Zvapupu zvaJehovha inzanga yamarudzi akawanda yazvino yavanhu vanopfuura mamiriyoni mashanu avo nechekare vane mhoteredzo ine zvinetso zvishoma muungano dzavo 82 000 dzakapararira munyika 233. Ungashanyira upi noupi wemisangano yavo, miduku kana kuti mikuru, uye uchawanei?
(1) Mhoteredzo Inofadza, Yakachena. Achitsinhira pamusoro peimwe kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muNorwich, England, maneja wenhandare yenhabvu akati: “Mhoteredzo ine rugare pamazuva mana . . . inokwezva. Unonzwa rugare rwomunhu oga rwakasiyana chose chose namamwe mazuva api naapi mana munyika inodzvinyirira yebhizimisi noupenyu hwezuva nezuva makatipoteredza. Chaizvoizvo Zvapupu zvine chimwe chinhu chakasiyana pazviri uye chakaoma kutsanangura.”
Mupi wezano wokurovedza weindasitiri yokuvaka uyo akashanyira mahofisi eLondon eZvapupu zvaJehovha akati: “Ndakaororwa zvikurusa nezvose zviri zviviri zvandakaona nezvandakanzwa uye ndakaororwa kwazvo nemhoteredzo yorugare rwakakwana norunyararo rwuri kwete bedzi muzvivako zvenyu asiwo pakati pe[varume navakadzi]. Ndinorangarira kuti mararamire enyu nomufaro zvine zvakawanda zvokudzidzisa nyika ino yatambudzwa.”
(2) Kuchengeteka Norugare. Munyori wenyaya dzepepenhau reJournal de Montréal muCanada akanyora kuti: “Handisi Chapupu. Asi ndiri chapupu cheidi rokuti Zvapupu zvine ufakazi hwokushanda zvakanaka nomufambiro wakafanira. . . . Kudai zvaiva izvo zvoga munyika, tingadai tisingakiyi misuo yedu nokuisa alarm yamatsotsi usiku.”
(3) Kuvimbika Kuhurumende yoUmambo hwaMwari kunoratidzira Zvapupu. Chimiro chavo chokusatora rutivi chinokangaidza vamwe, kunyange zvazvo chisingafaniri. Kusabatanidzwa kwavo muzvirongwa zvechinguvana zvomuzuva razvino zvezvamatongerwe enyika hakubvi mukushayikwa kwokufarira kuvandudza nzanga. Panzvimbo pezvo, zvinoedza kuzvibata nenzira inofadza uyo anotonga nehurumende yokudenga, uyo ari, Musiki wapasi, Jehovha Mwari.
Zvitendero zveZvapupu, zvakavakirwa chose chose paShoko raMwari, Bhaibheri, zvinozvidzivirira pakubatwa mumusungo wokuva sekete. Zvinofarira nomutsa vamwe vanhu vose, vorudzidziso rwupi norwupi zvarwo. Aiwa, hazviedzi kumanikidza vanhu ava kuti vachinje mirangariro yavo. Zvinoedza kutevedzera Mutungamiriri wazvo, Jesu Kristu, kupfurikidza nokupa ufakazi hwamaMagwaro hweParadhiso isina zvinetso ichakurumidza kuvapo pasi pano.—Mateo 28:19, 20; 1 Petro 2:21.
(4) Utano Hwomudzimu Nomufaro. Chaizvoizvo, Zvapupu zvaJehovha hazvitauri kuva zvisina zvinetso chose chose panguva ino. Izvi hazvibviri pakati pavanhu vane chiratidzo chechivi chakagarwa nhaka kuna Adhama. Asi nebetsero yomudzimu mutsvene waMwari, zvinoshanda kukudziridza mavara ounhu akadai so“rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nounyoro, nokuzvidzora.” (VaGaratia 5:22, 23) Ndiko kunamata kwazvo Jehovha kupfurikidza naKristu Jesu kunozvibatanidza nokuchengeta tariro yazvo iri mhenyu.
Kushanyira kwako nzvimbo yemisangano yeZvapupu yomunzvimbomo, tinovimba, kuchakupwisa kuti Mwari achachinja pasi kuva paradhiso chaiyoiyo.
Zvinetso zvomuzuva rino zvichave zvabva. Kunyange kusakwana kunosaririra pashoma napashoma kuchabva sezvo betsero dzechibayiro chorudzikinuro chaKristu dzinoshandiswa parudzi rwomunhu rwunoteerera. Hongu, utano hwakakwana nomufaro zvinogona kuva zvako.
Kugadzirira kwakapfava kuchakubetsera kufarikanya kariro yakadaro. Kumbira Zvapupu kopi yako yomunhu oga yebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.a Naro unogona, kudzidza munguva pfupi, izvo Mwari anoda kwauri kuitira kuti iwewo ugofarikanya upenyu muparadhiso isina zvinetso nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]
Zvitendero zveZvapupu, zvakavakirwa chose chose paBhaibheri, zvinozvidzivirira pakuva sekete
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Hwaro huri kuvanzarikwa zvino nokuda kweparadhiso isina zvinetso
Nokukurumidza, paradhiso yokunyama ichavapo pasi rose