Nzira Yaunogona Kuchinja Nayo Zvauri
CHII chave chichishaikwa mumitoo yebumbiro retsika nechinjo zvatokurukurwa? Zvinoshuviwa zvomunhu amene neshandiswo yesimba rokuzvisarudzira! Kushandiswa kwechido chesimba rake amene rokuzvisarudzira kupfurikidza nechisarudzo chokuchenjera chomunhu oga. Mukupfupikisa, kuzvidzora kwake kuri kushaikwa!
Vezvokurapa vane tsika vakawana kuti vane bviro iri nani zvikuru yokuwana nayo miuyo inogara narini kana munhuyo ari kurapwa ane chiremera chokuita chisarudzo chokupedzisira mukugadza nharidzano dzake amene dzetsika. Vance Parkard akanyora mubhuku rake rinonzi The People Shapers, kuti: “Sezvinooneka kupfurikidza nezano duku, munhu upi noupi ane mufungo anoziva anogona zvino kuva muderedzi wetsika dzake amene.” Ikoku kunonzi kuzvitarisira. Namamwe mashoko, uko mwero wakati wokuzvidzora unoshandiswa, vandudziko dzakatanhamara dzakacherekedzwa.
MaKristu ane betsero apo kuzvidzora kunodikanwa, nokuti akadzidza kushandisa ikoku sechimwe chezvibereko zvipfumbamwe zvomudzimu mutsvene waMwari. (VaGaratia 5:22, 23) Ikoku kunoreva kuti simba rinobata basa raMwari Wamasimba ose rinogona kuitwa kuti rive nechokuita pakuchinja kwetsika dzako ndokukubetsera kuti ubudirire.
Naizvozvo, chii chaunoda kuita pamusoro petsika dzako? Unoda kuchinja zvomenemene here? Kana zvakadaro, kubva pachii? Kuchinjira kuchii? Uye neiko? Unogona kuvimba nokuzvidzora kwako umene here? Ndokupi kwaunogona kuwana yamuro inogovera betsero bedzi?
Ngatinzverei mimwe yemitoo uye mativi zvokuchinja nazvo mitoo yetsika.
Nhano 1: Wana Zvauri Zvomenemene
Iwe uri mumbishi nokuda kweicho unoda kuva. Hunhu hutsva hwako hunofanira kuvakwa kupfurikidza nokuchinja hunhu hwako hwekare. Naizvozvo unofanira kuzviziva umene nomutoo wakarurama. Unogona here kurondedzera kuti mativi api etsika dzako aungada kuchinja?
Zvakwakaoma kuziva tsika dzako umene, unodikanirwa kunzvera mupimo unoremekedzwa nounovimbika. Bhaibheri Dzvene rinorumbidzwa nokuda kwaikoku. Shandisa Bhaibheri, uye uchawana murangariro wako umene waungave usina kuona kare. Ungatove usati uchida zvaunoona zvichiratidzirwa, asi unogona kuva nechokwadi chokuti uchava mufananidzo wakarurama.
Bhaibheri rakafananidzirwa nechionioni, uye vanhu vanokurudzirwa kunzvera mariri. “Kana munhu upi noupi ari munzwi weshoko, uye asati ari muiti, iyeyu akafanana nomunhu anotarira chiso chake chomuzvarirwo muchionioni. Nokuti iye anozviona amene, uye anoenda hake uye pakarepo anokanganwa kuti iye munhu worudzii. Asi uyo anonzvera mutemo wakakwana uri worusununguko uye anopfuurira mauri, uyu munhu, nokuti akava, kwete munzwi anokanganwa, asi muiti webasa, achava anofara mukuuita kwake.” (Jakobho 1:23-25, NW) Bhaibheri, richinzwisiswa uye richishandiswa nomutoo wakakodzera, rine simba guru, rinokamuranisa mukupedza nharo risati richizongoratidzira bedzi zvauri somunhu asi kunyange kuzivisa vavariro dzako uye zvimiro zvendangariro. Nokudaro, Pauro akanyora, kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba uye rinopinza kupfuura munondo upi noupi unocheka kuviri . . . uye rinogona kucherekedza mifungo nevavariro dzomwoyo.” Shoko raMwari rinotopfuura kupfurikidza nokugovera nhungamiro pamusoro pechiri chakarurama zvechokwadi nechiri chisina kururama zvechokwadi.—VaHebheru 4:12; 5:14, NW.
Bhaibheri rinogona kukuitira zvinhu zvose izvozvi nemhaka yokuti iro iShoko raJehovha, Mwari wechokwadi ane mano okucherekedza. Mukuwirirana nePisarema 139, Mwari anokunzvera wose ndokuita kamuraniso yakarurama yezvauri. Pis 139 Ndima 1 (NW), inoti: “Haiwa Jehovha, imi makandinzvera, uye imi munondiziva.” Mwari ave achikutarisira chifo chokunambwa. Anosanokuziva chose chose. Iye akaita kuti tsinhiro dzoupenyu hwomunhu dzinyorwe muBhaibheri mumibatanidzwa yose inobvira. Uchazviwana umene uchiratidzirwa pane imwe nzvimbo mumapeji aro, nomutoo wakanaka kana kuti zvimwe nomutoo wakaipa.
Nokudaro, unogona kuwana zvauri zvomenemene—kana uchida kudaro.
Nhano 2: Sarudza Zvaunoda Kuva
Kana uchizochinja, iva nechokwadi chokuti chinjo ichava yakakukodzera. Iva nechokwadi chokuti ndizvo zvaunoda uye kuti zviri nani kupinda zvauri zvino. Inharidzanoi dzetsika dzakavandudzwa dzaunofanira kugadza? Ndokupi kwaunogona kuwana pangiro yakarurama pamiitiro yetsika dzinodikanwa? Zvakare, Bhaibheri rinorumbidzwa nokuda kwaikoku.
Bhaibheri rinokukurudzira kuchinja nokuda kwezviri nani zvikuru, kuchinjira ku“hunhu hutsva.” Pauro akapa zano, rokuti: “Imi munofanira kubvisa hunhu hwekare hunowirirana nenzira yomufambiro wenyu wekare uye huri kushatiswa mukuwirirana noruchiva rwahwo rwunonyengedza; asi . . . munofanira kuitwa vatsva musimba rinovandudza ndangariro yenyu, uye munofanira kupfeka hunhu hutsva uhwo hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.” (VaEfeso 4:22-24, NW) Bhaibheri rinokuratidza iyo iri iyi miitiro iri nani zvikuru. Unoyeuka nyika yakakwana yarondedzerwa kare here? Kana iwe uchida kuva rutivi rwenyika iyeyo, uchatofanira kuona dikanwo yokuvandudza mavara anorondedzerwa pana VaKorose 3:12-17, mavara akadai sokunzwira urombo, mutsa, kuzvininipisa, unyoro, shiviriro, kanganwiro, rudo, rugare, uye kuonga.
Naizvozvo pashure pokunzvera Bhaibheri rako, gadza nharidzano dzako. Dzinyore. Ipa nharidzano imwe neimwe nzvimbo yokutanga. Ishandire!
Nhano 3: Tsvaka Mienzaniso Yakafanira
Zhinji dzetsika dzako dzakaumbwa nokuzvifananidzira kwako navamwe—shamwari, vasonganiri, vabereki, vadzidzisi vokuchikoro.
Kuregererei, ipapoka, pashure pokusarudza nharidzano dzako dzetsika dzinoshuviwa, kutsvaka mumwe munhu anozvibata zvakanaka nenzira yaunoshuva kutevedzera? Ipapo tsvaka betsero yomunhu iyeyo. Nomutoo wokuchenjera chirevo cheBhaibheri chinoratidzira, kuti: “Iye unofamba navanhu vakachenjera achava akachenjera.”—Zvirevo 13:20, NW.
Bhaibheri rine nhauro youpenyu hwomuenzaniso wakanakisisa nokuda kwedu tose, Jesu Kristu amene. Rava nezvokuti akazvibata sei mumigariro yose, mufambiro wake wetsika, mano ake okufunga nouchenjeri, chiremera chake, kuva nomufungo kwake nomutsa wechienzi uye kuitira hanya munhu biyake. Anozorodza sei mashoko ake apo iye anoti: “Uyai kwandiri, imi mose munotambudzika nokuremedzwa, uye ini ndichakuzorodzai. Isai joko rangu pamuri uye dzidzai kwandiri, nokuti ini ndiri munyoro nounozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo nokuda kwemweya yenyu. Nokuti joko rangu rine mutsa uye mutoro wangu wakareruka”!—Mateo 11:28-30, NW.
Mamirioni ari munyika dzose akatotendeukira kuna Kristu Jesu somuenzaniso wawo uye anoita napaanogona napo kutevedzera tsoka dzake, kungofanana naiyewo, akafamba munzira yakarairidzwa naBaba vake vokudenga, Jehovha Mwari. Aya mamirioni, agutsikana netsika dzavo dzakashata dzenyika yose zvayo nhasi, akatendeukira kuungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha nokuda kwebetsero nenhungamiro uye havana kuodzwa mwoyo. PaHoro dzoUmambo dzazvo, mienzaniso yechiito yakaisvonaka yakafanana neyaKristu yakawanda, uye betsero yakawanda yakagoverwa kuna avo vanoda kuchinja tsika dzavo dzomunhu oga kuchimwe chinhu chiri nani zvikuru. Chokwadika, Zvapupu zvine utera hunozivikanwa norudzi rwomunhu rusina kukwana; bva izvo zvinewo simba romudzimu rakanaka rinovandudza ndangariro.—VaEfeso 4:23.
Nhano 4: Kuwana Simba Raunoda Kuti Ubudirire
Kuchava kunonyaradza kuna avo vanoda kuchinja nzira dzavo kuziva kuti betsero inowanika. “Hunhu hutsva” hunorondedzerwa se“hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:24, NW) Ikoku kunosimbisira kuti betsero inopfuura yohunhu inowanika kuna Mwari amene nokuda kwaavo vanoida. Unogona sei kuwana betsero yaJehovha Mwari?
Imwe yebetsero dzinoisvokosha ndiwo munyengetero womunhu oga. Munyengetero unogovera basa rekurukurirano inokosha naManyuko esimba riri madikanwa kuchinja nzira dzako. Munyengetero unokubvumira kutaura norusununguko uye wakafaranuka panguva ipi neipi, kunyange pakati penjodzi. Kusvika kwakadaro kuna Mwari chaiye naanoitira hanya kunopfuura zvikuru kusvika kubetsero ipi neipi yohunhu uye kunoshanda pakarepo. Nokudaro, muapostora Johane aigona kunyora, kuti: “Ichi ndicho chivimbo chatinacho kwaari, kuti, pasinei hapo nechiri chatinokumbira mukuwirirana nokuda kwake, iye anotinzwa.” (1 Johane 5:14, NW) Uye mashoko omuporofita Isaya anotikurudzira, kuti: “Tsvakai Jehovha, imi vanhu, apo achiri angawanika. Danai kwaari apo achiri anobvumikisa kuva ari pedyo. Wakaipa ngaasiye nzira yake, uye munhu anokuvadza mifungo yake; uye ngaadzokere kuna Jehovha, uyo achamunzwira ngoni, uye kuna Mwari wedu, nokuti iye achakanganwira nenzira huru.”—Isaya 55:6, 7, NW.
Fundo yeBhaibheri inogoverawo simba, ichikugovera zorodzo, ichikugonesa zuva nezuva kurereudzirazve ngwariro panharidzano dzako. Bhaibheri rinogovera simbaradzo yakanaka sezvaunosvasvavirira chipfuro chako chakasarudzwa chetsika. Kupfuurirazve, rinokuchidzira pfungwa yokusema nzira dzako dzekare. Zuva nezuva uchipinza zivo yeBhaibheri uye zviri mukati zvaro zvichabatirawo kutsvikinyidzira kunze mashoko api naapi anopiwa asina kururama angapinda achibva kumanyuko enyika uye mugadziriro dzayo dzedzidzo.
Misangano yechiKristu inogoverwa paHoro yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha haingogoveri bedzi dzidzo pamusoro pemipimo yeBhaibheri asi inoitawo kuti tsigiro yeboka uye kuchidzirano kutsika dzakavandudzwa zviwanike. Iyi tsigiro inogoverwa kupfurikidza neungano yabetsera vazhinji kuita chinjo yetsika inobudirira. Kuregererei kukurukura betsero yakadaro nomunhu wawakagamuchira kwaari iyi magazini?
Nhano 5: Gonana Nokutadzazve
Vazhinji vakaedza kuvandudza nzira dzavo asi vakaodzwa mwoyo nokutadzazve kungave kusingadzivisiki. Muuyo wacho wakava wokuti vamwe vanorega zvachose. Vakadarovo vanowanzofunga kuti kana icho vakarangarira setariro yavo bedzi zvino chakundikana, hakuchitongorina tariro. Ipapo nenzira yokuti chinoitika chakadeya kutemwa, vanozvipa kupesvedzero dzenyika. Kazhinji kazhinji vanova vakaipisisa kupfuura vasati vaedza kuchinja.
Ramba uchiva nechokwadi iwe umene chokuti nzira ipi neipi yekare isingashuviwi yakafanirwa nokuisiya. Muapostora Pauro akanongedzera kutsika dzake dzekare namararamire somurwi wamarara, kana kuti zvinhu zvisina maturo. (VaFiripi 3:8) Naizvozvo kana iwe, mukuita chinjo, uchigumburwa nemhinganidzo kana kuti kutadzazve, simukazve, uye ramba uchienderera mberi. Pfuurira! Ramba uchirwa! Kuchava kwakakukodzera!
Yeuka, zhinji dzenzira dzako nemiitiro zvakaiswa pauri namasimba okunze anopfuura chisarudzo chako kana kuti udzori panguva iyeyo. Masimba iwawa achiri kushanda. Uchaarega achikumbandidzira muforoma yawo here? Aiwa? Ipapoka usatongorega!
Mamirioni avanhu vanobva mutsika dzakasiana-siana—kunyange matsotsi navanhu vaibatanidzwa zvikuru mumufambiro woutere—vakachinja murubudiriro tsika dzavo. Vakachengeta mipimo yavo yakavandudzwa kusvikira kuzuva rino, vazhinji kwamakumi amakore, vachinamatira kunzira dzavo dziri nani neperero inoshuviwa yokuzvidira. Asi vanoonga Mwari nokuda kwesimba nesundo yokukuita. Sokutaura kwakaita muapostora Pauro: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose kupfurikidza naiye anopa simba kwandiri.”—VaFiripi 4:13, NW.
Vari kukunda mukurwa kwokuita chiri chakarurama. Iwewo unogona kuchinja kana uchida zvomenemene, uye iwe unogona kufarikanya upenyu munyika itsva yaMwari.—Pisarema 37:29; 2 Petro 3:13.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Nhano 1: Wana zvauri zvomene-mene
[Mufananidzo uri papeji 8]
Nhano 2: Sarudza zvaunoda kuva
[Mufananidzo uri papeji 8]
Nhano 3: Tsvaka mienzaniso yakafanira
[Mufananidzo uri papeji 9]
Nhano 4: Wana simba raunoda kuti ubudirire
[Mufananidzo uri papeji 9]
Nhano 5: Gonana nokutadzazve
[Mufananidzo uri papeji 10]
Avo vanochinja vanogonawo kugara nhaka pasi rakachinjwa