Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kumisa Kupomerwa Mhaka Nguva Dzose?
“Ndaipomerwa mhaka yezvinhu nguva dzose. Kana imba yakanga isina kukiyiwa kana kuti chitofu chakanga chisina kudzimwa kana kuti chinhu chipi nechipi chakanga chisiri munzvimbo yacho kana kuti chakanga chisina kuitwa, yaiva mhaka yaRamon!”—Ramon.
APO unenge uri wechiduku, kunogona pane dzimwe nguva kuratidzika kuti unopomerwa mhaka yechinenge chinhu chipi nechipi uye yechinhu chiri chose chinova chisina kururama. Munyaya yakapfuura, takabvuma kuti vabereki pane dzimwe nguva vanokurumidza zvikuru kupomera mhaka vana vavo.a Zvikonzero zvaikoku zvinogona kubva pakuitira hanya kwavabereki kwomuzvarirwo kusvikira kukutambudzika kwemirangariro. Chipi kana chipi chingava chikonzero, kunzi une mhaka yezvinhu zvausina kuita kunogona kuva kunorwadza nokunonyadzisa.
Chokwadika, somunhu asina kukwana, uchaita zvikanganiso panguva nenguva. (VaRoma 3:23) Mukuwedzera, nemhaka yokuti uri muduku, hauna ruzivo rwokuzviwanira zvikuru. (Zvirevo 1:4) Unosungirwa kuita zvikanganiso muchisarudzo panhambo nenhambo. Naizvozvo apo unokanganisa, kwakafanira bedzi uye kune mufungo kuti unzi une mhaka.—Muparidzi 11:9
Unofanira kuita sei ipapo, apo unopomerwa mhaka yechimwe chinhu chaunenge waita chaizvoizvo? Dzimwe pwere dzinoedza kuita sokunge kuti ndivanyajambwa vokusaruramisira kwakakomba. Dzinonyunyuta kuti vabereki vadzo vanodzipomera mhaka nguva dzose yechinhu chiri chose. Mugumisiro wacho ndoupi? Vabereki vakakangaidzika vanoshandisa ganhuriro dzakaoma zvikuru kuti zvavanotaura zvinzwisiswe. Bhaibheri rinopa iri zano: “Mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirirwa. Mwanakomana wangu, inzwa kurayirira kwababa vako; usarasha kudzidzisa kwamai vako.” (Zvirevo 1:7, 8) Apo unobvuma zvikanganiso zvako ndokuita chinjo dzinodikanwa, unogona kudzidza kubva muzvikanganiso zvako.—VaHebheru 12:11.
“Kurangana” Navabereki Vako
Ndeimwe nhau yakasiyana zvikuru, kunyange zvakadaro, apo unopomerwa mhaka yezvinhu zvausina kuita kana kuti apo kupomera mhaka kunova kusingaperi. Zvinonzwisisika kuti, ungashatirwa kana kuti kugumbuka. Ungatoedzwa kuita misikanzwa, uchigumisa kuti uchangopomerwa zvako mhaka. (Muparidzi 7:7) Zvisinei, zviito zvoruvengo zvinorwadza munhu ari wose. (Enzanisa naJobho 36:18.) Zvirevo 15:22 inonongedzera kunzira iri nani yokubata nayo nhau, ichiti: “Pasingaranganwi mano anokona.” Hungu, imwe nzira yokuchinja nayo kubatwa kwaunoitwa navabereki vako ndeyokuita kuti vazive mirangariro yako.
Kutanga, tsvaka inonzi neBhaibheri “nguva yakafanira.” (Zvirevo 15:23) Munyori Clayton Barbeau anokarakadza kuti: “Tsvaka nguva nenzvimbo apo munenge makadzikama uye mose munenge muchifara zvikuru.” Uyezve, Bhaibheri rinonyevera kuti: “Shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Naizvozvo edza kuva ane mutsa uye anoremekedza mukusvika kwako, kwete anokakavara. Dzivisa kushatirwa. (Zvirevo 29:11) Panzvimbo pokudenha vabereki vako (‘Munondipomera mhaka nguva dzose yechinhu chiri chose!’), edza kutsanangura kuti kukupomera mhaka kwavo nguva dzose kunokuita kuti unzwe sei. (‘Ndinogumburwa apo ndinopomerwa mhaka yezvinhu zvandisina kuita.’)—Enzanisa naGenesi 30:1, 2.
Zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa nokuda kwenguva dziya apo vabereki vako vanenge vakashatirwa nemhaka yokusanzwisisana kwakati. Vabereki vaJesu muduku pane imwe nguva vakagumbuka apo aisazivikanwa kwaakanga ari. Asi Jesu haana kupopota kana kunyunyuta. Nedzikamo, akajekesa mamiriro ezvinhu. (Ruka 2:49) Unoregererei kubata vabereki vako umene noukuru apo unenge uri muchinetso? Ziva kuti vagumbuka nemhaka yokuti vanokuitira hanya! Teerera noruremekedzo. (Zvirevo 4:1) Mira kusvikira zvinhu zvaterama usati watsanangura rutivi rwako rwenhau yacho.
‘Kubvumikisa Riri Basa Rako Umene’
Nei, kunyange zvakadaro, vamwe vabereki vachikurumidza kutanga kuita zvisarudzo zvisina kururama pamusoro pavana vavo kutanga? Zvirokwazvo, pane dzimwe nguva vaduku vanopa vabereki vavo chikonzero chokunyumwa. Zvirevo 20:11 inoti: “Kunyange nomwanakomana unozvizivisa [nemiitiro yake, NW], kana basa rake rakanaka, kana rakarurama.” Mukurumbirai wawakatanga navabereki vako? “Miitiro” yako yakakuratidza kuva “akarurama” uye wapachokwadi kana kuti asingangwariri kana asina kuvimbika here? Kana zvokupedzisira zvirizvo, usashamisika kana kazhinji kazhinji vachikurumidza kuita zvisarudzo zvisina kururama pamusoro pako. “Ndaifanira kuva akatendeseka,” akabvuma kudaro Ramon, murume muduku ambodudzwa, pamusoro pokutsoropodza kwavabereki vake. “Pane dzimwe nguva maive nechokwadi chakati mufungidziro dzavo.”
Kana zvakadaro muchinoitika chako, kungava nezvishoma zvaunogona kuita asi edza kuita kuti zvomunguva yako yakapfuura zvikanganikwe. Kupfurikidza nokutanga nzira yokutendeseka nomufambiro wokuvimbika, zvishoma nezvishoma ungapwisa vabereki vako kuti waita chinjo uye unogona kuvimbwa.
Zvakaitika kuna Ramon zvinoenzanisira murangariro uyu. Shamwari dzake nemhuri vakamunemera zvinosetsa kuti purofesa anovarairwa nemhaka yokukanganwa kwake zvinhu. Vabereki vako vakakupa zita rakaipa rakadai sokuti “anoita zvouhwana” kana kuti “asina kuvimbika” here? Sezvinotaura munyori Kathleen McCoy, vabereki vangarangarira kuti mazita akadaro anobatira “kuratidza chisina kururama kuitira kuti wechiduku agogona kuchiona ndokuchinja.” Chaizvoizvo, kunyange zvakadaro, mazita akadaro kazhinji kazhinji anoparira pfundepfunde huru. Kunyange zvakadaro, Ramon akaziva kuti zita rokunemera raisimbisa murangariro unokosha. “Ndangariro yangu kazhinji kazhinji yainangidzirwa pachinhu chimwe, naizvozvo ndairasa zvinhu zvakadai samakii kana kuti basa rangu rechikoro rinoitirwa kumba nokukanganwa mabasa apamba,” anobvuma kudaro.
Naizvozvo Ramon akavamba kuita chinjo. “Ndakatanga kudzidza pamusoro pemitoro uye zvinokosha,” anoyeuka kudaro. “Ndakaita rudungwe ndokuvamba kukoshesa zvikuru fundo yeBhaibheri yomunhu oga. Ndakaziva kuti Jehovha anokoshesa zvinhu zviduku pamwe chete nezvikuru.” (Ruka 16:10) Kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeBhaibheri, Ramon pakupedzisira akarega muitiro wake wokukanganwa. Unoregererei kuita zvimwe chete? Uye kana chiratidzo kana kuti zita rokunemera richikutsamwisa chaizvoizvo, kurukura nezvazvo navabereki vako. Zvimwe vachaona zvinhu namaonere ako.
Apo Kunoratidzika Sorusaruro
Pane dzimwe nguva kunoratidzika sokunge kuti rusaruro ndirwo rwunoparira kupomera mhaka. Ramon anoyeuka kuti: “Vakoma vangu kana kuti hanzvadzi vainonoka kuuya kumba uye hapana zvavaiitwa. Ndainonoka kuuya kumba uye ndaipinda muchinetso nokuda kwako.” Mumwe murume wekuGuyana anonzi Albert anoyeuka achiva nemirangariro yakafanana apo akanga achikura. Kwairatidzika kwaari sokunge kuti amai vake vaimuranga nehasha zvikuru kupfuura zvavaiita mukoma wake.
Zvisinei, zvinhu hazvisi nguva dzose sezvazvinoratidzika kuva. Vabereki kazhinji kazhinji vanopa rusununguko rwakakura zvikuru kuvana vakuru, kwete nemhaka yorusaruro, asi nemhaka bedzi yokuti vanorangarira kuti vachaita nokuvimbika. Kana kuti pangava namamiriro ezvinhu chaiwo anobatanidzwa. Albert anobvuma kuti mukoma wake aisarohwa nemhaka yokuti aiva “nomuviri muduku uye aiva ndonda.” Rusaruro here kuti vabereki vanzwisise zvinodikanwa chaizvo kana kuti ganhuriro idzo mumwe mwana angava nadzo?
Chokwadika, vabereki pane dzimwe nguva vane vavo vavanodisisa. (Enzanisa naGenesi 37:3.) Albert anoti nezvemukoma wake ndonda: “Amai vaimuda chaizvo.” Sezvineiwo, rudo rwechiKristu runokura. (2 VaKorinte 11:11-13) Naizvozvo kunyange kana vabereki vako “vachida chaizvo” mumwe wavakoma kana vanin’ina vako, hazvirevi kuti hakuna rudo rwasara nokuda kwako. Nhau chaiyoiyo ndeiyi, vari kukubata nokusaruramisira here, vachikupomera mhaka nemhaka yokuda mukoma kana munin’ina kusina mufungo? Kana zvichiratidzika kuva zvakadaro, ita napaunogona napo pose kuti vazive kuti unonzwa sei. Nounyoro, nomufungo, vape mienzaniso chaiyo inoratidza kuti unorangarira sei kuti vakaratidza rusaruro. Zvichida vachateerera.
Mhuri Dzine Zvinetso
Sezvinobvumwa, haasi mamiriro ose ezvinhu ari nyore kuchinja. Nokuda kwavamwe vabereki, kunyadzisa nokupomera mhaka miitiro yakadzika midzi. Ikoku kungava kwakadaro zvikurukuru pakati pavabereki vane zvinetso zvendangariro kana kuti vari kurwisa kupindwa muropa. Mumamiriro ezvinhu akadaro, zvishoma zvakanaka zvingabva munhamburiko dzokukurukura. Kana izvi zvichiratidzika kuva zvechokwadi kwauri, ziva kuti haugoni kupedza zvinetso zvavabereki vako uye zvinogona sezvingabvira kupedzwa bedzi nebetsero yavamwe. Zvakanakisisa zvaungakwanisa kuita ndiko kuvapa ruremekedzo rwakafanira norukudzo uye edza kudzivisa bonderano isiri madikanwa. (VaEfeso 6:1, 2) Zvirevo 22:3 inoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda.”b
Panguva imwe cheteyo, wana betsero yomumwe munhu wokunze. Taura nomukuru akakura mumudzimu, zvichida mukuru wechiKristu. Ngwariro yorudo inobva kumunhu akadaro ingagona kuita zvakawanda kudzikamisa murangariro wokuti imhaka yako nguva dzose. Panguva imwe cheteyo, “swedera kuna Mwari.” (Jakobho 4:8, NW) Nepo vamwe vangakupomera mhaka zvisina kunaka, “[Mwari] haangarambi [achiwanira mhaka, NW]; uye haangarambi akatsamwa nguva dzose. . . . Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:9, 14) Kuziva kuti unokosha mumeso aMwari kunogona kukubetsera kutsungirira kupomerwa mhaka kusina kunaka.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Chikonzero Nei Iri Mhaka Yangu Nguva Dzose?” inooneka muchinyorwa chedu chaAugust 8, 1997.
b Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . How Can I Cope With Verbal Abuse?” iri muchinyorwa chedu chechiNgezi chaJune 8, 1989. Onawo nhevedzano inoti “Kubva Kumashoko Anokuvadza Kuenda Kumashoko Anoporesa,” iri muMukai! yaNovember 8, 1996.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Kubvuma zvikanganiso zvedu kunotibetsera kudzidza mumhosho dzedu