Revo Chaiyoiyo ya 1914
SEZVINORATIDZIRWA papeji 4, “iyi magazini inovaka chivimbo muchipikirwa choMusiki chenyika itsva ine rugare neyakachengeteka chizvarwa chakaona zvinoitika zva 1914 chisati chapfuura.”
Pasina kupokana vakawanda vavaravi vedu vanowana kutaura ikoko kunokatyamadza. Bva, pakuvamba sepana December 1879—anenge makore 35 1914 asati asvika—Nharireyomurindi (yaizivikanwa panguva iyeyo seZion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence) yakapa ufakazi hweBhaibheri hunobvumikisa kuti 1914 raizova gore rine revo. Kunyange irori risati rasvika—pakati pezana ramakore rechi 19—vamwe vadzidzi veBhaibheri vakanga vaonesa kuti 1914 sezvinobvira rakanga riri gore rakaratidzirwa muuporofita hweBhaibheri.a
Uporofita hwakarondedzerwa senhau inonyorwa pachine nguva mberi. Urwu rutivi rweBhaibheri runopa ufakazi hwamavambo aro oumwari. Mukuwedzera kukutiudza nezvezviitiko zvomunguva yemberi, pane dzimwe nguva Bhaibheri rinopa urefu hwenguva ichapfuura chimwe chinhu chisati chaitika. Humwe hwouporofita ihwohwu chaihwoihwo hunonongedzera kumazuva mashomanene, humwe kumakore, uye humwe kumazana amakore.
Dhanieri, uyo akaporofita pamusoro penguva yokuoneka kwokutanga kwaMesiya, akazivisawo apo Mesiya aizodzoka nokuda kwo“kuvapo” kwake painonzi “nguva yomugumo.” (Dhanieri 8:17, 19; 9:24-27, NW) Uhu uporofita hweBhaibheri hunotambanukira munhambo refu yenguva, kwete kwamazana mashomanene bedzi amakore, asi kwamamireniyumu anopfuura maviri—makore 2 520! Pana Ruka 21:24, (NW) Jesu anoidza iyi nhambo kuti “nguva dzakagadzwa dzamarudzi.”b
1914 Anotanga Nguva Yenhamo
Kuzadzika kwouporofita hweBhaibheri kunoratidzira kuti tave tichirarama munguva yomugumo kubvira muna 1914. Jesu akarondedzera iyi nguva se‘mavambo amarwadzo enhamo.’ (Mateo. 24:8) Pana Zvakazarurwa 12:12 (NW) tinorava, kuti: “Nhamo nokuda kwapasi uye nokuda kwegungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa zvikuru, achiziva kuti ane nhambo pfupi yenguva.” Ikoku kunotsanangura chikonzero nei nyika yave iri mupirutsiko huru zvikuru kubvira muna 1914.
Zvisinei, iyi nguva yomugumo inofanira kuva nhambo pfupi zvikuru—inotambanukira muchizvarwa chimwe. (Ruka 21:31, 32) Idi rokuti zvino tava namakore 80 pashure pa 1914 rinoratidzira kuti tinogona kukurumidza kukarira kununurwa uko Umambo hwaMwari huchaunza. Ikoku kunoreva kuti tichaona “wakaderera zvikurusa worudzi rwomunhu”—Jesu Kristu—achidzora zvakakwana “umambo hworudzi rwomunhu” ndokuunza nyika itsva ine rugare neyakarurama.—Dhanieri 4:17, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Muna 1844, mumwe mufundisi weBritain, E. B. Elliott, akakwevera ngwariro kuna 1914 somusi unobvira wokupera kwe“nguva nomwe” dzaDhanieri ganhuro 4. Muna 1849, Robert Seeley, weLondon, akabata nenhau yacho nenzira yakafanana. Joseph Seiss, weUnited States, akanongedzera kuna 1914 somusi une revo mukuverenga nguva kweBhaibheri muchinyorwa chakapepetwa munenge muna 1870. Muna 1875, Nelson H. Barbour akanyora mumagazini yake inonzi Herald of the Morning kuti 1914 airatidzira kupera kwenhambo iyo Jesu akaidza kuti “nguva dzakagadzwa dzamarudzi.”—Ruka 21:24, NW.
b Nokuda kwetsananguro ine udzame youporofita hwaDhanieri, ona Kurangarira muMagwaro, mapeji 240-42, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Bhokisi riri papeji]
Tsinhiro Pamusoro pa 1914 Napashure
“Kungava kuti, pashure pokunoratidzika kuva kusadzivisika kwehondo mbiri dzenyika, kutangwa kwezvombo zvenyukireya kwakabatira senyevero, iyo yakatidzivisira bonderano yechitatu yamarudzi ndokupinza nhambo yakareba zvikurusa yorugare rwavose, kunyange zvazvo ruri rugare rwetyisidziro, kubvira munguva dzaVictoria. . . . Chii chakanga chashata kurudzi rwomunhu? Neiko chipikirwa chomuzana ramakore rechigumi nepfumbamwe chakanga chaputsanyika? Neiko zana rechimakumi maviri ramakore rakava zera rorutyo kana kuti, sezvo vamwe vangataura, rakaipa?”—A History of the Modern World—From 1917 to the 1980s, rakanyorwa naPaul Johnson.
“Pachinjo dzose dzegadziriro yeEurope, Hondo Huru nebvumirano yorugare zvakaparira musiyano mukurusa nenguva yakapfuura, kusiyana kwacho mune zvemari, mumagariro avanhu uye mune zvamatongerwe kwakanga kwakafanana. . . . Mbiri yakanaka yegadziriro iyeyo inoshanda norusununguko neinobudirira yakatsakatikira mungwavaira yehondo. Panzvimbo pezvi, Europe yaitofanira kugonana nokuparara kwoupfumi nokuvhiringidzika kwoupfumi munzvimbo iri yose. . . . Kuvadzikoyakanga yakakura zvikuru zvokuti upfumi hweEurope hahuna kuvandudzika kubva mukusashanda nomukusagadzikana hondo yenyika inotevera isati yatanga.”—The World in the Crucible 1914-1919, rakanyorwa naBernadotte E. Schmitt naHarold C. Vedeler.
“MuHondo yeNyika yeChipiri chisungo chiri chose pakati pomunhu nomunhu chaizoparara. Mhaka dzakaparwa navaGerman mukudzora kwaHitler uko ivo vakazvibvumira vamene kuva vanoiswa pasi pako idzo dzisingaenzani muchiyero uye dzipi nedzipi dzakanga dzasvibisa chinyorwa chomunhu. Kuurawa kukurusa kupfurikidza nemiitiro yakarongwa kwamamiriyoni matanhatu kana kuti manomwe avarume, vakadzi, uye vana mumisasa yokuurayira yeGermany kunopfuura mukutyisa kuuraya kune utsinye kwaGenghis Khan, uye muchiyero anoita kuti kuve kushomanene. Kuparadzanywa kwoune kwavagari vemo vose kwakarangarirwa ndokurondwa dziri mbiri Germany neRussia muhondo yokuMabvazuva. . . . Isu pakupedzisira takabuda muchiono choruparadziko chairwoirwo nekuvadzikoyetsika yorudzi zvisina kutongofungidzirwa navanhu mumazana amakore akapfuura.”—The Gathering Storm, Vhoriyamu I reThe Second World War, rakanyorwa naWinston S. Churchill.
“Zvino kune kuzivikanwa kwamaruramiro ounhu avanhu vamapoka ose, marudzi, uye madzinza; bva panguva imwe cheteyo takanyura zvisina kutongonzwika nezvazvo muhondo, urudzi, uye udzinza. Iyi mirangariro yakashata inobudira muutsinye hwokuuraya, hwakarongwa nezvesayenzi; uye zvimiro zvendangariro zviviri zvisingayananiswi nemipimo yomufambiro zvinooneka nhasi, zviri kurutivi norutivi, kwete munyika imwe cheteyowo zvayo, asi pane dzimwe nguva munyikaimwe cheteyo uye kunyange mumweya mumwe chetewo.”—Civilization on Trial, rakanyorwa naArnold Toynbee.
“Kufanana nechipoko chakagara kupfuura awa yakagadzwa, zana ramakore rechigumi namapfumbamwe—nokuva nenhevedzano kwaro kunokosha, kuzvivimba kwaro, uye kutenda kwaro mufambiro mberi yavanhu—zvakanga zvanonozeka kutozosvikira muna August 1914, apo masimba makuru eEurope akatambura seboka denho yekangaidziko yendangariro yakatungamirira zvakananga kukuuraya kwoupenzi mamiriyoni amajaya akanakisisa echizvarwa. Makore mana nehafu gare gare, sezvo nyika yakaedza kudzorera mamirire ezvinhu enguva dzose pashure pengwavaira inoputsanya yeHondo Huru, kwakava pachena kuna vacherekedzi vakawanda (asi zvirokwazvo kwete vose) vakararama panguva imwe cheteyo kuti zvisaririra zvakasara zvokupedzisira zvenhevedzo yekare zvakanga zvabviswa, uye kuti rudzi rwomunhu rwakanga rwapinda zera idzva iro nenzira yakati rakanga rine mufungo zvishoma uye richikanganwira zvishoma kusakwana kwavanhu. Avo vakanga vakarirarugare kupinza nyika iri nani vakawana kariro dzavo dzichikundikana muna 1919.”—Sumo iri mu 1919—The Year Our World Began, rakanyorwa naWilliam K. Klingaman.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Makomo eBavaria