Kutsvaka Donzo
CHIFO chenguva yaCharles Darwin, pave pane dzvinyiriro huru dzinobva kunyanzvi dzedzidzo yezvesayenzi youpenyu nechimiro chezvinhu zvipenyu yokugamuchira pfungwa yokuti upenyu, somuuyo wemhindumupindu, hahuna donzo zvikurukuru. Zvisinei, vazhinji vanoramba ikoku nenzira yomuzvarirwo. Vamwe vanyakuroorana vaduku, vachitarira mwana wavo akatsvinda achangobva kuberekwa, vaizova nechinetso chokudavira kuti uhu upenyu hutsva hahuna donzo. Kwavari, inenji, chishamiso chinoita kuti upenyu hwavo huve hune revo zvikuru nohunogutsa.
Kunyange vamwe vezvesayenzi havabvumi kuti upenyu itsaona isina revo. Neiko? Nemhaka yeizvo The Encyclopedia Americana inodana kuti “mwero wechienzi wakaoma kunzwisisa newokuronga muzvisikwa zvipenyu.” Americana yacho inopfuurira kuti: “Nzvero yapedyo yamaruva, mhashu, kana kuti mhuka inoratidza gadziriro inodokuva yakakwana nenzira isingadaviriki yamativi.”
Achirangarira kuoma kwakadaro nokuronga kwakaisvonaka—uko kunooneka kunyange muchakadereresa chezvisikwa zvipenyu—mumwe wezvesayenzi weSouth Africa Dr. Louw Alberts akanokorwa mashoko muCape Times seaiti: “Ndinowana gutsikano yakawanda yenzwisiso mukugamuchira kuti kuna Mwari pane kungogamuchira kuti ihwo [upenyu] hwakavapo netsaona.” Ichitaura nezvokuumbwa kwezvinhu kwezvisikwa zvipenyu, imwe nyanzvi yeBritain mudzidzo yesayenzi yezvomuchadenga namafambiro azvo Sir Bernard Lovell yakanyora, kuti: “Bviro yokuvapo . . . kwetsaona kunotungamirira kukuumbwa kwerimwe ramaprotein molecules dukusa iduku nenzira isingafungidzirwi. . . . Izero chaizvoizvo.”
Nenzira yakafanana, imwe nyanzvi mudzidzo yesayenzi yezvomuchadenga namafambiro azvo Fred Hoyle yakanyora, kuti: “Chimiro chose chedzidzo yezvesayenzi youpenyu nechimiro chezvinhu zvipenyu chinogamuchirwa chichiri kurangarira kuti upenyu hwakavapo pasina donzo. Bva sezvo nyanzvi dzezvokurarama kwezvinhu dzakanzvera zvikuru kwazvo pamusoro pokuoma kunzwisiswa kunotyisa kwoupenyu, kuri pachena kuti bviro dzahwo dzinovamba netsaona iduku kwazvo zvokuti dzinogona kubviswa chose chose. Upenyu hahugoni kuve hwakavapo netsaona.”
Ikoku kunoreveiko? Kana upenyu husina kuitika netsaona, hunofanira kuve hwakavapo negadziriro. Uye kana zvakadaro, hunofanira kuve hwakava noMugadziri. Uye Mugadziri akadini! Wezvamapisarema akati nenzira yakarurama: “Ndakaitwa zvinoshamisa nenzira inotyisa.” (Pisarema 139:14, NW) Asi ikoku kunotiudzei pamusoro pokuti upenyu hune donzo here kana kuti kwete?
Eya, vanhu vanogadzirawo nokuita zvinhu. Vanogadzira ndege dzamajeti. Vanogadzira nzvimbo dzokugadzirira mafuta. Vanogadzira nzvimbo dzesimba ramagetsi. Uye vanoita zviuru zvezvimwe zvinhu zvakaoma zvikuru kana kuti zvishoma. Asi vanhu havagadziri nokuvaka zvinhu zvakaoma zvakadaro vasina chikonzero. Chinhu chiri chose chinoitwa vachirangarira donzo.
Sezvo pasina icho vanhu vakaita chinotongosvika pedyo zvikuru kukuenzana nezvakaoma kunzwisisa zvinotyisa zvezvinhu zvipenyu, zvirokwazvo Mugadziri woupenyu aizodai asina kusika upenyu pasina kuva nedonzo rakati nokuda kwahwo. Kusarangarira kukuru kudavira kuti taka“itwa zvinoshamisa” uye ipapo kusiiwa tisina nhungamiro uye tisina donzo.
Kutsvaka Donzo
Kuti Musiki akasika vanhu kuti vazadzike donzo kunotsigirwawo zvakasimba neidi rokuti isu vanhu tinotsvaka nenzira yomuzvarirwo donzo muupenyu hwedu. Gilbert Brim, nyanzvi yezvokushanda kwendangariro, yakataura pamusoro pokuda kwomuzvarirwo kwomunhu donzo paakati: “Vanhu vazhinji vanowana banza revandudziko yomunhu oga nedenho munzvimbo yebasa. Asi avo vasingagoni vachatsvaka denho chaidzo nechiitwa kune imwe nzvimbowo zvayo: kuonda, kukwanisa kurovera bhora regorofu kumukwidza netsvimbo yegorofu ine simbi, kugadzira mazai akakurungwa ndokubikwa mupani kana kuti kutsvaka zvinoitika zvine ngozi—kungave kuri mumutambo wemutserendende kana kuti kuedza zvokudya zvitsva.” Nyanzvi yokurapwa chirwere chendangariro Viktor Frankl akatotaura, kuti: “Kuedza kuwana revo muupenyu hwomumwe isimba guru resundo mumunhu.”
Ngatinzverei dzimwe dzenharidzano idzo vanhu vakazvigadzira vamene muupenyu.
Chii Chinopa Upenyu Donzo?
Mumwe muyaruki, paakabvunzwa pamusoro pedonzo rake muupenyu, akati: “Fungidziro yangu ndeyokungova neimba yakanakisisa, motokari yakanakisisa, uye mukomana akanakisisa wokufamba naye mumotokari. Ndichagutsa zvishuvo zvangu ndimene. Ndinozvifarira ndimene. Ndinoda chichandiita kuti ndifare, kwete chichaita kuti nzanga yose ifare.” Kana uchifunga kuti ikoko kunonzwika soudyire, wakarurama. Kwakadaro. Nenzira isingafadzi, kunyanguvezvo, hachisati chiri chimiro chisiri chenguva dzose.
Bva, kungorondawo hako zvinhu zvokunyama nemifarwa kunogutsa chinodikanwa chokuva nerevo muupenyu hwomumwe here? Aiwa. Apo mufarwa unenge uri vavariro yedu bedzi, mufarwa hausati uchigutsa. Vanhu avo vanouita nharidzano yavo huru muupenyu nguva dzose vanoguma nokudzokorora mumwoyo yavo murangariro wamambo akapfuma wenguva dzekare uyo akashandisa simba rake nepfuma kunzvera mativi akasiana-siana emifarwa yaiwanikwa shure panguva iyeyo. Teerera mhedziso yaakasvika pairi:
“Ndakazviunganidzirawo sirivha nendarama, uye pfuma yamadzimambo namaruwa ezviremera. Ndakazviitira ndimene vaimbi vechirume navaimbi vechikadzi nemifaro mikuru yavanakomana vorudzi rwomunhu, vahosi, kunyange vakadzi vaduku. . . . Uye, tarira! chinhu chiri chose chakanga chiri chisina maturo nokudzingana nemhepo.”—Muparidzi 2:8, 11, NW.
Vazhinji vanowana gutsikano mubasa kana kuti mukushandisa simba ravo rendangariro kana kuti romuviri kuwana dzinoratidzika kuva nharidzano dzakakodzera. Pashure pechinguvana, kunyanguvezvo, basa harigutsi chose chose kudikanwa kwokuva nedonzo muupenyu. Peter Lynch, anorondedzerwa se“nyanzvi yokutenga nokutengesa,” akarega basa rake rinobhadhara paakaziva kuti chimwe chinhu chakanga chichishaikwa zvakakomba muupenyu hwake. Chiiko? Ukama hwake nemhuri yake. Iye akabvuma, kuti: “Ndaida chandakanga ndichiita, asi ndakasvika kumhedziso, uye vamwewo vakadaro: Chii . . . chatiri kuitira izvi? Handizivi upi noupi uyo aishuva ari pahuvato hwake hworufu kuti kudai akanga apedza nguva yakawanda ari pabasa.”
Nokudaro, mumwe musikana wezera rokuyaruka akaratidza mwero wedzikamo paakarangarira nharidzano dzake muupenyu ndokuti: “Imwe yenharidzano dzangu ndeyokuva nebasa. Asi ndinofunga kuti nharidzano yangu huru ndeyokuva nemhuri inofara.” Hungu, mhuri yedu inogona kupa revo nedonzo kuupenyu. Mumwe mukadzi muduku akaroorwa akati: “Pakuvamba-vamba muupenyu hwangu ndakaona kuva mubereki sechimwe chezvinhu icho mumwe akaberekerwa kuita, rimwe ramadonzo oupenyu, uye handina kutongokupanikira.”
Vamwe vanotsvaka donzo muupenyu muzvimwe zvirondwa. Vamwe—sezvingabvira kubatanidza avo vezvesayenzi vanotaura kuti upenyu itsaona isina revo—vanowana donzo mukuronda zivo. Wezvemhindumupindu Michael Ruse akanyora, kuti: “Tine nyota yokuziva, uye iyoyi inotikwidziridza pamusoro pemhuka. . . . Chiri pakati pezvinodikanwa zvedu zvikurusa namabasa ndechiya chokupfuudzira, kuvana vedu, uchenjeri hwakaunganidzwa hwenguva yakapfuura, pamwe chete nefariro yedu nezviitwa. . . . Kutsvaka zivo, uye budiriro, zvinoumba chimwe chezvimiro zvakatanhamara zvomuitirwo womunhu.”
Vamwe vanowana kuti kushandira kutsigira nheyo kunopa donzo kuupenyu hwavo. Vanoshandira kuchengetedzwa kwamarudzi emhuka dzisingawanzowanikwi. Kana kuti vanorwisa kushatiswa kwezvinhu nokuparadzwa kwemhoteredzo. Vanhu vanoitira hanya vanotsigira maruramiro avana kana kuti kushanda nokuda kwavasina musha kana kuti varombo. Kana kuti vanoshanda kudzivirira kuparadzirwa kwokupindwa muropa nemirimo. Vanhu vakadaro pane dzimwe nguva vanoita zvakanaka zvikuru, uye zvavanoita zvinopa upenyu hwavo donzo.
Vhiringidziko Nokuodzwa Mwoyo
Tinofanira kubvuma, kunyanguvezvo, kuti vanhu kazhinji kazhinji vanovhiringidzwa mukuronda kwavo nharidzano kunyange kana nharidzano dzacho dziri dzinokosha. Vabereki vanoisa rudo rwakawanda nenhamburiko mukurera vana vavo pane dzimwe nguva vanorasikirwa navo nokuda kwetsaona, utsotsi, urwere, kana kuti kupindwa muropa nemirimo. Kana kuti apo vana vanokura, pane dzimwe nguva vanotapukirwa nomudzimu woudyire wenyika ino ndokukundikana kudzorera rudo rwavabereki vavo.
Avo vanoshanda nenzira isiri youdyire kuti vavandudze mhoteredzo kazhinji kazhinji vanovhiringidzwa nefariro dzezvokutengeserana kana kuti idi rokuti vamwe havatongoitiri hanya. Avo vanoshanda nokuda kwenakirwo yavarombo vanokurirwa noukuru hwebasa. Munhu uyo anowana basa rake richizadzika anovhiringidzwa paanomanikidzirwa kurega basa. Munzveri uyo anowana rondwo yezivo ichigutsa chose chose anovhiringidzwa apo upenyu hwake hunoswedera pedyo nomugumo wahwo uye pachine mibvunzo yakawanda kwazvo isina kupindurwa. Munhu uyo apedza upenyu hwake achiunganidza mari anowana kuti, pakupedzisira, anofanira kuisiira vamwe.
Mambo wekare uyo anokorwa mashoko pakuvamba akarondedzera dzimwe dzeidzi vhiringidziko paakanyora, kuti: “Ndakasvika pakuvenga basa rangu rose nokushanda zvakaoma pano pasi pezuva, sezvo ndinofanira kusiira zvibereko zvaro kumutsivi wangu. Achava munhu worudziiko iye achanditsiva, uyo anogara nhaka izvo vamwe vakawana? Ndiani anoziva kana achizova munhu akachenjera kana kuti fuza? Nepo iye achava tenzi pazvibereko zvose zvebasa rangu namano.”—Muparidzi 2:18, 19, The New English Bible.
Upenyu hauna donzo chose chose here, ipapoka, sezvo aya mashoko echokwadi zvikuru anoratidzika kuva anoreva? Nharidzano dzakasiana-siana idzo vanhu vanoronda dzinongovawo hadzo betsero yokuvapfuudza mumakore 70, 80, kana kuti 90 oupenyu uhwo vazhinji vanopiwa here? Kupfuurezvo, idzi nharidzano hadzina revo zvikurukuru here? Aiwa. Kutaura idi, dzinoratidzira chimwe chinhu chine revo zvikuru pamusoro penzira yatakaitwa nayo, uye dzinogovera ufakazi hwokuti upenyu, zvamazvirokwazvo, hune donzo rinoshamisa zvikuru. Asi tinogona sei kuwana iri donzo?
[Mifananidzo iri papeji 17]
Vamwe vanowana kuti kuronda zivo kunopa revo nedonzo kuupenyu hwavo
Vanhu havagadziri zvinhu zvakaoma vasingarangariri donzo
[Kwazvakatorwa]
NASA photo