AIDS muAfrica ChiKristudhomu Chine Mhaka Kusvikira Kuukuru Hwakadini?
Yakanyorwa nemunyori weMukai! muAfrica
Sekushandiswa kwarakaitwa munyaya ino, shoko rokuti “chiKristudhomu” rinonongedzera kuchiKristu chokuedzesera, mukupesana nechiKristu cheBhaibheri.
ChiKristudhomu
“Nzvimbo dziya dzenyika umo vazhinjisa vevagari vemo vanoedzesera kutenda kwechiKritsu.”—Webster’s New World Dictionary.
AIDS
“Mumiriro wezvinhu wokuperevedza kwesimba romuviri rokurwisa zvirwere kunowanwa kune mumwe munhu kwakabatanidzwa nokutapurwa kwemasero egadziriro yesimba romuviri rokurwisa zvirwere neretrovirus.”—Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary.
AIDS murakatira wepasi rose. Vanhu vanofungidzirwa kuva mamiriyoni 17 vakatotapurwa neHIV, utachiona hunoparira AIDS. Uye huri kupararira nokukurumidza.
Nepo ngwariro huru yakapiwa kunyaya dzokurapa, dzezvematongerwo enyika, uye dzemirangariro dzakabatana nemurakatira wacho, zvishomanene zvakataurwa pamusoro penyaya dzorudzidziso dzinobatanidzwa. Zvino pfungwa yokubatanidzwa nokupararira kweAIDS ingaratidzika kuva isingabviri kuna vamwe varavi. Asi hakusi kusina mufungo apo unorangarira mumiriro wezvinhu wakavamba mukondinendi yeAfrica.
AIDS yakatapura zvikurukuru Africa zvakakomba zvikuru.a Vamwe vanotaura kuti kondinendi yacho musha we67 muzana yevarwere veAIDS venyika. MuChad nhamba yevarwere vakashumwa mumakore mashanu akapfuura yakawanziridzwa neka100. Bva, kunofungidzirwa kuti chikamu chimwe bedzi muzvitatu chevarwere vose chakashumwa. Maererano nomushumo wakaitwa neWorld Bank, AIDS yazova chinoparira rufu chinozivikanwa navose zvikurusa pakati pevanhu vakuru vari munzvimbo dzinogara vanhu vakawanda zhinji dzomumaguta eAfrica.
Rudzidziso—Rwakaita Rutivi Here?
Zvirokwazvo, chiKristu—rudzidziso rwakadzidziswa naJesu Kristu—harugoni kupiwa mhaka yenjodzi iyi. Zvisinei, sezvinoratidzwa pasi apa, shoko rokuti “chiKristudhomu” rinobatanidza nyika dziya uko vanhu vanoti ndevechiKristu. Uye chiKristudhomu chinobatanidzwa nenzira yakajeka. Hakusi kuti chechi dzakagadzira kana kuti zvimwe dzakaparadzira nenzira yakananga utachiona hweAIDS. Asi AIDS yakapararira muAfrica zvikurukuru nemhaka yokuvatana nevakawanda.b AIDS nokudaro inogona kunzi chinetso chetsika uye, seyakadaro, inoparira mibvunzo yakati yorudzidziso inotambudza. Kunyange zvazvo zvakadaro, “chiKristu” chomuAfrica chakatorwa zvakananga chichibva munyika dzokuMadokero. Vatungamiriri vechechi vakaronga kutendeudzira vagari vemuAfrica kurudzi rwavo rworudzidziso, vachiti rwaipa mararamiro akakwirira kupinda mararamiro egamuchidzanwa eAfrica. Ko pesvedzero yechiKristudhomu yakavandudza chaizvoizvo tsika dzevateveri vacho vatsva here? Njodzi yeAIDS inoratidzira zvakajeka kuti zvakapesana chaizvoizvo zvakaitika.
Rangarira, somuenzaniso, nyika yeChad. Pamaguta ayo makuru mana, matatu ane vanogaramo vakawanda “vechiKristu.” Rimwe racho rine zvikurukuru chiMuslim. Bva, ndimo mumaguta matatu “echiKristu” umo utachiona zvino huri kudya marasha! Patani imwe cheteyo inodzokororwa mukondinendi yose. Pakati nokumaodzanyemba kweAfrica, idzo dziri dzechiKristu, kune mwero wokutapurwa wakakwirira zvikuru kupfuura North Africa, ine voruzhinji vayo vechiMuslim.
Nzira Iyo Africa Yakava Nayo “yechiKristu”
Ko nei utachiona uhu hwakapararira nokukurumidza kudaro pakati pevanhu vanoti vateveri vaKristu? Kutaura chokwadi, kunyange zvazvo vagari vemuAfrica vazhinji vachizviti vaKristu, vashomanene zvikuru chaizvoizvo vanoomerera kumipimo yetsika yechiKristu, inooneswa muBhaibheri. Ikoku kunoratidzika kuva mugumisiro wakananga wemutoo uyo vafundisi vechiKristudhomu vaka“tendeutsa” nawo vagari vemuAfrica.
Muzana ramakore rechi18 nerechi19, zvitendero zvechiKristudhomu zvegamuchidzanwa zvakadenhwa. Kuongororwa kweBhaibheri kwakakurumbira, kuchideredza Bhaibheri mumeso evazhinji kuva chinyorwawo zvacho chekare. Rondedzero yemhindumupindu yakavambawo kugamuchirwa, kunyange pakati pevafundisi. Mbeu dzepanikiro dzakadyarwa. Kutenda Magwaro Matsvene kwakapanikirwa. Mumamiriro aya ezvinhu hazvishamisi kuti nhamburiko dzechiKristudhomu dzo“kutendeutsa” vagari vomuAfrica dzakabatikana zvikuru munhau dzenyika. Vafundisi vechechi vakaparidza evhangeri yokunzwananisa chiKristu netsika, vachisimbisa zvikuru kuita mabasa omutsa kupfuura kubetsera vatendeuki kuwirirana nemipimo yeBhaibheri yetsika. Vasingazivi zvichida, vafundisi vakabetsera chaizvoizvo kusekesa gadziriro yetsika yakanga iripo.
Somuenzaniso, barika rakanga ragara riri tsika munyika zhinji dzeAfrica. Kuvatana nevazhinji, zvisinei, kwaiva kushoma, sezvo madzinza mazhinjisa akanga ane mitemo yakaomarara pamusoro poupombwe. Joseph Darnas, mudzidzisi wepachikoro akarega basa, anozivikanwa zvikuru muChad, akaudza Mukai! kuti vafundisi vechechi vasati vasvika, “kwaifungwa kuti upombwe hwaiunza rombo rakaipa.” Somugumisiro, “vaive nemhaka vairangwa zvakakomba nokuda kwokuva vaisa nzanga mungozi—kazhinji kazhinji norufu.” Kutenda mashura here? Hongu, asi zvitendero zvakadaro zvaideredza unzenza.
Ipapo kwakauya vafundisi vechiKristudhomu. Vakaparidza zvinorwisana nebarika asi vakaita zvishoma kuti mipimo yeBhaibheri yetsika iteererwe. Kunyange zvazvo Bhaibheri richitaura kuti zvifeve zvisingapfidzi nemhombwe zvinofanira kudzingwa muungano yechiKristu, Chechi dzechiKristudhomu hadziwanzoita chiito chokuranga vatadzi. (1 VaKorinte 5:11-13) Kusvikira kuzuva rino, vezvamatongerwo enyika vakatanhamara vazhinji vomuAfrica vane mbiri yakaipa younzenza hwavo, bva vanoramba vari mitezo yechechi ine chimiro chakanaka. Kutendeseka muroorano kushoma pakati pevaKristu vezita vari muAfrica.
Ipapo kune muenzaniso wakaipa unogadzwa nemitezo yevafundisi vamene. Mune iyi tsika inofunga zvemhuri, ndekwomuzvarirwo kuroora kana kuti kuroorwa ndokuva nevana vazhinji. Zvichida ndicho chikonzero nei nhamba inoshamisa yevaprista vechiKaturike vachinzwa vachiruramiswa mukuputsa mhiko dzavo dzorucheno nokusaroora. The New York Times yaMay 3, 1980, yakashuma, kuti: “Munzvimbo zhinji dzesango, . . . vaprista nemabhishopu vabariki.”
Nenzira yomusikirwo, roorano dzakadaro hadzisi dzapamutemo, uye “vadzimai” vacho, chaizvoizvo varongowo zvavo. Kuvatana nevazhinji kwakadaro hakugoni kurambwa sokusina basa. Maererano neTimes, “mumwe mufundisi akakurumbira weKaturike” anobvuma kuti “muprista womuAfrica chiratidzo chechiremera, munhu ane simba panzvimbo pomubatiri waJesu Kristu.” Mashoko anobva kuava “vanhu vechiremera” anoratidzika kuva, “Ita sezvandinotaura kwete sezvandinoita.”
Kuvhozhokera Kwevaraidzo yekuMadokero
Kusingafaniri kufuratirwawo, kuwanda kwevaraidzo younzenza hwevatano yakapinda muAfrica mumakore mashomanene apfuura. MuChad nzvimbo dzokuonera mavhidhiyo dzavose dzisingadzorwi dzinogovera varaidzo yakadaro dzakatanga kwose kwose—mumisha yavanhu, mumagaraji, uye, kazhinjisa, muzvivanze kana kwasviba. Kuratidza uku hakudhuri, kunoita mari shomanene se25 francs (45 cents, Zim.). Vana vaduku vanopinda. Zvinhu izvi zvinobva kupi? Zvizhinjisa zvacho zvinobva kuUnited States—Nyika inoti ndeyechiKristu zvikuru!
Asi ko kuvhozhokera uku kwetsika dzokuMadokero kwakava netapuro chaiyoiyo ipi neipi here pavaoni? Mumwe mufundisi weZvapupu zvaJehovha, ane makore 14 oruzivo rwokuzviwanira muCentral Africa, anoti: “Vanhu vomuno kazhinji kazhinji vanoonana zvishomanene zvikuru nenyika yokuMadokero kunze kwezvavanoona mumakaseti evhidhiyo. Vanoda kuita sevanhu vokuMadokero vavanoona mumabhaisikopo aya. Handisati ndawana nzvero dzinotsigirwa nemagwaro dzokubvumikisa ikoku, asi kunoratidzika sokuri pachena kuvanhu vazhinjisa vari muno kuti varaidzo yakadaro inokurudzira unzenza hwevatano.”
Kunosekesa sei kuti nepo vakuru vakuru vezveutano vachiedza zvakaoma kumisa kufambira mberi kwehosha inopfuudzwa muvatano inouraya, nyika dzinonzi dzechiKristu dzinobudisa mashoko anoparadzirwa anokurudzira mufambiro wounzenza, une ngozi zvikuru! Nepo chechi dzakaita zvishomanene kubvisa uku kufambira mberi pamusha kana kuti zvimwe kunze kwenyika, dzimwe hurumende dzeAfrica, dzakadai seChad neCameroon, dzakaedza kurambidza kana kuti kuganhurira kupinda kwezvinhu zvevatano munyika dzadzo. Asi nhamburiko dzadzo dzakabvumikisa kazhinji kazhinji kuva dzisingabudiriri.
Mugumisiro wezvose izvi wave uri kuderera kwakapararira kwetsika pakati pe“vaKristu” vomuAfrica. Mamiriro ezvinhu ourombo akavawo netapuro inotapura zvishoma nezvishoma. Nemhaka yokuti mabasa mashoma, varume kazhinji kazhinji vanomanikidzirwa kusiya mhuri dzavo kwemwedzi yakati panhambo nenhambo kuitira kuti vawane basa. Varume vakadaro sezvinooneka zvipfuro zvepfambi dzomunzvimbomo. Pfambi, zvisinei, kazhinji kazhinji ndivananyajambwa veurombo ivo vamene. Kuda roora rakawandisa kwevabereki chikonzerowo. Varume vazhinji havaroori nemhaka yokuti havagoni kuwana mari inodikanwa kubhadhara roora. Vamwe naizvozvo vanoguma vave kurarama upenyu hwekuvatana nevazhinji. Mumamiriro ezvinhu etsika noupfumi akadaro, AIDS yakapararira nokukurumidza.
Mhinduro Kunjodzi Yacho
Sezvinooneka, chiKristudhomu hachina mhaka yose yenjodzi yeAIDS muAfrica. Asi kuti ndicho chine mhaka huru kuri pachena zvinorwadza. Ikoku kune revo dzakakomba nokuda kwevanhu vanoda kuva pakati paavo Jesu akati “vanonamata nezvokwadi.”—Johane 4:23.
Pasinei zvapo nemhaka, chii chinogona kuitwa kumisa murakatira weAIDS? Hurumende dzeAfrica dzakaronga nhimbe dzokudzivirira AIDS, dzichikurudzira kushandiswa kwemakondomu. Asi Dr. Samuel Brew-Graves, mumiririri weWorld Health Organization muNigeria, akabvuma zvakajeka, kuti: “Munhu anofanira kugamuchira muraramiro une utano . . . , nepo mhuri ichifanira . . . kudzivisa kuvatana nevazhinji.”
Kare kare AIDS isati yazivikanwa navose, Bhaibheri rakashurikidza kusazvibata ndokukurudzira rucheno, kuzvidzora, uye kutendeseka muroorano. (Zvirevo 5:18-20; 1 VaKorinte 6:18) Mazana ezviuru eZvapupu zvaJehovha zviri muAfrica anogona kupa chibvumikiso chokuzvionera chokuti kutevedza nheyo idzi kunopa dziviriro yakati paAIDS nedzimwe hosha dzinopfuudzwa muvatano. Kuomerera kwavo kumipimo yeBhaibheri kupiwa mhosva chaiko kwechiKristudhomu. Ava vaKristu vechokwadi vakaisawo chivimbo chavo munyika itsva iri kuuya umo “munogara kururama.” (2 Petro 3:13) Kuvanhu vokutenda, iyi ndiyo mhinduro hurusa yenjodzi yeAIDS.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemamwe mashoko, ona nhevedzano yenyaya inoti “AIDS muAfrica—Ichaguma Sei?” muchinyorwa chedu chaAugust 8, 1992.
b Hosha yacho inogonawo kuparadzirwa kupfurikidza nokuisirwa ropa uye kupfurikidza nokugoverana tsono dzinoshandiswa kubayirira mirimo nomutsinga. Vamwe vaKristu vasina mhaka vakabata hosha yacho kuvakwanyina vakaita utere hwevatano kana kuti vakashandisa mirimo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]
“Munzvimbo zhinji dzesango, . . . vaprista nemabhishopu vabariki.”—The New York Times
[Mufananidzo uri papeji 14]
Muenzaniso wakashata wevafundisi vechiKristudhomu wakawedzera murakatira wekusazvibata muvatano muAfrica
[Mufananidzo uri papeji 15]
Vaduku vanoratidzwa varaidzo younzenza inotengeswa kunze kwenyika nenyika dze“chiKristu”