RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 9/8 pp. 12-13
  • “Zvamusati Muri Venyika”—Zvinorevei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvamusati Muri Venyika”—Zvinorevei?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VaKristu Havavengi Nzanga
  • “Varege Kurevera Mumwe Zvakaipa”
  • “Ngatiitire Vose Zvakanaka”
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Apo Iwe Nevadiwa Vako Munenge Muine Zvitendero Zvakasiyana
    Mukai!—2003
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kuvengerwa Kutenda Kwavo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 9/8 pp. 12-13

Murangariro weBhaibheri

“Zvamusati Muri Venyika”—Zvinorevei?

MUZANA ramakore rechina C.E., zviuru zvavaiti vaKristu vakasiya zvinhu zvavo shure, hama, uye mararamire kuti vagare vari voga mumarenje eEgipita. Vakazivikanwa sevaanchorite, kubva muna a·na·kho·re’o wechiGiriki, rinoreva kuti “ndabva.” Mumwe wezvenhau anovarondedzera savanozviparadzanisa navamwe vavo. Vaanchorite vaifunga kuti kupfurikidza nokusiya nzanga yavanhu, vakanga vachiteerera chinodikanwa chechiKristu chokuva va“sati [va]ri venyika.”—Johane 15:19.

Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti varambe vasina “kusvibiswa nenyika.” (Jakobho 1:27) Magwaro acho anonyevera zvakajeka kuti: “Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4) Izvi zvinoreva here kuti, kunyange zvakadaro, vaKristu vanokarirwa kuva vaanchorite, vachibva muvamwe mupfungwa chaiyoiyo? Vanofanira kuzviparadzanisa here naavo vasingagoverane navo zvitendero zvavo zvorudzidziso?

VaKristu Havavengi Nzanga

Pfungwa yokusava rutivi rwenyika inokurukurwa munhoroondo dzakawanda dzeBhaibheri dzinosimbisa kudikanwa kwokuti vaKristu vazviparadzanise nechaunga chavanhu vari kure naMwari. (Enzanisa na2 VaKorinte 6:14-17; VaEfeso 4:18; 2 Petro 2:20.) Nokudaro, vaKristu vechokwadi nenzira yokuchenjera vanodzivisa zvimiro zvendangariro, kutaura, uye mufambiro zvinorwisana nenzira dzaJehovha dzakarurama, zvakadai sokudisa kwenyika kuronda pfuma, mukurumbira, uye kunyanyopinda mumifarwa. (1 Johane 2:15-17) Vanorambawo vakaparadzana nenyika kupfurikidza nokuramba vasingatori rutivi munhau dzehondo uye dzezvamatongerwe enyika.

Jesu Kristu akataura kuti vadzidzi vake vaizova “[va]sati [va]ri venyika.” Asi akanyengeterawo kuna Mwari kuti: “Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete pane wakaipa.” (Johane 17:14-16) Nenzira yakajeka, Jesu akanga asingadi kuti vadzidzi vake vavenge nzanga, vachidzivisa kuonana kwose navasiri vaKristu. Chaizvoizvo, kuzviparadzanisa kwaizodzivisa muKristu kuita basa rake rokuparidza nokudzidzisa “pachena kana padzimba dzose.”—Mabasa 20:20; Mateo 5:16; 1 VaKorinte 5:9, 10.

Zano rokuramba vasingasvibiswi nenyika haripi vaKristu chikonzero chipi nechipi chokuzvirangarira savakakwirira kupfuura vamwe. Avo vanotya Jehovha vanovenga “kuzvikudza namanyawi.” (Zvirevo 8:13) VaGaratia 6:3 inoti “kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera.” Avo vanozvirangarira savakakwirira kupfuura vamwe vanozvinyengera nokuti “vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23.

“Varege Kurevera Mumwe Zvakaipa”

Muzuva raJesu kwaiva navanhu vakanga vachizvidza vose vaisava vamapoka avo chaiwo orudzidziso. Pakati paivava paiva navaFarise. Vaiziva zvikuru Mutemo waMosesi kubatanidzawo noudzame huduku hwegamuchidzanwa rechiJudha. (Mateo 15:1, 2; 23:2) Vaidada nokunyatsotevedzera tsika zhinji dzorudzidziso. VaFarise vaiita sevakakwirira kupfuura vamwe nemhaka bedzi yamabasa avo ouchenjeri nenzvimbo yorudzidziso. Vairatidzira utsvene hwavo nechimiro chokuvenga vachiti: “Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murayiro vakatukwa.”—Johane 7:49.

VaFarise vaitova neshoko rokudukupisa vasiri vaFarise. Shoko rechiHebheru ʽam ha·ʼaʹrets raishandiswa zvakanaka pakuvamba kureva mitezo yenguva dzose yenzanga. Asi pashure penguva yakati vatungamiriri vanozvitutumadza vorudzidziso vechiJudha vakachinja revo yaʽam ha·ʼaʹrets kuva inozvidza. Mamwe mapoka, kubatanidza vaiti vaKristu, vakashandisa shoko rakadai so“muhedheni” nenzira yokuzvidza kureva vanhu vane zvitendero zvorudzidziso zvakasiyana nezvavo.

Kunyange zvakadaro, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vairangarira sei avo vakanga vasati vagamuchira chiKristu? Vadzidzi vaJesu vakarayirwa kubata vasingatendi “nounyoro” no“ruremekedzo rukuru.” (2 Timotio 2:25; 1 Petro 3:15, NW) Muapostora Pauro akagadza muenzaniso wakanaka munhau iyi. Aisvikika, aisadada. Panzvimbo pokuzvikwidziridza pamusoro pavamwe, aizvininipisa uye aikurudzira. (1 VaKorinte 9:22, 23) Mutsamba yake yakafuridzirwa kuna Tito, Pauro anorayira kuti “[ti]rege kurevera mumwe zvakaipa, [ti]rege kuva negakava, [ti]ve nounyoro, [ti]itire vanhu vose unyoro hwose.”—Tito 3:2.

MuBhaibheri shoko rokuti “asingatendi” rinoshandiswa padzimwe nguva kureva vasiri vaKristu. Zvisinei, hapana ufakazi hwokuti shoko rokuti “asingatendi” raishandiswa sezita rapamutemo kana kuti chiratidzo. Zvirokwazvo, raisashandiswa kudukupisa kana kuti kushora vaisava vaKristu, sezvo izvi zvaizopesana nenheyo dzeBhaibheri. (Zvirevo 24:9) Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinodzivisa kuitira hasha kana kuti kudadira vasingatendi. Zvinokurangarira kuva asina mutsa kunemera hama dzisiri Zvapupu kana kuti vavakidzani mazita okuzvidza. Zvinotevera zano reBhaibheri, rinoti: “Muranda waShe . . . ave munyoro kuvanhu vose.”—2 Timotio 2:24.

“Ngatiitire Vose Zvakanaka”

Zvinokosha kuziva ngozi dzokushamwaridzana nenyika, zvikurukuru naavo vanoratidza kusaremekedza kukuru mipimo yaMwari. (Enzanisa na1 VaKorinte 15:33.) Bva, apo Bhaibheri rinopa zano rokuti “ngatiitire vose zvakanaka,” shoko rokuti “vose” rinobatanidza avo vasingagoverane navo zvitendero zvechiKristu. (VaGaratia 6:10) Nenzira yakajeka, mumamirire ezvinhu akati vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakadya navasingatendi. (1 VaKorinte 10:27) Nokudaro, nhasi vaKristu vanobata vasingatendi nenzira yakadzikama, vachivarangarira savamwe vavo.—Mateo 22:39.

Kwaizova kusina kururama kugumisa kuti munhu haana mufambiro wakanaka kana kuti inzenza nemhaka bedzi yokuti haana kurovedzana nezvokwadi dzeBhaibheri. Mamiriro ezvinhu navanhu zvinosiyana. Nokudaro, muKristu mumwe nomumwe anofanira kusarudza kuti achadzora kufambidzana kwake navasingatendi kusvika kumwero wakadini. Zvisinei, zvaizova zvisiri madikanwa uye zvisiri muMagwaro kuti muKristu azviparadzanise mumuviri sezvakaita vaanchorite kana kuti kuzvirangarira kuva akakwirira pana vose sezvakaita vaFarise.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe