Mwari Anotsigira Mumitambo Here?
MUMHANYI akunda anopfugama ndokujangarika nenzira yokunyengetera, achipa kuonga nokuda kwezvaaita. Bva, tinofanira kufungidzira kuti vamwe vevamwe vamhanyi mumakwikwi vakanyengeterawo kuna Mwari nokuda kworukundo—ndokukundwa.
Vatambi vetsiva vaviri vanopfugama pamakona akasiana edariro retsiva pamberi pokurwa kwavo kwokutanga. Vose vanoita chiratidzo chomuchinjikwa, chimiro chomunyengetero wechinyararire kuna Mwari nokuda kwokubudirira. Ipapo mumwe anoriga mumwe zvokusagona kutambazve. Pane kumwe kurwa, murwi mumwe chete bedzi angakumbira Mwari nokuda kwokukunda, bva kazhinji kazhinji ndiye anokundwa.
Mumitambo yetimu, mapoka avatambi anganyengetera pamberi, mukati, kana kuti kunyange pashure pomutambo. Somuenzaniso, mukati memasekondi okupedzisira omutambo wenhabvu weAmerican Super Bowl, mubanhi akagadzirira nokuda kwekunwisa kabozwa kanokosha kakanga kachizohwinisa mutambo nokuda kwetimu yake kana kuti kukundwa kana akapotsa. Mubanhi gare gare akati: “Ndakanga ndichinyengetera pamusoro pako.” Asi vamwe vetimu inokwikwidzana vakanga vachinyengeterawo pamusoro pako—nokuda kwomuuyo unopesana.
Kunyange zvazvo mativi ose ari maviri anganyengetera, divi rimwe chete rinofanira kukundwa. Kunyange timu inohwina ine vatambi vakanyengeterera rukundo inogona kukundwa mumutambo unotevera. Zvamazvirokwazvo, pakupedzisira, pakuzopera kwemwaka, dzimwe timu dzose dzinofanira kukundwa, nokuti panogona bedzi kuva neshasha imwe muboka ramakirabhu emitambo. Bva, zhinjisa dzetimu idzodzo dzinokundwa dzakanga dzine vatambi vakanyengeterera rukundo.
Munyaya ine musoro unoti “Chengetai Minyengetero Yenyu, Ndapota,” munyori wenyaya dzemitambo dzepepa akanyora, kuti: “Nemhaka chete yokuti unoganza nenzira yamanyawi pamusoro poukama hwapedyo hwaunofungidzira kuti unahwo naMwari, hazvirevi hazvo kuti ichokwadi. . . . MuHondo yeNyika II, mauto eGermany akanga ane chitsama chamashoko chakanyorwa pachibatiso chebhande rawo: Gott mit uns. Shanduro yokuti: ‘Mwari anesu.’” Mumwe munyori wenyaya dzemitambo akati: “Mwari haatsigiri mumitambo yenhabvu. Zvinhu zvechinguvana zvakafanana neizvi zvinosarudzwa navarume navakadzi, kwete Wamasimba ose.”
Muapostora Petro akati: “Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” Kupinda mumitambo yamasimba masimba hakusati kuri ‘kushanda zvakarurama.’ (Mabasa 10:34, 35; VaRoma 14:19) Kudai Mwari ainzwa minyengetero yaavo vanokumbirira rukundo uye mukwikwidzani akanga akuvadzwa kana kuti kunyange kuurawa, Mwari akanga achizopiwa mhaka here?
Shoko raMwari rinoti: “Kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa.” (1 Johane 5:14) Kuti minyengetero ipindurwe, munhu anofanira kuziva kuda kwaMwari namadonzo, uye zviito zvomunhu zvinofanira kutsinhirana nezvakadaro.—Enzanisa naMateo 6:9, 10.
Aiwa, kuda kwaMwari namadonzo hazvina kubatanidzwa nezvinoitika zvemitambo. Nokudaro, apo minyengetero yorukundo inopiwa pazviri, Mwari ari kuteerera here? Zvamazvirokwazvo kwete.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
UPI/Bettmann