RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 9/8 pp. 10-13
  • Zvinhu Zvinokosha Zvokuyamwisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvinokosha Zvokuyamwisa
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mucheche Asati Asvika
  • Mazuva Apakuvamba
  • Nguva Yokurumura
  • Ufakazi hwoMusiki Ane Rudo
  • Zvinoda Vacheche
    Mukai!—2004
  • Mukaka Waamai
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Kuchinja Kunoita Zvinhu Murume Nomudzimai Pavanova Nevana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Honzeri Dzakadzika Midzi, Migumisiro Yakapararira
    Mukai!—2003
Mukai!—1994
g94 9/8 pp. 10-13

Zvinhu Zvinokosha Zvokuyamwisa

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUNIGERIA

Kana iwe, kufanana navamwe vanamai vazhinji, wakasarudza kuyamwisa mucheche wako, wakasarudza kushandisa gadziriro yakaitwa nomutoo worudo noMusiki worudzi rwomunhu. Mukaka unobudiswa nomuviri wako umene uchasvitsa zvinodikanwa zvokusimbisa muviri chaizvoizvo zvomucheche wako, uchisimudzira kukura kune utano nokufambira mberi. Uchabetserawo kudzivirira mucheche wako pahosha dzinozivikanwa. Nechikonzero chakanaka WHO (World Health Organization) inotaura, kuti: “[Mukaka womuzamu] ndiwo chokudya chakanakisisa mwana achazombova nacho. Zvinotsiva zvose, kubatanidza mukaka wemombe, misanganiswa yomukaka wepaudha, zviyo zvakaitwa mvuramvura, zvakaderera.”

Kuyamwisa kunounza betsero kwauriwo. Hapana mabhotoro okusuka kana kuti kufashaidza nenzendo dzokuenda kukicheni pakati pousiku kundogadzira kudya kwomwana wako. Kuyamwisa kuchakubetserawo mumuviri, sezvo kuchakubetsera kurasikirwa nouremo hwawakawana mukati mokuva napamuviri uye kuchabetsera chibereko chako kudzokera kuukuru hwacho hwenguva dzose. Uye fundo dzinokarakadza kuti vakadzi avo vanoyamwisa vana vavo vane bviro shomanene yokutanga kenza yamazamu.

“Anodokuva mai ari wose anogona kuyamwisa mucheche wake,” inovimbisa kudaro United Nations Children’s Fund. Naizvozvo sezvinobvira iwe unogonawo. Ungawana, zvisinei, kuti kuyamwisa hakusi nyore seizvo waikarira, zvikurukuru kana uri kuedza kukuita kekutanga. Ikoku imhaka yokuti kuyamwisa, nepo kuri kwomusikirwo, hakusi kwomuzvarirwo; unyanzvi uhwo unofanira kudzidza. Ungawana kuti kunokutorera iwe nomwana wako mazuva anoverengeka kana kuti kunyange vhiki shomanene kutanga muitiro wakanaka nounofadza.

Mucheche Asati Asvika

Kana usina kumboyamwisa mwana nomutoo unobudirira kare, taura navanamai vakaita kudaro. Vanogona kukubetsera kudzivisa kana kuti kukurira zvinetso. Vanogona kukubetserawo kuvaka chivimbo chako mumano ako kuti uyamwise mucheche wako nomutoo unobudirira.

Mukati mokuva napamuviri napashure, kunokosha kuti uwane zororo rakaringanira. Mukuwedzera, iva nechokwadi chokuti unodya zvokudya zvakakwana. Breastfeeding, chinyorwa cheWHO, chinotaura, kuti: “Zvokudya zvisingavaki muviri asati ava kana kuti mukati mokuva napamuviri zvinogona kuva chisakiso chokukura kusina kutsarukana kwomucheche muchibereko. Kunogona kurevawo kuti mai vacho havakwanisi kuchengeta mafuta akaringanira kuti vabudise mukaka wakakwana gare gare. Mai vacho naizvozvo vanoda, mukuva napamuviri mose nomunhambo yokuyamwisa, kudya kudya kwakadzikama kwakavakirwa pamhatsa yezvokudya.”

Kutarisirwa kwamazamu kunokoshawo. Mukati memwedzi yokupedzisira yokuva napamuviri, geza mazamu ako pakushamba, asi usashandisa sipo. Shwanu dziri muareola (nzvimbo yakasviba yakapoteredza munyatso) dzinobudisa mafuta anouraya utachiona ayo anochengeta minyatso ine unyoro nokudzivisa kutapurwa. Sipo inogona kuomesa munyatso ndokubvisa kana kuti kuita kuti mafuta acho asashande. Kana mazamu ako akava anooma kana kuti anovava, ungada kuisa mafuta anonyevenutsa kana kuti rosheni. Asi adzivise kusvika minyatso kana kuti mwena.

Vanachiremba vaichimborumbidza kuti vanamai “vaomese” minyatso yavo mukati mokuva napamuviri kupfurikidza nokuikwiza nesimba. Kunyange zvazvo izvi zvakanga zvichifanira kudzivisa kuita maronda kweminyatso mukati mokuyamwisa, fundo dzinoratidza kuti kurovedza kwakadaro hakubetseri zvikuru. Kuita maronda kunowanzoparirwa nenzvimbo iyo mucheche ari kuyamwiswa anoiswa nayo pazamu.

Ukuru nechimiro zvezamu hazvisi zvinhu zvinokosha mukuyamwisa kunobudirira, asi mucheche haagoni kubata munyatso wakapinda mukati kana kuti wakati sandara. Unogona kuzviedza umene kupfurikidza nokusvina zvinyoronyoro mushure momunyatso mumwe nomumwe nechigunwe chako nomunongedzo kuti uve nechokwadi chokuti minyatso inotambanukira kunze. Kana isingadaro, taura nachiremba wako. Angarumbidza shero yamazamu, chifukidziro chakapfava chinopfekwa mukati mokuva napamuviri kana kuti pakati pokuyamwisa. Mashero anovandudza kazhinji kazhinji chimiro cheminyatso yakati sandara kana kuti yakapinda mukati.

Mazuva Apakuvamba

Kwakakunakira kuvamba kuyamwisa mucheche wako mukati meawa pashure pokusununguka. Vamwe vangafunga kuti nokukurumidza pashure pebasa rose rokusununguka, vose vari vaviri amai nomwana vangava vaneta zvikuru zvokusagona kuonana. Asi amai vanowanzonzwa vane simba nokuda kwechinoitika chacho, uye mwana, pashure pokuva namaminiti mashomanene okuchinjira kuupenyu hwokunze kwechibereko, anotsvaka nokudisa kuzorodza kwezamu.

Vanamai vatsva vanogona kugovera achangobva kuberekwa wavo mukaka wakachenuruka kana kuti unoonekera unonzi colostrum. Iri “dambwadambwa rendarama” rinobetsera zvikuru kwazvo mucheche. Rine mativi ayo anorwisa utachiona hunokuvadza. Rakapfumawo mumapurotini uye rine shuga namafuta zvakaderera, kuchiriita chokudya chakakwana mukati mamazuva mashomanene okutanga oupenyu. Kutoti kana pane chinetso chezvokurapa, mwana wacho haasati achida chimwe chokudya kana kuti chinwiwa. Kudya kwomumabhotoro kwokuwedzera kunogona kuodza mwoyo mwana kuyamwa zamu, sezvo nhamburiko duku ichidikanwa kuyamwa bhotoro.

Vanamai vanowanzovamba kubudisa mukaka usina colostrum kubva pamazuva maviri kusvikira kumashanu pashure pokusununguka. Kuyerera kweropa kwakawedzerwa kuenda kumazamu paiyi nguva kungakudza mazamu ako ndokuaita akapfava. Ikoko ndokwomuzvarirwo. Kuyamwisa kuchawanzoderedza kunetseka kwacho. Pane dzimwe nguva, kunyanguvezvo, mazamu akazvimba achaparira minyatso kuva yakati sandara. Sezvo ikoku kuchikuita kwakaomera mucheche kuyamwa, ungatofanira kubudisa mumwe mukaka nokusvina. Unogona kuita ikoku uchishandisa maoko ose ari maviri kusvina zamu rimwe nerimwe, uchitangira kuzasi kwaro uchienda kumunyatso.

Haugoni kuyera mukaka uyo mucheche wako anoyamwa muzamu, asi usanetseka—muviri wako wakashongedzerwa kugovera zvose izvo mucheche iyeyo anoda, kunyange kana vacheche vari manyambiri! Kana ukayamwisa kakawanda, uchabudisa mukaka wakawanda. Ikoku ndicho chikonzero chimwe nei usingafaniri kuwedzera mukaka womuzamu nezvimwe zvinwiwa zvomumabhotoro, zvakadai sechokudya chomukaka wepaudha kana kuti mukaka wemombe. Kana ukaita kudaro, mucheche wako achatora mushoma kubva kwauri. Ikokuwo, kunoreva kuti uchabudisa mukaka mushoma.

“Vana vomuzvarirwo vakakwana havana kudokuva vasingabetseri pakusunungukwa seizvo zvakambofungwa uye vanogona kuronga kudya kwavo vamene kuti kuvakodzere nemiviri yavanamai vavo, kana bedzi vamwe vanhu vakavarega kuti vakuite,” anonyora kudaro Gabrielle Palmer muThe Politics of Breastfeeding. Nheyo inotungamirira ndeiyo yokugovera nokudikanwa—apo mucheche wako anoda chokudya (nguva zhinji kupfurikidza nokuchema), unogovera. Pakuvamba, zvinodikanwa zvichauya maawa maviri kana kuti matatu ari ose. Unofanira kubvumira mucheche wako kuyamwa mazamu ose ari maviri nguva imwe neimwe yaanoyamwa. Vacheche vakawanda vanotora maminiti 20 kusvika ku 40 kuti vapedze kudya, kunyange zvazvo vamwe vana vanoda kudya pakufaranuka kwavo, nokutindika. Vanonoka vakadaro vangatora kusvika kumaminiti 60 kuti vapedze kudya kwavo. Zvikurukuru, mwana wako ari kuwana zvokudya zvakaringanira kana achiyamwa kanodokuva kasere mumaawa 24, kana uchigona kumunzwa achimedza, uye kana ane manapukeni masere kana kuti kupfuura akanyorova zuva rimwe chete pashure pezuva rechishanu.

Unyanzvi hunokosha zvikuru hwaunodikanirwa kuziva mukuyamwisa inzira iyo unobata nayo mucheche wako zvakarurama pazamu. Kuva munzvimbo yakashata kunogona kuguma nomukusava nomukaka wakaringanira kwomucheche wako. Vamwe vacheche vanoramba kunyange kuyamwa.

Kuva munzvimbo yakashata kunogona kuguma nechimwe chinetso chinozivikanwa: minyatso yakatsemuka kana kuti ine maronda. Breastfeeding Source Book rinotaura, kuti: “Minyatso ine maronda inoparirwa nechiverengero chezvisakiso, asi chinokosha inzira iyo mwana wacho ‘anonamatira nayo kuzamu,’ uye ikokowo kunotsamira patambanuko ine mwero panzvimbo iyo musoro wake uri mukuwirirana nezamu. Nokuda kwokuva munzvimbo yakarurama, mucheche wako anofanira kuva pedyo, nomusoro wake uri pakati napakati (usina kutarira mudenga, pasi kana kuti rutivi), uye uchiuya zvakananga pamunyatso zvokuti haaukweveri kurutivi rumwe chete.”

Nenzira yakakodzera zvikuru, miromo yorushiye inofanira kubatana zvikuru nezamu, anenge masendimita matatu kuseri kwomunyatso. Uchaziva kuti nzvimbo yacho yakarurama kana muviri wose womucheche wako wakatarira kwauri, kana achiyamwa zvakareba, kana akazorora nokufara, uye kana usinganzwi marwadzo omunyatso.

Nguva Yokurumura

Pashure pevhiki shomanene dzokutanga, mose muri vaviri iwe nomwana wako muchave masvika pakuzivana uye zvichida muchave matanga muitiro wakanaka nounofadza. Kwemwedzi mina kusvikira kumitanhatu inotevera, mucheche wako haadi chokudya kana kuti chokunwa kunze kwomukaka womuzamu. Pashure penguva iyoyo unofanira kupinza zvishoma nezvishoma zvimwe zvokudya, zvakadai sechovonjera, zviyo, kana kuti michero. Zvisinei, kutozosvikira mucheche wako ava nemwedzi mipfumbamwe kana kuti gumi yokukura, chokudya chake chikuru chichave chichiri chinobva mumukaka wako; naizvozvo kwakanaka nguva dzose kuyamwisa mucheche wako usati wamupa zvokudya zvikukutu.

Unofanira kupfuurira zvakareba sei uchiyamwisa? Zvakareba sezvinobvira, inorumbidza kudaro WHO. Vanamai vazhinji vanopfuurira kusanoyamwisa kupinda mugore rechipiri, vachitarisira vana vavo uye kwete pazera ravo. Bhuku rinonzi Mothering Your Nursing Toddler rinotaura, kuti: “Hakuna kuoma kuona chinodikanwa icho vana vedu vanacho nokuda kwokuyamwa kunopfuuridzirwa—mufaro wavo mukuyamwa nenhamo yavo apo vanonyimwa. Chikonzero chakapfava asi chinomanikidzira nokuda kwokupfuurira kuyamwisa ndechokufadza mwana wacho.”

Ufakazi hwoMusiki Ane Rudo

Sezvaunoyamwisa mucheche wako, zvichida pakati pousiku apo vamwe vose vemhuri vanenge vakarara, ipa mufungo kuMusiki weiyi gadziriro. Kunyange kana usinganzwisisi miitiro yomuviri yakaoma kunzwisisa iyo inokuita kunobvira, chishamiso chokuyamwisa chichakubetsera kuona uchenjeri norudo zvoMusiki wedu.

Funga pamusoro pako—hapana chokudya chiri nani nokuda kwavacheche kupfuura mukaka waamai. Unosvitsa chose chose zvinodikanwa zvomucheche nokuda kwechokudya nechinwiwa mukati memwedzi yapakuvamba youpenyu. Panguva imwe cheteyo, mushonga unoshamisa unodzivirira hosha. Wakakotsekana, une utsanana, haudi kugadzirwa, uye hautitorere chinhu chipi nechipi. Unowanika munyika yose, uye kugadzirwa kwawo kunowedzera sezvo mucheche anokura kuva mukuru.

Uye funga pamusoro peidi rokuti kuyamwisa ndichinoitika chinofadza nokuda kwavose vari vaviri amai nomwana. Kupiwa kwechokudya, kutaura nebatano yeganda, uye kudziya kwomuviri kwokuyamwisa zvose zvinobetsera kusimudzira chisungo chorudo chakasimba nokuva pedyo pakati paamai nomwana.

Zvirokwazvo, Musiki weiyi gadziriro inoshamisa anofanira kurumbidzwa zvikuru. Hapana panikiro kuti uchadzokorora mashoko owezvamapisarema Dhavhidhi, uyo akanyora, kuti: “Ndichakuongai; [Jehovha] nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa.”—Pisarema 139:14.

[Bhokisi riri papeji 12]

Varume, Ivai Vanotsigira

• Ita kuti mudzimai wako azive kuti unotendera kuyamwisa. Muvimbise uye mutsigire nounyoro.

• Betsera mudzimai wako kudya kudya kwakadzikama mukati mokuva napamuviri naapo mwana wacho anenge achiyamwa.

• Iva nechokwadi chokuti anowana zororo rakaringanira. Mukadzi akaneta angava nechinetso mukubudisa mukaka wakaringanira. Unogona kubetsera here kuderedza mitoro yake kupfurikidza nokutarisira vamwe vana kana kuti kugoverana mumabasa omumba?

• Kana mudzimai wako akazorora uye achifara, mukaka wake uchayerera zviri nani. Ramba uchiita kuti afare sezvaunogona. Teerera kuzvinetso zvake, uye mubetsere kuzvipedza.

[Bhokisi riri papeji 13]

Womuzamu Unosiyaniswa Nowomubhotoro

“Mukaka womuzamu unosimbisa muviri zvikuru, une utsanana zvikuru, unodzivirira vacheche zvirwere zvinozivikanwa, uye unoderedza ngozi yaamai yekenza yamazamu neyechibereko. Chokudya chomusanganiswa chorushiye tisingarevi nezvokudhura, kazhinji kazhinji chinosanganiswa zvakanyanyisa nemvura isina kuchena ndokudyiswa vana kubva mumabhotoro asina kufashaidzwa. Munzanga dzine urombo, musiyano wacho unokosha zvikuru zvokuti upenyu huduku hunofungidzirwa kuva miriyoni imwe chete hwaigona kuponeswa gore rimwe nerimwe kudai vanamai venyika vakadzokera kukuyamwisa bedzi kwemwedzi mina kusvikira kumitanhatu.”—The State of the World’s Children 1993, chinyorwa cheUnited Nations Children’s Fund.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe