RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 12/8 pp. 8-9
  • Nguva Yemberi Yakajeka Yavana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Yemberi Yakajeka Yavana
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhamo Dzakadeya Kutaurwa
  • Nguva Yemberi Yakajeka
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Nyika Itsva Yava Pedyo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 12/8 pp. 8-9

Nguva Yemberi Yakajeka Yavana

PAMUSANGANO Wenyika wavakuru venyika nokuda kwaVana, vatungamiriri vakawanda venyika vakataura nechivimbo pamusoro penguva yemberi. Ivo vakadeya kuona “zera idzva” nokuda kwavana, “tsauriro itsva kuzvinodikanwa zvomwana.” Vakataura nezve“‘kubatana kutsva’ vachipa ‘upenyu kugadziriro yakabatana uye yakatsunga yomubatanidzwa wenyika’” yokubetsera vana.

Iwayo mashoko akanaka. Asi kuti marudzi achasvika kupi pakusvitsa nharidzano dzawo hakusati kwazivikanwa. Kunokosha kuziva kuti mukati memwedzi mishanu yomusangano wavakuru venyika, marudzi akarwa muhondo yePersian Gulf iyo yakabvumikisa kuva imwe yedzinodhura zvikurusa—mabhirioni Z$305—uye inoparadza mhoteredzo nokusingaperi. Mumiuyo yayo mazana ezviuru avanhu muIraq neKuwait akabviswa. Zviuru zvakaparara—pane imwe nhambo mazana avanhu pazuva riri rose—nemhaka yokuziya nenzara, kutambura, kushaikwa kwezvokudya zvinovaka muviri, uye hosha. Vanenge 8 mu 10 vaiva vakadzi navana.

Nhamo Dzakadeya Kutaurwa

Vadzidzi veShoko raMwari vanoziva kuti zvinetso zviri kutambudza vana vomunyika zvakadeya kutaurwa anodokusvika makore ane zviuru zviviri apfuura. Bhaibheri rakaporofita nezveaya “mazuva okupedzisira”:

◻ “Kuchava . . . nenhenda.”—Ruka 21:11, NW.

◻ “Kuchava neperevedzo dzezvokudya.”—Mateo 24:7, NW.

◻ “[Vanhu vachave] vachiparadza pasi.”—Zvakazarurwa 11:18, NW.

◻ “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo hucharwisa umambo.”—Marko 13:8, NW.

◻ “Nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo. Nokuti vanhu vachava vanozvida vamene, . . . vasina chidakadaka chomuzvarirwo.”—2 Timotio 3:1-3, NW.

Bhaibheri rakadeyawo kutaura kuti nguva iri kuuya nokukurumidza apo marudzi achafunga kuti ari kuita rubudiriro rwakakwana mukupedza zvinetso zvorudzi rwomunhu zvokuti achazivisa, kuti: “Rugare nechengeteko!”—1 VaTesaronika 5:3, NW.

Nguva Yemberi Yakajeka

Ziviso iyoyo, zvisinei, icharatidzira zvomenemene nguva yokuti Mwari apindire munhau dzorudzi rwomunhu. Kupfurikidza noUmambo hwake hwokudenga, Mwari achabvisa iyi mhedziso yetsika yezvinhu iripo ndokupinza nyika itsva yorugare rwechokwadi nechengeteko inogarisa, nokuda kwavana pamwe chete navakura.—Zvirevo 2:21, 22; Dhanieri 2:44; Mateo 6:10.

Mugadziriro yoUmambo yaMwari inoshamisa, “hamuna mugariwemo achazoti: ‘Ndinorwara.’” (Isaya 33:24, NW) Kushaikwa kwezvokudya zvinovaka muviri kuchava chinhu chomunguva yakapfuura: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” (Pisarema 72:16) Kunyange hondo haisati ichizovapozve, nokuti Bhaibheri rinopikira, kuti: “[Jehovha] unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.”—Pisarema 46:9.

Asi zvakadiniko navana vose—uye vamwe—avo vakatofa nokushaiwa zvokudya zvinovaka muviri, hosha, kana kuti zvimwe zvisakiso? Shoko rakafuridzirwa raMwari rinozivisa, kuti: “Kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15.

Apo akanga ari pasi pano, Jesu Kristu akaratidzira kuti rumuko rwokuupenyu pasi pano munyika itsva yaMwari ruchabatanidza vanhu vaduku. Somuenzaniso, apo musikana waanenge makore 12 okukura akafa, “vose vakanga vachichema, vachimuririra.” Asi ipapo, achitora ruoko rwomuduku, Jesu akati kwaari: “Musikana, muka!” Nhauro yenhau inorondedzera, kuti: “Akamuka pakarepo. Akaraira kuti apiwe zvokudya.” Chii chakanga chiri kuita kwavabereki vake? Bhaibheri rinoshuma, kuti: “Vakashamiswa nokushama kukuru.”—Ruka 8:40-42, 49-56; Marko 5:42.

Pane imwe nhambo, Jesu akasangana nomudungwe wamariro waibatanidza chirikadzi iyo mwanakomana wayo akaberekwa ari mumwe oga akanga afa. Jesu “akaswedera, akabata hwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati: ‘Jaya, ndinoti kwauri: Muka.’ Iye wakanga afa akagara, akatanga kutaura; [Jesu] akamupa mai vake.” Avo vakanga vari pedyo “vakarumbidza Mwari.”—Ruka 7:11-16.

Nokudaro, mukutonga kwakarurama kwehurumende yoUmambo hwaMwari, vana, kubatanidza avo vakatofa kare, vachava nenguva yemberi yakajeka zvikurusa inobvira. Ivo vachakwanisa kukurira munyika yokururama norugare yakaisvonaka, yakachengeteka zvikuru, inobudirira zvikuru, zvokuti Jesu anoidana nenzira yakakodzera zvikuru kuti “Paradhiso.”—Ruka 23:43.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Munyika itsva yaMwari, vana vachakura vakachengeteka, vaine ugwinyi, uye vachifara

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe