RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 9/8 p. 9
  • Mutoo Wokubata Vapoteri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mutoo Wokubata Vapoteri
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe—Neiko Kuchakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • “Zvakanyorerwa Kuti Tirayiridzwe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kuvenga Mamwe Madzinza Kunopembedzwa Here?
    Mukai!—2003
  • Kuverenga Bhaibheri—Kunobatsira uye Kunonakidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 9/8 p. 9

Mutoo Wokubata Vapoteri

MUMUTEMO uyo Jehovha Mwari akapa kurudzi rwaIsraeri, vaIsraeri vakayeuchidzwa nezvamamiriro avo ezvinhu sevapoteri muEgipita. (Eksodho 22:21; 23:9; Dheuteronomio 10:19) Naizvozvo vakarayiridzwa kuti vabate vagari vokumwe vaiva pakati pavo nomutsa, zvirokwazvo sehama.

Mutemo waMwari waiti: “Kana mutorwa [uyo aiwanzova mupoteri] agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa. Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeEgipita.”—Revhitiko 19:33, 34.

Achiziva kuti vagari vokumwe kazhinji kazhinji vakanga vasina dziviriro uye vasina kuchengeteka, Jehovha akapa mitemo yakananga nokuda kwekugarikana kwavo nedziviriro. Rangarira kodzero dzinotevera dzavakavimbiswa.

KODZERO YOKUTONGWA ZVAKARURAMA: “Munofanira kuva nomurayiro mumwe chete kumutorwa kana kunowakaberekerwa panyika.” “Usatongera mutorwa kana kuti nherera zvisina kururama.”—Revhitiko 24:22; Dheuteronomio 24:17.

KODZERO YOMUGOVE MUCHEGUMI: “Nguva dzose kana makore matatu apera, unofanira kuuya nezvegumi zvose zvezvibereko zvako zvegore iro, ugozvichengeta mukati mamasuo ako. Zvino muRevhi, zvaasinomugove kana nhaka newe, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mumasuo ako, vanofanira kuuya kuzodya, vagute.”—Dheuteronomio 14:28, 29.

KODZERO YEMIRIPO YAKARURAMA: “Usamanikidza muranda unokubatira, ari murombo unoshayiwa, kana ari mumwe wehama dzako kana wavatorwa vako vari munyika yako mukati memasuo ako.”—Dheuteronomio 24:14.

KODZERO YOUTIZIRO NOKUDA KWEMUURAYI ASIRI WEMAUNE: “Maguta iwayo matanhatu anofanira kuva utiziro kuvana vaIsraeri, nokumweni, nokumutorwa ugere pakati pavo; kuti mumwe nomumwe wakauraya munhu, asina kuita nohwoni atizireko.”

KODZERO YOKUUNGANIDZA: “Kana muchikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako. Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu.”—Revhitiko 19:9, 10.

Zvirokwazvo, Musiki wedu, Jehovha Mwari, ane tsitsi nokuda kwevapoteri, uye anofanira kuve anofara apo tinodarowo. “Ivai vatevedzeri vaMwari,” muapostora wechiKristu Pauro akanyora, “uye rambai muchifamba murudo.”—VaEfeso 5:1, 2.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]

Mukomana ari kuruboshwe: UN PHOTO 159243/J. Isaac

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe