Nyika Yakadzidziswa Kuvenga
VANHU nenzira yomuzvarirwo vane udyire. Uye udyire, kana hukasadzorwa, hunogona kuva ruvengo. Sokunge kuti udyire hwomuzvarirwo hahuna kuipa zvakakwana, nzanga yomunhu chaizvoizvo inorovedza vanhu kuva noudyire!
Kutaurawo zvako, chokwadika, hakushandi nguva dzose, bva zvimwe zvimiro zvendangariro zvakapararira zvikuru zvokuti hazvigoni kurambwa sezvechienzi chete. Vezvamatongerwe enyika kazhinji kazhinji havafariri zvikuru kuhwina sarudzo kupfuura zvavanoita kubetsera vanhu vavo here? Vezvemabhizimisi kazhinji kazhinji havafariri zvikuru kuita mari bedzi, nenzira dzisina kunaka kana kuri madikanwa here, kupfuura kudzivisa kutengeswa kwezvinhu zvinokuvadza? Vafundisi kazhinji kazhinji havafariri zvikuru kuva vakakurumbira chete here kana kuti kuwana mari kupfuura kutungamirira mapoka avo munzira dzetsika norudo?
Kutanga Navaduku
Vana pavanorererwa mumhoteredzo yamadiro, chaizvoizvo vari kurovedzwa udyire, sezvo kurangarira vamwe nokusava noudyire zvichifuratirwa nokuda kwezvishuvo zvavo zvouhwana. Kuchikoro nokukoreji, vadzidzi vanodzidziswa kuvavarira kuva vokutanga, kwete bedzi mukugona muchikoro asiwo mumitambo. Kutaura kwacho ndouku, “Kana ukava wechipiri, ungangovawo wokupedzisira!”
Mitambo yomuvhidhiyo inoratidza masimba masimba inodzidzisa vanhu vaduku kupedza zvinetso nenzira youdyire—kungoparadza muvengi chete! Chimiro chendangariro chisingambokurudziri rudo! Anopfuura makore gumi apfuura, chiremba mukuru weUnited States akanyevera kuti mitambo yemuvhidhiyo yaiva ngozi kuvanhu vaduku. Akati: “Zvose ndezvokuparadza muvengi. Hapana chinovaka mumitambo yacho.” Tsamba yakanyorwa kuThe New York Times yakati mitambo mizhinji yomuvhidhiyo “inopesana zvikuru nokurangarira kwomuzvarirwo” uye yakawedzera kuti: “Iri kuita chizvarwa chavayaruki chisingarangariri, chine hasha.” Mumwe anofarira mitambo yomuvhidhiyo wekuGermany akanga akatendeseka zvakakwana zvokubvuma uchokwadi hwokutaura kwapashure apo akati: “Apo ndaiitamba ndakapinzwa munyika iri yoga yokufungidzira umo kutaura kwoutsinye kwaishanda: ‘Uraya kana kuti urawa.’”
Apo rwunosanganiswa norusaruraganda, ruvengo rwunova rwakatoshata zvikuru. Nokudaro vaGerman nenzira yakajeka vanoitira hanya kuvapo kwamavhidhiyo avanyanyisi anoratidza masimba masimba mukurwisana nevokumwe, zvikurukuru navaTurk. Uye vangave nechikonzero chakanaka chokuitira hanya, sezvo kuvamba naJanuary 1, 1994, vaTurk vakava 27,9 muzana yavagari vokumwe vane 6 878 100 vomuGermany.
Mirangariro yorusaruraganda inotsigira izvo urudzi hunodzidzisa vana kubva paucheche, kuti, kuvenga vavengi vorudzi rwako hakuna kuipa. Rondedzero yakanyorwa naGeorge M. Taber, anobetsera kubudisa Time, akati: “Padzidziso dzose dzezvamatongerwe enyika dzenhau, zvichida yakasimba zvikurusa urudzi.” Akapfuurira kutsanangura kuti: “Ropa rakawanda rakadeurwa muzita rahwo kupfuura chimwe chikonzero chipi nechipi chisiri rudzidziso. Vatungamiriri vanopesvedzera kwamazana amakore vakanyandura mapoka anonyanyisa kupfurikidza nokupomera zvinetso zvavo zvose boka rorudzi rwakati ravakavakidzana naro.”
Kuvenga kwenguva refu mamwe mapoka amarudzi, madzinza, kana kuti vedzimwe nyika ndiko kunoparira zvinetso zvakawanda zvomunyika yanhasi. Uye kutya vaeni kana kuti vokumwe, kuri kuwedzera. Nenzira inofadza, zvisinei, rimwe boka renyanzvi dzevezvamagariro avanhu reGermany rakawana kuti kutya vaeni kana kuti vokumwe kunocherechedzwa uko vashoma vokumwe vanogara. Izvi zvinenge zvinoratidza kuti kunoparirwa kazhinji kazhinji zvikuru nokufungira zvakaipa kupfuura ruzivo rwokuzviwanira. Nyanzvi dzacho dzevezvamagariro avanhu dzakawana kuti: “Kufungira zvakaipa kwavanhu vaduku zvikurukuru kunokurudzirwa neshamwari dzavo nemhuri.” Zvirokwazvo, 77 muzana yavakabvunzurudzwa, kunyange zvazvo vakatsigira kufungira zvakaipa, vakanga vasina kuonana zvakananga, kana zvishoma zvikuru nevokumwe.
Kudzidzisa chidzidzo choudyire hakuna kuoma, nokuti tose zvedu takagara nhaka udyire hwakati kuti kubva kuvabereki vasina kukwana. Asi rudzidziso runoitei murwisano pakati porudo noruvengo?
Rudzidziso Runodzidzisei?
Vanhu kazhinji kazhinji vanofunga kuti rudzidziso rwunokudziridza rudo. Asi kana zvakadaro, nei kusawirirana kworudzidziso kuriko chisakiso chikuru chokunyanduka muNorthern Ireland, Middle East, uye India, kungodudza mienzaniso mitatu bedzi? Chokwadika, vamwe vanhu vanotaura kuti kusawirirana kwezvamatongerwe enyika, kwete kworudzidziso, ndiko kwakaparira dzongonyedzo. Iwoyo murangariro unoparira gakava. Zvisinei, zvakajeka kuti rudzidziso rwakarongwa rwakakundikana kuisa muvanhu rudo rwakasimba zvakakwana kuti vakurire kufungira zvakaipa kwezvamatongerwe enyika nokwedzinza. Vadaviri vazhinji veKaturike neveOrthodox naavo vokumwe kutenda chaizvoizvo, vanofuratira kufungira zvakaipa, kunotungamirira kumasimba masimba.
Hapana chakaipa nokuedza kuramba dzidziso nemiitiro zveboka rorudzidziso izvo munhu angarangarira kuva zvisina kururama. Asi izvi zvinomupa maruramiro okushandisa masimba masimba kurwurwisa kana kuti mitezo yaro here? The Encyclopedia of Religion rinobvuma nouchokwadi kuti: “Vatungamiriri vorudzidziso vakarayira varayirazve kurwisa namasimba masimba mamwe mapoka orudzidziso munhau yeNear East neyeEurope.”
Enisaikoropidhiya iyi inoratidza kuti masimba masimba rutivi rukuru rworudzidziso, kupfurikidza nokuti: “Vanodavira dzidziso dzaDarwin havasi voga vanobvuma rwisano seiri madikanwa nokuda kwokukura kwemiitiro yose iri miviri yenzanga neyepfungwa. Rudzidziso rwakashanda samavambo asingaperi erwisano, amasimba masimba, uye, nokudaro, okukura.”
Masimba masimba haagoni kururamiswa pachikonzero chokuti ari madikanwa kuti pave nokukura, nokuti izvo zvingapesana nenheyo inozivikanwa zvikuru yakataurwa naJesu Kristu apo Petro akaedza kumudzivirira. Petro “akatambanudza ruoko rwake, akavhomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve. Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo.”—Mateo 26:51, 52; Johane 18:10, 11.
Masimba masimba anoitirwa vanhu vamwe navamwe—vangave vakanaka kana kuti vakashata—haisi nzira yorudo. Nokudaro, vanhu vanotendeukira kumasimba masimba vanoita kuti kambiro dzavo dzokuti vanotevedzera Mwari ane rudo dzive dzenhema. Munyori Amos Oz munguva pfupi yapfuura akati: “Ndozvinowanzoita vanyanyisi vorudzidziso . . . kuti ‘mirayiro’ yavanowana kuna Mwari nguva dzose, zvikurukuru, murayiro mumwe: Uraya. Mwari wavanyanyisi vose anoratidzika kuva dhiyabhorosi.”
Bhaibheri rinotaura chimwe chinhu chakafanana zvikuru: “Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiyabhorosi; mumwe nomumwe asingaiti zvakarurama haazi waMwari, naiyewo usingadi hama yake. Mumwe nomumwe unovenga hama yake, muurayi; munoziva kuti hakuna muurayi une upenyu husingaperi hugere maari. Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari, waasina kumuona? Iwoyu murayiro wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoda Mwari, ngaadewo hama yake.”—1 Johane 3:10, 15; 4:20, 21.
Rudzidziso rwechokwadi, runofanira kutevera muenzaniso worudo, uyo unobatanidza kuratidza rudo kunyange kuvavengi. NezvaJehovha tinorava kuti: “Vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.” (Mateo 5:44, 45; onawo 1 Johane 4:7-10.) Akasiyana sei naSatani, mwari woruvengo! Anoedza nokunyengera vanhu kuita unzenza, utsotsi, uye udyire, nenzira iyoyo achizadza upenyu hwavo namarwadzo nenhamo. Anoziva zvikuru kuti aya mararamire akaipa pakupedzisira achatungamirira kukuparadzwa kwavo. Irworwo ndirwo rudzi rwamwari akafanirwa nokubatirwa here, uye asingakwanisi—kunyange sezvinooneka asingadi—kudzivirira vateveri vake?
Rutyo, Hasha, Kana Kuti Mafi
Kuti zvinhu izvi zvinonyandura ruvengo kunobvumikiswa nyore nyore. Mushumo weTime unoti: “Kwakanga kuri kubvira muma1930 asina kuterama umo mapoka akasiyana-siyana avanyanyisi akakwanisa kushandisa yairaitidzika kuva mikana iri yose kuti vabudirire . . . Vachityira mabasa avo, vanhu vanoshatirirwa kusava nesimba kwehurumende dzine mirangariro ine mwero nokupomera mhaka dzose vokumwe vari pakati pavo.” Jörg Schindler, muRheinischer Merkur/Christ und Welt, akaita kuti ngwariro ipiwe kumakumi ezviuru avapoteri vezvamatongerwe enyika vakapinda muGermany mukati mamakumi maviri amakore apfuura. The German Tribune inonyevera kuti: “Rusaruraganda rwuri kuwedzera muEurope yose.” Kupinda kwavanotama vakawanda kwazvo kunoparira mirangariro yoruvengo. Vanhu vanonzwika vachinyunyuta kuti: ‘Vanotidyira mari, vari kutora mabasa edu, ingozi kuvanasikana vedu.’ Theodore Zeldin, mutezo weSt. Antony’s College, Oxford, akati vanhu “vane masimba masimba nemhaka yokuti vanonzwa vachityisidzirwa kana kuti vadukupiswa. Zvinosakisa hasha dzavo ndizvo zvinoda kurangarirwa.”
Munyori wenhau dzeterevhizheni weBritain Joan Bakewell anoshandisa mashoko akakodzera kurondedzera nyika yedu, seiyo inodzidzisa vagari vayo kuvenga. Anonyora kuti: “Handisi muKristu weorthodox, asi ndinoona chokwadi chakakwana chakadzama mudzidziso yaJesu: uipi kushaikwa kune ngwavaira kworudo. . . . Ndinoziva kuti tinogara munzanga inokoshesa zvishoma dzidziso yorudo. Zvirokwazvo, nzanga inoiramba nenzira yamanomano kwazvo seyechinyakare, yemirangariro, isingashandi, nzanga inonyomba mifungo yokuisa kuitira hanya nokusazvifunga pamberi pemhindu nokuzvifadza. ‘Iva chaiyeiye’ inodaro sezvainonamatira pabhizimisi razvino uno, inonyengera pavimbiso dzayo nokurerutsa ufakazi hunoratidza pachena kuti haina kururama. Nyika yakadaro inoita vanhu vanokundikana, vanazindoga, vanhu vakatadza kuwana zvinonzi nenzanga zvinokosha kuti vabudirire, kuzviremekedza nemhuri dzinofara.”
Nenzira yakajeka, mwari wenyika ino, Satani, ari kudzidzisa vanhu kuvenga. Asi savanhu vamwe navamwe, tinogona kudzidza kuda. Nyaya inotevera icharatidza kuti izvi zvinobvira.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Mitambo yomuvhidhiyo ingagona kuva iri kudzidzisa mwana wako kuvenga here?
[Mufananidzo uri papeji 8]
Masimba masimba ehondo chiratidzo chokusaziva noruvengo
[Kwazvakatorwa]
Pascal Beaudenon/Sipa Press