RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 3/8 p. 20
  • Zvidzivirire Umene Pamheni!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvidzivirire Umene Pamheni!
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Mwanakomana Wemunhu Achaonekwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Apo Mwanakomana Womunhu Anoratidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Zvakaitika Gore Rakapera
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Kuziva Uye Kubata Nezviratidzo Zvacho
    Mukai!—1996
Mukai!—1996
g96 3/8 p. 20

Zvidzivirire Umene Pamheni!

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUSWEDEN

KUPENYA kuri pakati nepakati kwemheni kungava namavolt emagetsi ane makumi amamiriyoni nokufamba kwamagetsi kwamaampere makumi ezviuru. Mukuenzanisa, magetsi chaiwoiwo ose ari mumba anowanzova maampere 15.a Chii chaunogona kuita kuti uderedze ngozi yokurohwa nemheni? Cherekedza zvikarakadzo zvinotevera.

● Kana kuchitongobvira, pinda mumba. Kunyange motokari inogona kupa dziviriro yakanaka. Zvakadiniko nokuva mukati mechivako chirefu? Chivako chirefu chine simbi dzinoendesa moto wamagetsi muvhu chinogona kuva nzvimbo yakakotsekana. Somuenzaniso, Empire State Building iri muNew York City inopukunyuka kurohwa nemheni ka25 gore rimwe nerimwe. Zvisinei, kwakanakisisa kudzivisa zvivako zvisina batano nevhu zvine matenga amarata nenzvimbo dziri pedyo neeriya nefenzi yesimbi.

● Ibva munzvimbo dzisina chinhu, dzakadai senyanza, minda, uye nzvimbo dzokutambira gorofu. Miti iri yoga, mirefu inogona kuva ine ngoziwo. Kana uri munzvimbo ine miti mizhinji, vanda pedyo neiyo iri mipfupi zvikuru. Kana dutu racho riri pedyo nenzira ine ngozi uye usingagoni kubva munzvimbo isina chinhu, chonjomara pasi wakabata zvakasimba mabvi ako. Usazvambarara pasi, sezvo kuchikosha kuti ugovere nzvimbo duku yokurova seinobvira.

● Kunyange apo unenge uri mumba, unogona kuzvidzivirira. Zvinotevera zvikarakadzo zvishomanene: Edza kudzivisa kubata zvinobata mwoto zvamagetsi, zvakadai senzvimbo dzemoto uye pombi dzesimbi. Kungava kuchenjera kusava mushawa kana kuti mubhavhu, uyewo edza kusashandisa runhare. Bvisa pamagetsi makombiyuta, terevhizheni, uye zvimwe zvishandiso zvamagetsi, sezvo zvingagona kukuvadzwa kana imba ikarohwa.

● Kana mumwe munhu akarohwa nemheni, kunokosha kugovera cardiopulmonary resuscitation (kumutsidzira kushanda kwemwoyo namapapu) (CPR) pakarepo. Purofesa Victor Scuka, uyo anoshanda muHigh Voltage Research Department yeUniversity of Uppsala, Sweden, anotaura kuti muzviitiko zvizhinji vananyajambwa vakamutsidzirwa neCPR, kunyange apo vakaratidzika kuva vafa. “Asi kurapa kwacho,” anonyevera kudaro, “kunofanira kupiwa nokukurumidza kuitira kudzivisa kukuvadzika kwouropi.”

Kana ukabatwa mudutu romupande, rangarira kutevera matanho achangobva kududzwa. Ipapo zvimwe hausati uchizova nyajambwa weichi chiono chinotyisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Ampere uwandu humwe chete hwokufamba kwamagetsi, mwero wokufamba kwamagetsi uri kushandiswa. Mavolt anoratidzira simba rokufamba kwamagetsi. Ona Mukai! yechiNgezi yaFebruary 22, 1985, mapeji 26-7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe