Chii Chinoparira Chinetso?
“MUNYU wakanyanyowandisa hauna kunakira mhuri!” vanozivisa kudaro vamwene. “Asika zvokudya hazvinokuibva zvakanaka zvikuru uye hazvinakidzi!” anosimbirira kudaro muroora. Adonhedzera mutsunhwa womunyu apo vamwene vanorinza gotsi.
Mumwe nomumwe achiedza kuita nenzira yake, vose vari vaviri vanoguma nokudya zvokudya izvo mumwe nomumwe wavo asingafarikanyi. Asika miuyo yacho ingava yakakomba zvikuru kupinda ikoko. Kusawirirana nehama dzomuroorano kungaparira parapatiko yendangariro nomufungo zvinogara kwamakore.
Kuna vazhinji, urwu rudzi rwekakavadzano rwunoratidzika kuva rwusingadzivisiki. “Pasinei hapo nokuti mhuri ingaratidzika kuva inosanowirirana sei, panosungirwa kuva nokusawirirana pakati pavamwene nomuroora wavo,” anonyora kudaro Dr. Shigeta Saito, sachigaro weJapan Mental Hospital Association. Asi chinetso hachina kuganhurirwa navokuMabvazuva.
Munyori waMukai! womuItaly anoshuma kuti “tsika yokuroora ndokutamira kundogara navabereki vomwenga kana kuti vechikomba kwakaparira zvinetso mumhuri zhinji, uye vazhinji vavakadzi vaduku vanotambura nokuda kwechimiro chekazhinji kazhinji chokupindira nokuraira kwavamwene vavo.”
Munyika dzakwose kuri kuviri kuMabvazuva nokuMadokero, mapepanhau namagazini azerwe nezvikamu zvepangiro dzomunhu oga zvinobata nekakavadzano nehama dzomuroorano. Chii, ipapoka, chingaparira zvinetso?
Ndianiko Anoita Zvisarudzo?
Apo vakadzi vaviri vanobikira muimba imwe cheteyo yokubikira, nhau inowanzova yokuti: Ndianiko anoita zvisarudzo? “Zvatinoda zvedu nemifungo zvinosiana, uye ndaivhiringidzika nguva iri yose apo kusawirirana kunomuka,” anodaro mumwe mukadzi akagara navamwene vake kwaanopfuura makore 12.
“Kwamakore gumi okutanga, tairwisana pamusoro potunhau tuduku,” anobvuma kudaro mumwe muroora. Kusawirirana kungamuka pamusoro pezvinhu zviduku zvakadai samananikirwe ehembe pamutariko. Kunyange kana vakadzi vasati vachigara muimba imwe cheteyo, mugariro ungava unonetsa. Vamwene vanoshanya vanoita tsinhiro dzakadai sokuti, “Mwanakomana wangu haazati achida kuti nyama yake ibikwe nenzira iyeyo,” kungaparira kutsamwa kwenduramo kwakakomba. Kwose kunowira pakuti zvisarudzoi zvinoitwa naani uye nokuda kwaani.
Achinongedzera kunhau iyi, Takako Sodei, mubetseri wapurofesa wokuumba musha paOchanomizu Women’s University anoti: “Kunyange munhu achigara nomwanakomana nomuroora kana kuti nomwanasikana nomukuwasha, kwakaomera imba kuriritira vadzimai vaviri vanokwikwidzana nokuda kwoudzori. Kuri madikanwa kuva nenzvimbo yokugara yakaparadzana kana kuti gadziridzo mumugariro wacho ndokuita kuti mumwe ave mutarisiri womusha uye mumwe wacho mutarisiri muduku mumusha.” Zvizvarwa zviviri zvinofanira kusvika pawirirano ino mufungo yakavakirwa pamugariro wokunyama nowendangariro womukuru noruzivo rwokuzviwanira, kana kuti wokushaikwa kworuzivo rwokuzviwanira, womuduku.
Nhau Yokuva Woga
Apo zvizvarwa zviviri kana kuti zvinopfuura zvinogara muimba imwe cheteyo, mitezo yemhuri inofanira kurashikirwa nokuva voga kutambanuko yakati kuti. Zvisinei, muna ikoku, mutezo mumwe nomumwe sezvinobvira unofanira kuva nomupimo wakasiana. Vanyakuroorana vechiduku vangashuva havo kuva vari voga zvikuru, apo vakweguru vangada ushamwaridzani hwakawanda.
Somuenzaniso, mumwe muroora anogara pedyo neTokyo akarangarira kuti vamwene vake vaivhozhokera kuva voga kwavanyakuroorana. Kwaidaro sei? Kupfurikidza nokuendesa zvipfeko zvavo vamene zvakasukwa zvake nezvomurume wake, kuzvipeta, ndokuzvirongedza. Iye haana kukurangarira kuva kwakafanira kuti vamwene vake vavaitire izvi zvinhu zvavo vamene. Kuno rumwe rutivi, vamwene vake, Tokiko, vakatambudzika apo muroora wavo, mukutsvaira imba, akarasha zvinhu izvo Tokiko akanga achengeta kwamakore mazhinji.
Kuvhozhokerakwo kuva voga kunogona kuva kunonyanyisa. Tom nomudzimai wake, avo vaitarisira amai vakwegura vaTom, vaikangaidzwa nokupinda kwavo mukamuri ravo rokurara pakati pousiku. Chii chaiva chikonzero chavo? “Ndaida kuona kana Tom akanga ari wadi,” vakadaro amai. Chinetsocho hachina kugadzikiswa kutozosvikira ivo vatamira muchivako chenhurikidzwa mbiri uye amai vairambidzwa kukwira muimba yapamusoro.
Kunyange zvazvo zvakadaro, mumhuri zhinji kunoitika apo chizvarwa chechitatu chinouya kuti zvinetso zvinokudziridzika chaizvoizvo.
Kubata Navana
Mumazuva ano, kwakarovedzeka kuna amai vechiduku kunzvera mabhuku akasiana-siana nokuda kwepangiro pamusoro petarisirwo yavana. Kuno rumwe rutivi, mbuya, namakore avo oruzivo rwokuzviwanira mukurovedzwa kwavana, nomutoo womuzvarirwo vanonzwa kuti ivo ndivo vanokwaniriswa kupa pangiro. Zvisinei, pangiro iyeyo inowanzorangarirwa setsoropodzo, uye kakavadzano inomuka.
Takako aitofanira kubata neichi chinetso apo iye airanga mwanakomana wake muduku. Amai vomurume wake uye mbuya vakamhanyira mukamuri rake kundomudzivisa, vachidanidzira kunyange nenzwi guru zvikuru kupinda mwana ari kuchema. Achinzwa atyisidzirwa, Takako akarega kuranga mwanakomana wake. Gare gare, achiziva ukoshi hwokugovera rovedzo, akasarudza kutangazve rovedzo yakadaro.—Zvirevo 23:13; VaHebheru 12:11.
Vamwe amai vanogara muYokohama vaikakavadzanawo navamwene vavo pashure pokunge vana vaberekwa. Amai vaishatirirwa kuti mbuya vaipa vana zvokudyira-dyira pakati pezvokudya zvokuti ivo vaitova vatonyanyoguta zvokusagona kudya zvokudya zvavo.
Achitsinhira pamusoro peichi chinetso, Dr. Saito anoti: “[Vanambuya] vanopa zviwitsi nemvumiro kuvazukuru vavo. Vanonyanyisa kugutsa zvishuvo zvoudyire zvepwere. Munguva pfupi, vanoshatsa vazukuru nokusingaperi.” Iye anopangira kuti vanamai vaduku vajekese kuti havasati vachizobvumira pamusoro perovedzo yavana.
Kupitsirana Nokuda Kwechidakadaka
Mune iyi kakavadzano pakati pavamwene nomuroora, pane chimwe chinhu chokusava nomufungo zvikuru chinobate basa. “Kutaura mumufungo,” anotsanangura kudaro Dr. Saito, “amai vanorangarira kuti muroora akavabvutira mwanakomana wavo. Chokwadi, ivo havazati vachitaura chaizvo mufungo wakadaro, sezvo ikoku kuri kwohuhwana zvikurusa. Asi, nechomukati, mufungo wokuva vakabirwa chidakadaka chomwanakomana wavo wakasimba zvikurukuru mavari.” Muuyo ndiwo ukama hunotambura, kana asati ari mapitse chaiwoiwo pakati pohuviri hwavo.
Iyi kombamiro inoratidzika kuva inokudziridzika sezvo mwero wemhuri unoderera. Navana vashomanene zvikuru vokutarisira, amai vanonzwa vari pedyo zvikuru nomwanakomana wavo. Pashure pamakore mazhinji okugara nomwanakomana wavo, vanosanoziva zvaanoda nezvaasingadi. Kunyange zvazvo mwenga mutsva achishuva kufadza murume wake, anoshaiwa iyi zivo chaiyoiyo, zvimwe pakutanga. Mudzimu wamakwikwi nokudaro ungasatana kukudziridzika, vamwene nomuroora vachipitsirana nokuda kwezvidakadaka zvomurume mumwe cheteyo.
Chinjo Yengwavaira
Mumazuva ekare muJapan pasi pouzivi hwaConfucius, apo kakavadzano dzakadaro dzomumhuri dzaiitika, muroora aidzoserwa—aichatanurwa. Uye iwowu ndiwo waiva mugumo wenhau yacho. Zvisinei, nhasi mugariro wacho wasiana.
Chifo cheHondo yeNyika II, chizvarwa chiduku chakatora udzori hwechikwama chemhuri, uye chizvarwa chekare chiri kurasikirwa nepesvedzero yacho nechiremera. Pashoma napashoma, mugariro wacho wakachinja. Zvino vabereki vakwegura vari kusiiwa muzvipatara nomumasangano anochengeta vakweguru. Haiwa kunosuruvarisa sei kuona uyu mugariro munzanga umo ruremekedzo nokuda kwavakweguru rwaichimbova muitiro!
Kombamiro yokurasha vakweguru inogona kuchinjwa sei? Pane nzira ipi neipi here yokuti vakadzi vaviri vararame panguva imwe cheteyo murugare muimba imwe chete?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Bvumirano ine mufungo inofanira kusvikwa pamusoro pokuti ndiani anofanira kuita zvisarudzo