Murangariro weBhaibheri
Kuzvinyima Ndiyo Kiyi Youchenjeri Here?
“VANOZVIPARADZANISA navamwe vaipfeka ngetani, cheni, mabhande ane minzwa nezvipika zvine minzwa . . . Vamwe vaiumburuka muminzwa nemuzvikwenye, vakakwezva noune kurumwa nezvipembenene, vakazvipisa nomoto ndokurwadzisa maronda avo kuti aputike urwa. Kuzviziyisa nenzara nokudya zvishoma kuchiva kwenguva dzose, vamwe vakavandudza izvozvi kupfurikidza nokudya zvokudya zvakaora kana kuti zvimwe zvinosemesa chete.”—The Saints, rakanyorwa naEdith Simon.
Ava vaiva vanozvinyima. Nei vaizvibata nenzira yakaipa kudaro? Mubhuku rinonzi For the Sake of the World—The Spirit of Buddhist and Christian Monasticism, vanyori vanotsanangura kuti “kubva munenge munguva yaSocrates (zana ramakore rechishanu B.C.E.), kwakanga kwave kuchinzwisiswa zvikuru kuti upenyu hwokuva nezvinhu zvinokosha chete, husingaremedzwi nezvinhu zvoumbozha zvenyama nezvenyika, chaiva chinodikanwa kuti pave nouchenjeri hwechokwadi.” Vanozvinyima vairangarira kuti kuramba zvishuvo zvomuviri kwaizokudza murangariro wavo womudzimu ndokutungamirira pakuvhenekerwa kwechokwadi.
Zvakaoma kurondedzera kuzvinyima zvakarurama. Kuna vamwe, zvinongoreva kuzviranga kana kuti kuzvinyima. VaKristu vapakuvamba vaikoshesa mavara akadaro. (VaGaratia 5:22, 23; VaKorose 3:5) Jesu Kristu pachake akakurudzira upenyu hwakapfava husingavhiringidzwi nokufunganya kunogona kuunzwa namararamire okudisa zvenyika. (Mateo 6:19-33) Kazhinji kazhinji zvikuru, kunyange zvakadaro, kuzvinyima kunobatanidzwa nezviito zvakaoma zvikuru kwazvo uye kazhinji kazhinji zvokunyanyisa, zvakaita sezvarondedzerwa pamusoro apa. Iyi miitiro yokuzvinyima, zvikurukuru muzvimiro zvayo zvokunyanyisa, chaizvoizvo ikiyi youchenjeri here?
Yakavakirwa Pafungidziro Dzenhema
Pakati pouzivi hwakaparira kuzvinyima pane pfungwa yokuti zvinhu zvekunyama nemifarwa yomuviri pachazvo zvakaipa uye nokudaro imhinganidzo pakufambira mberi kwomudzimu. Mumwe murangariro unodziurira nzira yokuzvinyima chitendero chinogamuchirwa zvikuru chokuti munhu akaitwa nomuviri nomweya. Vanozvinyima vanodavira kuti muviri wenyama itorongo romweya uye kuti nyama muvengi wawo.
Bhaibheri rinotii? Magwaro anoratidza kuti apo Mwari akapedza chisiko chake chapasi, akati zvose zvaakanga aita—chisiko chake chose chenyama—chakanga “[cha]kanaka kwazvo.” (Genesi 1:31) Mwari aida kuti murume nomukadzi vaiva mubindu reEdheni vafarikanye zvinhu zvokunyama. Zita rimene rokuti Edheni rinoreva kuti “Mufarwa” kana kuti “Mufaro.” (Genesi 2:8, 9) Adhama naEva vakanga vakakwana uye vaifarikanya ukama hwakanaka noMusiki wavo kusvikira vatadza. Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, kusakwana kwakava mhinganidzo pakati paMwari nomunhu. Bva, kugutsa zvishuvo zvakanaka zvomunhu kana kuti kufarikanya mifarwa yekunyama yakapiwa naMwari apo kunoitwa mutsinhirano nemitemo yaMwari yetsika kwaisatongogona kuita mhinganidzo pakati paMwari navanamati vake!—Pisarema 145:16.
Mukuwedzera, Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti munhu, akasikwa neguruva uye akaitwa wenyama, ndiye mweya. Magwaro haatsigiri mufungo wokuti mweya rudzi rwechimwe chinhu chisiri chenyama uye chisingafi chiri mukati momuviri wenyama kana pfungwa yokuti neimwe nzira nyama inodzivisa munhu kuva noukama hwapedyo naMwari.—Genesi 2:7.
Nenzira yakajeka, murangariro wokuzvinyima unoratidzira chiono chakaipa choukama hwomunhu naMwari. Muapostora Pauro akanyevera kuti vamwe vaiti vaKristu vaizoda uzivi hunonyengera hwavanhu kupfuura zvokwadi huru dzeBhaibheri. (1 Timotio 4:1-5) Pamusoro pavamwe vaiva nomurangariro uyu, wezvenhau worudzidziso anoti: “Chitendero chokuti zvinhu zvenyama zvakaipa . . . uye kuti mweya womunhu unofanira kusunungurwa pakusungwa nenyama, chakaparira kuzvinyima kwokunyanyisa kunorambidza kudya nyama, vatano nezvimwe zvakadaro, zvaigona kuitwa bedzi navakakwirira ‘vakakwana’ kana kuti vaperfecti avo vaiitirwa mutambo chaiwo wokugamuchirwa.” Kufunga kwakadai hakuna tsigiro yeBhaibheri uye kwakanga kusiri chitendero chavaKristu vapakuvamba.—Zvirevo 5:15-19; 1 VaKorinte 7:4, 5; VaHebheru 13:4.
Hapana Kudikanwa Kwokuzvinyima
Jesu navadzidzi vake vakanga vasingazvinyimi. Vakatsungirira miedzo yakasiyana-siyana nokutambudzwa, asi uku kutambudzwa kwakanga kusiri kwokuzviparira. Muapostora Pauro akanyevera vaKristu kungwarira kutyira kuti zvimwe uzivi hwomunhu hunonyengera hungavanyengedza kubva pachokwadi cheShoko raMwari ndokuvatungamirira kupinda mumiitiro isina mufungo, yokunyanyisa. Pauro akadudza zvakananga “kutambudza muviri.” Akati: “Zvinhu zvakadaro zvakaita sezvine uchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvine simba rokukunda kuchiva kwenyama.” (VaKorose 2:8, 23) Kuzvinyima hakutungamiriri kuutsvene chaihwo kana kuti pakuvhenekerwa chaikoiko.
Chokwadi, nzira yokuteerera kwechiKristu inoreva kushanda nesimba nokuzviranga. (Ruka 13:24; 1 VaKorinte 9:27) Munhu anofanira kushanda nesimba kuti awane zivo yaMwari. (Zvirevo 2:1-6) Uyewo, Bhaibheri rine zano rakasimba rinorambidza kupinzwa muuranda no“kuchiva kuzhinji na[ve]zvose zvinofadza” uye kuva “vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.” (Tito 3:3; 2 Timotio 3:4, 5) Zvisinei, izvi zvikamu zvaMagwaro hazvitsigiri muitiro wokuzvinyima. Jesu Kristu, munhu akakwana, akafarikanya nhambo dzinofadza dzaibatanidza zvokudya, zvokunwa, nziyo, uye kutamba.—Ruka 5:29; Johane 2:1-10.
Uchenjeri hwechokwadi hune mufungo, hahunyanyisi. (Johane 3:17) Jehovha Mwari akasika miviri yedu yenyama ichigona kufarikanya mifarwa yakawanda muupenyu. Anoda kuti tifare. Shoko rake rinotiudza kuti: “Ndinoziva kuti hakune chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose. Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.”—Muparidzi 3:12, 13.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]
Saint Jerome muCavern/The Complete Woodcuts of Albrecht Dürer/Dover Publications, Inc.