Tariro Chaiyoiyo Nokuda Kwavana
“Hakusati kuchizotongovazve . . . nomucheche anorarama bedzi mazuva mashomanene . . . Havasati vachizoshanda nesimba zvisina maturo kana kuti kubereka vana vanoshurikidzirwa jambwa; nokuti vachava vanhu vakakomborerwa naISHE.”—Isaya 65:20, 23, New International Version.
PASINEI hapo nenhamburiko dzomunhu dzinorumbidzwa dzokuvandudza zvinhu, mamirioni avana vachangobva kuberekwa achiri “akashurikidzirwa kujambwa.” Hakusati kuchizova kwakadaro nguva dzose. Uporofita hwaIsaya hahusati huchingotivimbisa bedzi kuti mwana ari wose parimwe zuva achava nenguva yemberi yakakotsekana asi hunotsanangurawo mazadzikire anogona kuita nharidzano yakadaro.
Pana Isaya 65:17, (NW) Mwari anoti: “Ndinosika matenga matsva nepasi idzva; uye zvinhu zvekare hazvisati zvichizorangarirwa, uyewo hazvisati zvichifungwa mumwoyo.” Kuti vana venyika vatarisirwe nomutoo wakakodzera, zvose zviri zviviri “matenga matsva” ne“pasi idzva” zvinodikanwa.
Iri “pasi idzva” chaunga chitsva chavanhu vanoomerera kunheyo idzo Jesu Kristu akadzidzisa. Imwe yenheyo idzodzo, Jesu akatsanangura, ndeyokuti “upi kana upi anogamuchira mumwe wavana vaduku vakadaro pahwaro hwezita rangu, anogamuchireni.” (Marko 9:37, NW) Chaunga chinobata mwana muduku ari wose sokunge kuti ndiKristu amene zvamazvirokwazvo chingava “pasi idzva”! Nechekare, mamirioni avanhu ari kuvavarira kuita izvozvo chaizvo, uye akabudirira mukupa tariro kuvamwe vavana venyika.
Vana Avo Zvino Vane Tariro
Tshepo, pamwe chete navakoma vake vana nehanzvadzi, vaigara mutaundi redzimba dzakashata muSouth Africa. Apo akanga ava negore rimwe rokukura, akanga atove nedumbu rakazvimba rinoratidzira romwana anoshaya zvokudya zvinovaka muviri. Vabereki vake vaipambadzira rutivi rukuru rwemari yavo shomanene padoro zvisina maturo kuedza kunyudza kusuruvara kwavo. Tshepo aisagarova nezvokudya zvinopisa, uye akanga achibvumirwa kutamba pakati pamarara napamagaba edoro asine chinhu akapararira pamusha.
Nguva yemberi yaTshepo yairatidzika kuva isingafadzi kutozosvikira chimwe chinhu chaitika kuchinja nzira yokufunga yavabereki vake. Muvakidzani anonzi George akavapa kosi yapachena mudzidzo yeBhaibheri. Miuyo yakanga ichiorora—chinetso chokunwa chakatsakatika, musha wakacheneswa, mhuri yakawana zvokudya zvinopisa zuva riri rose, uye Tshepo navakoma vake nehanzvadzi vakavamba kuratidzika kuva vakachena, vakapfeka zvakanaka, uye vanofara.
George akabetsera mhuri yaTshepo nemhaka yokuti, somumwe weZvapupu zvaJehovha, anonzwa mutoro kuna vose, kubatanidza varombo zvikuru. Chokwadika, kwakada nguva yakawanda neshiviriro kubetsera mhuri kuti ichinje mararamire ayo, kuvadzidzisa mipimo mitsva yakavakirwa paShoko raMwari. Asi George anonzwa kuti nhamburiko yakanga yakafanirwa zvikuru nako, zvikurukuru apo iye anoona kuti musiyano wakadini wakwakaita kuvana.
Mutaundi reMexico reSan Salvador Atenco maigara muzvinapurazi anonzi José, baba wavana vapfumbamwe. Akanga ari musiyadzasukwa, uye vana vake vakanga vachimutya nemhaka yokuti aivashatirirwa nomutoo wamasimba masimba apo anenge akadhakwa. Musha wavo wakanga usina kuchena nguva dzose, uye chivanze chaibatira sedanga rembongoro nenguruve zvemhuri, izvo zvaidzungaira zvichipinda mumba nokuzvidira. Somuuyo, vana vakatambura zvirwere zvomudumbu, uye padzimwe nguva miviri yavo yaifukidzwa nezvironda zvinoputika urwa.
Zvinhu zvakachinja apo José akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akarega kunwa zvikuru ndokuva baba kwaye kuna vana vake. “Zvino tinogona kunyange kutamba nababa vangu!” mumwe wavana vaduku nomutoo wokudada anokuwa kudaro. Musha wavo zvino ndimumwe weyakachena zvikurusa—panzvimbo pokuva mumwe weisina kuchena zvikurusa—mutaundi. Nguruve nembongoro zvinochengetwa mumunda, uye mhuri nguva dzose inovirisa mvura yokunwa. Utsanana hwakavandudzwa hwakareva kuti vana vava noutano hwakanaka zvikuru kwazvo navanofara zvikuru kwazvo.
Sokuratidzira kunoita iyi mienzaniso miviri, kazhinji kazhinji chinhu chinokosha chokubetsera vana ndiko kubetsera vabereki. Ziviso yeWorld Summit for Children yakaziva kuti “mhuri ine mutoro mukuru wokutarisirwa nokuchengetwa kwavana.” Uye kana mhuri dzichitarisira nokuchengeta vana vadzo kana kuti kwete kungasanotsamira zvikuru padzidzo sezvakunoita pamari.
Kuchinja Mwana Womumugwagwa
MuBrazil, Domingos akanga achingova bedzi namakore mapfumbamwe okukura apo baba vake vakafa. Apo amai vake vakaroorwazve, pakarepo akaendeswa kundogara mumusha wenherera. Kubatwa kwakakasharara kwaakawana mumusha wenherera kwakamuita kuti asarudze kukumbanira boka rakanga richironga kupukunyuka. Kunyange zvazvo amai vake vakamudzorera kumba apo ivo vakanzwa nezverongedzero dzake, kurova kunoverengeka kwaiitwa nababa vokurera kwakamupwisa kuti anofanira kubva pamba. Akava mumwe wezviuru zvavana vomumugwagwa veSão Paulo vanochenesa shangu, vanotengesa zviwitsi, kana kuti kunyange kubudisa mirimo kuti vararame.
Apo Domingos akatanga kusvika paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, akanga asingavimbi uye aishaiwa tsika—hakutongoshamisi nokuda kwomugariro wake. Kunyanguvezvo, Zvapupu zvakura zvakawana chivimbo chake, uye kupfurikidza nefundo yeBhaibheri yomunhu oga, zvakamuyamura nokuwana chirongwa chitsva chemipimo. Pakupedzisira akadzidza kuti iye aigona kuisa chivimbo chake muna Mwari nomuvamwe. Zvapupu zvakamubetsera kuwana basa, kutanga somubetseri womuvaki uye tevere somushandi womuhofisi. Zvino, makore anoverengeka gare gare, anobatira somushumiri wechiKristu wenguva yakazara.
Iyi mienzaniso inoratidza kuti chaunga chinoitira hanya chavanhu chinogona kuderedza kumwe kwokutambura kwavana venyika. Chokwadika, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti jambwa harisati richizotongopedzwa chose chose nenhamburiko dzomunhu. Chigadzikiso chaichoicho chezvinetso zvavana venyika chingada mano anopfuura ohunhu, pfuma isina ganhuriro, uye chiremera chomunyika yose.
“Matenga Matsva”Nokuda Kwenyika Iri Nani
Mwari bedzi anogona kugovera chigadzikiso chakakwana. Nokuda kweichi chikonzero, uporofita hwaIsaya hunotsanangura kuti “pasi idzva” richaitwa pamwe chete na“matenga matsva.” Kanoverengeka Bhaibheri rinopikira kuti “denga idzva” kana kuti “matenga matsva” achagadzwa. (Isaya 65:17; 2 Petro 3:13, NW; Zvakazarurwa 21:1) Panhambo imwe neimwe kugadzwa kwaaya “matenga matsva” kunoratidzirwa senhano inokosha kukubvisa kutambura uye kuunza kururama kupasi. Chii chaizvoizvo chiri aya “matenga matsva”?
Bhaibheri kazhinji kazhinji rinoshandisa shoko rokuti “matenga” seshoko rakafanana nokutonga, kunoitwa naMwari kana kuti zvimwe navanhu. (Enzanisa naDhanieri 4:25, 26.) Iyi hurumende itsva ndihwo Umambo hwokudenga, Umambo hwaMwari—uhwo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera. (Mateo 6:10) Umambo hwaMwari huchava nesimba rokubvisa jambwa ripi neripi ringatyisidzira vana venyika, uye ihwo huchashinga kuita kudaro.
Neiko tichigona kuva nechokwadi zvikuru pamusoro paikoko? Nemhaka yokuti hurumende inoratidzira hunhu hwavatongi vayo. Naizvozvo, Umambo hwaMwari huchatonga mutsinhirano nemipimo yaMwari neyeyo yoMwanakomana wake, Jesu Kristu, Mambo akagadzwa waMwari. Vose vari vaviri vakaratidza fariro youshamwari mugarikano yavana.—Pisarema 10:14; 68:5; Marko 10:14.
Apo tinenge tichimirira nomwoyo wose uhu Umambo hwakapikirwa, kana kuti “matenga matsva,” isu tinogona kushandira kuvandudza migariro yavana vari munharaunda yedu. Sokugumisa kwakaita World Summit for Children nomutoo wakarurama, kuti: “Hakugoni kuva nebasa rakanaka zvikuru kupfuura kupa mwana ari wose nguva yemberi iri nani.”
[Bhokisi riri papeji 11]
Purogiramu Inoshanda Yokubetsera Vana
Basa redzidzo reZvapupu zvaJehovha rinopa betsero inoshanda neinogarisa kuvana. Mamwe mativi eiyi purogiramu ndeaya:
Dzidzo yavanhu vakura. Iyoyi inobatanidza kosi yokugona kurava nokunyora nokuda kwavabereki vasingagoni kurava kana kuti kunyora, pamwe chete nomurairidzo weBhaibheri wakawanda wakarongedzererwa kupinza mipimo inokosha nokuda kwokutarisirwa kwakakodzera kwavana.
Nhungamiro yemhuri. Bhaibheri rinoraira vabereki—kunyange avo vari varombo zvikurusa—kutarisira vana vavo vose panzvimbo pokuendesa vamwe kundogara nehama dzokunyama. Bhuku rinonzi Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze rakabvumikisa kuva rinoshanda mukubetsera mhuri dzine zvinetso chaizvo.a
Kubatanidzwa kwavana nenhungamiro. Apo vana vamene vanobatanidzwa mudzidzo, tarisiro youtano, uye utsanana, miuyo inova iri nani zvikuru. Zvapupu kazhinji kazhinji zvinofunda Bhaibheri navana, zvichishandisa zvinyorwa zvakakodzera zvakadai seBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri naMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda kuti vavayamure kubata nezvinetso pamusha uye kuvandudza utsanana hwavo hwomunhu oga.b
Murairidzo mukutarisirwa kwoutsanana noutano. Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa magazini yaMukai! mumitauro 74, uye iyi magazini nguva dzose inosimbisa nyaya pamusoro pokutarisira utano.
Basa reyamuro. Munguva dzemigariro yakashata, Zvapupu zvaJehovha zvinoronga mibato yeyamuro yokukurumidzira inogovera yamuro nomutoo wakananga panharaunda yengwavaira.
[Mashoko Omuzasi]
a Akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mifananidzo iri papeji 10]
Chigadzikiso chaichoicho chezvinetso zvavana venyika chingada mano anopfuura ohunhu. Mwari bedzi ndiye anogona kugovera chigadzikiso chakadaro