Murangariro weBhaibheri
Chikonzero Nei Kumhura Kusati Kuri kwamaKristu
MUTEPFENYURI wenhepfenyuro yeBBC Wales akatsiurwa nokuda kwokuramba kubvisa “mashoko anotsamwisa” pabvunzurudzano nowezvevatano yavane mitezo yakafanana yokubereka nayo uyo, mukuwirirana nomutauriri weBBC akanokorwa mashoko mupepanhau rinonzi The Guardian, akashandisa “mutauro wakanyanyoshata kuti arondedzere zviito zvingaparira munhu kubatira AIDS.” Mukuwedzera, 22 muzana yamapurogiramu akatarisirwa mukunzverwa kwamavhiki maviri kwokutepfenyura pamikoto mina yeterevhizheni yeBritain yaiva ne“mutauro wakashata, kuzvidza [kutuka] uye/kana kuti kumhura.”
Misoro yenhau yakadaro inoratidzira mhesano chaiyo yezvimiro zvendangariro. Kuvanhu vakawanda kurukurirano yakagadzirirwa izerwe nokumhura inokatyamadza uye inotsamwisa. Vamwe vanoramba mutauro wakadaro souri unongorondedzera bedzi nowakajeka, wokusaitira hanya chaiyoiyo. Zvisinei, kumhura kunofanira kuwana nzvimbo mukutaura kwamaKristu, ayo anokoshesa ukama hwawo naMwari navamabiyawo here?
Neiko Kwakapararira Zvikuru?
Kumhura ndiko “rudzi rupi norupi rwomutauro wakashata womuitiro.” Kumhura, kutuka, uye kuzvidza zvinopinda munzvimbo yeiyi rondedzero. Kumhura kunoratidzira hasha, kunyange shurikidzo yokutuka. Mary Marshall, munyori webhuku rinonzi Origins & Meanings of Oaths & Swear Words, anotaura kuti “mhiko namashoko okuzvidza ndezvokutaura kupfuura mutauro wamabhuku.” Kunyanguvezvo, manovhero akawanda akazara nokumhura.
Neiko kumhura kwakapararira zvikuru? Vamwe vanhu vane ruzivo rwamashoko rwakaganhurirwa vangaita perevedzo kupfurikidza nokushandiswa kwakawanda kwamashoko okutuka. Vamwe vanotendeukira kumutauro wakashata nokuda kwesimbiso. Kupfurikidza nerondedzero, kumhura kunowanzobatanidzwa nemirangariro yokunyangadzwa, kukangaidzwa, uye kutsamwa. Zvamazvirokwazvo, pakunangana nemigariro inotambudza, vakawanda vanobvumira kutuka kuti kubude mumiromo yavo se“chibudiro . . . chemirangariro yehasha.” Munzveri Marshall anotsinhira kuti kadhi rake renongedzero yamabhii amanyorerwo omutauro yamashoko okutuka echiNgezi igobvu zvikurusa pasi pamashoko anovamba nechimiro chinowirirana chokuputika uye kushinyira.
Kunyange zvazvo kutuka kungaratidzika kusunungura mirangariro yavo, vakawanda vanowana kuti kumhura kunobereka kumhura. Neiko kuchidaro? Mutauro wakashata unokuchidzira mwoto wemirangariro. Somuenzaniso, pakati penyongano yekakavadzano huru yomumugwagwa mudzimbahwe rimwe reWest Africa, mutyairi akashatirwa akabuda achisvetuka mumotokari yake kuzodenha mumwe ane motokari yakavhara kufamba kwake. Apo hasha dzakaputika, mutauro wakashata wakashatsa mhepo, mumwe nomumwe achiedza kukurira mumwe namashoko okuvirima. Vamwe vatyairi vapererwa nechokuita vanotseyama pamotokari dzavo vachikuchidzira varwisani kuti vataure ushati hunoramba huchiwedzera.
Kuvirima kunoshurikidza munhu kungabudisa mafashamo omutauro wakashata. Angabatanidzwa angava mashoko anoenzanisira chipfuro kana kuti kunyange chipukanana, mashoko okuzvidza pamusoro pavabereki vomunhu kana kuti madzisekuru asingapanikirwi, mashoko anorereudzira ngwariro kuzvinhu zvakati kuti zvokunyama, uye, icho chingatova chinotsamwisa zvikuru, ushati, kumhura, uye tsinhiro dzoutere dzakashata.
Murangariro waMwari Wokumhura
Zvirokwazvo, kubatwa zvisina kufanira kwezita roumwari kunoumba mhaka yakakomba. Eksodho 20:7 (NW), inoti: “Hausati uchifanira kutaura zita raJehovha Mwari wako nenzira isina maturo.” Asi kudarika uyu murairidzo kwakakuvadza ukama hwomunamati naMwari here? Hungu; Mutemo wakapfuurira, kuti: “Jehovha haangaregi munhu anotaura zita rake nenzira isina maturo asingarangwi.”
Kuenzanisira kuti kuteerera kwakanga kuchikosha sei kuno uyu murairo, Bhaibheri rine chinyorwa cherwisano pakati pomuIsraeri nomumwe murume. Wapashure aka“vamba kumhura Zita uye kurituka.” Mwari akatonga sei mugariro iwoyo? Iye akati: “Mumhuri wezita raJehovha anofanira kuurawa pasina kundikano.” (Revhitiko 24:10-16, NW) Kunyange zvazvo usingagoveri udzame chaihwoihwo hwokutuka, uyu muenzaniso wapamagwaro kunyanguvezvo unoratidzira kurangarira kwaMwari kutaura kwokuzvidza uye kuzvibata.
Magwaro echiKristu echiGiriki akadeya kutaura nezvezuva redu kuti “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo. Nokuti vanhu vachava . . . vamhuri [chiGiriki, blaʹsphe·moi], . . . uye ibva pana ivava.” (2 Timotio 3:1, 2, 5) Shoko rechiGiriki rokuti bla·sphe·miʹa rinopa pfungwa inopfuura kutaura kwokuzvidza zvinhu zvinorangarirwa kuva zvitsvene. Zvamazvirokwazvo, revo yaro inobatanidza kutaura kupi nokupi kunokuvadza kunozvidza uko kunokuvadza mumwe munhu.
Vanhu vane kutaura kwokumhura vanoratidzira “hunhu hwekare” uhwo maKristu anorairwa ku“pfekenura” sebhachi rinonhuhwa zvikuru iro vasingashandisizve.a Muapostora Pauro anopa zano, kuti: “Zvibvisei zvose kwamuri, kutsamwa, hasha, ushati, kutuka, uye kutaura kwakashata mumuromo menyu.” “Shungu dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete noushati hwose.” (VaKorose 3:8, 9; VaEfeso 4:31) Kupfuurirazve, tapota cherekedza kuti avo vanovirima navanotuka vamwe, avo Pauro anorondedzera sa“vatuki,” vanobatanidzwa pakati pa“vanhu vasakarurama [avo] vasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.”—1 VaKorinte 6:9, 10, NW.
Rambai Kumhura!
Rudo chairwo nokuda kwaMwari ruchasunda muKristu kuita chiri chinofadza Iye. (1 Johane 5:3) Sezvo Mwari achiratidza itiro hanya nokuda kwavanhu vose, naizvozvo muKristu achada kuratidzira kunzwa kumwe cheteko muchimiro chake kuna vamwe, nokudaro achiteerera mirairo miviri mikurusa, ndiko kuti, rudo nokuda kwaMwari uye nokuda kwomuvakidzani. (Mateo 22:37-39) Naizvozvo, “mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake mune chiri chakanaka nokuda kwokuvakwa kwake.” (VaRoma 15:2) Naizvozvo zvibvunze umene kuti, ‘Ko kusarudza kwangu mashoko kunotsamwisa kana kuti kunovaka here?’
Sezvinobvumwa, kuchenura kutaura kwako hakusati kuchizova nyore kana kumhura kwave kuri muitiro wakanyura zvikuru. Bva, kunobvira—kupfurikidza nebetsero. Mudzimu waMwari unogona kubetsera munhu kuchinja nzira dzokutaura. Zvisinei, munhu anofanira kutanga kudisa kuvaka ruzivo rwamashoko rwakazadzwa namashoko akanaka—dzokonokei orushandisa nguva dzose.—VaRoma 12:2.
“Rurimi runotaura zvakashata ruchadziviswa,” akanyevera kudaro Mambo akachenjera Soromoni. Naizvozvo usarega tsvina yokumhura kuti ishatse kutaura kwako. Panzvimbo pezvo, vavarira kuva munhu anoziva chinhu chakachena chokutaura uye uyo anochitaura nenzira yomutsa!—Zvirevo 10:31, 32, Today’s English Version; VaKorose 4:6.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona VaEfeso 5:3, 4, apo mashoko akapoteredza anopa “kutaura kwoupenzi” uye “kunemera” rondedzero yevatano. Nokudaro, kutaura kwakashata nemisere yechimiro choutere hakusi kwamaKristu.