RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • tp chits. 7 pp. 69-85
  • Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • (1) Gore Rakaratidzirwa—1914 N.V.
  • (2) Zvinoitika Zvine Revo Chaiyo
  • (3) Zvinoitika Zvinocherekedzwa Zvorudzidziso
  • (4) ‘Chizvarwa Ichi Hachisati Chichizopfuura’
  • (5) Chiratidzo Chokupedzisira
  • Ko Tsika Iripoyi Ichagara Kusvikira Rini?
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • Mazuva Okupedzisira
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
tp chits. 7 pp. 69-85

Ganhuro 7

Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?

1. Ko Mwari ane donzoi rakaisvonaka nokuda kwavanhu?

HAIWA kwaizova kusununguka kwakadini kuona hondo, utsotsi, nokushatiswa kwapasi zvichigumiswa! Haiwa kwaizova kunofadza zvakadini kurarama muudzori hwechokwadi hwakarurama, umo mungagona kuva nokuchengeteka kuzere nokuda kwako umene nemhuri yako! Bhaibheri rinoratidzira kuti Mwari achaita kuti zvinhu izvozvi zvive zvinoitika chaizvoizvo. Asika rini?

2. (a) Apo “zuva raJehovha” rinosvika, ndivanaani vachabvurirwa? (b) Ko tingagona sei kudzivisa kuita kuti ikoku kurege kuitika kwatiri?

2 Pamsoro pokuparadzwa kwenyika kunokura nzira yeTsika Itsva yaMwari, muapostora Pauro anoti: “Zuva raJehovha rinosvika chaizvoizvo sembavha usiku.” Iye anowedzera, kuti: “Asi imi, hama, hamusati muri murima, kuti zuva irero rigofanira kubvurirai sezvingaita mbavha.” (1 VaTesaronika 5:2, 4) Naizvozvo apo “zuva raJehovha” rinosvika, avo vanokundikana kutetekera nyevero vachava vakafanana nemhuka dzinobatwa kamwe kamwe mumusungo. Asika ikoko hakusati kuchifanira kuitika kwauri. Sokurondedzera kunoita rugwaro, kuvanhu “vasiri murima.” Ikoku imhaka yokuti vanonzvera ndokufungisisa zvinorehwa neShoko raMwari pamsoro pezuva redu.—Ruka 21:34-36.

3, 4. (a) Ko revo yakakwana yezvinoitika zvomuzana ramakore rechi 20 inotsanangurwa kupi? (b) Mapfundoi makuru mashanu anoratidzirwa muchiporifita cheBhaibheri atichanzvera?

3 Bhaibheri rinosanorondedzera zvinoitika zvezana rino ramakore rechi 20. Asika iro rakaita ikoku zviuru zviviri zvamakore pachine nguva mberi? Kunyange zvizhinji zvezvinoitika zvimene zvichizivikanwa, Bhaibheri bedzi rinoratidzira revo yazvo izere.

4 Mashoko echiporofita ari muBhaibheri pamsoro pezuva redu anorondedzera muudzame zvinotevera: (1) Gore chairoiro apo Mwari aizopa “umambo hwavanhu” kuno “uyo waanoda.” (2) Zvinoitika zvine revo zvaizoitika mukati menhambo inozivikanwa se“mhedziso yetsika yezvinhu.” (3) Zvinoitika zvorudzidziso zvinocherekedzwa panguva iyeyo. (4) Kuva vachiri vapenyu kwavamwe vechizvarwa chakaona mavambo e“mhedziso yetsika yezvinhu.” (5) Chinoitika chinokatyamadza muzvinhu zvenyika sechiratidzo chokupedzisira chokuti kuparadzwa kwenyika kwava pedyo. Ngatinzverei mapfundo aya.

(1) Gore Rakaratidzirwa—1914 N.V.

5. Zvapupu zvaJehovha zvakaziva kuti Bhaibheri rakanongedzera kuna 1914 segore rine revo pamusii wapakuvamba?

5 Kare kare somuna 1876, Zvapupu zvaJehovha zvakaziva kuti chiporofita cheBhaibheri chakaratidzira gore ra 1914 N.V. segore apo zvinoitika zvikuru zvaizoitika zvaizova nemiuyo inobatanidza zvizhinji pamsoro pezvinhu zvavanhu. Zvakapupurira zvakafara chikonzero cheidi irori.

6. (a) Chii chinotsanangurwa pana Dhanieri 4:2, 3, 17? (b) Ndiani “uyo” Jehovha anopa “umambo” kwaari?

6 Kana ukazarura Bhaibheri rako pana Dhanieri ganhuro 4, uchawana chiporofita chinozivisa donzo raMwari pamsoro pouchangamire hwapasi. Donzo rinotsigira kuzadzika kwechiporofita ichocho rinorondedzera kuva ro“kuti vanhu vanorarama vagoziva kuti Wokumusorosoro ndiye Mubati ushe muumambo hwavanhu uye kuti kuno uyo waanoda, iye anohupa.” (Ndima 2, 3, 17) “Iyeyu” uyo Wokumusorosoro anopa “umambo” ndiKristu Jesu. Uye bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinozivisa nezvenguva apo “umambo hwenyika” hunopiwa kwaari saMambo wokudenga. (Zvakazarurwa 11:15; 12:10) Ikoku, ipapoka, kunoreva kuti chiporofita chaDhanieri chinobata nenguva apo Mwari aizopindira mune zvinoitika zvavanhu kupfurikidza nokupa “umambo hwenyika” kuna Jesu Kristu. Ko chiporofita chinoratidzira kuti ikoku kwaizoitika rini?

7. (a) Chirotoi chechiporofita chinorondedzerwa pana Dhanieri 4:10-16? (b) Ko icho chakashanda sei kuna Mambo Nebhukadnezari?

7 Chiroto chechiprofita chiri muna Dhanieri chinorondedzera muti muhombe uyo wakarigwa ndokusungwa nedare nendarira kutozosvikira “nguva nomwe” dzapfuura uripo. Mukati menguva iyoyo, “mwoyo wechikara” waizopiwa kwauri. (Dhanieri 4:10-16) Ikoku kwakarevei? Mwari akaparira Dhanieri kutsanangura, kuti: Nebhukadnezari, mambo weBhabhironi, aizorasikirwa nokuterama kwake ndokubviswa pachigaro chake choumambo ndokubviswa pakati pavanhu kuti andorarama semhuka. Pashure pamakore manomwe kuterama kwamambo kwaizodzokera. Ikoku kwakaitika chaizvoizvo kuna Mambo, uye iye akadzorerwa pachigaro chake choumambo souyo akabvuma utanhamari hwoubati ushe hwaMwari. (Dhanieri 4:20-37) Zvisinei, kwose ikoku kwakanga kune revo huru uye nokuda kwechikonzero ichocho kwakanyorwa muBhaibheri.

8. (a) Revo huru zvikuru yechiporofita ine chokuita noumamboi? (b) Mukuzadzika kukuru zvikuru, chii chinomirirwa nokurigwa kwomuti, uye ‘mwoyo wechikara wakapiwa sei kwaari’?

8 Revo huru zvikuru ine chokuita noubati ushe hune simba guru hwaizobetsera zvinhu zvose zvipenyu pasi pano. Mahuri chiporofita chakati, maizova ne“zvokudya nokuda kwavose” uye kudzivirirwa kwemhuka neshiri. (Dhanieri 4:12) Ubati ushe bedzi hungagona kugovera zvirokwazvo betsero idzi ndihwo Umambo hwaMwari. Mirairo yakarurama yeiyi hurumende yakaratidzirwa nenhau yaJudha, namadzimambo ayo aiva muJerusarema. Asika nokuda kwokusatendeka, Jehovha akarega Judha achikurirwa navaBhabhironi muna 607 P.N.V. Kwakanga kwakaita sokunge kuti muti womuchiroto wakanga warigwa uye zvisungo zvokuganhurira zvakasunga chigutsa. Pasina kupindira kwoumwari, hurumende dzamarudzi dzakashandisa kudzorwa kwenyika chifocho. Maumambo aya amarudzi zvaanomirirwa muBhaibheri se“zvikara,” kwakanga kwakaita sokunge kuti ngirozi inobva mudenga yakanga yazivisa, kuti: “Mwoyo wechikara ngaupiwe kwauri, uye nguva nomwe ngadzipfuure uripo.” (Dhanieri 4:16; 8:1-8, 20-22) Asika pakupedzisira, “nguva nomwe” idzodzo dzoubati ushe hunodzorwa nehurumende dzakafanana nemhuka dzaizopera. Ipapo ‘zvisungo’ zvaizobviswa, uye “muti” waizotungirazve apo kudzora kwenyika kwaizovamba kuva kunoshandiswa nouyo Jehovha aizopa kwaari “umambo hwenyika.”

9, 10. (a) Mukuwana urefu hwe“nguva nomwe,” ko “nguva” imwe neimwe inobvumikisa kuva inourefu hwakadini, uye Bhaibheri rinoratidzira ikoku sei? (b) Ko “nguva nomwe” dzakavamba rini, dzakafukidza makore mangani, uye dzinoguma rini?

9 Ko “nguva nomwe” idzodzo dzakanga dzakareba zvakadini? Dzaipfuura zvikuru makore manomwe, nokuti mazana amakore gare gare Jesu Kristu akaratidzira kuti idzi “nguva dzakagadzwa dzamarudzi” dzakanga dzichiri kupfuurira. Iwo akanga ava nokudzorwa kwenyika chifo chokukurira kweBhabhironi Jerusarema muna 607 P.N.V. uye aizopfuurira kuita kudaro kweimwezve nguva yakati kuti.—Ruka 21:24.

10 Zvicherekedzere umene marevere anoita Bhaibheri “nguva” dzechiporofita. Zvakazarurwa 11:2, 3 inoratidzira kuti mazuva 1 260 anoumba mwedzi 42, kana kuti makore matatu nehafu. Zvakazarurwa 12:6, 14 inodudza chiverengero chimwe chetecho chamazuva (1 260) asi inoreva nezvawo se“nguva [1] nedzinguva [2] nehafu yenguva,” kana kuti “nguva” nhatu nehafu. Imwe neimwe ye“nguva” idzodzo ina mazuva 360 (3 1/2 × 360 = 1 260). Zuva rimwe nerimwe re“nguva” idzodzo dzechiporofita rinomirira gore rose mukuwirirana nenheyo, “zuva nokuda kwegore.” (Numeri 14:34; Ezekieri 4:6) Nokudaro, “nguva nomwe” dzinoenzana namakore 2 520 (7 × 360). Kuverenga kubvira mumunakamwe wa 607 P.N.V., apo umambo hwokufananidzira muna Judha hwakaderedzwa neBhabhironi, makore 2 520 anotisvitsa kumunakamwe wa 1914 N.V. (606 1/4 + 1913 3/4 = 2 520) Ndiroro gore apo “umambo hwenyika” hwakanga hwodokuva hunoronzeswa kuna Kristu Jesu.

11. Vezvenhau vanotii pamsoro perevo yegore ra 1914?

11 Pashure pokuzivisa kuti Bhaibheri rakaratidzira 1914, Zvapupu zvaJehovha zvaitofanira kumirira kwamakumi anoverengeka amakore zvisati zvaona muuyo. Mukuvamba ma 1914 kuva norugare kwenyika kwakakuita kuratidzike kuvazhinji kuti hapana chinhu chaizoitika. Asika madziya asati apera, chivimbo cheZvapupu chakaruramiswa apo nyika yakapinzwa muhondo yakanga isingaenzanisirwi. Mukuhwirudzurwa kwebhuku rinonzi 1914, wezvenhau A. L. Rowse akanyora, kuti: “Kana kwakambova negore rakaratidzira mugumo wezera namavambo erimwe, rakanga riri 1914. Gore iroro rakagumisa nyika yekare nepfungwa yayo yose yokuchengeteka ndokuvamba zera razvino uno, iro rine chiratidziro chokusachengeteka kuya kuri mugove wedu wezuva nezuva.”44 Mushumo pamsoro pomunhu wezvehurumende weBritain Winston Churchill wakati: “Kupfura kwakaitwa pana June 28, 1914, muSarajevo, kwakanga kwaputsa nyika yokuchengeteka nomurangariro unovaka . . . Nyika haina kutongova nzvimbo imwe cheteyo chifocho. . . . Yakanga iri chinjo huru, uye nyika inoshamisa, yakaterama, inorezva yezuro yakanga yanyangarika, zvokusatongozoonekazve.”45 Gore iroro, rakaratidzirwa nechiporofita cheBhaibheri mazana amakore apakuvamba zvikuru, zvamazvirokwazvo rakabvumikisa kuva chinjo huru munhau.

12. Chii chakanga chiri chikonzero chokumukira kukuru muzvinhu zvavanhu muna 1914 napashure pacho?

12 Pakutanga kungave kwakaratidzika kuva kwechienzi kuti kugadzwa pachigaro choumambo kwaKristu kwaizoratidzirwa nehondo isingaenzanisirwi pasi pano. Asika usakanganwa kuti “mubati ushe wenyika” ndiSatani Dhiabhorosi. (Johane 14:30) Iye haana kuda kuona Umambo hwaMwari huchidzora zvinhu zvapasi. Kutsausa ngwariro paUmambo, iye akaparira vanhu kupinda muhondo yokutsigira kambiro dzavo vamene dzouchangamire. Kupfuurirazve, Bhaibheri rinoratidza kuti Satani namadhemoni ake vakatamburira kuparadza hurumende yoUmambo pakuberekwa kwayo. Nomuuyoiko? “Hondo yakagundika mudenga . . . Dragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yapakuvamba, iya inonzi Dhiabhorosi naSatani, unotsausa pasi rose rinogarwa; iye akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe chete naye.” “Nhambo pfupi” yenguva bedzi zvayakanga yasarira Satani, kutsamwa kwake kwakanga kuri kukuru. (Zvakazarurwa 12:3-12) Mazana gumi namapfumbamwe amakore pachine nguva mberi Bhaibheri rakagovera kurondedzerwa kwakakwana kwomuuyo wacho.   

(2) Zvinoitika Zvine Revo Chaiyo

13. Chii chakaparira kutaura kwaJesu kwokuti ‘chiratidzo chokuvapo kwake nechemhedziso yetsika yezvinhu’?

13 Mugore ra 33 N.V. Jesu akarondedzera muudzame ‘chiratidzo chokuvapo kwake nechemhedziso yetsika yezvinhu.’ Ichochi chakanyorwa muna Mateo ganhuro 24, 25, Marko 13, naRuka 21. Achingunoveri neboka ravadzidzi vake muJerusarema, Jesu akanga adeya kuzivisa kuparadzwa kwetembere imomo. Ipapo vadzidzi vake vakabvunza, kuti: “Tiudzei, zvinhu izvozvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?”—Mateo 24:1-3.

14. Dudza zvimwe zvezvinoitika zvine revo izvo Jesu akabatanidza mu“chiratidzo.”

14 Mukupindura Jesu akati: “Muchanzwa nezvehondo nemishumo yehondo; onai kuti hamusati muchivhundutswa. Nokuti zvinhu izvozvi zvinofanira kuitika, asi mugumo uchigere. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye munzvimbo imwe neimwe muchava nokuperevedza kwezvokudya nokudengenyeka kwapasi. Zvinhu zvose izvozvi ndiwo mavambo amarwadzo nenhamo.” Sokuratidzira kunoita Ruka 21:11, iye akadudzawo ‘nhenda munzvimbo imwe neimwe.’ Iye akanyevera nezvoku“kuwedzera kwokusateerera mutemo.” Nokuda kwaikoku, iye akataura kuti “rudo rwechiverengero chikuru zvikuru ruchatonhora.” Zvakare, nomutoo une revo, iye akadeya kuzivisa, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo kuguma kuchasvika.”—Mateo 24:4-14.

15, 16. (a) Ko zvipi nezvipi zvezviporofita zvaJesu zvakazadzika Jerusarema risati raparadzwa muna 70 N.V. here? (b) Ko tinoziva sei kuti panofanira kuva nokumwe kuzadzika, kunyange kunokosha zvikuru?

15 Asi mubvunzo ungabvunzwa, unoti: ‘Ko zvimwe zvezviporofita izvozvo hazvina kuzadzika pamberi pokuparadzwa kweJerusarema navaRoma mugore ra 70 N.V. here?’ Hungu, zvimwe zvakazadzika. Asika zvizhinji zvaizouya, sokuratidzira kunoita zviporofita zvimene. Chokwadi, Jesu akanga achipindura mubvunzo wokuitira hanya kwapakarepo wavadzidzi vake. Asi iye akashandisa banzaro kugovera mashoko aizosvika kudaro refu pamsoro penguva apo “Mwanakomana womunhu” aizouya “ane simba nembiri huru” uye apo “umambo hwaMwari” hwaizoswedera.—Ruka 21:27, 31.

16 Chokwadi, izvi zvinhu hazvina kuitika panguva yokuparadzwa kweJerusarema muna 70 N.V. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri, rakanyorwa munenge muna 96 N.V., rinoratidzira kuti izvi zvinoitika pamsoro poUmambo zvakanga zvichiri munguva yemberi. (Zvakazarurwa 1:1; 11:15-18; 12:3-12) Mumutauro wokufananidzira Zvakazarurwa inoratidzira kuti hondo, kuperevedza kwezvokudya, nenhenda izvo Jesu akadeya kuzivisa zvaizova zvinoitika zvomunguva yemberi, uye pamwero wechienzi. Izvo zvaizoratidzira nguva apo Kristu aizovamba ndokugumisa kukurira kwake vashori vose voUmambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 6:1-8) Idi rokuti zvikamu zvakati kuti zvechiporofita chaJesu zvakazadzika muzana rokutanga ramakore rakachisimbisa kuva chechokwadi, richipa chikonzero chakakwana chokuvimba nechimwezve chinhu chiri chose chakataurwa naJesu kuti chaizoitika.

17. Ko migariro munyika nhasi yakasiana zvikuru nezvayaiva pamberi pa 1914 here?

17 Ko zviporofita izvi zvati zvaona kuzadzika kukuru zvikuru here, kwakakwana muzana rino ramakore rechi 20? Vanhu vari pasi pamakore 70 ezera vangarangarira havo kuti nguva dzedu ndedzenguva dzose nokuti havasati vachiyeuka imwe nguva apo zvinhu zvaiva zvakasiana. Asi vanhu vakura, uyewo avo vanoziva pamsoro penhau, vanoziva imwe nzira. Sokurondedzera kwakaita rimwe bhuku pamsoro pezvinoitika zva 1914: “Mazana gumi namashanu amakore bedzi haano kubatanidzwa muhondo . . . Asi pakati pawo pakanga pasina nyika huru yaizodai yakava nesimba rokubatira somurevereri worugare. Ikoku kwakanga kusina kutongoitika munhau yenyika; hakuna hondo yakanga yambova noukuru hwakadaro. Chiporofita cheBhaibheri Dzvene, chinoti: ‘Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo’ chakazadzika chaizvoizvo.”46

18. Neiko taizova vasina kururama kudai taizotaura kuti hondo yakapararira ndiyo bedzi yakanga iripo ku“chiratidzo”?

18 Asika zvinhu zvakadaro zvakanga zvisati zvichingova bedzi rutivi rweizvo Jesu akataura kuva “chiratidzo.” Achishandisa muenzanisiro, iye akati: “Cherekedzai muonde nemimwe miti yose: Painenge yotungira pfumvudza, pamunocherekedza munozvizivira mumene kuti zvino zhezha rava pedyo. Neiyi nzira imiwo, pamunoona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Chizvarwa ichi hachisati chichizopfuura kusvikira zvinhu zvose izvozvi zvaitika.” (Ruka 21:29-32) Kudai waizoona muti mumwe bedzi uchitungira mumwaka usati uriwo, hausati waizofunga kuti zhezha rava pedyo. Asi apo unoona miti yose ichitungira munguva chaiyo, unoziva chakunoreva. Nenzira imwe cheteyo, Jesu akadeya kuzivisa kuti “kuvapo” kwake ne“mhedziso yetsika yezvinhu” zvaizoratidzirwa kwete bedzi nehondo asi nechiverengero chakati chezvinhu zvinoitika zvose munduramo yechizvarwa chimwe.

19. (a) Sezvinoratidzirwa nendaza iri pamwe chete nenhau iyi, ko mativi akasiana-siana e“chiratidzo” ave achizadzika sei chifo cha 1914? (b) Neiko hondo dzapakuvamba-vamba, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwapsi, zvichingunodaro, zvisati zvichiumba “chiratidzo” icho Jesu akataura pamsoro pacho?

19 Ko zvinhu izvozvi zvakaitika here? Zvaunonzvera ndaza iri pamwe chete nenhau ino ino musoro unoti “Chii Chichava Chiratidzo?” ungayeuka uchirava pamsoro pehondo dzomumazana apakuvamba. Asika Hondo yeNyika I yakachachamara kupinda dzimwe dzose seyakatsaukana, nguva yechinjo munhau. Ungayeukawo, kuti kuperevedza kwezvokudya, nhenda, kudengenyeka kwapasi, nguva dzokusateerera mutemo, nenhamburiko dzechienzi dzokusimudzira rugare nokuchengeteka zvakaitika 1914 asati asvika. Asika, hakuna imwe nguva munhau yakaona zvinhu izvozvi zvose zvichiwira pachizvarwa chimwe mumwero wakadaro unokatyamadza. Mukutendeseka kwose, kana zvinoitika kubvira muna 1914 zvisingazadziki chiratidzo, chiizve chinodikanwa? Mukusapanikira, tiri kurarama panguva yo“kuvapo” kwaJesu musimba roUmambo.

20, 21. Ko zvinoitika zvakabatana neHondo yeNyika I zvakabvumikisa sei kuva bedzi “mavambo amarwadzo nenhamo,” sokudeya kutaura kwakaita Jesu?

20 Kuoneka kwamativi e“chiratidzo” hakuna kureva kuti Umambo hwaMwari hwaizoparadza uipi papasi pakarepo. Sokudeya kuzivisa kwakaita Jesu, “zvinhu zvose izvozvi mavambo amarwadzo nenhamo.” (Mateo 24:8) Zvimwe zvaizotevera. The World Book Encyclopedia rinoti: “Hondo yeNyika I nomuuyo wayo yakaparira kuderedza kukurusa mumugariro wezvemari munhau mukati mokuvamba kwama 1930. Miuyo yehondo nezvinetso zvokugadzirira zvorugare zvakaparira kusaterama munenge murudzi rwuri rwose.”⁠47 Makore mashomanene gare gare Hondo yeNyika II yakavamba. Yakanga yakaipisisa zvikuru kwazvo kupinda yokutanga. Chifocho, kuzvidzwa kwoupenyu nepfuma kwakawedzera, uye kutyiwa kwoutsotsi kwakava rutivi rwoupenyu hwezuva riri rose. Tsika dzakarerutswa. Kuwedzera kwechiverengero chavagari vapasi kunoparira zvinetso zvisati zviri kugadzikiswa. Kushatswa kwezvinhu kuri kushatsa vara roupenyu uye kunyange kuhupinza mungozi. Uyewo kune tyisidziro yokuparadza chose chose kwenyukireya.

21 Ko aya “marwadzo nenhamo” zvakavamba rini? Star yeLondon yakati: “Mumwe wezvenhau womuzana rinotevera ramakore angasanotaura kuti zuva rakapenga nyika raiva . . . [muna] 1914.”⁠48 Gore iroro, 1914, rakanga ranguve raratidzirwa pachine nguva mberi nechiporofita cheBhaibheri.

(3) Zvinoitika Zvinocherekedzwa Zvorudzidziso

22. (a) Ko Jesu akabatanidza kudeya kuzivisa kwake kusateerera mutemo kunowedzera nechii nokutonhora kworudo? (b) Ko dzidziso dzavakuru vakuru vorudzidziso dzakabetsera sei kuuyu mugariro?

22 Zvakare pakati pezvinoitika zvine revo izvo Jesu akataura kuti zvaizoratidzira “mhedziso yetsika yezvinhu” pane zvinotevera: “Vaporofita vazhinji venhema vachamuka uye vachatsausa vazhinji; uye nokuda kwokuwedzera kwokusateerera mutemo rudo rwechiverengero chikuru zvikuru ruchatonhora.” (Mateo 24:11, 12) Jesu akabatanidza kusateerera mutemo kunowedzera nokutonhora kworudo pamwe nepesvedzero yavaporofita venhema—vadzidzisi vorudzidziso vanokambira havo zvenhema kutaura nokuda kwaMwari. Pakuvamba, bhuku rino rakapa ufakazi hwokuti vakuru vakuru vorudzidziso vakatsigira hondo dzamarudzi, vakazvidza mipimo yeBhaibheri yetsika kuva yechinyakare, ndokuratidzira zvikamu zveBhaibheri kuva zvisiri zvechokwadi. Nomuuyoiko? ‘Kutonhora’ mukuda Mwari nemitemo yake. Ichochi chave chiri chikonzero chikurusa mukuputsika kwetsika, pamwe chete nokuzvidzwa kwechiremera nokushaikwa kwokuitira hanya munhu biyako.—2 Timotio 3:1-5.

23, 24. Chii chave chichiitika kurudzidziso mumakore achangobva kupfuura aya?

23 Nokuda kwemigariro yakadai, mamirioni akasiya masangano orudzidziso. Vamwe vanotendeukira kuBhaibheri ndokuchinjira kunzira dzaro. Vamwe vanobva mukuodzwa mwoyo nokunyangadzwa. Vazhinji vari kuva vavengi vorudzidziso. Mumwe murongi wezvikamu zvamapepanhau akati: “Munhu haangagoni kuita chimwe chinhu kunze kwokuva anotapurwa namasimbire akaita chinetso chenyika murudzidziso. Uye kupitsirana kushomanene kwenyika mune zvamatongerwe enyika kunoramba kuchiparira kushingaira kwokuteurwa kweropa kwehondo yorudzidziso.” Nokuda kwaikoku, iye akati: “Huregererei kubvisa rudzidziso?”⁠49

24 Kuderera kwamarudzidziso makuru kunosanopupurirwa. Somuenzaniso, mumwe mushumo pamsoro peItaly unoratidzira kuti kunyange 95 muzana yavanhu vachizviratidzira vamene savaKaturike, “vateereri vapaSvondo vechechi vanorangarirwa kuva vari pasi pe 20 muzana.”⁠50 Mumwe mushumo unozivisa kuti chiverengero chavaprista munyika yose chakaderera navane 25 000 mumakore gumi.51 MuUnited States fundo yechechi yakadeya kutaura kumwezve “kuderera kunosvika 50 muzana muuprista hwechiKaturike muAmerica pakuzosvika mugore ra 2000.”⁠52 U.S.News & World Report yakati “kuno kuderera kukurusa muchiverengero chavarume vanopinda zvikoro zvoufundisi zvechiKaturike” muUnited States, kubva muchiverengero chapamusoro chavane 48 992 kusvika ku 11262 mumakore asingasviki 20.⁠53 The New York Times yakashuma kuti munyika yose “chiverengero chamanun chakadzikira kubva pa 181 421 kusvika ku 121 370” mumakore 15.⁠54 Mugariro wacho wakafanana mumarudzidziso mazhinjisa.

25. (a) Mukusiana, chii chinoratidzirwa neBhaibheri kuti chaizoitika pamsoro pokunamata kwechokwadi panguva ino? (b) Uku kuunganidzwa kwavanamati vechokwadi kunoitwa mukutungamirira kwaani, uye pahwaroi? (c) Ko vanhu vamarudzi ose vakanangana nechirevoi?

25 Mukusiana, Bhaibheri rinoratidzira kuti “boka guru” rinobva mumarudzi ose raizokweverwa kukunamatwa kwaJehovha munguva ino yomugumo. Jesu akadeya kuzivisa uku kuunganidzwa, achitaura kuti iye aizoparadzanisa vanhu mumwe achibva kuno mumwe, nokuda kwokuchengetwa nomu“dambudziko guru,” kana kuti zvimwe “kuparadzwa kusingaperi.” (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14; Isaya 2:2-4; Mateo 25:31-33, 46) Chii chiri icho chinoparadzanisa vanhu nokuda kwokupukunyuka? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Nyika inopfuura naizvozvowo nechishuvo chayo, asi iye anoita kuda kwaMwari uchagara nokusingaperi.” (1 Johane 2:17) Asika vanhu vaizoziva sei chiri kuda kwaMwari? Kupfurikidza nokuita chimwe chinhu kubasa redzidzo yenyika yose rakadeya kuziviswa naJesu apo iye akati: “Aya mashoko akanaka oumambo chaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) Uku kuparidzira kunoita kuti vanhu vamarudzi ose vanangane nechirevo chokuti: Ko ivo ndevoubati ushe hunodzorwa naMwari here? Kana kuti mukuwirirana nokukuchidzira kwaSatani muEdheni, ivo vanoda ubati ushe hwokuzvimirira hunoitwa navanhu here? Jehovha anopa vanhu banza rokusarudza.

26, 27. (a) Ko iri basa rokupupurira rakatoitwa kusvikira kutambanukoi? (b) Neiko kudaidza kwomumwe kushoko roUmambo kuri nhau yakakomba?

26 Kupupurira kwenyika yose kwoUmambo kuri kuitwa nesimba rinowedzera. Munyika dzinopfuura 200, mamirioni eZvapupu zvaJehovha anoshanyira vanhu mumisha yavo achikarakadzira kufunda Bhaibheri navo, pachena. Zvinyorwa zvazvinoshandisa zvinotsanangura Bhaibheri zvinoisvogoverwa zvikuru kwazvo pasi pano. Chokwadi, izvo zviri pakati pezvinyorwa zvinoisvogoverwa zvakafara zvorudzi rupi norupi. Uye izvozvi zvinowanikwa mumitauro ine 190.

27 Iri basa rokuparadzanisa rave richipfuurira kwamakore mazhinji. Zvino rosvika mhedziso yaro. Mukuwirirana neShoko raMwari, avo vakaramba ubati ushe hwake hwoUmambo, uyewo avo vanopfuura nokusaitira hanya banza rokudzidza nezvake, vachaparadzwa. (Mateo 25:34, 41, 46; 2 VaTesaronika 1:6-9) Kuavo vanozvibatanidza vamene savatsigiri voUmambo hwaMwari, ikoku kucharatidzira nguva yokusununguka kukurusa. Asika rutongeso irworwu rwuchasvika rini?

(4) ‘Chizvarwa Ichi Hachisati Chichizopfuura’

28. Ko Jesu akataura kuti kuparadzwa kwakadeya kutaurwa kwenyika kwaizosvika mukati meganhuriroi yenguva?

28 Kana riri zuva iroro neawa, Jesu akati, “hakuna munhu anoziva, ngirozi dzokudenga, kana kuti Mwanakomana havasati vachiziva, asi Baba bedzi.” Asi Jesu akapa chiratidziro chenguva chinobetsera apo iye akati: “Chizvarwa ichi hachisati chichizopfuura kusvikira zvinhu izvozvi zvose zvaitika.” (Mateo 24:34, 36) Nenzira iyoyo mativi ose akasiana-siana e“chiratidzo,” uyewo “dambudziko guru,” anofanira kuitika mukati menduramo yechizvarwa chimwe—chizvarwa cha 1914. Ikoku kunoreva kuti vamwe vavanhu vakaona zvinoitika zva 1914, apo “mhedziso yetsika yezvinhu” yakavamba, vaizova vachiri vapenyu kuti vaone kuguma kwayo apo “dambudziko guru” rinorova. Avo vanoyeuka zvinoitika zva 1914 vakwegura mumakore zvino. Vazhinjisa vechiverengero chavo vakatofa. Asi Jesu akatisimbisira kuti “ichi chizvarwa hachisati chichizotongopfuura” kuparadzwa kwetsika ino yakaipa yezvinhu kusati kwasvika.—Mateo 24:21.

29. Kupfurikidza nokubvumira zvinoitika chifo cha 1914 kukudziridzika kusvikira kupfundo razvaveri, ko Mwari akaita sei kuti kuve nyore zvikuru kuvanhu kuita chisarudzo chakarurama?

29 Haiwa, Mwari ave achishivirira sei mukugovera iri banza rakatambanuka nokuda kworupfidzo! (2 Petro 3:9) Kwenguva yokutanga munhau, chinetso chimwe nechimwe chakasvika mwero mikurusa—hondo, kushatswa kwezvinhu, kunyanyowanda kwechiverengero chavagari vapasi, nezvimwe. Chipi kana chipi chazvo chingagona kuunza kuparadzwa kwakakwana. Kupfurikidza nokurega ufakazi hwakadaro huchitutirana, Mwari akakuita kuti kuve nyore zvikuru kuti vanhu vaone kuti munhu haana mhinduro. Panguva imwe cheteyo, “kuparidzirwa kwamashoko akanaka oumambo” kwakabetsera vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuziva kuti Umambo hwaMwari ndihwo bedzi tariro yorugare rwechokwadi nokuchengeteka. Nenzira iyoyo Mwari anovapa nguva yokuzviratidzira vamene kuti vari kurutivi rwake pachirevo chikuru.

(5) Chiratidzo Chokupedzisira

30. Ko Bhaibheri rinosanodudza chiratidzoi chokupedzisira chokuva pedyo kwokuparadzwa kwenyika?

30 Kuchine chimwezve chinoitika chichauya sechiratidzo chisingakanganisi chokuti kuparadzwa kwenyika kwaswedera. Muapostora Pauro akanyora nezvaichochi, kuti: “Zuva raJehovha rinosvika chaizvoizvo sembavha usiku. Pari pose apo ivo vanenge vachitaura kuti: ‘Rugare nokuchengeteka!’ ipapo kuparadzwa kuchavawira pakarepo . . . uye ivo havangatongopukunyuki.”—1 VaTesaronika 5:2, 3; Ruka 21:34, 35.

31, 32. (a) “Rugare nokuchengeteka” izvo vabati ushe vezvamatongerwe enyika vanozivisa zvichava chaizvoizvo here? (b) Neiko kwaizova kune ngozi kuva vanonyengerwa narwo?

31 Vatungamiriri venyika vanoziva kuti hondo yenyukireya inoreva kunenge kutsakatika. Uyewo, zvinetso zvinotambudza zvakadai sokushatswa kwezvinhu kuwedzera kwechiverengero chavagari vapasi, zvinetso zvemhuri zvinoraira ngwariro nemari. Naizvozvo vanoda kusudzunura ukama huri pamakakatanwa hwamarudzi ose. Ufakazi hwaikoku ndiko kuziviswa kwakaitwa neChibatanwa chaMarudzi 1986 se‘gore ramarudzi ose rorugare nokuchengeteka.’ Ikoku, mukusapanikira, inhanho yakananga kukuzadzika kwamashoko anokorwa mashoko pamusoro apa aPauro. Chokwadi, rangano dzezvamatongerwe enyika dzebvumirano hadzisati dziri kuita kuchinja kupi nokupi chaikoiko muvanhu kuvaparira kudanana. Hadzisati dziri kugumisa utsotsi, kana kuti dziri kurwisa hosha norufu. Asika chiporofita chinoratidzira kuti nguva ichasvika apo marudzi achazivisa kuti iwo awana mwero wakati wo“rugare nokuchengeteka.” Apo ikoku kunoitika, ipapoka “kuparadzwa kwapakarepo” kuchasvika “chiriporipo” pavatsausi ivavo vavanhu, pamwe chete naavo vanovimba navo.

32 Asi pachava navapukunyuki. Uchava mumwe wacho here?

[Bhokisi riri papeji 78, 79]

“Chii Chichava Chiratidzo”

“Rudzi Ruchamukira Rudzi”—

“Hondo yeNyika I yakapinza zana ramakore reHondo yaPose pose,—mupfungwa yokutanga yakakwana yeshoko—yehondo yedenderedzwa rose. . . . Pamberi pa 1914-1918 hondo haisati yakambova . . . inononzvera rutivi rukuru kwazvo rwapasi. . . . Kuuraya hakusati kwakambova kwakatambanuka nokwokusasarura kwakadaro.” World War I rakanyorwa naH. Baldwin.

Hondo yeNyika I yakauraya vanhu vana mamirioni 14 navasati vari varwi; Hondo yeNyika II yakauraya mamirioni 55. Kubvira paHondo yeNyika II mazana okumukira, okupandukira, nehondo zvakauraya upenyu hwavanhu vana mamirioni 35.

Nokudaro, kubvira muna 1914 hunopfuura upenyu huna mamirioni 100 hwakarashika muhondo!

“Kuchava Nokuperevedza Kwezvokudya”—

Kuperevedza kwezvokudya kwakatambudza nyika zhinji pashure peHondo yeNyika I neHondo yeNyika II.

Zvino, pasinei hapo namakore okuenderera mberi kwesayenzi, runenge rutivi rwechina rwamana rwenyika rwuri kurumwa nenzara. Sezvakakarakadzwa vana vana mamirioni 12 vanofa gore rimwe nerimwe zuva ravo rokuberekwa rokutanga risati rasvika nokuda kwokudya zvisingavaki muviri. Gore negore mamirioni avamwe anofawo nokuda kwechikonzero chimwe chetecho.

“Nhenda”—

Hakuna nhenda yakanyorwa yakamboenzana nefuruwenza yeSpain ya 1918-1919. Yakatapura vanenge vanhu vana mamirioni 500; vanopfuura mamirioni 20 vakafa.

Kunzvera kwokurapa kwave kusati kuchikwanisa kudzivisa zvinhu zvakadai sehosha yomwoyo kusvika mwero yomurakatira. Gomarara idenho inowedzera. Chiverengero chezvirwere zvehosha dzinopomeranwa muvatano chakawedzera.

“Kudengenyeka Kwapasi” Munzvimbo Zhinji—

Kuchitsamira pamanyuko, zviverengero zvakakarakadzwa zvavakuvadzwi zvinosiyana. Asi kupa mienzaniso mishomanene: vane 30 000 kusvikira ku 32 000 vakafira mukudengenyeka kwapasi muItaly muna 1915; vane 100 000 kusvikira ku 200 000 muChina muna 1920; vane 95 000 kusvikira ku 150 000 muJapan muna 1923; vane 25 000 kusvikira ku 60 000 muIndia muna 1935; vane 12 000 kusvikira ku 20 000 muIran muna 1968; vane 54 000 kusvikira ku 70 000 muPeru muna 1970; vane 20 000 kusvikira ku 23 000 muGuatemala muna 1976. Chifo cha 1914 zviuru zvizhinji zvavamwe zvakafira mumazana okudengenyeka kwapasi kukuru mupasi rose.

Mashoko anobva mumanyuko akasiana-siana anoratidzira chiverengero chapakati chokudengenyeka kwapasi kwakakomba gore rimwe nerimwe chifo cha 1914 chave chiri chikuru zvikuru nakazhinji kupfuura chiverengero chapakati kwamakore anotevera 2 000.

“Kuwedzera Kwokusateerera Mutemo”—

Iwe unoziva maidi. Utsotsi hunowedzera hunotapura nyika iri yose pasi pano. Upenyu hwako humene hwakatapurwa. Munzanga yokwenyu, chii chave chichiitika muzvikoro? Ko mune kushandiswa kusiri kwapamutemo kwemirimo munharaunda yokwenyu here? Zvakadini nokusatendeseka mubhizimisi? Unonzwa wakakotsekana sei pamigwagwa usiku?

Kusateerera mutemo hakusati bedzi kuri pamsoro pomutemo wohunhu, asiwo kunotopfuurezvo pamsoro pomutemo waMwari. (Ona 2 Timotio 3:1-5, 13)

Kuparidzirwa Kwoumambo hwaMwari Munyika Yose—

Iri basa rinogaroitwa namamirioni eZvapupu zvaJehovha munyika dzinopfuura 200.

Mukati mamakore gumi bedzi akapfuura, anenge maawa anamabhirioni mana (mamirioni ane chiuru) akapirwa neZvapupu zvaJehovha kukuparidzirwa kwapamhene kweiri shoko. Munhambo imwe cheteyo iyeyo zvakabudisa, mumitauro ine 190, zvinopfuura zvinyorwa zvina mabhirioni 5 zvinoratidzira Umambo hwaMwari setariro bedzi yomunhu.

Kuziviswa kwo“Rugare Nokuchengeteka”—

Vatungamiriri vanoziva kudikanwa kworugare kudzivisa ngwavaira yenyukireya uye kubata nezvimwe zvinetso zvinowedzera. Kupinda muno urwu rutivi ndiko kuziviswa kwakaitwa neChibatanwa chaMarudzi kwa 1986 segore ro“rugare, kuchengeteka kwamarudzi ose nokubatira pamwe.”—General Assembly, Agenda item 32, 39th session.

Ko zvinhu izvozvi zvose “chiratidzo” chei? Chokuti tiri kurarama zvino mu“mhedziso yetsika yezvinhu.” Chokuti Kristu akagara pachigaro chake choUmambo uye ari kuparadzanisa kubva muvanhu vamarudzi ose avo vanoda chaizvoizvo kuita kuda kwaMwari. Chokuti “dambudziko guru” rava pedyo zvikuru. Nokuda kwamamwezve mashoko okudzame, rava Mateo ganhuro 24 na 25, Marko 13, naRuka 21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe