Nyika Isina Hondo Nokukurumidza
TARIRA zvakare pauporofita hweBhaibheri huri mubhuku raIsaya hunoti: “Vachapfura minondo yavo kuva miromo yamapadza, uye mapfumo avo kuva mapanga okuchekeresa: rudzi haruchazosumudziri rumwe rudzi munondo, havachazodzidzizve kurwa.” Cherekedza kubva mumashoko akapoteredza kuti avo vanopfura minondo yavo kuva miromo yamapadza “vanhu vazhinji” vanofamba munzira dzaMwari. (Isaya 2:2-4, King James Version) Ikoku kunoreva kuti vanhu ava vanonamata Jehovha Mwari ndokuteera mitemo yake. Ndivanaani?
Vanofanira kuva vanhu vamarudzi akawanda vasina kungorambawo zvavo zvombo zvehondo asi vakashanda kudzura mundangariro dzavo nemwoyo mirangariro nezvimiro zvendangariro zvinotungamirira kugakava nokurwisana. (VaRoma 12:2) Panzvimbo pokuuraya muvakidzani wavo, vanomuda. (Mateo 22:36-39) Wakambonzwa nezvavanhu vakadaro here?
Zvichida wakanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvinofarikanya uhama hwamarudzi akawanda uye zvakaramba kutora zvombo kuti zviuraye vamwe. Pafunge: Kudai munhu ari wose ari pasi pano aigoverana murangariro iwoyo, nyika ino ingasadai yatova nzvimbo yorugare nokuchengeteka here?
Chokwadika, haasiri munhu ari wose anogoverana murangariro iwoyo. Kwakaita seizvo Mambo Soromoni akanyora anenge makore 3 000 akapfuura, kuti: “Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishayiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashayiwa munyaradzi.”—Muparidzi 4:1.
Kudana Kuvadi Vorugare
Ko kuchazombova nenyika isina hondo here? Hongu. Ko ichauya kupfurikidza nenhamburiko dzevanhu here? Aiwa. Ichauya kupfurikidza nokutendeuka kwevanhu vakawanda vachienda kurudzidziso rwechokwadi here? Aiwa. Bhuku reBhaibheri reMapisarema rinopindura, kuti: “Uyai muone mabasa aJehovha, . . . Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.”—Pisarema 46:8, 9.
Jehovha Mwari achaita sei ikoko? Bhuku raZvirevo rinopindura, kuti: “Nokuti vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”—Zvirevo 2:21, 22.
Chikonzero chikuru nei Mwari asina kuita chiito kare nguva ino isati yasvika ndechokuti: Ari kupa vanhu mukana wokudzidza pamusoro penzira dzake kuitira kuti vagogona kufamba munzira dzake. Muapostora Petro akanyora, kuti: “Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi une mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.”(2 Petro 3:9) Nokudaro, vanhu vaMwari vanobetsera vamwe pasina udyire kudzidza pamusoro paJehovha. Sokutaura kwakaita Isaya, vanodana, vachiti: “Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, . . . iye uchatidzidzisa nzira dzake.”—Isaya 2:3.
“Mumazuva Okupedzisira”
Rugwaro rwuri mubhuku raIsaya rwakafanotaurawo kuti kudzidziswa kwavanhu munzira dzorugare kwaizoitika “mumazuva okupedzisira.” (Isaya 2:2) Tiri kurarama mukati menguva iyoyo zvino chaiye. Nenzira inosetsa, hondo dzezana rino remakore dzinoratidzira kuti tiri.
Apo vadzidzi vaJesu vakamubvunza chaizoratidza mugumo wetsika yezvinhu, akafanotaura “kudengenyeka kukuru kwenyika, kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha.” (Ruka 21:11; Mateo 24:3) Akatiwo: “‘Kana muchinzwa zvenyonganiso nokurwa, musavhunduka henyu. Nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa, asi kuguma hakusviki pakarepo.’ Ipapo akapfuurira kuti kwavari: ‘Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe.’”—Ruka 21:9, 10.
Kunyange zvazvo kwave kune hondo kwezviuru zvemakore, zana rino ramakore roga rakapupurira hondo dzenyika mbiri uye, maererano nokumwe kuverenga, mazana chaiwoiwo ehondo duku. Idi rokuti makumi amamiriyoni evanhu akaurawa muhondo muzana rino ramakore rinoshamisa. Maererano nemagazini inonzi World Watch, mukati memakore 2 000 zana ramakore rechi20 risati rasvika, paavhareji, kwakatora makore 50 kuti vanhu vane miriyoni imwe vafe muhondo. Mukati mezana rino remakore, urefu hwenguva yakwakatora, paavhareji, kuti miriyoni yavanhu ife muhondo yakanga iri gore rimwe.
Nyika Isina Hondo
Hondo dzinotyisa dzezana redu remakore, pamwe chete nezvimwe zviitiko zvizhinji zvakafanotaurwa muuporofita hweBhaibheri, zvinoratidza kuti tava pedyo nenyika itsva ichaitwa naMwari. Nyongano yenyika yekare ichabviswa kuti itsiviwe ne“nyika itsva,” umo rugare nokururama zvichatekeshera. (2 Petro 3:13) Shoko raMwari rinoti: “Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:9, 11.
Mupasi rose nhasi, mamiriyoni asingaverengeki anopanga nyika isina hondo. Achiratidza kuti Mwari ane chokwadi chokuzadzika chipikirwa chake chokusika nyika yakadaro, muporofita waMwari akanyora kare kare, kuti: “Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.”—Habhakuki 2:3.
Nenzira yokuchenjera, naizvozvo, vimba naMwari ndokufarikanya kuzadzikwa kwechipikirwa chake, chokuti: “Mwari amene uchava na[vanhu vake], ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papejis 9, 10]
Zvinopikirwa neBhaibheri Nokuda Kwenyika Itsva Iyoyo:
Hamuna Utsotsi, Masimba Masimba, Kana Kuti Uipi
“[Mwari] anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.”—Pisarema 46:9.
“Vanoita zvakaipa vachaparadzwa . . . Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo.”—Pisarema 37:9, 10.
Rudzi Rwose Rwomunhu Rwava Norugare
“Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi: . . . Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo.”—Isaya 9:6, 7.
Pasi Rose Rava Paradhiso
Jesu akati: “Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:43.
“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.
Uhama Hune Rudo Hwemunyika Yose
“Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.
Kumutswa Kwavadiwa Vakafa
“Nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi ra[Jesu], vachabuda.”—Johane 5:28, 29.
Hamuchina Chirwere, Ukweguru, Kana Kuti Rufu
“Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.