Umhandara—Nei?
“DZIDZISO youmhandara”—ndiwo madanire anoita Randall Balmer, mumwe purofesa werudzidziso paBarnard College/Columbia University, muitiro unoratidzika kuva uri kukura pakati pevechiduku wokusundira mberi chiito chevatano kutozosvikira vakura.
Hakushamisi, kurudziro huru yokurega vatano inobva kumasangano orudzidziso. “Asi simba rinosunda riri seri kwedzidziso youmhandara nderenyika, kwete rorudzidziso,” anoonesa kudaro Dr. Balmer. “Sundo chaiyoiyo yokuramba uri mhandara kutya—kwete kutya kurangwa naMwari, asi kutya hosha inouraya.” Nokudaro anosiyanisa “dzidziso yeMhandara Maria,” yairatidza kurega semupimo worudzidziso, ne“dzidziso youmhandara” yomuzuva razvino uno, inopa kurega zvikuru senhau yeutano.
“Itsananguro inosuruvarisa pamusoro pemamiriro ezvinhu erudzidziso muma1990 kuti kutya hosha kunodzora tsika,” Dr. Balmer anopfuurira kudaro. “Vatungamiriri vorudzidziso, vachidisa kwazvo kudzivisa kugumbura, vakapa tsika dzisina simba, kana kuti havana kutopa zvachose. Uye naizvozvo kunosiyirwa kumasaindisiti nevakuru vakuru vezveutano kupa vachiri kuyaruka zano pamusoro penzira yokudzora nayo upenyu hwavo hwevatano.”
Ikoku hakuna kudaro, zvisinei, nevaKristu vechokwadi. Rangarira Chad, wechiduku ari kurerwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Chad akasvikwa nemumwe musikana akatanga kurukurirano naye. Asi nokukurumidza kwakava pachena kuti vavariro dzake dzaive dzinopfuura kungotaura chete. “Ipapo imwe pfungwa yakauya kamwe kamwe,” anodaro Chad. “Ndaisagona kugumbura Jehovha. Nepfungwa yokufadza Jehovha nguva dzose mundangariro mangu, ndakamuudza kuti ndaifanira kuenda.”
Kufanana naChad, pwere zhinji pakati peZvapupu zvaJehovha dziri kuchengeta tsika dzakanaka kwete chete nokuda kwoutano hwakanaka asi zvikurukuru kuti dzifadze Musiki wadzo, Jehovha Mwari. Hakusi kutya hosha kunosunda tsika dzadzo. Panzvimbo pezvo, pwere dzakadaro dzinotevera zano raMuparidzi 12:1, rinoti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.”