Zvinyamututa zvomuAfrica Zvinobetsera Kupedza Chinetso!
YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA
MAZANA maviri amakore akapfuura, apo mombe dzakatanga kupinzwa muAustralia, ndiani aigona kufanoona zvinetso zvakakomba zvaizovapo kunyika yacho?
Sezvo nguva yakapfuura, mafuro akava akazadzwa nendove yemombe, kuchidzivisa kukura kweuswa mune dzimwe nzvimbo kana kuti kuita kuti uswa hwacho huve husingadyike nemombe. Mirwi yendove yakava pakupedzisira nzvimbo huru zvikuru dzokuberekera dzenhunzi dzinotambudza. Kutaura idi, mukuwirirana nomushumo womumagazini inonzi Africa—Environment & Wildlife, pakazosvika ma1970 chinetso chacho chakanga chasvika “njodzi yezvemari uye youkama hwezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo yemwero mukuru zvikuru.” Kwakafungidzirwa kuti “anopfuura mahekita mamiriyoni maviri [maeka mamiriyoni mashanu] amafuro akanga asichabudisi chinhu gore rimwe nerimwe . . . , zvitsama zvikuru zvenitrogen zvakanga zvisingadzoserwi muvhu nemhaka yendove isina kufushirwa, uye mapoka enhunzi akanga achisvika uwandu hune ngwavaira.”
Chii chakanga chaipa? MuAfrica zvinyamututa zvaizowanzochenesa mafuro acho nokukurumidza zvikuru. Ndove yakafushirwa yaizoita ivhu racho rakaorera ndokuriita rinopinda mvura nemhepo zviri nyore zvikuru, nokudaro kuchivandudza kukura kwezvirimwa. Muiyi nzira, marudzi enhunzi dzinokuvadza aizodzorwa uye mazai emaparasaiti aizoparadzwa, kuchidzivisa kuparadzirwa kwehosha youtachiona.
Zvisinei, izvo vagari vapakuvamba veAustralia vasina kuziva zvakanga zviri kuti zvinyamututa zveAustralia zvinoshanda bedzi patsvina duku, yakaoma, yakaita senhoko dzemhuka dzemo uye hazvigoni kugonana netsvina hombe, yakapfava yemombe.
Chii chaifanira kuitwa? Kuunza zvinyamututa kubva kune dzimwe nyika! Mhatsa yeAfrica, somuenzaniso (iyo ine anenge marudzi 2 000), inogonana nendove yakawanda zvikuru yakapfava, seiyo inoitwa nenzou. Nokuda kweizvi zvinyamututa, kuitwa kwendove yemombe hakupi chinetso zvachose. Asi inhamba yakakura zvakadini yezvinyamututa inodikanwa kuita iri basa! Africa—Environment & Wildlife inoshuma kuti pane imwe national park, “zvinyamututa 7 000 zvakaonekwa pamurwi mumwe chete wendove yenzou,” uye pane imwe paka, “22 746 . . . zvakatorwa mumurwi wendove yenzou we7 kg mumaawa 12.” Fungidzira uwandu hukuru zvikuru hwezvinyamututa zvinodikanwa kupedza chinetso chine ngwavaira cheAustralia!
Nenzira inofadza, mumiriro wacho wezvinhu uri kuvandudzika nenzira yakatanhamara panguva ino—nebetsero yezvinyamututa zveAfrica.