RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 9/8 p. 32
  • Nyaradzo nokuda Kwavakapera Mwoyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaradzo nokuda Kwavakapera Mwoyo
  • Mukai!—1993
Mukai!—1993
g93 9/8 p. 32

Nyaradzo nokuda Kwavakapera Mwoyo

Gore rapfuura Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa turakiti duku rapamapeji matanhatu pamusoro uri pamusoro apa. Nomutoo wokupfupikisa zvikuru, rinogovera rudzi rwebetsero urwo vakapera mwoyo vanoda. Turakiti racho rinoratidza kuti Bhaibheri ndiwo manyuko akanakisisa enyaradzo. Rinodudza Magwaro mazhinji ane chokuita nomusoro wokupera mwoyo, kubatanidza ayo anogona kushandiswa kubetsera vanhu vakapera mwoyo.

October akapfuura hofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha muRome, Italy, yakagamuchira runhare umo muridzi worunhare akataura kuti: “Ndinoda kukuongai nokuda kweturakiti rinoreva nezvokupera mwoyo. Ndichangobva kurigamuchira, uye ndakanzwa ndichigombedzerwa kuti ndiridze runhare kuti ndikuongei. Handisati ndatongorava chinhu chipi nechipi chinokurudzira zvakadaro muchinyorwa chipi nechipi chezvokurapa. Ndinoda kukuongai nemhaka yokuti munobudirira mukutaura zvakawanda zvikuru munzvimbo duku zvikuru.

“Apo ndarava turakiti, ndachema. Ndinoda kukukurudzirai kupfuuridzira basa renyu. Rinokosha; munofanira kuriita muItaly mose nomunyika yose.”

Kana uchida kuva nekopi reiri turakiti, Nyaradzo nokuda Kwavakapera Mwoyo, kana kuti mamwe mashoko, tapota nyorera Watch Tower Society, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe