Chikonzero Nei Rudzidziso Rwenyika Ruchaguma
“Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa ma[t]ambudziko aro.”—ZVAKAZARURWA 18:4.
1. (a) Bhabhironi Guru rawa munzirai? (b) Chiitiko ichi chakatapura sei Zvapupu zvaJehovha?
“BHABHIRONI GURU rawa!” Hungu, mumurangariro waJehovha umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema hwawa. Ikoku kwave kuri kwechokwadi kubvira muna 1919, apo vakasarira vehama dzaKristu vakabuda mupesvedzero yechiKristudhomu, rutivi rukuru rweBhabhironi rakavanzika. Somugumisiro, vave vakasununguka kuti vashurikidze rudzidziso rwenhema uye kuti vazivise kutonga kwaMwari kwakarurama kupfurikidza noUmambo hwaMesiya. Mukati mezana rino ramakore Zvapupu zvaJehovha zvakavimbika zvakafumura mativi eboka raSatani ramarudzidziso aanodzora, ayo akashandisa kutsausa “nyika yose.”—Zvakazarurwa 12:9; 14:8; 18:2, NW.
Bhabhironi Guru Rawa Sei?
2. Ndeupi uri mumiriro wezvinhu wazvino wamarudzidziso enyika?
2 Zvisinei, mumwe munhu angabvunza kuti, ‘Munogona sei kutaura kuti Bhabhironi rawa, apo rudzidziso runoratidzika kuva rwuri kubudirira munyika dzakawanda kwazvo?’ ChiKaturike nechiIslam chimwe nechimwe chinotaura kuva navatendi vanopfuura bhiriyoni imwe. ChiPurotesitendi chichiri kubudirira munyika dzeAmerica, umo chechi itsva nemakamuri okunamatira zvinovakwa nguva dzose. Mazana amamiriyoni anotevera tsika dzechiBuddha nechiHindu. Bva, rudzidziso rwose urwu runoshandisa pesvedzero yakanaka pamufambiro wamabhiriyoni aya kusvikira kumweroi? Rwakadzivisa vaKaturike nevaPurotesitendi pakuurayana muNorthern Ireland here? Rwakaunza rugare chairwoirwo kuvaJudha navaMuslim muMiddle East here? Rwakatungamirira kutsinhirano pakati pavaHindu navaMuslim muIndia here? Uye, nguva pfupi zvikuru yapfuura, rwakadzivisa vaOrthodox veSerbia, vaKaturike veCroatia, uye vaMuslim veBosnia kutsvaka “kuparadza dzinza,” kupamba, kubata chibharo, uye kuurayana here? Rudzidziso kazhinji kazhinji runongova chiratidzo chete, rusina kusimba runoparadzika mudzvinyiriro dukusa.—VaGaratia 5:19-21; enzanisa naJakobho 2:10, 11.
3. Nei rudzidziso rwuri kutongwa pamberi paMwari?
3 Mumurangariro waMwari, tsigiro yorudzidziso inopiwa navanhu vazhinji haichinji idi risinganzvengeki—rudzidziso rwose rwuri kutongwa pamberi paMwari. Bhabhironi Guru, sezvinoratidzirwa nenhau yaro, rakafanirwa nokutongwa zvakashata nemhaka yekuti “zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.” (Zvakazarurwa 18:5) Mumutauro weuporofita Hosea akanyora, kuti: “Nokuti vanodzvara mhepo, vachacheka chamupupuri.” Marudzidziso ose enhema aSatani munyika yose achabhadhara mutengo mukuru nokuda kwokunyengera kwawo Mwari, rudo rwake, zita rake, uye Mwanakomana wake.—Hosea 8:7; VaGaratia 6:7; 1 Johane 2:22, 23.
Unofanira Kusarudza
4, 5. (a) Tiri kurarama mumamiriroi ezvinhu nhasi? (b) Mibvunzoi yatinofanira kupindura?
4 Tiri kurarama murutivi rwokupedzisira rwa“mazuva okupedzisira,” uye savaKristu vechokwadi tiri kurwisa kuti tipukunyuke idzi “nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1-5) VaKristu vechokwadi vagari vechinguvana munyika yaSatani, iyo inoratidzira zvirokwazvo unhu hwake hwakashata somupondi, murevi wenhema, uye mucheri. (Johane 8:44; 1 Petro 2:11, 12; Zvakazarurwa 12:10) Takakomberedzwa nemasimba masimba, unyengeri, ubinya, ushati, uye unzenza hwakakomba. Nheyo dziri kufuratirwa. Kuda mifarwa uye kuzviitira zvinhu mashoko anoenzanisira mamiriro acho ezvinhu. Uye muzviitiko zvizhinji vafundisi vanofuratira ushati hwetsika kupfurikidza nokurerutsa shurikidzo yeBhaibheri yakajeka yeungochani, ufeve, uye upombwe. Nokudaro mubvunzo ndeuyu, Unotsigira uye unofuratira kunamata kwenhema, kana kuti unotora rutivi nokushingaira mukunamata kwechokwadi here?—Revhitiko 18:22; 20:13; VaRoma 1:26, 27; 1 VaKorinte 6:9-11.
5 Zvino inguva yekuparadzanisa. Nokudaro, kune chikonzero chose chikuru chokusiyanisa kunamata kwenhema nokwechokwadi. Chiizve icho marudzidziso echiKristudhomu akaita chinoaita kuti ave ane mhaka kwazvo?—Maraki 3:18; Johane 4:23, 24.
Rudzidziso Rwenhema Rwunopomerwa
6. ChiKristudhomu chakanyengera sei Umambo hwaMwari?
6 Kunyange zvazvo mamiriyoni ari muchiKristudhomu achishandisa Munyengetero waShe nguva dzose, umo anonyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye, nokushingaira akatsigira chimiro chiri chose chekuratidzirwa kwezvamatongerwe enyika, achirega kutonga kuya kwoubati ushe hwaMwari. Mazana amakore apfuura “machinda” eChechi yeKaturike, akadai savanaCardinal Richelieu, Mazarin, uye Wolsey, akabatirawo senyanzvi mune zvehurumende dzenyika, makurukota ehurumende.
7. Zvapupu zvaJehovha zvakafumura sei vafundisi vechiKristudhomu makore 50 apfuura?
7 Makore anopfuura 50 apfuura, mubhukwana rine musoro unoti Religion Reaps the Whirlwind, Zvapupu zvaJehovha zvakafumura kubatanidzwa kwechiKristudhomu nezvematongerwe enyika.a Zvakataurwa panguva iyoyo zvinoshanda nesimba rakaenzana nhasi: “Kufeya-feya kwokutendeseka mufambiro wavafundisi verudzidziso vamasangano ose kuchazivisa kuti vatungamiriri vorudzidziso ve‘chiKristudhomu’ chose vari kutora rutivi nekufarira kukuru zvematongerwe enyika zve‘nyika iripo yakaipa’ uye vari kupindira muzvinhu zvenyika.” Shure panguva iyoyo Zvapupu zvakatsoropodza zvakakomba Pope Pius XII nokuda kwezvibvumirano zvake naHitler weNazi (1933) uye Franco weFascist (1941), pamwe chete nekuchinjana kwapapa vamiriri venyika nenyika yeJapan youkono muna March 1942, mwedzi mishomanene chete pashure pokurwiswa kwePearl Harbor kune mukurumbira wakaipa. Papa akakundikana kuteerera nyevero yaJakobho, yokuti: “Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.”—Jakobho 4:4.
8. Chechi yeRoma Katurike inobatanidzwa sei mune zvematongerwe enyika nhasi?
8 Ndeapi ari mamiriro ezvinhu nhasi? Gadziriro yavanapapa ichiri kubatanidzwa mune zvematongerwe enyika, zvose zviri zviviri kupfurikidza navafundisi vayo uye kupfurikidza navamiriri vayo vari vanhuwo zvavo. Vanapapa vomunguva pfupi yapfuura vakatendera Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose kupfurikidza nokutaura kuti chipameso ichocho chakaitwa navanhu ndecherugare rwenyika. Chinyorwa chomunguva pfupi yapfuura cheL’Osservatore Romano, pepanhau rehurumende reVatican, rakazivisa kuti vamiririri venyika vatsva vanomwe, “nhume dzeHoly See,” dzakapa magwaro adzo kuna “Holy Father.” Tingagona kufungidzira Jesu naPetro vachibatanidzwa mukuchinjana kwakadaro kwokumirira nyika here? Jesu akaramba kuitwa mambo navaJudha ndokutaura kuti Umambo hwake hwakanga husiri hwenyika ino.—Johane 6:15; 18:36.
9. Nei tichigona kutaura kuti marudzidziso ePurotesitendi haasi nani kupfuura vabiyavo veKaturike?
9 Vatungamiriri vePurotesitendi vambori nani kupfuura vabiyavo veKaturike here? MuUnited States, marudzidziso mazhinji ane mwero echiPurotesitendi, uye vaMormonwo, vanozivikanwa nekuda zvematongerwe enyika kwakati. Christian Coalition inobatanidzwa zvikuru mune zvematongerwe enyika zveU.S. Vamwe vafundisi vePurotesitendi vanozivikanwa zvakajeka nechimiro chendangariro chakasiyana chezvematongerwe enyika. Pane dzimwe nguva kunokanganwika kuti muUnited States, vatauriri vezvematongerwe enyika vakadai saPat Robertson naJesse Jackson “Vafundisi,” kana kuti vaichimbovawo sezvakaita nhengo yeparamende yeBritain Ian Paisley weNorthern Ireland. Vanomboruramisa sei nzvimbo dzavo?—Mabasa 10:34, 35; VaGaratia 2:6.
10. Kutaurai kwakajeka kwakaitwa muna 1944?
10 Sezvakabvunza Religion Reaps the Whirlwind muna 1944, tinodarowo zvino: “Sangano ripi neripi rinopinda muzvibvumirano nemasimba enyika ndokuzvipinza rimene nokushingaira muzvinhu zvematongerwe enyika zvenyika ino, richitsvaka betsero nedziviriro munyika ino . . . rinogona kuva chechi yaMwari kana kuti kumirira Kristu Jesu pasi pano here? . . . Sezvinooneka, vezverudzidziso vose avo vane nharidzano dzimwe chetedzo neumambo hwenyika ino havagoni kumirira umambo hwaMwari hunodzorwa naKristu Jesu.”
Mudzimu Worudzidziso Rwenhema waKaini
11. Rudzidziso rwenhema rwakatevera sei muenzaniso waKaini?
11 Munhau yose, rudzidziso rwenhema rwakaratidza mudzimu waKaini wokuponda hama yokunyama, uyo akaponda munun’una wake Abheri. “Vana vaMwari vanooneswa naizvozvo, navana vaDhiyabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo usingadi hama yake. Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane; tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akauraya munun’una wake. Wakamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun’una wake akanga akarurama.” Asingashiviriri kunamata Mwari kwomunun’una wake kwakachena uye kwaigamuchirwa, Kaini akatendeukira kumasimba masimba—chiito chokupedzisira chaavo vasina mhinduro ine mufungo.—1 Johane 3:10-12.
12. Ufakazii huripo hwekutora rutivi kworudzidziso muhondo negakava?
12 Maidi anotsigira uku kupomerwa kworudzidziso rwenhema here? Mubhuku rinonzi Preachers Present Arms, munyori wacho akati: “Munhau yepepuko, . . . masimba maviri nguva dzose ave akabatanidzwa pamwe chete mumibatanidzwa miviri. Iwayo ihondo nerudzidziso. Uye, pamarudzidziso ose makuru enyika, . . . hakuna rwave rwakazvipira zvikuru ku[hondo] kupfuura zvave zvakaita [chiKristudhomu].” Makore akati apfuura, pepanhau reThe Sun reVancouver, Canada, rakati: “Utera zvichida hwerudzidziso rwose rwakarongwa kuti chechi inotevera mureza . . . Ihondo ipi yakamborwiwa umo Mwari asina kutaurwa kuva kurutivi rumwe norumwe?” Ungave wakaona chibvumikiso chaikoku muchechi yakati yomunzvimbomo. Kazhinji kazhinji zvikuru, mireza yenyika inofukidza atari. Unofunga kuti Jesu aizofora pasi pomureza upi? Mashoko ake akanzwika mumazana amakore: “Ushe hwangu hauzi hwenyika ino”!—Johane 18:36.
13. (a) Rudzidziso rwenhema rwakakundikana sei muAfrica? (b) Chiratidzoi chinozivisa chechiKristu icho Jesu akapa?
13 Marudzidziso echiKristudhomu haana kudzidzisa mapoka awo zvokwadi yerudo rwouhama rwechokwadi. Panzvimbo pezvo, misiyano yenyika, yerudzi, uye yedzinza inobvumirwa kukamura mitezo yavo. Mishumo inoratidzira kuti vafundisi veKaturike neveAnglican vakava nerutivi mumapoka akaguma nokuparadza rudzi muRwanda. The New York Times yakashuma, kuti: “Kupondwa kwavakawanda muRwanda kwakaparira vaRoma Katurike vazhinji imomo kunzwa vanyengerwa neboka ravafundisi rechechi. Chechi yaiwanzokamurwa mune zvedzinza, pakati pavaHutu navaTutsi.” Pepanhau rimwe chetero rakanokora mashoko mumwe muprista wekuMaryknoll seaiti: “Chechi yakakundikana zvinosiririsa kwazvo muRwanda muna 1994. Vagari veRwanda vazhinji mupfungwa yakati vakaramba chechi. Haisati ichadavirwa.” Kupesana kwakadini nemashoko aJesu, okuti: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.”—Johane 13:35.
14. Chinyorwai chemufambiro icho marudzidziso makuru asiri echiKristu anopa?
14 Mamwe marudzidziso makuru eBhabhironi Guru haana kugadza muenzaniso uri nani. Kupondwa kwavakawanda kunotyisa kwa1947, apo India yakakamurwa, kunoratidza kuti marudzidziso makuru ikoko haana kubudisa kushivirira. Masimba masimba anopfuuridzirwa emunzanga muIndia anotsigira kuti vanhu vazhinjisa havana kuchinja. Hakushamisi kuti magazini yeIndia Today yakagumisa, kuti: “Rudzidziso rwave rwuri zita iro pasi paro mhosva dzakakomba zvikurusa dzakaparwa. . . . Runobudisa masimba masimba makuru uye isimba rinoparadza zvikuru.”
“Mhesano Inoshamisa”
15. Ndeupi uri mumiriro wezvinhu werudzidziso munyika yokumadokero?
15 Kunyange vatsinhiri venyika vakacherekedza kukundikana kworudzidziso kupwisa, kuroverera mipimo yechokwadi, uye kudzivisa kupinda kwokuramba rudzidziso. Mubhuku rake rinonzi Out of Control, aichimbova mupizano wechengeteko yenyika weU.S. Zbigniew Brzezinski akanyora, kuti: “Imhesano inoshamisa kuti rukundo rukurusa nokuda kwokutaura kwokuti ‘Mwari akafa’ haruna kuitika munyika dzinodzorwa nechiMarxist . . . asi munzanga dzokuMadokero dzakasununguka dzoutongi hunosarudzwa navanhu, idzo maererano netsika dzakachengeta kusakendenga kwetsika. Mune dzapashure, idi nderekuti rudzidziso rwakarega kuva simba guru renzanga.” Akapfuurira, kuti: “Kubata kworudzidziso patsika yeEurope kwakaderera zvikuru, uye Europe nhasi—kunyange zvikuru kwazvo saizvozvo kupfuura America—nenzira inokosha inzanga yenyika zvikuru.”
16, 17. (a) Izanoi iro Jesu akapa pamusoro pavafundisi vemuzuva rake? (b) Inheyoi yakaisvonaka iyo Jesu akataura pamusoro pechibereko?
16 Jesu akatii pamusoro pavafundisi vechiJudha vemuzuva rake? “Vanyori navaFarise vagere pachigaro chaMosesi [chokudzidzisa Torah, Mutemo]; saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.” Hungu, unyengeri hworudzidziso handi chinhu chitsva.—Mateo 23:2, 3.
17 Chibereko chorudzidziso rwenhema chinorwushurikidza. Mutemo wakapiwa naJesu unoshanda kwazvo, wokuti: “Muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa. Muti wakanaka haungabereki zvibereko zvakaipa, nomuti wakaipa haungabereki zvibereko zvakanaka. Muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumwoto. Saka muchavaziva nezvibereko zvavo.”—Mateo 7:17-20.
18. ChiKristudhomu chinofanira kuve chakachengeta sei vanhu vacho vakachena?
18 Kudai marudzidziso echiKristudhomu akanga achingwarira kushandisa chirango chechiKristu chokudzinga, kana kuti kutanda, nokuda kwemabasa ose okusateerera mutemo akaitwa naavo vanotaura kuva mitezo yacho, chii chaizoitika? Chii chaizoitika kuvanyepi vose, zvifeve, mhombwe, ngochani, vanyengedzi, matsotsi, vatengesi vemirimo uye vakapindwa muropa nemirimo, uye mitezo yeutsotsi hwakarongwa vasingapfidzi? Pasina panikiro, chibereko chechiKristudhomu chakaora chinokuita kuti chive chakakodzerwa bedzi noruparadziko runoitwa naMwari.—1 VaKorinte 5:9-13; 2 Johane 10, 11.
19. Kubvumai kwakaitwa pamusoro peutungamiriri hworudzidziso?
19 Mutumbi unodzora weChechi yePresbyterian muUnited States wakabvuma, kuti: “Tiri kutarisana nenjodzi inotyisa muukuru hwayo nerevo. . . . Pakati pe10 ne23 muzana yavafundisi munyika yose yakabatanidzwa mumufambiro wevatano kana kuti kuva nevatano nemitezo yechechi, vabetserwi, vashandi, zvichingodaro.” Mumwe muzvinabhizimisi weU.S. akapfupikisa pfundo racho zvakanaka zvikuru, achiti: “Masangano orudzidziso akundikana kupa mipimo yao yetsika, uye muzviitiko zvizhinji, akava rutivi rwechinetso chacho.”
20, 21. (a) Jesu naPauro vakashurikidza sei unyengeri? (b) Mibvunzoi ichada kupindurwa?
20 Kushurikidza kwaJesu unyengeri hworudzidziso ndokwechokwadi nhasi sezvakwakaita munguva yake: “Imi vanyengeri, Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu, achiti: Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirayiro yavanhu.” (Mateo 15:7-9) Mashoko aPauro kuna Tito anorondedzerawo mumiriro wedu wezvinhu wazvino uno: “Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingateereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.”—Tito 1:16.
21 Jesu akataura kuti kana bofu rikatungamirira bofu, ose ari maviri anowira mugomba. (Mateo 15:14) Unoda kuparara neBhabhironi Guru here? Kana kuti unoda kufamba munzira dzakatwasuka nemaziso ako akazaruka ndokufarikanya chikomborero chaJehovha here? Mibvunzo inonangana nesu zvino ndeiyi: Rudzidziso rwupi, kana rwuchitongovapo, runobereka chibereko choumwari? Tinogona sei kuziva kunamata kwechokwadi kunogamuchirwa naMwari?—Pisarema 119:105.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., muna 1944; zvino harichadhindwi.
Unoyeuka Here?
◻ Ndechipi chiri chimiro chazvino cheBhabhironi Guru pamberi paMwari?
◻ Rudzidziso rwenhema runopomerwa pahwaroi?
◻ Rudzidziso rwenhema rwakaratidza sei mudzimu waKaini?
◻ Inheyoi iyo Jesu akataura nokuda kwokutonga rudzidziso rwupi norwupi?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Munhau yose vatungamiriri verudzidziso vakapindira mune zvematongerwe enyika
[Mifananidzo iri papeji 15]
Vafundisi ava vakanga variwo nyanzvi mune zvehurumende vaiva nesimba
Cardinal Mazarin
Cardinal Richelieu
Cardinal Wolsey
[Vakatipa Mufananidzo]
Cardinal Mazarin naCardinal Richelieu: Kubva mubhuku rinonzi Ridpath’s History of the World (Vhor. VI neVhor. V nenzira yakatevedzana). Cardinal Wolsey: Kubva mubhuku rinonzi The History of Protestantism (Vhor. I).