RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 11/8 pp. 12-14
  • Kuita Mabasa Munyika Dziri Kubudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Mabasa Munyika Dziri Kubudirira
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Bhizimisi Rezvokudya—Muitiro wavaAfrica
  • Mabasa Okuita Zvinhu Anobetsera
  • Kushandisa Unyanzvi
  • Kugoverana Tariro yechiKristu muSenegal
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • ‘Kugovera Vemhuri Yako’ Kunangana Nedenho Yacho Munyika Dziri Kubudirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Ndingawana Sei Mari?
    Mukai!—1998
  • Kuonga Vakadzi Nebasa Ravo
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 11/8 pp. 12-14

Kuita Mabasa Munyika Dziri Kubudirira

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUSENEGAL

BABA vomusikana muduku vakafa apo akanga ari mwana, vachisiya amai vake vane mhuri huru yavana vasere. Zvino sezvo amai vake vari kukura, muduku anofanira kubetsera kutsigira mhuri kupfurikidza nokutsvaka basa. Chiroto chake chokupfuurira kufunda chapera. Anotofanira kushanda, kunyange zvake asina unyanzvi kana kuti dzidzo inotenderwa.

Mamirire ezvinhu akadai anozivikanwa navose munyika dziri kubudirira. Mabasa haawaniki, kunyange nokuda kwaavo vane madhigirii apayunivhesiti. Kunyanguvezvo, nokutsunga nepfungwa yakanaka yokuita zvinhu, vakawanda vave vachikwanisa kuzviitira vamene mabasa. Mabasa akadaro angasapfumisa munhu, asi Bhaibheri rinotaura pana 1 Timotio 6:8, kuti: “Kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.”

Tichisanorangarira shoko irero rakadzikama rezano, ngatirangarirei dzimwe dzenzira dzoungwaru idzo vaKristu vari munyika dziri kubudirira vave vachirarama nadzo uye vachibudirira nadzo.

Bhizimisi Rezvokudya—Muitiro wavaAfrica

Zvokudya zvinogarova zvichidikanwa. Muno muWest Africa, vakadzi vanoita basa rokutengesa vakawana mhatsa dzenzira dzinokwezva dzokushandura iri idi kuva porofiti. Vamwe, somuenzaniso, vanovaka dumba pedyo nenzvimbo iri kuvakwa uye vanobikira vashandi zvokudya zvamasikati. Vamwe vanogovera zvokudya avo vari kuenda kubasa mangwanani. Vanowadza katafura namabhenji, vanovirisa mvura pambaura yamarasha, ndokupakura zvokudya zvamangwanani zvisingadhuri—kofi inopisa nechingwa chakanaka nebhata. Mumanheru vanovhurazve bhizimisi ravo ndokupakurira vashandi zvokudya zvishoma pakupera kwezuva. Kushandisa uru rudzi rwekahotera kunoreva kushanda rudungwe rwakaoma, asi runobvumira vanobishaira kuva nemari yokurarama nayo.

Kunewo mukana wokutengesa twokudya. Vamwe vakadzi vanotsvaka nzvimbo ina vanhu vakawanda pedyo nomusika uye vanokanga nzungu. Fatayas—nhindi duku dzinopakurwa dzine mhiripiri—dzinotengeswawo nyore nyore. Ndozvinoitwawo masangweji enyama anoitwa nomuto wenyama une zvinorunga. Izvi zvinhu zvinotengwa nyore nyore munyika dzavaAfrica dzakadai seGambia neMali.

MuGuinea-Bissau neSenegal, vechiduku vakati kuti avo vari Zvapupu zvaJehovha vanozvitsigira vamene muushumiri hwenguva yakazara kupfurikidza nokubheka uye kutengesa chimwe chinhu chakakurumbira: twukeke. Moses, mugari womudzimbahwe reSenegal, Dakar, anotsanangura, kuti: “Mudzimai wangu neni takanga tichibatira samapiyona chaiwo [vaparidzi veevhangeri venguva yakazara] apo takatanga kuva nevana. Zvino ndaitofanira kuwana nzira yokuvatsigira nayo, naizvozvo ndakafunga kubheka ndokutengesa twukeke.

“Ndakanga ndine mari shomanene zvikuru yokutanga nayo, naizvozvo ndaitofanira kuva anongwarira kutsauranisa pakati pemari yandaigona kuchengeta seporofiti nemari yandaida kuti ndidzorere mubhizimisi kuti nditsive migove, yakadai sefurawa namazai. Zvino ndinokwanisa kutengesa makeke akaringanira kutarisira zvizhinjisa zvezvinodikanwa zvemhuri yangu duku.

“Kuti abetsere, mudzimai wangu, Esther, anosona marokwe pamusha. Ikoku kunomubvumira kuti ave pamusha navakomana vedu vaviri vaduku. Naizvozvo pakati pedu tiri vaviri, tinokwanisa kutarisira zvakanaka kwazvo mhuri yedu, pasinei hapo neidi rokuti tinorarama munguva dzakaoma.”

Heino imwe pfungwa nokuda kwebhizimisi duku: Sezvo vanhu vanoshanda vakabatikana uye vasingagarovi nenguva yorwendo rurefu kuenda kumusika, ivo vanotsigira zvingoro zvomunzvimbomo zvinotengesa michero kana kuti mirivo. Vamwe vanamuzvinangoro vanotova nezvokuendesera, vachiendesa mirivo mimbishi kumisha chaiko kwavatengi. Shoko rinogona kupararira nokukurumidza rokuti wakavimbika uye kuti unotengesa zvinhu zvakanaka. Ngwarira, zvisinei, kusanyanyochaja, kana kuti vanhu vachangodzokera bedzi kumusika wenguva dzose.

Mabasa Okuita Zvinhu Anobetsera

Kana kutengesa zvirimwa kusingakufadzi, rangarira kuita mabasa akasiyana-siyana. Basa romumba, rakadai sokuchenesa, kubika, uye kugeza nokuayina zvipfeko, rinogarova rinodikanwa. Uye kune mimwe mikana yakawanda.

Somuenzaniso, unogara pedyo negungwa here kana kuti pedyo nomusika wehove? Huregererei kukarakadza kugadzira hove—nokukurumidza uye pamubhadharo wakaderera? Zvaunoda bedzi ipuranga rakanaka nebanga rinopinza rehove. Kugeza motokari ndirimwe basa rine porofiti. Zvinhui zvokushandisa zvinodikanwa? Bhakiti, mvura, sipo shomanene, nejira rakanaka. MuDakar, pwere dzine ndangariro yebhizimisi dzinogona kuonwa munodokuva mose munomiswa motokari uye mumigwagwa yakawanda ine mimvuri dzichiita iri basa.

Mvura yomurukova haiwanzowanika murutivi rwenyu rwenyika here? Pane dzimwe nguva vakadzi vanoita mudungwe kwamaawa patsime remvura ravose kuti vazadze migomo yavo. Ipapo vanotofanira kutakura migomo yavo inorema pamisoro yavo vachienda kumusha. Naizvozvo vakawanda vanodisa kuripira mumwe munhu achavaunzira mvura. Nzira younyanzvi yokubudirira nayo ndeyokufumosvika patsime remvura mumangwanani kuti ugone kuzadza migomo yako ndokuiisa muchikochikari chinosundwa namaoko kana kuti chinokweyiwa nembongoro. Zvino wagadzirira kuendesa mvura kumisha kana kuti kunzvimbo dzebasa.

Une dzidzo yakati yokunyika here? Zvichida ungakarakadzira kudzidzisa vana vaduku pakupera kwevhiki. Makirasi anowanzova akatsikinyidzana munyika dziri kubudirira, uye vabereki vangadisa kuripira mwana wavo kuti awane ngwariro yakati yomunhu oga.

Humwe unyanzvi hunobetsera hwaungatove unahwo ndihwo hwokugadzira bvudzi. Sezvo mitoo yokugadzira bvudzi yakakurumbira zvikuru pakati pavakadzi muAfrica, pane bviro yokuita mari kuna vanhu vane unyanzvi pairi basa.

Kushandisa Unyanzvi

Munguva dzeBhaibheri, mudzimai anokwanisa aigona kuwana nzira dzoungwaru dzokuwana nadzo mari. Zvirevo 31:24, inoti: “Unoita zvokufuka zvomucheka achizvitengesa, unovigira vatengesi zvisungo zvezviuno.” Nenzira yakafanana, vakawanda munyika dziri kubudirira vakawana rubudiriro mukushandisa basa rokugadzira zvinhu rinoitirwa pamusha, kana kuti mabhizimisi maduku. Muvezi, somuenzaniso, angavaka kashopu ndokuita zvituruwo zvazvo, mabhenji, uye zvimwe zvinhu zvomumba. Zvinoshandiswa zvokuveza zvinokosha zvikurusa bedzi zvinodikanwa. Kana une unyanzvi hwokurima, zvichida ungagona kutanga bhizimisi rehuku ndokutengesa mazai nehuku.

Unyanzvi ndichinodikanwa chinokosha nokuda kwokutanga mabasa okugadzira zvinhu maduku. Vamwe vanhu vakachinja magaba anoraswa kuva masutukesi ane mavara namatirangi. Vamwe vakaita hwashu namatayi emotokari. Uyewo vamwe vakaita mabhakiti namachubhu omukati ekare. Bviro dzingava dzakaganhurirwa bedzi nefungidziro yako umene.

Munyika dziri kubudirira kunoda zvose zviri zviviri unyanzvi nefungidziro kuti urarame, asi unodawo shiviro nechimiro chendangariro chakanaka. Usarega nyore nyore. Iva anochinjika, akagadzirira kuchinja mabasa kana kuri madikanwa. Kana uri kutanga bhizimisi kana kuti kugovera basa, iva nechokwadi chokunzvera mitemo yomunzvimbomo nemirau. VaKristu vanodikanirwa kuremekedza mutemo wenyika.—VaRoma 13:1-7.

Usati waedza kugovera chiitwa kana kuti basa, zvibvunze umene, kuti: ‘Ndezvipi zviri zvinodikanwa zvomunzvimbomo netsika? Upfumi hwomunzvimbomo hwakamira sei? Vatengi vanogona kuripira zvandiri kugovera here? Vangani vamwe vari kugovera chinhu chakafanana kana kuti basa? Ndine unyanzvi chaizvoizvo here, simba, kutanga kuita zvinhu, kuzviranga, uye pfungwa yokurongeka zvinodikanwa kuita iri bhizimisi? Ndizvinoshandiswa nokuda kwemhindu zvakadini zvichabatanidzwa? Ndichatofanira kukwereta here? Ndichakwanisa kupedza kuripira chikwereti here?

Mubvunzo waJesu pana Ruka 14:28 wakakodzera, unoti: “Ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo?”

Chokwadi, havasati vari vose vane unyanzvi kana kuti chimiro chendangariro chokuva anozvishandira. Bva Jehovha Mwari anogona kukomborera kutanga kwako kuita zvinhu nenhamburiko yokudisa apo inoratidzirwa nevavariro yakarurama. (Enzanisa na 2 Petro 1:5.) Naizvozvo ita napaunogona napo kutsvaka basa—kunyange kana uchitofanira kuriita iwe umene!

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kusona marokwe, kugeza motokari, kuendesa mvura yakanaka, uye kugadzira hove ndidzimwe dzenzira idzo vanhu vanowana nadzo chokuraramanacho

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe