RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 3/8 pp. 6-8
  • Neiko Utsotsi Hwakarongwa Huchibudirira?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Utsotsi Hwakarongwa Huchibudirira?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muitiro Wemhuri Wokunyepedzera
  • Ngirozi Yechiedza
  • Nyika Isina Utsotsi—Sei?
    Mukai!—1997
  • Kurega Utsotsi Hwakarongwa—“Ndakanga Ndiri Yakuza”
    Mukai!—1997
  • Nzira Iyo Utsotsi Hwakarongwa Hunokutapura Nayo
    Mukai!—1997
  • Neiko Kune Utsotsi Hwakawanda Kudaro?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 3/8 pp. 6-8

Neiko Utsotsi Hwakarongwa Huchibudirira?

AL CAPONE, nhengo yegen’a rematsotsi ine mukurumbira wakaipa yeU.S. Prohibition Era (1920-33), akati akanga angori muzvinabhizimisi aigovera zvinorayirwa nomutemo—mutemo wokugovera zvinodikanwa. Rimwe gweta resangano gurusa reyakuza muJapan rakati: “Haugoni kuramba kuti pane kudikanwa kwakasimba kwe[vatano, mirimo, uye kubhejera].” Kudikanwa ikoko kunotsigira utsotsi hwakarongwa. Kunyange zvazvo pasina munhu anoda kuva nyajambwa woutsotsi, vamwe vangatendeukira kumasangano outsotsi ndokuzvibetsera nebetsero dzahwo.

Rangarira, somuenzaniso, mabhizimisi okunyengera edziviriro ayo nhengo dzegen’a rematsotsi munyika zhinji dzinoshandisa samanyuko emari inowanwa. Kunyange zvazvo, padzimwe nguva, achiita vanyajambwa varidzi vezvitoro vakatendeseka, anowanzoita vanyajambwa avo vanoita mabhizimisi ane mukurumbira wakaipa. Mumwe muridzi wekasino muShinjuku, Tokyo, uyo anoita bhizimisi rake akavanda neimba yokunwira tii, akati: “Mumwe mabharani akabayiwa nebanga, ndokubirwa mamiriyoni 2 [emayen ($200 000)]. Asi taisagona kudana mapurisa.” Kuregerereiko? “Sezvo tichibatanidzwa mubasa risiri repamutemo (kubhejera), hatidi kuva nechinhu chipi nechipi chokuita nemapurisa. Apo mutengi anova ane usindimari muchitoro chedu, tinodana yakuza.” Uyu muzvinabhizimisi wekasino anoripira yakuza $40 000 pamwedzi, muripo muduku apo inoenzaniswa neporofiti ye$3 000 000 yaanowana nechimbichimbi kupfurikidza nokushanda kwake kusiri kwepamutemo mukati menguva iyeyo. Mari iyoyo inobva kupi? Muhomwe dzeavo vanofadzwa nokubhejera kusiri kwepamutemo.

Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvemabhizimisi akarurama ayo anoda kudzivisa zvinetso. Chimwe chiremera cheNew York chakafungidzira kuti kondirakiti yokupenda inowana mamiriyoni $150 pagore yakachengetedza mamiriyoni $38 kupfurikidza nokupa pfumbamuromo nhengo dzegen’a rematsotsi. Ikoku kwakabvumira muridzi wekondirakiti yacho kushandisa vanhu vanoshandira mibayiro yakaderera ndokudzivisa rwisano nemubatanidzwa unodzorwa nemhomho. MuJapan, mukati menhambo yokubudirira kwezvoupfumi, vagoveri vemari vakadururira mari yavo mupfuma yezvivako nenzvimbo ndokuparadza imba dzekare nezvitoro kuti vavake zvivako zvinodhura. Apo vagari vaisakwanisa kutama kana kuti kutengesa nzvimbo yavo, vagoveri vemari vakadana jiageya, zvikurukuru makambani akabatana neyakuza, kuti avadzinge.

Apo yakuza yakaona kuti kwakanga kuri nyore sei kukweretesa ndokuwana mari mukati mema80, yakaumba makambani ndokupinda mubhizimisi rine ngozi repfuma yezvivako nenzvimbo uye mastock. Mabhangi nemasangano ezvemari akadururira mari muaya makambani, sezviri pachena achikarira porofiti yawo amene. Asi apo bhizimisi racho risiri rechokwadi rakakundikana, mabhangi acho akakuwana kwakaoma zvikuru kuwanazve mari yawo. Achitaura nezvenhambo yomubato wakaderera wezvoupfumi wairamba uripo muJapan, mumwe aichimbova mukuru mukuru wemapurisa akati, muNewsweek: “Chikonzero chaichoicho nei zvinetso zvezvikwereti zvisina kubhadharwa panguva zvisingagoni kupedzwa nokukurumidza ndechokuti chikamu chikuru chazvo chakabatana noutsotsi hwakarongwa.”

Zvirokwazvo, utsotsi hwakarongwa hunowedzera ndokubudirira uko vanhu vanodisa kugutsa mufarwa wavo, pasinei zvapo nokuti vanozviita sei. Kukara mufarwa, vatano, uye mari kunogovera nzvimbo yakakodzera kutengeswa kwemirimo, upfambi, kubhejera, uye kukweretesa mari painterest yakakwirira zvikuru. Kubatanidzwa mumibato yakadaro kunowanzoreva kudyisa nokukodza utsotsi hwakarongwa. Ichokwadi sei kuti utsotsi hwakarongwa hunogovera zvinodikanwa zvaavo vakatsunga kugutsa zvishuvo zvavo vamene zvenyama zvakashata!

Muitiro Wemhuri Wokunyepedzera

Mukuwedzera kukudikanwa kwemabasa asingatenderwi, kune kumwe kudikanwa nhasi umo utsotsi hwakarongwa hunobudirira. Mutungamiriri mushakabvu werimwe ramasangano makurusa eyakuza muJapan akaomerera pakuti akanga achitora vanhu vasingadzoreki ndokuvatarisira uye nokudaro achivadzivisa kuva vakaipa. Akataura kuti akanga ari baba wenhengo dzegen’a iroro. Masangano mazhinjisa eutsotsi, pasinei zvapo norudzi, anoumbira masangano awo paukama hwemhuri hwokunyepedzera hwakadaro.

Rangarira, somuenzaniso, Chi Sun,a uyo aibva mumhuri ine urombo muHong Kong. Baba vake vaiwanzomurova nenzira yemasimba masimba nokuda kwezvikonzero zvenhando. Chi Sun muduku akava anopandukira ndokuguma akumbanira maTriad anozivikanwa nokuda kwezvakaipa pazera ramakore 12. Musangano racho rematsotsi, akawana nzvimbo umo akanzwa kuti “aiva wemo.” Nemhaka youshingi hwake mukurwa nezvombo, akakwidziridzwa nokukurumidza kunzvimbo uko akanga ane varume vanoverengeka vaiva pasi pake. Pakupedzisira, apo akanga achingova nemakore 17 okukura, akaendeswa kujeri.

Vazhinji kufanana naChi Sun vanotendeukira kumasangano eutsotsi kuti vawane kubatana kwemhuri uko kwakanga kusipo pamba. Nhengo dzacho dzinoti dzinoitira hanya, asi duku zvikuru dzinowanzoodzwa mwoyo apo dzinowana kuti nhengo imwe neimwe inozvifarira imene zvikurukuru.

Ngirozi Yechiedza

Apo sangano guru zvikuru routsotsi muJapan rakaratidzirwa seboka ramasimba masimba mumutemo mutsva unorwisana negen’a rematsotsi muna 1992, mumwe wevatungamiriri varo akapikisa kuti boka racho raizvirangarira rimene kuva “rakanaka,” richirwisana nouipi. Apo kudengenyeka kwapasi kukuru kwakarova Kobe muna 1995, gen’a rimwe chetero rakaparadzira zvokudya, mvura, uye zvimwe zvinhu zvekurumidziro kuvavakidzani varo. “Rupo rwakadaro,” yakashuma kudaro Asahi Evening News, “runosungirwa kusimbisa chimiro chinoramba chiripo cheyakuza muJapan sevasingadzoreki vanokudzwa.”

Vanabhosi vemasangano ematsotsi vakaedza kazhinji kazhinji kuchengeta chimiro chokunze chakanaka. Pablo Escobar, mutungamiriri anozivikanwa nokuda kwezvakaipa wesangano remurimo reMedellín yeColombia, akanga ari kuvagari vakatsvikinyidzana veguta rake “munhu wengano—rutivi rwaMesiya, rutivi rwaRobin Hood, rutivi rweMukuru Wesangano Risiri Repamutemo mupfungwa yokushandira muridzi wenzvimbo yapatrón, bhosi,” akanyora kudaro Ana Carrigan muNewsweek. Akavakira vana nzvimbo dzokuitira skating nedzimba dzakanaka nokuda kwevarombo, uye akapa vanachenzira mabasa. Akanga ari gamba kuavo vaibetserwa norupo rwake.

Matsotsi ayo anoratidzika kuva akahwanda zvakakotsekana seri kwemasangano awo, zvisinei, vanongova vanhu vanoshandiswa netsotsi guru remuchisiko chose. Bhaibheri rinozivisa kuti iroro ndiani. “Sataniwo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza. Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachizvishandurawo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata.” (2 VaKorinte 11:14, 15) Nhasi, vanhu vazhinjisa havadaviri kuti Satani munhu chaiye. Munyori wenhetembo wokuFrance wezana ramakore rechi19 akati: “Zano rokuchenjera zvikuru raDhiyabhorosi kukunyengetedza kuti haapo.” Anovandira asingaoneki ndokutarisira zviri kuitika, kwete bedzi mumasangano ematsotsi asi munyika yose. “Nyika yose igere muna iye wakaipa,” rinotsanangura kudaro Bhaibheri. Jesu akarondedzera Satani so“muurayi kubva pakutanga; . . . wenhema, uye baba vadzo.”—1 Johane 5:19; Johane 8:44.

Uporofita hweBhaibheri hunozivisa kuti Satani Dhiyabhorosi ave achishingaira zvikurukuru kubvira muna 1914. Kubvira mugore iroro zvichienda mberi, ave achiunganidzira mapoka ake mukurwisana zvakaomarara navanhu vaMwari. Ari kupinza rudzi rwomunhu muchamupupuri chenyongano. Ndiye chikonzero chikurusa nei utsotsi nemasangano eutsotsi zvichibudirira nhasi.—Zvakazarurwa 12:9-12.

Murongi anotsigira masangano ematsotsi apasi achazombobviswa here? Rudzi rwomunhu ruchazombofarikanya rugare nenhevedzano here? Iwe unogona kusununguka muumambo hwakaipa uhwo Satani akaumba pasi pano nhasi here?

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa nokuda kwekotsekano yaavo vanobatanidzwa.

[Bhokisi riri papeji 7]

Nzira Yokudzivirira Nayo Mhuri Yako

KUSHAYIKWA kwemhoteredzo yemhuri youshamwari, yakabatana kunogona kuita vaduku vanyajambwa vari nyore vemasangano eutsotsi. MuUnited States, kunoshumwa kuti, ruzhinji rwevaduku avo vanobatanidzwa mukuponda kwegen’a vanobva mumhuri dzakabudirira zvishomanene kana kuti dzakaputsika. “Vachiva varombo,” anodaro mumwe mukuru mukuru wenzvimbo yepakati inochengeterwa vane mhaka muNorth Carolina, “vanosundwa nyore nyore nokubatana kwakasimba kuri pakati pabhosi wacho nevateveri vake uye murangariro wokuva vamwe senhengo yesangano, izvo zvavanova nazvo kekutanga muupenyu hwavo.”

Nenzira yakafanana, muMabvazuva yakuza muduku uyo anodisa kuva nhoo mhenyu nokuda kwabhosi wake anoti: “Pamba ndakanga ndiri ndoga nguva dzose. Kunyange zvazvo takanga tiri mhuri, handina kutongonzwa kuti taigona kuva nekurukurirano yapachokwadi. . . . Asi zvino ndinogona kutaura zvapachokwadi nevarume vacho.” Pwere dzine ushoma dzinonzwa dzichionga nhengo dzesangano rematsotsi idzo dzinodzipinza mumuitiro wakaita sewemhuri.

“Vanhu veyakuza vanoitira hanya zvikuru kwazvo,” anodaro mutungamiriri weboka revasikana vemidhudhudhu muOkinawa. “Zvimwe ndiwo muitiro wavo wemanomano; asi, unoona, sezvo tisina kumbobatwa nounyoro, ikoku kunotisunda.” Mutarisiri wenzvimbo yevasikana vakasindimara anosimbisa kuti nhengo dzegen’a rematsotsi “dzinogona chaizvoizvo kukwezva mwoyo yevasikana.” Apo vasikana vane ushoma vanodzidana pakati pousiku, nhengo dzegen’a rematsotsi dzinomhanyira kwavari ndokuteerera zvavanoda kutaura, pasina chaizvoizvo kukarakadza vatano kupi nokupi.

Chimiro chavo chendangariro chokuitira hanya chinopfuurira bedzi kusvikira vabata zvizere vaduku vacho avo vari kuita vanyajambwa. Kana vaduku vacho vangoiswa bedzi parumananzombe, vanoshandiswa zvisina kufanira—vasikana muzvikwata zvoupfambi uye vakomana musangano routsotsi.

Unogona Sei Kudzivirira Vadiwa Vako?

“Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo,” rinorayira kudaro Bhaibheri. (VaKorose 3:21) Ikoku hakusi kukurudzira vabereki kuva vanoregeredza. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mwana wangoregwa hake unonyadzisa mai vake.” (Zvirevo 29:15) Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinokurudzira vanababa—uye vanamaiwo—kuva vane mufungo mukubata nevana vavo, kuvateerera, uye kuva nekurukurirano yakananga navo. Ipapo, vana vachasundwa kuvimba nevabereki vavo apo vanozviwana vamene vari mukutambudzika.

Mukuwedzera kukuva nekurukurirano yakananga, vabereki vanofanira kupa vana vavo mipimo muupenyu. Baba vanogona kuwana nhungamiro dzakadaro kupi? Bhaibheri rinoti: “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Wanai nguva yokurangarira Bhaibheri nevana venyu kupfurikidza nemarusando efundo yeBhaibheri yemhuri. Uye rovererai mumwoyo yavo kutya Jehovha kwakanaka kuitira kuti vagotevera nhungamiro yaJehovha nguva dzose nokuda kwokubetserwa kwavo vamene.—Isaya 48:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe