RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 11/1 pp. 4-7
  • Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe—Neiko Kuchakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe—Neiko Kuchakanaka?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Uko Mutemo Navaporofita Zvinoreva”
  • Kristu Anotungamirira Ungano Yake
  • Kuchakanaka, Kuchikushanda
  • Kurarama Mukuwirirana neKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe
  • Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Kunoshanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Dzidziso Inoshanda Kuvanhu Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Itira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo Paunenge Uchiparidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 11/1 pp. 4-7

Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe—Neiko Kuchakanaka?

NDARAMA chaiyoiyo haitongosvibi, naizvozvo zvinhu zvinogadzirwa nendarama zvinokudzwa uye zvinokosheswa. Panzvimbo pokurasha zvinhu zvendarama zvakakuvadzwa, vagadziri vezvinhu zvendarama vanomutsidzira simbi inokosha kuti vagadzire chinhu chitsva chounyanzvi nemhaka yokuti ndarama inochengeta ukoshi hwayo.

Nenzira yakafanana, kunyange zvazvo Jesu akataura Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe zviuru zvamakore zviviri zvapfuura, ukoshi hwako hahuna kuderera. Kupfurikidza nokuongorora, kana kuti kuyera, zvikonzero zvokunaka kwako, tinogona kunzwisisa zviri nani ukoshi hwako kwatiri nhasi.

Apo Jesu akatipa Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe, “zvinhu zvose, naizvozvo, zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imiwo munofanira kuvaitira zvakafanana,” iye akawedzera, kuti: “Ikoku, kutaura idi, ndiko uko Mutemo naVaporofita zvinoreva.” (Mateo 7:12, NW) Vadzidzi vaJesu navamwe vaimuteerera vakanzwisisa sei ikoku?

“Uko Mutemo Navaporofita Zvinoreva”

“Mutemo” waiva nenongedzero kumanyoro apakuvamba ayo akaumba mabhuku mashanu okutanga eBhaibheri, Genesi kusvikira kuna Dheuteronomio. Iwaya anozivisa donzo raJehovha rokubereka mbeu iyo yaizoparadza zvakaipa. (Genesi 3:15) Wakanga wakabatanidzwa mumabhuku eBhaibheri iwayo apakuvamba wakanga uri Mutemo, kana kuti bumbiro remirairo, iro Jehovha muna 1513 P.N.V. akapa kurudzi rwaIsraeri kupfurikidza naMosesi somureveri paGomo reSinai.

Mutemo woumwari wakaparadzanisa Israeri namarudzi echihedheni akanga akapoteredza, uye vaIsraeri vaisafanira kuita chinhu chipi nechipi chaizobvumiranisa pane zvisina kufanira chimiro chavo chinodiwa pamberi paJehovha. Ivo vakanga vari pfuma yake chaiyoiyo uye vaifanira kuramba vakadaro kuti vagamuchire zvikomborero zvake. (Eksodho 19:5; Dheuteronomio 10:12, 13) Asi mukuwedzera kumisengwa yavo kuna Mwari, Mutemo waMosesi wakatsanangura mutoro wavaIsraeri wokuita zvakanaka kuvagari vokumwe vaiva muna Israeri. Somuenzaniso, iwo wakati: “Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.” (Revhitiko 19:34) Mukati menhambo yamadzimambo muna Israeri, vagari vokumwe vakafarikanya maropafadzo akawanda, zvakadai sokugoverana mukuvakwa kwetembere yaMwari muJerusarema.—1 Makoronike 22:2.

Mutemo wakapiwa kuna Israeri wakarambidza upombwe, kuponda, kuba uye ruchiva. Iyi mirairo, pamwe chete no“murairo upi noupi,” waigona kupetwa mumurairo wokuti, “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” Muapostora Pauro akawedzera, kuti: “Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo.”—VaRoma 13:9, 10.

Kana Mutemo wakaratidzira hwaro humene hweKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe, zvakadiniko nezva“Vaporofita”?

Mabhuku ouporofita aMagwaro echiHebheru nenzira yakafanana anosimbisa kunaka kweKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe. Iwo anoratidza Jehovha saMwari anozadzika nokutendeka donzo rake. Iye anokomborera vabatiri vake vakatendeka avo, kunyange zvazvo vasina kukwana, vanoedza kuita kuda kwake ndokuratidzira rupfidzo rwechokwadi pazviito zvavo zvokuoma mutsipa. “Shambai, muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa; dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.”—Isaya 1:16, 17.

Apo vanhu vaMwari vakaita chakanga chakarurama kuvamwe nokuna Mwari, ipapo Jehovha akavimbisa tsigiro yake. “Zvanzi naJehovha: ‘Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; . . . Wakaropafadzwa munhu unoita izvozvi, nomwanakomana womunhu unozvibatisisa.”—Isaya 56:1, 2.

Kristu Anotungamirira Ungano Yake

Kristu akauya kuzozadzika Mutemo naVaporofita, uye chibviro chenguva yake, donzo risingagumi raJehovha rakapfuurira kufambira mberi. (Mateo 5:17; VaEfeso 3:10, 11, 17-19) Mutemo wekare waMosesi wakatsiviwa nesungano itsva, iyo inobatanidza maKristu akazodzwa ose ari maviri echiJudha naaVamarudzi. (Jeremia 31:31-34) Kunyanguvezvo, ungano yechiKristu yezuva redu ichiri kutevera Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe. Uye pano pane chimwe chikonzero chokugamuchira kunaka kwomutemo wacho: Kristu ndiye Musoro unoshingaira weungano yechiKristu yazvino uno. Iye haana kuchinja miraidzo yake. Zano rake rakafuridzirwa richiri rakanaka.

Asati abva papasi rino, Jesu akaraira vateveri vake kuita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose nokuvadzidzisa “kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” Muraidzo iwowo wakabatanidza Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe. Jesu akavimbisa vadzidzi vake, kuti: “Tarirai! Ini ndinemi mazuva ose kusvikira pamhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 28:19, 20, NW.

Sezvakanyorwa pana Ruka 6:31, Jesu akaraira, kuti: “Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirewo saizvozvo.” Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini Jesu akagadza mukutanga kuita zvakanaka kuvamwe!

Muushumiri hwake hwapasi, Jesu akasanocherechedza izvo vanhu vaifanira kutsungirira, uye iye akavanzwira urombo. Mukati meimwe yechikairo dzake dzokuparidzira, iye akaona mapoka ndokuanzwira tsitsi. Asi kupfuura izvozvo, iye akaita gadziriro dzokuvabetsera. Seiko? Kupfurikidza nokuronga nhimbe huru yokuparidzira iyo yakasvitsa vadzidzi vake kumisha yavanhu. Iye akaraira, kuti: “Muguta kana musha pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira; mugarepo kusvikira muchibva.” Kuti iri basa rakanga rine tsigiro yake nechikomborero chaBaba vake kunoonwa zvakajeka mumamwe mashoko aJesu: “Unokugamuchirai imi, unondigamuchireni; nounogamuchireni, unogamuchira wakandituma. . . . Ani naani unopa muzita ravadzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubairo wake.”—Mateo 9:36–10:42.

Kuti Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe kunoreva chiito chakananga nokuda kwavamwe kunoonwa nokurangarira kwaJesu pane imwe nhambo: “Kana muchida avo vanokudai, munokuongwa kwakadiniko? Nokuti navatadziwo vanoda vanovada. Kana muchingoitira zvakanaka avo vanokuitirai zvakanaka, munokuongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanodarowo. Asi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka . . . mubairo wenyu uchava mukuru.” (Ruka 6:32, 33, 35) Naizvozvo, kuchengeta Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe kuchiri kwakanaka kuchatisunda kutanga kuita zvakanaka kunyange kuvanhu vatisingazivi somunhu oga.

Kuchakanaka, Kuchikushanda

Zvichida chitendiso chinopwisa zvikurusa chokuti Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe kuchakanaka chinobva muzvinoitika chaizvoizvo zvaavo vanorarama mukuwirirana nako. MaKristu anozvibata amene zuva nezuva mutsinhirano nemitemo yaMwari anowana mufaro mukuru uye, kazhinji kazhinji, zvikomborero zvisingakarirwi. Kupfurikidza nokuva ane tsika dzakanaka naane mutsa kuvashandi vapakiriniki yaaishandisa, mumwe mukadzi wechiKristu akawana kuti akabetserwa nenzira iyo vakoti navanachiremba vaidisa nayo kumutarisira.

Zvapupu zvaJehovha zvinobatanidzwa mugadziriro dzokuvaka Horo dzoUmambo nokukurumidza zvinogonawo kusimbisa kunaka kweKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe. Shanyo dzomutsa kuvanhu vanogara pedyo nenzvimbo yokuvakira kuzovazivisa nezvechiri kurongwa kazhinji kazhinji dzinosangana nemhinduro yakananga. Vanhu vaishora Zvapupu kare nokudaro vanocherechedza kuti izvo zvinoita zvakanaka kuvavakidzani vazvo, uye vanoona zvakananga nzira iyo vanhu vaMwari vanobatira pamwe nayo mubasa ravo. Somuuyo, vamwe vakazvipira kubetsera nokuvaka, zvakananga kana kuti zvimwe kupfurikidza nemigove inowanika.—Enzanisa naZekaria 8:23.

Apo chimwe Chapupu cheIran chinogara muLondon, England, chakatenga zvokudya muchitoro, mutengesi womuchitoro akamunyomba nemhaka yokuti akanga ari wokumwe. Chisingadziviswi, Chapupu chakatsanangura nomutsa uye nokungwarira pakutaura kuti iye, somumwe weZvapupu zvaJehovha, akanga asina mirangariro yakashata kuvanhu vamamwe marudzi. Panzvimbo pezvo, iye akashanyira vose vari munzvimbomo ane shoko reBhaibheri. Muuyo wacho? Mwene wechitoro akawedzera zvinonaka zvomuraudzo kuodha yezvokudya yeChapupu.

Chokwadika, Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe hakuna kuganhurirwa kumabasa maduku akadaro omutsa. Zvirokwazvo, kuratidzirwa kukurusa kwako ndizvakanaka izvo Zvapupu zvaJehovha zvinoita munyika yose kupfurikidza nokushanyira nguva dzose misha yavavakidzani vazvo zvine shoko ramashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

Kurarama Mukuwirirana neKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe

Kushandisa Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe kunoreva kutendeudzira ngwariro yako kuvamwe. Inhungamiro yakananga. Uchafanira kutsvaka nhambo dzokuita zvakanaka kuavo vakakupoteredza. Iva ane ushamwari naanoitira hanya, uchiva nefariro yomunhu oga mavari! (VaFiripi 2:4) Kupfurikidza nokuita saizvozvo, uchawana zvikomborero zvikuru. Uchave uchitevera zano raJesu, rinoti: “Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” (Mateo 5:16) Uyewo, Jehovha achava Mutusi wako sezvaunomutsvakisisa ndokurarama zuva nezuva mukuwirirana neKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe.—VaHebheru 11:6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe