RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 9/8 pp. 9-11
  • Vanhu Vakadzidziswa Kuda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vakadzidziswa Kuda
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Fukai Rudo”
  • Kutsiva Ruvengo Norudo
  • Ruvengo Rwuchakurumidza Kupera Nokusingaperi
  • Nzira Chete Yokupedza Nayo Ruvengo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Nguva Yokuda Nenguva Yokuvenga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Rambai Muchifamba Murudo”
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 9/8 pp. 9-11

Vanhu Vakadzidziswa Kuda

RUDO chidakadaka chakavakirwa pakuyemura, mutsa, kana kuti fariro dzakafanana. Rudo kubatana kwoushamwari. Harwuna udyire, rwakavimbika, uye rwunoratidza kuitira hanya kwomutsa nokuda kwezvakanaka zvavamwe. Rudo ndiwo musiyano chaiwo woruvengo. Munhu anosundwa noruvengo anoputirwa mumirangariro yake amene; uyo anosundwa norudo anofunga nezvavamwe.

Rudo kana kuti ruvengo—ndechipi chinodzora upenyu hwako? Uyu hausi mubvunzo unongoda mhinduro yakarurama bedzi nokuti nguva yako yemberi isingaperi inotsamira pamhinduro yacho. Nepo achigara munyika iri kudzidziswa kuvenga, mamiriyoni avanhu ari kudzidza kuda. Ari kuita izvi kupfurikidza nokupfeka unhu hutsva. Haasi kungotaura bedzi pamusoro porudo; ari kuvavarira zvakaoma kuramba achiruratidza.

Kana wakambopinda musangano weZvapupu zvaJehovha, ungave wakaororwa nezvawakaona. Pasinei zvapo nekwazvinobva, Zvapupu zvaJehovha zvakabatana mukunamata. Zvinoumba ukama hwechokwadi hwamarudzi akawanda. Izvi zvinogona kuoneka muungano dzazvo dzomunzvimbomo napamagungano azvo asi zvichida hakuna kuri nani kupfuuura mazvinodaidza kuti mhuri dzeBheteri. Aya mapoka eZvapupu zvinozvipira zvinogara nokushanda pamwe chete, semhuri, kubudisa nokuparadzira mabhuku eBhaibheri. Munyika imwe neimwe, vamwe vavo vanotarisira basa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha ikoko. Iri harisi basa duku, sezvo richibatanidza—kubvira muna1997— dzinopfuura ungano 82 000 munyika 233. Kugutsa ichi chinodikanwa, vanhu vanopfuura 16 000 vanoshanda mumhuri yeBheteri kupote nyika yose, kubatanidza dzimbahwe renyika yose uye nemamwe mapazu maduku munyika 103.

Mhuri zhinjisa dzeBheteri dzakaumbwa zvikurukuru navagari vemo venyika umo bazu racho rinowanika. Asi kwete chose chose dzose. Dzimwe mhuri dzeBheteri dzakaumbwa neZvapupu zvinobva mumarudzi, madzinza, kana kuti ndudzi dzakasiyana-siyana pamwe chete neaichimbova marudzidziso akasiyana. Somuenzaniso, mumhuri yeBheteri yevanhu vanenge 1 200 iri muSelters, Germany, marudzi anenge 30 anomiririrwa. Chii chinoita kuti vakwanise kugara, kushanda, uye kunamata pamwe chete murugare nechinzwano, mumhoteredzo isina ruvengo? Vari kutevera zano reBhaibheri riri pana VaKorose 3:14, rinoti:

“Fukai Rudo”

Hakuna munhu anoberekwa akapfeka zvakakwana, uye munhu upi noupi haapfeki kupfurikidza nokungotaura bedzi nezvako. Kuzvipfekedza kunobatanidza kuita zvisarudzo zvakajeka uye ipapo kuita nhamburiko yokuzvitevedzera. Nenzira yakafanana, hakuna munhu anoberekwa akapfeka rudo. Kungotaura bedzi nezvarwo hakuna kukwana. Nhamburiko inodikanwa.

Zvokupfeka zvinobatira zvinangwa zvinoverengeka. Zvinodzivirira muviri, zvinovhara nhengo dzomuviri dzisingadi kuonekwa kana kuti kusakwana, uye kusvika kutambanuko yakati zvinoratidza unhu hwomunhu. Ndozvakaitawo rudo. Rwunoshanda sechinodzivirira nemhaka yokuti kuda nheyo dzakarurama nesonganiro yakanaka kunosunda munhu kudzivisa songaniro kana kuti nzvimbo dzinogona kuva dzine ngozi. Rwunoshanda kudzivirira ukama hwomunhu oga, uhwo hunofanira kukosha kwatiri. Uyo anoda sezvingabvira zvikuru achadiwawo, uye uyo anodzivisa kukuvadza vamwe sezvinobvira zvikuru achava asingakuvadzwiwo.

Rudo rwunovharawo mavara eunhu hwedu asingafaniri zvikuru kuonekwa, ayo angabvumikisa kuva anokangaidza vamwe vanhu. Hatikurumidzi zvikuru here kufuratira zvikanganiso zviduku muvanhu vane rudo kupfuura vanhu vanodada, vanozvikudza, vanozvifunga, uye vasina rudo?

Vanhu vanozvipfekedza rudo vanoratidza runako rwounhu hwakafanana nohwaKristu. Nepo runako rwomuviri rwusina maturo chaizvoizvo, runako rwomudzimu rwuri muunhu hwose zvahwo. Zvichida unoziva vanhu vaunorangarira kuva vakanaka, kwete nemhaka yechitarisiko chavo chomuviri, asi nemhaka younhu hwavo hwoushamwari hwechokwadi. Kune rumwe rutivi, vazhinjisa vedu takasangana navakadzi vakatsvinda kana kuti varume vakanaka avo vakarasikirwa nechisaririra chiri chose chinokwezva mumeso edu nokukurumidza apo unhu hwavo chaihwoihwo hwakabuda pachena. Zvinofadza sei kuva pakati pavanhu vakazvipfekedza rudo!

Kutsiva Ruvengo Norudo

Kuti ruvengo runogona kutsiviwa norudo kunoratidzwa nenzvero yakaitwa muna 1994 yevane 145 958 veZvapupu zvaJehovha muGermany.

Kunyanyonwisa, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, utsotsi, kubhejera, mufambiro unorwisana nenzanga kana kuti wamasimba masimba zvose, munzira yakati, zviratidzo zvoudyire, zvinogona kuparira ruvengo. Asi 38,7 muzana yavakabvunzurudzwa vakati kuti vasvitse mipimo yakakwira yeBhaibheri inotsigirwa neZvapupu, vakanga vakurira mumwe kana kuti inopfuura yeizvi zvinetso. Kuda Mwari uye nemipimo yake yakarurama yemufambiro zvakavasunda kuita kudaro. Kubetsera kworudo kwakagoverwa neZvapupu zvaJehovha, kazhinji kazhinji somunhu oga. Mukati mamakore mashanu apfuura (1992-1996), vanhu 1 616 894 munyika 233 vakabatsirwa kuita kuchinja, vachikurira ruvengo norudo rwunokunda zvose.

Kupfurikidza nokushandisa rudo rwusina udyire muroorano dzavo, Zvapupu zvaJehovha zvinowana ukama hwakatsiga. Mune dzimwe nyika roorano imwe mumbiri dziri dzose kana kuti nhatu dzinoguma nokurambana. Asi nzvero yadudzwa pamusoro apa yakaratidza kuti pari zvino 4,9 muzana bedzi yeZvapupu zvakarambana kana kuti zvakaparadzana navakwanyina vazvo. Chisingafaniri kukanganwika, zvisinei, ndechokuti vakati kuti vaivava vakarambana vasati vava Zvapupu zvaJehovha.

Sezvo Mwari worudo ari Murayiridzi Mukuru anodzidzisa nzira dzake kuavo vanomuda, Zvapupu zvaJehovha zvinonangidzira rudo rwazvo, kutanga, kwaari. Kusiyana navamwe vanhu, vangave vari “vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari,” Zvapupu zvaJehovha zvinoisa Mwari pakutanga. (2 Timotio 3:4) Mukupesana nemitoo yenyika ino isina nheyo, Chapupuwo zvacho chinopedza maawa 17,5 vhiki imwe neimwe mumibato yorudzidziso. Sezviri pachena Zvapupu zvine mirangariro yomudzimu. Ndizvo zvinoita kuti zvifare. Jesu akati: “Vakaropafadzwa [vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, NW], nokuti ushe hwokudenga ndohwavo.”—Mateo 5:3.

Mubatiri wechokwadi waMwari, anodaro munyori wePisarema 118, haafaniri kutya vanhu. “Jehovha uri kurutivi rwangu; handingatyi; munhu ungandiiteiko?” (Pisarema 118 Ndima 6) Kuvimba kwakazara naMwari kunobvisa chimwe chezvinoparira kuvenga nokutya vamwe vanhu.

MuKristu, achiziva kuti Mwari haa“kurumidzi kutsamwa, [une] ngoni zhinji nezvokwadi,” achavavarira kubvisa hasha muupenyu hwake, sezvo dzichigona kuva chisakiso chokuwedzera choruvengo. Kukudziridza zvibereko zvomudzimu waMwari, zvinobatanidza unyoro nokuzvidzora, kuchamubetsera kuita izvozvo.—Pisarema 86:15; VaGaratia 5:22, 23.

MuKristu wechokwadi anozvininipisa uye haazvifungi zvikuru kupfuura zvaanofanira. (VaRoma 12:3) Anosakurira rudo mukubata kwake navamwe. Mukupesana noruvengo, rudo “harutsamwi, [haruchengeti mafi, NW].”—1 VaKorinte 13:5.

Hongu, rutyo, hasha, kana kuti mafi zvinogona kuparira vanhu kuvenga. Asi rudo, kupfurikidza nokubvisa zvinoparira ruvengo, rwunorukurira. Zvirokwazvo, rudo ndiro simba gurusa muchisiko chose nemhaka yokuti “Mwari rudo.”—1 Johane 4:8.

Ruvengo Rwuchakurumidza Kupera Nokusingaperi

Sezvo zvisiri rutivi rwounhu hwaJehovha Mwari, udyire noruvengo hazvigoni kugara nokusingaperi. Zvinofanira, zvirokwazvo, kubviswa, zvotsiviwa norudo, urwo rwuchagara nokusingaperi. Kana nyika isina ruvengo, uye yakazara norudo, iriyo rudzi rwaunoshuva, bvumira Zvapupu zvaJehovha zvikutsanangurire kubva muBhaibheri zvinodikanwa kuti urarame ndokuiona.

Hongu, mumwe nomumwe wedu angaita zvakanaka kubvunza kuti, ‘Nderipi vara rinodzora upenyu hwangu, rudo kana kuti ruvengo?’ Uyu mubvunzo unoda inopfuura mhinduro bedzi. Hana inorovera muvengi waMwari, mwari woruvengo, haizorovi kwenguva refu. Hana inorovera Jehovha, Mwari worudo, icharova nokusingaperi!—1 Johane 2:15-17.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kunyange nhasi vanhu vanogona kuzvipfekedza rudo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe