RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 9/8 pp. 29-30
  • Chikonzero Nei Kudzinga Kuri Gadziriro Yorudo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Kudzinga Kuri Gadziriro Yorudo
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunotsigira Zita raMwari
  • Kunochengeta Ungano Yakakotsekana
  • Kudzivirirwa Kwavanhu Vamwe Navamwe
  • Dzokera Kuna Mwari
  • Nei Kudzinga Mutadzi Kuri Kuratidza Rudo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Chirango Icho Chinogona Kubereka Chibereko Chine Rugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nguva Dzose Bvuma Kurangwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kudzinga Igadziriro Yorudo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 9/8 pp. 29-30

Murangariro weBhaibheri

Chikonzero Nei Kudzinga Kuri Gadziriro Yorudo

KUTANDA—pfungwa yacho imene inonyandura mirangariro yakasiyana-siyana pakati pevanhu vakawanda vorudzidziso.a Vanhu vakawanda zvikuru vanobvuma kuti marudzidziso anoda rudzi rwakati rwechirango. Asi vakawanda vanorangarira kutanda setsika yakavamba kare—muitiro une hasha wokudzvinyirira wechirango unovayeuchidza nezvekutsvaka vokutambudza uye kubvunzurudza.

Kunowedzera kuchinetso chacho ipesvedzero inopararira yenyika. Nokudaro, mazhinjisa emarudzidziso echiKristudhomu akagamuchira murangariro wokusashivirira zvikuru wechivi. Hakushamisi, ipapoka, kuti mumwe mushumiri weEpiscopal akati: “Kutanda rutivi rwetsika yegamuchidzanwa redu, asi handifungi kuti wakashandiswa muzana rino ramakore.”

Zvisinei, vanhu vazhinji vangashamiswa kuziva kuti pakati peZvapupu zvaJehovha, kudzinga (kwakaenzana nokutanda) kuchiri kurangarirwa zvakakomba. Sezvinobvumwa, hachisi chiito chakapfava chokutora, asi igadziriro yorudo. Kunodaro sei?

Kunotsigira Zita raMwari

Jehovha ndiMwari mutsvene. Haashiviriri chivi chamaune chaavo vanotaura kuti vanomunamata. Muapostora Petro akanyora kuvaKristu, kuti: “Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” (1 Petro 1:15, 15) Naizvozvo kudzinga vatadzi vasingapfidzi kunotsigira zita dzvene raMwari; kunoratidza kuda zita iroro.—Enzanisa naVaHebheru 6:10.

Ikoko kunoreva here kuti kana muKristu akatera kuutera kana kuti kuwira muchivi chakakomba, anobva angotandwa muungano? Nyangwe! Jehovha haasiri mudzvinyiriri asina tsitsi. Ane ngoni uye anonzwisisa. Anoyeuka kuti hatina kukwana. (Pisarema 103:14) Jehovha anoziva kuti “vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Mwari akagadzirira betsero yomudzimu mukati meungano kuitira kuti kana muKristu akabatwa nokumwe “kudarika” kana kuti kunyange kuita chivi chakakomba, anga‘gadziridzwa’ nenzira younyoro mumudzimu wounyoro. (VaGaratia 6:1) Kupfurikidza nokugamuchira zano rinobva muShoko raMwari uye kuratidzira rusuruvaro runobva pamwoyo uye rupfidzo rwapachokwadi, uyo anenge atsauka munzira yokururama anogona “kuporeswa” mumudzimu.—Jakobho 5:13-15.

Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, kana muKristu akabhapatidzwa akaita mhosho yakakomba uye nhamburiko dzose dzokumudzora dzikasabudirira? Namamwe mashoko, zvakadiniko akaramba nechisimbwa kururamisa muitiro wake wokutadza?

Kunochengeta Ungano Yakakotsekana

Bhaibheri rinorayira vaKristu, kuti: “[Regai] kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari mhombwe, kana une ruchiva, kana unonamata zvifananidzo kana mutuki, kana unosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.”—1 VaKorinte 5:11.

Uyu mutemo weBhaibheri ndewehasha uye unoderedza here? Imborangarira izvi: Apo tsotsi remakoko rinoiswa mutorongo nokuda kwokuputsa mutemo, ikoko kunorangarirwa sehasha kana kuti kusina tsitsi here? Aiwa, nemhaka yokuti vanhu vane kodzero yokutaviridzira rugare nechengeteko zvenzanga. Chaizvoizvo, tsotsi rinodzingwa munzanga inochengetwa nomutemo mukati menguva yaro yomutorongo.

Nenzira yakafanana, ungano yechiKristu inoruramiswa mukudzinga mutadzi asingapfidzi pakati pavo. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti ungano inofanira kuva nzvimbo yechengeteko isina vanhu vane mufambiro wounzenza uye vamwe vaiti vechivi noune.

Achiziva kuti “mutadzi mumwe unoparadza zvakanaka zvizhinji,” muapostora Pauro akarayira vatendi biyake, kuti: “Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.” (Muparidzi 9:18; 1 VaKorinte 5:13) Ichi chiito chinodzivisa mutadzi wacho kuparadzira uipi muungano, uye chinodzivirira zita rakanaka reungano.—Enzanisa na1 Timotio 3:15.

Kudzivirirwa Kwavanhu Vamwe Navamwe

Kudzinga kunodzivirirawo mitezo mimwe nemimwe yeungano. Ngatienzanisirei: Fungidzira uchimutswa muhope nekurira kwehuta yemotokari kana kuti aramu. Kurira kwacho kwakaoma kufuratira; zvirokwazvo, kunokushamisa! Nenzira yakafanana, apo mumwe munhu anodzingwa muungano, chiito chacho chinokarirwa kuti chinobata ngwariro yomutezo uri wose weboka. Chinovhiringidza pfungwa yavo. Hachigoni kufuratirwa. Ichochi chingava sei dziviriro?

“Apo ndakatanga kunzwa paHoro yoUmambo kuti mumwe munhu akanga adzingwa, kuita kwangu kwokutanga kwakanga kuri katyamadzo,” chinodaro chimwe chapupu. “Ipapo kwakandininipisa. Kwakandiita kuti ndizive kuti iniwo ndingagona kuwa.” Sokuratidzira kunoita mashoko ake, kudzinga kunogona kusunda vamwe kuyera mufambiro wavo.—1 VaKorinte 10:12.

Kupfurikidza nokuzvibvunza timene mibvunzo yakadai seyokuti ‘Pane here nzvimbo dzipi nedzipi dzoupenyu hwangu umo ndingatapurwa mumudzimu?’ tinogona kubetserwa kunzvera chimiro chedu timene naMwari. Munzira iyoyi tinogona kupfuurira ku‘shandira ruponeso rwedu timene nokutya nokudedera.’—VaFiripi 2:12.

Dzokera Kuna Mwari

“Sokuoma kwazvakanga zvakaita” akadaro mumwe muKristu akadzingwa kwenguva yakati, “chirango chacho chakanga chiri madikanwa uye chaidikanwa zvikuru, chakabvumikisa kuva chinoponesa upenyu.” Ichochi chinosimbisa rimwe pfundo rinokosha rokudzinga. Kunogona kusundira vatadzi vasingapfidzi vomunguva yakapfuura kutora nhanho dzavo dzokutanga kudzokera kuna Mwari.

Muapostora Pauro akati: “Nokuti waanoda Ishe unomuranga.” (VaHebheru 12:6) Uye nepo kuri kwechokwadi kuti “kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.”—VaHebheru 12:11.

Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Richard. Pashure pokunge adzingwa kweanenge makore maviri, akapfidza, akaruramisa mufambiro wake waizvidza Mwari, uye akagamuchirwa kuti adzoke muungano yechiKristu. Achitarira shure, iye anoti nezvechiitiko chacho: “Ndinoziva kuti ndaifanira kudzingwa uye ndakanga ndakafanirwa zvizere nezvandakawana. Kwakanga kuri madikanwa chaizvoizvo uye kwakandibetsera kuona kuti mufambiro wangu wakanga wakakomba sei uye dikanwo yokutsvaka kanganwiro yaJehovha.”

Chirango chingasava chiri nyore kutsungirira. Kuchigamuchira kunoda kuzvininipisa, asi avo vanodzidza machiri vanokohwa zvibereko zvakawanda.

Naizvozvo, kudzinga igadziriro yorudo nemhaka yokuti kunotsigira zita dzvene raMwari uye kunodzivirira ungano papesvedzero inoshatisa yechivi. Uyewo, kunoratidzira kuda mutadzi kupfurikidza nokumukurudzira kupfidza uye “[kudzoka] kuti zvivi [zvake] zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kunaShe, dzisvike.”—Mabasa 3:19.

[Mashoko Omuzasi]

a Kutanda chiito chokuranga chinoguma nokubviswa kuva mutezo murudzidziso.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]

The New Testament: A Pictorial Archive from Nineteenth-Century Sources, by Don Rice/Dover Publications, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe