Handi Nzira Dzakanakisisa Dzokuita Nadzo Chinjo
KANA mitoo yetsika yasimbiswa, chinjo inogona kuitwa sei? Ndiani waunogona kutendeukira kwaari, uye mitooi inogona kushandiswa kuparira vandudziko inogara narini?
Ngatirangarirei mimwe mipimo yokunyanyisa iri kushandiswa nhasi.
Dzvinyiriro Yezvamatongerwe Enyika
Mamirioni avanhu nhasi ari kurarama muhurumende dzinotsvaka kudzora mirangariro namabumbiro omufambiro. Hurumende dzakadaro dzinoshandisa simba radzo kuita chinjo—dzimwe nokunyengera, dzimwe nokugombedzera. Dzimwe dzinoshandisa unyanzvi hwokuvhiringidza pfungwa, kazhinji kazhinji hunobatanidza tyisidziro, kuiswa mutorongo, uye chitambudzo. Kushandisa udzori pamanyuko enhau nedzimwe gadziriro dzedzidzo, dzinotsvaka kutsiva mifungo yose yakasimbiswa kare neiyo inoshuviwa navasarudzwi vazvino uno vanobata ushe. Mufungo wose usingabvumirani unorambwa nomutoo wokugombedzera. Munhu upi noupi anobvumikisa kuva asingadisi kudzidziswazve anogona kubatwa nomutoo unotyisa unowanzokuvadza ndangariro yomunhu wacho.
Kuvhiiwa Kwouropi Uye Kugwinhwa Negetsi
Mamwe mativi ouropi akarangarirwa seanotapura zvimiro zvendangariro chaizvo uye zvimiro zvetsika. Kuvhiiwa kwouropi kunobatanidza kubviswa chaiko kana kuti kuparadzwa kwetsinga dzouropi murutivi irworwo rwouropi. Kana dzabviswa, rutivi irworwo rwouropi hwako harungatongogoni kushandazve, uye tsika dzipi kana dzipi dzarwaipesvedzera dzichapera.
Kunotaurwa kuti zviuru zvokuvhiya kwakadaro zvakaitwa, zvikurukuru pavanhu vane tsika dzakashata nedzine ngozi dzevatano. Vamwe vakabairirwa nariti dzegetsi zvakadzika mukati mouropi hwavo, uye apo simba regetsi rakashandiswa, rakagwinha kana kuti rakavhara kushanda kwouropi munzvimbo iyeyo. Kunotaurwa kuti ikoku kunoderedza kuchidziro dzinotapura tsika dzinodzorwa norutivi irworwo rwouropi.
Mirimo
Kushandiswa kwemirimo muruzivo rwokurapwa kwezvirwere zvendangariro kwakapararira zvikuru uye kunowanzodikanwa. Kune mirimo yokupodza, mirimo yokuparira hope, mirimo yokunyevenutsa, uye mirimo yokururamisa kusagadzikana kwamakemikari muuropi. Kunewo mirimo yave ichishandiswa nomutoo wokuranga mumatorongo nomune dzimwe nzvimbo dzokurangira. Mirimo yakadaro miviri iapomorphine neAnectine.
Apomorphine yave ichishandiswa kuvasungwa vane tsika dzairangarirwa sedzisingagamuchiriki. Inoparira kusvotwa kwemasimba uye kurutsa. Musungwa anoudzwa kuti kana akazvibatazve nomutoo wakashata, achapiwa apomorphine yakawanda. Iyoyi inonziwo kurapa kwemhesano. Anectine inoparira chirwere chechipfuva chokufema, ichivhunga kurangarira mumusungwa anozvibata zvisina kufanira. Anofunga kuti achafa. Kana akazvibatazve zvisina kufanira, anowana Anectine yakawanda.
Idzi ndidzo nzira dzawaizoshandisa here kuchinja mutoo wako wetsika?
Mizhinji yemitoo iri pamusoro apa inoputsa chido chokuzvisarudzira. Inobatanidzawo pesvedzero yavanhu vane simba pane mumwe asi vasingagarova vanorangarira betsero yomunhu iyeyo. Ko simba rezvamatongerwe enyika riri kutsvaka betsero yaro kana kuti yomunhu wacho here? Mukuvhiiwa kwouropi, ndiani anobata banga rokuvhiisa? Ndianiko anodzora siwichi apo kugwinha kwegetsi kunoshandiswa? Ko kurapa kwemhesano kunogara kunotora nguva refu yakadini? Ko wezvokurapa anogona kuvimbwa naye here?
Ngatirangarirei nzira inogamuchirika zvikuru.