Mushonga Wezvinetso Zvourudzi
Mazuva achangobva kupfuura aya murume wokuOklahoma, U.S.A., akagamuchira kopi yemagazini yeMukai! iyo yairatidzira musoro unoti “Madzinza Ose Achazombova Akabatana Here?” Achinyora tsamba yake, kuti “Vanodiwa Vabudisi veWatchtower,” munhu wacho akanyora, kuti:
“Zvino uno ndava nomukana wakanaka wokurava chinyorwa chenyu cheMukai! yaAugust 22, 1993, chinobata nechinetso choukama hworudzi. Ndakakatyamadzwa, uye kuororwa, pakunzwisisa kwenyu kune mufungo, kwakanaka ichi chinetso chakaoma.
“Mazuva achangobva kupfuura aya ndakapedza kosi yekoreji pamusoro penhau yeUnited States. Asi mumapeji mapfumbamwe bedzi emagazini yenyu makapa nhau pfupi, tsananguro, UYE MUSHONGA weichi chinetso chinonyengera kupfuura gwaro nezvidzidzo zvekoreji zvemwedzi mitanhatu. Nyaya dzacho dzakanga dzakadzikama zvikuru zvokuti hakubviri kutaura mugariro worudzi wavanyori vacho.
“Sezvo nyika inova yakakamukana zvikuru mune zvedzinza, munhu ari wose anoda kuratidzirwa kuurwu rudzi rwamashoko, sokubudisa kukuru kwamungagona. Ndinokuongai nokuda kwokuva noushingi hwokubudisa zvokwadi nechisarudzo chakanaka nechokuchenjera.”
Kana uchida kuva namamwe mashoko pamusoro pokugamuchira kopi yeMukai!, tapota nyorera Watch Tower Society, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kukero yakakodzera yakarongwa papeji 5.