RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 6/8 pp. 17-18
  • Vaiiti Varaidzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vaiiti Varaidzo
  • Mukai!—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Chidzidzo Kubva Munhau Yezvaiitika Kare muRoma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kusarudza Kwaungaita Varaidzo Yakanaka
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Sarudza Nekuchenjera Zvinhu Zvekuzvivaraidza Nazvo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 6/8 pp. 17-18

Vaiiti Varaidzo

MUNHANDARE yemitambo makanga mune mufaro mukuru. Makumi ezviuru akanga akaunganira mumwe wemitambo yeRoma yekare yaifadza zvikurusa. Mireza, maruva, uye maribhoni ane ruvara akanga akashongedza nhandare yacho zvakaisvonaka. Zvitubu zvaibudisa mvura inonhuwira, ichinhuwirisa mhepo nekunhuwira kunofadza. Vapfumi vakanga vakapfeka zvipfeko zvavo zvinovaima zvikurusa. Kufara kweboka racho kwaiita chikwee panhambo nenhambo, asi kufara kweboka iri kwaipesana nekutyisa kwezvakanga zvoda kuitika.

Nokukurumidza kurira kune zvakunoreva kwenyere kwakadanira varwi vaviri kuhondo. Mhomho yakanga ichipenga sezvo vaikwikwidzana vakavamba kuchekana zvisina tsitsi. Kurira kwemapanga kwaisanzwika nekukusvudzira kwaivhara nzeve kwevaiona. Kamwe kamwe, nokukurumidza, mumwe murwi akawisira waairwisa pasi. Mugumo woupenyu hwomurwi akanga awisirwa pasi zvino wakanga wava mumaoko evakanga vakatarisa. Kudai vaizoninira nehengechepfu dzavo, aizorarama. Nechiratidzo chimwe chezvara zvavo, gungano racho—vakadzi nevasikana vachibatanidzwa—rakarayira kurova kwokuuraya. Pasina nguva ngani chitunha chakazvuzvurudzirwa kunze kwenhandare, ivhu rakanga rati tapa tapa neropa rakaseurwa nefoshoro, jecha idzva rakamwayiwa, uye mhomho yacho yakazvigadzirira nokuda kwechishava chose chakanga chasara.

Kuvazhinji vaigara muRoma yekare, iyoyo yairangarirwa sevaraidzo. “Kunyange vadzidzisi vetsika vane rumano zvikurusa havana kurambidza kufarira chishava uku,” rinodaro bhuku rinonzi Rome: The First Thousand Years. Uye mutambo wokurwa wakanga uchingova rumwe rudzi rwevaraidzo yekunopera kwezana remakore rechi19 iyo Roma yaigovera. Hondo chaidzoidzo dzengarava dzehondo dzairwiwa nokuda kwokufadza vaoni vanofarira kuteura ropa. Kunyange kuuraya kwepachena kwaiitwa, apo tsotsi raipiwa mhaka raisungirwa padanda ndokuitwa kanyama kanyama nemhuka dzomusango dzakaziyiswa nenzara.

Nokuda kweavo vaisafarira kuteura ropa zvakadaro, Roma yaigovera mhatsa yemitambo yepachikuva. Pamitambo yacho—mitambo mipfupi pamusoro peupenyu hwezuva nezuva—“upombwe nenyaya dzerudo ndiyo yaive misoro mikuru,” akanyora kudaro Ludwig Friedländer mubhuku rinonzi Roman Life and Manners Under the Early Empire. “Mutauro wacho wakanga wakazara nemashoko akaora, uye kuseka zinhu zvinonyadzisa, nokufinyamiswa kwezviso zvizhinji, majangariko anonyadzisa, uye, kupfuura zvose, kutamba nyere kwemazvake mazvake.” Maererano neThe New Encyclopædia Britannica, “ufakazi huripo hwokuti zviito zvoupombwe zvakaitwa chaizvoizvo pachikuva chomutambo mukati menguva yeUmambo hweRoma.” Nechikonzero chakanaka Friedländer akadana mutambo wacho kuti “mutambo usingadzorwi zvikurusa muunzenza nezvinonyangadza,” uye akawedzera kuti: “zviitiko zvakanga zvakaipa zvikurusa ndizvo zvaifarirwa zvikurusa.”a

Zvakadini nanhasi? Kufarira kwemunhu varaidzo kwachinja here? Rangarira ufakazi, sezvinokurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Pane dzimwe nguva, kuuraya kwaiitwa pachikuva kuita kuti mutambo wacho uratidzike kuva zvinhu chaizvoizvo. Bhuku rinonzi The Civilization of Rome rinoti: “Kwakanga kwakarovedzeka kuti tsotsi rakanga ratongerwa rufu ritore nzvimbo yomutambi panhambo yengwavaira.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 17]

The Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe