RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 2/8 p. 32
  • Rakaderedza Zvikuru Vatano Yamadiro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rakaderedza Zvikuru Vatano Yamadiro
  • Mukai!—1994
Mukai!—1994
g94 2/8 p. 32

Rakaderedza Zvikuru Vatano Yamadiro

Mupi zano wapayunivhesiti muOklahoma, U.S.A, akashuma kuti bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda rakaita zviri pamusoro apa. Mupi zano ari paYunivhesiti yeLangston akanyora, kuti:

“Ndingapa zano munhu upi noupi ari kubata nevechiduku vari pakati pamazera amakore 13-18 kushandisa iri bhuku chairo. Rinotsanangura vatano munzira iyo vadzidzi vedu vanofanira kuziva nezvayo kuti vagonane nezvinetso zvechaunga chakaoma kunzwisisa chanhasi. Kubva muruzivo rwangu ndimene rwokuzviwanira, ndakawana kuti rinovabetsera kuva vanoziva nezvechinoitika kana vachiita vatano yamadiro. Rinovarovedzanisa nehosha dzakasiana-siana dzinopfuudzwa muvatano dzakadai seAIDS, runyoka, herpes uye chinzonono.

“Kana ukasarudza kuva nevatano, rinoonesa kuti unofanira sei kusarudza mukwanyina mumwe chete nokuda kwoupenyu, uye kutsigira utsvene hweroorano. Ndakafarikanya chaizvoizvo kushandisa iri bhuku. Rine tapuro paupenyu hwaavo vanorishandisa. Ndakacherechedza kuti chiverengero chavakadzi vaduku vari mupurogiramu yedu vari kuva napamuviri chakaderedzwa zvikuru kwazvo pashure pokunge rasumwa.”

Kana uchida kugamuchira kopi reMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda kana kuti kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower Society, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kuti kero yakafanira iri papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe