RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 10/8 p. 30
  • “Nhenda Munzvimbo Imwe Pashure Peimwe”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Nhenda Munzvimbo Imwe Pashure Peimwe”
  • Mukai!—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Nyika Isina Zvirwere
    Mukai!—2004
  • Nhenda Muzana Remakore Rechi20
    Mukai!—1997
  • Vatasvi Vamabhiza Vana Vari Kugagadika!
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Kutsiva Kweutachiona
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 10/8 p. 30

“Nhenda Munzvimbo Imwe Pashure Peimwe”

MUMASHOKO iwayo ari pamusoro apa, anowanwa pana Ruka 21:11 (NW), wedzero yenhenda inopiwa sorumwe rutivi rwamativi echiratidzo chamazuva okupedzisira. Pana Zvakazarurwa 6:8, nhenda idzodzo dzinodeya kufananidzirwa nomutasvi webhiza rakachenuruka, bhiza rechina raZvakazarurwa ganhuro 6. Munyori wenhau Lawrence Hall akapa mapfundo makuru kubva mubhuku idzva rakanyorwa naAndrew Nikiforuk rine musoro unoti The Fourth Horseman: A Short History of Epidemics, Plagues, Famine and Other Scourges. Dzakaoneka muchikamu cheStar-Ledger, yaFebruary 25, 1994 reNewark, New Jersey, raHall. Zvikamu zvamashoko zvinobva muchikamu ichocho zvinotevera.

“Mutasvi webhiza reChina weApocalypse ari kutasva zvakasimba mudzino nguva dzokupererwa nezano. Rudzi rwomunhu ruri pangozi munzira dzakawanda kupfuura imwe—kunyange noruzivo rutsva zvikuru rwokugadzirwa kwezvinhu, runoshamisa nefambiro mberi musayenzi yokurapa. Mishonga yakawanda inorwisa utachiona, yaichimborumbidzwa semirimo inoshanda zvikuru, haienzaniswi nesimba rinokurira mishonga nehosha dzanhasi. . . .

“‘Kunyange zvazvo . . . mirimo nemishonga inodzivirira zvingaita pfungwa inonyengera younyanzvi, nhenda ichapfuurira kuyeuchidza vanhu kuti sayenzi dukusa ichakapfeka munapukeni, uye zvichida wakasviba zvikurusa’ . . . Haisati iri vavariro yangu kukutyisidzirai, asi mufananidziro woMutasvi webhiza reChina ndowechokwadi zvikuru. Tiibhii iri kuwedzera zvakare. Utachiona hweAIDS hunopfuurira kuparadza zviuru nezviuru gore negore munyika yose . . . Dzimwe hosha dzakadai setaifodhi, diphtheria, korera, chigwadara nemarariya zvinotyisidzira nomutoo unotyisa—zvikuru kukuodzwa mwoyo kwenyanzvi dzoutano navanhu vose zvavo. . . .

“Nhambo imwe neimwe yenhau murudzi rwomunhu yakaunza hosha itsva. . . . Nhambo Yemutsidziro yakanga ine jovhera, nhomba dzakaendeswa kuAmericas naColumbus, uye AIDS zvino inotityisidzirazve. . . . Kunyanguvezvo, pane matenda matsva nemirakatira zviri kuvapo sezvo rudzi rwomunhu runoratidzika kuva ruri kurasikirwa nehondo mukurwisana noutachiona. . . . Chiverengero chavanhu vane gadziriro yedziviriro yomuviri yakadzvinyirirwa chiri kuwedzera.” Nikiforuk anotaurawo kuti “‘imwe yenhema huru dzezana ramakore rechi 20 [ndeyo]kuti mishonga inorwisa utachiona, mishonga yenhomba navanachiremba zvakatinunura panhenda. . . .

“‘Zvisinei hazvo nokuedza kukuru kwatingaita, hatigoni kukurira simba rezvirwere rinokurira mishonga, kupa fufuro Mutasvi webhiza kana kufuratira kuvapo kusingachinjiki kwenhenda munhau.’”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe